Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimbika Kuna Kristu Nomuranda Wake Akatendeka

Kuvimbika Kuna Kristu Nomuranda Wake Akatendeka

Kuvimbika Kuna Kristu Nomuranda Wake Akatendeka

“Tenzi wake . . . achamugadza pazvinhu zvake zvose.”—MATEU 24:45-47.

1, 2. (a) Magwaro anoti Mutungamiriri wedu ndiani? (b) Chii chinoratidza kuti Kristu ndiye anotungamirira ungano yechiKristu?

“MUSAREGA vanhu vachikutii ‘vatungamiriri’—mune mutungamiriri mumwe bedzi, Kristu!” (Mateu 23:10, The New Testament in Modern English) Paakataura mashoko aya, Jesu akajekesera vateveri vake kuti hapana munhu aizova mutungamiriri wavo panyika. Mutungamiriri wavo mumwe chete aizova kudenga—iye Jesu Kristu pachake. Jesu akagadzwa naMwari kuti ave Mutungamiriri. Jehovha “akamumutsa kubva kuvakafa . . . akaita kuti iye ave musoro wezvinhu zvose kuungano, iyo iri muviri wake.”—VaEfeso 1:20-23.

2 Sezvo Kristu ari “musoro wezvinhu zvose” kana toreva nezveungano yechiKristu, ndiye ane simba pazvose zvinoitika muungano. Hapana chingaitika muungano iye asingazivi. Anonyatsoongorora manamatiro eboka rimwe nerimwe revaKristu, kana kuti ungano imwe neimwe. Izvi zvinonyatsooneka mune zvakazarurwa zvakapiwa muapostora Johani pakapera zana remakore rokutanga C.E. Kashanu Jesu akaudza ungano nomwe kuti aiziva mabasa adzo, zvakanaka zvadzaiita, zvadzaikanganisa, uye akapa zano ndokudzikurudzira zvichienderana nezvadzaiita. (Zvakazarurwa 2:2, 9, 13, 19; 3:1, 8, 15) Tinogona kunyatsodavira kuti Kristu aizivawo manamatiro edzimwe ungano dzomuAsia Minor, Parestina, Siriya, Bhabhironi, Girisi, Itari, nokumwewo. (Mabasa 1:8) Ko nhasi?

Muranda Akatendeka

3. Nei zvakakodzera kuenzanisa Kristu nomusoro uye ungano yake nomuviri?

3 Achangomutswa uye kwasara nguva pfupi kuti akwire kudenga kuna Baba vake, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” Akatiwo: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 28:18-20) Aizoramba ainavo soMusoro wavo aivatungamirira. Mutsamba dzaakanyorera vaKristu vokuEfeso nokuKorose, muapostora Pauro akafananidza ungano yechiKristu no“muviri,” uyo Kristu ari Musoro wawo. (VaEfeso 1:22, 23; VaKorose 1:18) Shanduro inonzi The Cambridge Bible for Schools and Colleges inoti fananidzo iyi “haingorevi kuti zvinokosha kubatana noMusoro, asiwo kuti Musoro unotungamirira nhengo dzacho. Zvinhu Zvawo zvaunoshandisa.” Iboka ripi rakashandiswa naKristu kubvira paakapiwa simba roUmambo muna 1914?—Dhanieri 7:13, 14.

4. Sezvakafanotaurwa nouprofita hwaMaraki, Jehovha naKristu Jesu vakawanei pavakauya kuzoongorora kutemberi yezvokunamata?

4 Uprofita hwaMaraki hwakafanotaura kuti Jehovha, “Ishe wechokwadi” pamwe chete ‘nenhume yake yesungano,’ Mwanakomana wake akanga achangogadzwa, Kristu Jesu, aizouya otonga uye oongorora “temberi” Yake, kana kuti imba yokunamatira yokufananidzira. Zviri pachena kuti “nguva yakatarwa” yokuti “kutonga kutange neimba yaMwari” yakasvika muna 1918. * (Maraki 3:1; 1 Petro 4:17) Vaya vaiti vainamata Mwari zvakarurama panyika vakaongororwa zvakakodzera. Machechi echiKristudhomu, akanga ave achidzidzisa dzidziso dzisingakudzi Mwari kwemazana emakore uye akanga abatanidzwa chaizvo mukuurayiwa kwevanhu vakawanda muHondo Yenyika I akarambwa. Vakasara vakatendeka vevaKristu vakazodzwa nomudzimu vakaedzwa, vakanatswa sokunge nomoto, uye vakanzwirwa nyasha, vakava kuna Jehovha “vanhu vanouya nechipo chinopiwa mukururama.”—Maraki 3:3.

5. Maererano nouprofita hwaJesu hune chokuita no“kuvapo” kwake, ndiani akava “muranda” akatendeka?

5 Maererano nouprofita hwaMaraki, chiratidzo chinoumbwa nezvinhu zvakawanda icho Jesu akapa vadzidzi vake kuti vazive nguva ‘yokuvapo kwake neyokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho’ chaisanganisira kuziva boka ro“muranda.” Jesu akati: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera? Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika! Chokwadi ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.” (Mateu 24:3, 45-47) ‘Paakasvika’ kuti aongorore “muranda” muna 1918, Kristu akawana vakasara vakazodzwa nomudzimu vevadzidzi vakatendeka avo kubvira muna 1879 vakanga vave vachishandisa magazini ino nemamwe mabhuku eBhaibheri kuti vape ‘zvokudya zvine chokuita nokunamata panguva yakakodzera.’ Akabvuma kuti ndivo vaaizoshandisa seboka, kana kuti so“muranda,” uye muna 1919 akavaronzesa zvinhu zvake zvose zviri pasi pano.

Kutarisira Zvinhu zvaKristu Zviri Pasi Pano

6, 7. (a) Jesu akataura nezvo“muranda” akatendeka achishandisa mamwe mashoko api? (b) Kushandisa kwaJesu shoko rokuti “mutariri” kunorevei?

6 Mwedzi mishomanana Jesu asati ataura uprofita hwechiratidzo chokuvapo kwake, kusanganisira kuvapo kwo“muranda” aizomumiririra pasi pano, akataura nezvo“muranda” uyu achishandisa mashoko akati siyanei anojekesa zvinofanira kuitwa nomuranda wacho. Jesu akati: “Chokwadi ndiani mutariri akatendeka, akangwara, achagadzwa natenzi wake paboka revashandi vake kuti arambe achivapa mugove wavo wezvokudya panguva yakakodzera? Chokwadi ndinokuudzai kuti, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.”—Ruka 12:42, 44.

7 Pano muranda anonzi mutariri, shoko rinoshandurwa neshoko rechiGiriki rinoreva kuti “mutarisiri wemhuri kana kuti wezvinhu.” Boka romutariri raisazongova boka renyanzvi dzinotsanangura pfungwa dzinonakidza dzomuBhaibheri. Kuwedzera pakupa zvokudya zvokunamata zvinovaka “panguva yakakodzera,” “mutariri akatendeka” aizogadzwa kuti atarisire boka rose revatariri vaKristu uye aizonzi atarisire zvinhu zvaKristu zviri pasi pano, “zvinhu zvake zvose.” Izvi zvaizosanganisirei?

8, 9. “Zvinhu” zvipi izvo muranda akagadzwa kuti atarisire?

8 Zvinofanira kuitwa nomuranda zvinosanganisira kutarisira zvinhu zvokunyama zvinoshandiswa nevateveri vaKristu kuti vaite mabasa avo echiKristu, zvakadai sedzimbahwe uye mahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha, pamwe chete nenzvimbo dzavo dzokunamatira—Dzimba dzoUmambo uye Dzimba dzeMagungano—zviri munyika yose. Zvinotokosha zvikuru, muranda anotarisirawo purogiramu dzinosimbisa kutenda dzokudzidza Bhaibheri pamisangano yevhiki nevhiki uye pamagungano anoitwa panguva nenguva. Pakuungana uku, mashoko okuzadzika kwouprofita hweBhaibheri anotaurwa, uye panopiwa mazano akakodzera nguva okuti tingashandisa sei zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu zuva nezuva.

9 Zvinofanira kuitwa nomutariri zvinosanganisirawo kutarisira basa rinokosha zvikuru rokuparidza “aya mashoko akanaka oumambo” uye kuita “kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” Izvi zvinosanganisira kudzidzisa vanhu kuteerera zvinhu zvose izvo Kristu, Musoro weungano, akarayira kuti zvinofanira kuitwa munguva ino yomugumo. (Mateu 24:14; 28:19, 20; Zvakazarurwa 12:17) Basa rokuparidza nokudzidzisa rakabereka “boka guru revanhu” reshamwari dzakatendeka dzevasara vakazodzwa. Hapana mubvunzo kuti izvi “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” zvechokwadi ndezvimwe “zvinhu” zvinokosha zvaKristu zvinotarisirwa nomuranda akatendeka.—Zvakazarurwa 7:9; Hagai 2:7.

Dare Rinodzora Rinomiririra Boka Romuranda

10. Iboka ripi raifanira kuita zvisarudzo muzana remakore rokutanga, uye zvakabatsira sei ungano?

10 Zviri pachena kuti basa rinokosha romuranda akatendeka raizosanganisira kuita zvisarudzo zvakawanda. Muungano yechiKristu yokutanga, vaapostora nevakuru vomuJerusarema vaimiririra boka romuranda, vachisarudzira ungano yose yechiKristu. (Mabasa 15:1, 2) Dare rinodzora iri romuzana remakore rokutanga rakaudza ungano zvarakanga rasarudza richishandisa tsamba uye vamiririri vanofambira. VaKristu vokutanga vakafara kutungamirirwa zvakajeka seizvi, uye kushandira pamwe kwavo nedare rinodzora kwakaita kuti pave norugare uye kubatana.—Mabasa 15:22-31; 16:4, 5; VaFiripi 2:2.

11. Kristu ari kushandisa ani nhasi kutungamirira ungano yake, uye tinofanira kuona sei boka iri revaKristu vakazodzwa?

11 Sezvaiitwa kare pakatanga chiKristu, boka duku revatariri vakazodzwa nomudzimu rinoumba Dare Rinodzora revateveri vaKristu vari pasi pano mazuva ano. Achishandisa “ruoko rwake rworudyi” rune simba, Kristu, Musoro weungano, anotungamirira varume ava vakatendeka sezvavanotarisira basa roUmambo. (Zvakazarurwa 1:16, 20) Munyaya youpenyu hwake, Albert Schroeder, aiva nhengo yeDare Rinodzora kwenguva yakareba akapedza upenyu hwake hwepasi pano munguva pfupi yapfuura, akanyora kuti: “Dare Rinodzora rinoungana Chitatu choga choga, richitanga musangano wacho nomunyengetero uye richikumbira kuti ritungamirirwe nomudzimu waJehovha. Rinoedza neparinogona napo kuti nyaya dzose dzinokurukurwa uye zvose zvinosarudzwa zvienderane neShoko raMwari, Bhaibheri.” * Tinogona kuvimba nevaKristu vakazodzwa vakatendeka ivavo. Tichinyanya kufunga nezvazvo, tinofanira kuteerera zvakarayirwa nomuapostora Pauro zvokuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu.”—VaHebheru 13:17.

Kuremekedza Zvakakodzera Muranda Akatendeka

12, 13. Zvikonzero zvipi zvomuMagwaro zviripo zvokuratidza kuremekedza boka romuranda?

12 Chinhu chinokosha chinoita kuti tiremekedze zvakakodzera boka romuranda akatendeka ndechokuti kana tikadaro, kutaura zvazviri tinenge tiri kuremekedza Tenzi, Jesu Kristu. Pauro akanyora nezvevakazodzwa achiti: “Akadanwa ari munhu akasununguka muranda waKristu. Makatengwa nomutengo.” (1 VaKorinde 7:22, 23; VaEfeso 6:6) Naizvozvo patinobvuma kutungamirirwa nomuranda akatendeka neDare rake Rinodzora takavimbika, tiri kuzviisa pasi paKristu, Tenzi womuranda. Kuratidza kwatinoita kuremekedza zvakakodzera vanhu vari kushandiswa naKristu kuti vatarisire zvinhu zvake zvepasi pano ndeimwe nzira yatino“bvum[a] pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe.”—VaFiripi 2:11.

13 Chimwe chikonzero chomuMagwaro chokuremekedza muranda akatendeka ndechokuti vaKristu vakazodzwa vari pasi pano vanotaurwa nenzira yokufananidzira se“temberi” inogara “mudzimu” waJehovha. Saka va“tsvene.” (1 VaKorinde 3:16, 17; VaEfeso 2:19-22) Jesu akapa zvinhu zvake zvepasi pano kuboka iri retemberi tsvene, zvinoreva kuti kodzero dzakati nemabasa anoitwa muungano yechiKristu zvinongofanira kuitwa neboka iri romuranda. Nechikonzero ichi, vose vari muungano vanoona kuti vanofanira kutevera uye kutsigira kutungamirirwa kwavanoitwa neboka romuranda akatendeka neDare raro Rinodzora. Kutaura zvazviri, “mamwe makwai” anozviona seropafadzo chaiyo kubatsira boka romuranda kutarisira zvinhu zvaTenzi.—Johani 10:16.

Kutsigira Nokuvimbika

14. Sezvakaprofitwa naIsaya, mamwe makwai anofamba sei ari shure kweboka romuranda akazodzwa uye anoshanda sei se“vashandi vasingabhadharwi”?

14 Kuzviisa pasi nenzira yokuzvininipisa kunoitwa nemamwe makwai kunhengo dzaIsraeri womudzimu kwakafanotaurwa muuprofita hwaIsaya, kuti: “Zvanzi naJehovha: ‘Vashandi vasingabhadharwi veIjipiti nevatengesi veItiopiya nevaSebhiya, varume varefu, ivo vachauya kwauri, uye vachava vako. Vachafamba vari shure kwako; vachauya vakasungwa nezvisungo zvomumakumbo, uye vachakukotamira. Vachanyengetera kwauri, vachiti, “Chokwadi Mwari anewe, uye hakuna mumwezve; hakuna mumwe Mwari.”’” (Isaya 45:14) Nenzira yokufananidzira, mazuva ano mamwe makwai anofamba ari shure kweboka romuranda akazodzwa neDare raro Rinodzora, achitungamirirwa navo. Sezvinoita “vashandi vasingabhadharwi,” mamwe makwai anozvidira kushanda nesimba uye anoshandisa zvinhu zvawo kuti atsigire basa rokuparidza rinoitwa munyika yose iro Kristu akaudza vateveri vake vakazodzwa vari pasi pano kuti vaite.—Mabasa 1:8; Zvakazarurwa 12:17.

15. Uprofita huri pana Isaya 61:5, 6 hunofanotaura sei nezvoukama huri pakati pemamwe makwai naIsraeri womudzimu?

15 Mamwe makwai anofara uye anoonga kuti anoshumira Jehovha achitungamirirwa neboka romuranda neDare raro Rinodzora. Anoona vakazodzwa senhengo dza“Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Sevanhu ‘vasingazivikanwi’ uye “vokune imwe nyika” vanowadzana naIsraeri womudzimu, vanoshumira vachifara se“varimi” uye ‘vatarisiri vemazambiringa’ vachitungamirirwa nevakazodzwa, “vapristi vaJehovha” uye “vashumiri vaMwari.” (Isaya 61:5, 6) Vanoshingaira kuparidzirawo aya mashoko akanaka oUmambo uye kuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi. Vanobatsira nomwoyo wose boka romuranda pakufudza uye kutarisira vakaita semakwai vanenge vachangowanwa.

16. Chii chinoita kuti mamwe makwai atsigire nokuvimbika muranda akatendeka uye akangwara?

16 Mamwe makwai anoziva kuti akabatsirwa zvikuru nokushanda nesimba kwomuranda akatendeka pakuapa zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera. Vanobvuma vachizvininipisa kuti kudai muranda akatendeka uye akangwara akanga asingavapi zvokudya izvi, vangadai vachiziva zvishoma kana kuti vasina kana chavanotomboziva nezvechokwadi chomuBhaibheri chinokosha, zvakadai souchangamire hwaJehovha, kutsveneswa kwezita rake, Umambo, matenga matsva nenyika itsva, mweya, mamiriro ezvinhu evakafa, uye chokwadi pamusoro paJehovha, Mwanakomana wake, uye mudzimu mutsvene. Nemhaka yokuonga zvikuru uye kuva vakavimbika, mamwe makwai anotsigira norudo “hama” dzakazodzwa dzaKristu dziri pasi pano munguva ino yomugumo.—Mateu 25:40.

17. Dare Rinodzora rakaona zvakakodzera kuitei, uye chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

17 Nemhaka yokuti vari kuramba vachiita vashoma, vakazodzwa havagoni kuva muungano imwe neimwe kuti vatarisire zvinhu zvaKristu. Naizvozvo, Dare Rinodzora rinogadza varume kubva pane mamwe makwai kuti vatarisire hofisi dzemapazi, maruwa, matunhu, uye ungano dzeZvapupu zvaJehovha. Maonero atinoita vafudzi ava vanotungamirirwa naKristu angatibatsira kuvimbika kuna Kristu nomuranda wake akatendeka here? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Kuti uwane mamwe mashoko akadzama enyaya iyi, ona Nharireyomurindi yaMarch 1, 2004, mapeji 13-18, uye yaDecember 1, 1992, peji 13.

^ ndima 11 Yakabudiswa muNharireyomurindi yaMarch 1, 1988, mapeji 10-17.

Kudzokorora

• Mutungamiriri wedu ndiani, uye chii chinoratidza kuti anoziva zvinoitika muungano?

• Pakuongororwa kwe“temberi,” ndivanaani vaiita somuranda akatendeka, uye zvinhu zvipi zvavakanzi vatarisire?

• Zvikonzero zvipi zvomuMagwaro zvokutsigira nokuvimbika muranda akatendeka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

“Zvinhu” zvinotarisirwa no“mutariri” zvinosanganisira zvinhu zvokunyama, purogiramu dzinosimbisa kutenda, uye basa rokuparidza

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nhengo dzemamwe makwai dzinotsigira boka romuranda akatendeka nokuparidza kwadzo dzichishingaira