Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa

Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa

Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa

“Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi.”—VAHEBHERU 13:17.

1, 2. Magwaro api anoratidza kuti Jehovha naJesu Vafudzi vane rudo?

JEHOVHA MWARI noMwanakomana wake Jesu Kristu, Vafudzi vane rudo. Isaya akaprofita kuti: “Tarirai! Changamire Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, uye ruoko rwake ruchange ruchimutongera. . . . Achafudza makwai ake sezvinoita mufudzi. Achaunganidza makwayana noruoko rwake; uye achaatakura pachipfuva chake. Achanyatsotungamirira aya anoyamwisa.”—Isaya 40:10, 11.

2 Uprofita ihwohwo hwokudzorerwa hwakatanga kuzadzika vakasara vevaJudha pavakadzokera kuJudha muna 537 B.C.E. (2 Makoronike 36:22, 23) Hwakazadzikazve vakasara vakazodzwa pavakanunurwa mu“Bhabhironi Guru” muna 1919 naKoreshi Mukuru, Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 18:2; Isaya 44:28) Iye “ruoko” rwaJehovha rwokutonga, anounganidza makwai uye anoafudza nounyoro. Jesu pachake akati: “Ndini mufudzi akanaka kwazvo, uye ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva.”—Johani 10:14.

3. Jehovha anoratidza sei kuti ane hanya nenzira inobatwa nayo makwai ake?

3 Uprofita hwaIsaya 40:10, 11 hunoratidza kuti Jehovha anofudza vanhu vake nounyoro. (Pisarema 23:1-6) Paaishumira ari pasi pano, Jesuwo akabata vadzidzi vake uye vanhuwo zvavo nounyoro. (Mateu 11:28-30; Mako 6:34) Jehovha naJesu vaivenga vafudzi kana kuti vatungamiriri vaIsraeri vaiva noutsinye, vakanga vasingatarisiri makwai avo uye vaiadzvinyirira. (Ezekieri 34:2-10; Mateu 23:3, 4, 15) Jehovha akavimbisa kuti: “Ndichaponesa makwai angu, haazovi chinhu chinopambwa; uye ndichatonga pakati pegwai negwai. Ndichaamutsira mufudzi mumwe chete, uye iye achaafudza, iye mushumiri wangu Dhavhidhi. Achaafudza, uye achava mufudzi wawo.” (Ezekieri 34:22, 23) Munguva ino yomugumo, Jesu Kristu, Dhavhidhi Mukuru, ndiye “mufudzi mumwe chete” akagadzwa naJehovha kuti atarisire vashumiri Vake vose vari pasi pano, vaKristu vakazodzwa nomudzimu uye “mamwe makwai.”—Johani 10:16.

Zvipo Zvinobva Kudenga Zvinopiwa Ungano

4, 5. (a) Jehovha akapa vanhu vake vari panyika chipo chipi chinokosha? (b) Jesu akapa ungano yake chipo chipi?

4 Nokuita kuti “mufudzi mumwe chete,”—Jesu Kristu, atarisire makwai Ake pasi pano, Jehovha akapa ungano yechiKristu chipo chinokosha. Chipo ichi choMutungamiriri wokudenga chakaprofitwa nezvacho pana Isaya 55:4: “Tarirai! Ndakaita kuti iye ave chapupu kumapoka emarudzi, kuti ave mutungamiriri nomudzori wemapoka emarudzi.” VaKristu vakazodzwa nenhengo dze“boka guru revanhu” vanounganidzwa kubva mumapoka emarudzi, madzinza, vanhu, uye ndimi. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 7:9) Vanoumba ungano yemarudzi ose, “boka rimwe chete,” vachitungamirirwa no“mufudzi mumwe chete,” Kristu Jesu.

5 Jesu akapawo ungano yake iri panyika chipo chinokosha. Akaipa vafudzi vakatendeka vaanotungamirira vanofudza boka nounyoro, vachitevedzera Jehovha naJesu. Muapostora Pauro akataura nezvechipo ichi chorudo mutsamba yaakanyorera vaKristu vomuEfeso. Akanyora kuti: “‘Paakakwira kumusoro akaenda nenhapwa; akapa zvipo zviri varume.’ . . . Akapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vaevhangeri, vamwe kuti vave vafudzi nevadzidzisi, kuti vatsvene varuramiswe, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu.”—VaEfeso 4:8, 11, 12.

6. Vatariri vakazodzwa vaiva mumatare evakuru vakataurwa nezvavo sei pana Zvakazarurwa 1:16, 20, uye zvinganzii nezvevakuru vakagadzwa veboka remamwe makwai?

6 Izvi “zvipo zviri varume” vatariri, kana kuti vakuru, vanogadzwa naJehovha noMwanakomana wake, vachishandisa mudzimu mutsvene, kuti vafudze makwai nounyoro. (Mabasa 20:28, 29) Pakutanga, vatariri ava vose vaiva varume vechiKristu vakazodzwa. Pana Zvakazarurwa 1:16, 20, vaya vakashumira mumatare evakuru muungano yevakazodzwa vaifananidzwa ne“nyeredzi” kana kuti “ngirozi” dziri muruoko rworudyi rwaKristu, kureva kuti dzinodzorwa naye. Zvisinei, munguva ino yomugumo, sezvo nhamba yevatariri vakazodzwa vachiri pasi pano iri kuramba ichidzikira, ruzhinji rwevakuru vechiKristu vari muungano ndeveboka remamwe makwai. Sezvo ava vachigadzwa nevamiririri veDare Rinodzora vanotungamirirwa nomudzimu mutsvene, ivowo vanganzi vari kuruoko rworudyi (kana kuti vari kutungamirirwa) noMufudzi Akanaka Kwazvo, Jesu Kristu. (Isaya 61:5, 6) Sezvo vakuru vari muungano dzedu vachizviisa pasi paKristu, Musoro weungano, zvakakodzera kuti tishandire pamwe navo.—VaKorose 1:18.

Kuteerera uye Kuzviisa Pasi

7. Muapostora Pauro akapa zano rei rine chokuita nemaonero atinofanira kuita vatariri vechiKristu?

7 Vafudzi vedu vokudenga, Jehovha Mwari naJesu Kristu, vanotarisira kuti titeerere uye tizviise pasi pevafudzi vavakaisa munzvimbo dzavo muungano. (1 Petro 5:5) Afuridzirwa, muapostora Pauro akanyora kuti: “Yeukai vaya vari kukutungamirirai, vakakutaurirai shoko raMwari, uye sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei, tevedzerai kutenda kwavo. Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.”—VaHebheru 13:7, 17.

8. Pauro anotikumbira kuti ‘ticherechedze’ chii, uye tinofanira ‘kuteerera’ sei?

8 Ona kuti Pauro anotikumbira kuti ‘ticherechedze,’ kana kuti kunyatsofungisisa kuti chii chinoitika kana vakuru vakatendeka pamufambiro wavo uye kana tikatevera mienzaniso yakadaro yokutenda. Uyezve, anotipa zano rokuti titeerere uye tizviise pasi pezvinotaurwa nevarume ava vakagadzwa. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inonzi R. T. France inotsanangura kuti muchiGiriki chepakutanga, shoko rakashandurwa pano kuti “teererai” harisiro “rinowanzoshandurwa kuti kuteerera, asi sezvariri chaizvo rinoreva kuti ‘bvuma,’ zvichiratidza kuti unobvuma nechido kutungamirirwa navo.” Hatingoteereri vakuru nokuti tinorayirwa kuti tidaro muShoko raMwari asiwo nokuti tinobvuma kuti vanotifarira nomwoyo wose uye vanofarira zvinhu zvine chokuita noUmambo. Zvechokwadi tichafara kana tikabvuma nechido kutungamirirwa navo.

9. Kuwedzera pakuteerera, nei tichifanira ‘kuzviisa pasi’?

9 Zvisinei, zvakadini kana tisina chokwadi kana zvinotaurwa nevakuru iri iyo nzira yakanakisisa yokuita nayo zvinhu pane imwe nyaya? Ndipo panodiwa kuzviisa pasi. Zviri nyore kuteerera kana zvinhu zvose zvakajeka uye kana tichibvumirana nazvo, asi ticharatidza kuti tinozviisa pasi zvechokwadi kana tikateerera kunyange patinenge tisinganyatsonzwisisi zvinotaurwa. Petro, uyo akazova muapostora, akaratidza kuzviisa pasi kwakadaro.—Ruka 5:4, 5.

Zvikonzero Zvina Zvokushandira Pamwe Nechido

10, 11. Vatariri ‘vakataura shoko raMwari’ sei kuvaKristu vavainamata navo muzana remakore rokutanga uye mazuva ano?

10 Pana VaHebheru 13:7, 17, pane mashoko ataurwa pamusoro apa, muapostora Pauro anotaura zvikonzero zvina nei tichifanira kuteerera uye kuzviisa pasi pevatariri vechiKristu. Chokutanga ndechokuti ‘vakatitaurira shoko raMwari.’ Yeuka kuti “zvipo zviri varume” zvinopiwa ungano naJesu ndezvokuti “vatsvene varuramiswe.” (VaEfeso 4:11, 12) Akaruramisa mafungiro uye mufambiro wevaKristu vomuzana remakore rokutanga achishandisa vafudzi vakatendeka, vamwe vakafuridzirwa kunyorera ungano tsamba. Akashandisa vatariri ivavo vakagadzwa nomudzimu kuti vatungamirire uye vasimbise vaKristu vokutanga.—1 VaKorinde 16:15-18; 2 Timoti 2:2; Tito 1:5.

11 Mazuva ano, Jesu anotitungamirira achishandisa “muranda akatendeka, akangwara,” anomiririrwa neDare Rinodzora uye vakuru vakagadzwa. (Mateu 24:45) Nokuti tinoremekedza “Mufudzi mukuru,” Jesu Kristu, tinoteerera zano raPauro rokuti: “Muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikurayirai.”—1 Petro 5:4; 1 VaTesaronika 5:12; 1 Timoti 5:17.

12. Vatariri vari “kurinda mweya” yedu sei?

12 Chikonzero chechipiri chokushandira pamwe nevatariri vechiKristu ndechokuti “vari kurinda mweya” yedu. Kana vakaona chimwe chinhu pamafungiro kana kuti maitiro edu chingakanganisa kunamata kwedu, vachakurumidza kutipa zano rakakodzera vaine chinangwa chokutiruramisa. (VaGaratiya 6:1) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kurinda” rinoreva “kurega kurara.” Maererano neimwe nyanzvi yeBhaibheri, “rinoreva mufudzi anoramba akasvinura.” Kuwedzera pakuramba vakasvinura pakunamata, vakuru vangatotadza kurara vachinetseka nezvemamiriro edu ezvinhu pakunamata. Hatifaniri kuda kushandira pamwe nevakuru vane rudo vakadaro, vanoedza nepavanogona napo kutevedzera unyoro hwaiva naJesu Kristu, “mufudzi mukuru wemakwai” here?—VaHebheru 13:20.

13. Vatariri nevaKristu vose vachazvidavirira kuna ani, uye sei?

13 Chikonzero chechitatu chokushandira kwedu pamwe nevatariri ndechokuti vanotirinda “sevanhu vachazozvidavirira.” Vatariri vanoyeuka kuti vafudzi vanotungamirirwa naKristu, vanoshanda neVafudzi vokudenga, Jehovha Mwari naJesu Kristu. (Ezekieri 34:22-24) Jehovha ndiye Muridzi wemakwai, “aakatenga neropa roMwanakomana wake,” uye Iye achaita kuti vatariri vakagadzwa vazvidavirire nezvenzira yavanobata nayo boka Rake, ravanofanira kubata “nounyoro.” (Mabasa 20:28, 29) Saka tose zvedu tichazvidavirira kuna Jehovha pamusoro pezvatinoita paanotiudza zvokuita. (VaRoma 14:10-12) Kuteerera kwatinoita vakuru vakagadzwa kunopawo uchapupu hwokuzviisa kwedu pasi paKristu, Musoro weungano.—VaKorose 2:19.

14. Chii chingaita kuti vatariri vechiKristu vashumire “nokugomera,” uye zvingaguma nei?

14 Pauro akataura chikonzero chechina nei tichifanira kuzviisa pasi pevatariri vechiKristu tichizvininipisa. Akanyora kuti: “Kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.” (VaHebheru 13:17) Zvavaine basa rinorema rokudzidzisa, rokufudza, rokutungamirira mubasa rokuparidza, rokurera mhuri, uye rokugadzirisa zvinetso muungano, vakuru vechiKristu vanotakura mutoro unorema. (2 VaKorinde 11:28, 29) Kana tikasashandira pamwe navo, tinongowedzera basa ravo. Izvi zvingaguma no“kugomera” kwavo nokushungurudzika. Kana tikasashandira pamwe navo tichaita kuti Jehovha asafara uye zvingatikuvadza. Pane kudaro, patinoratidza kuremekedza kwakakodzera uye kushandira pamwe, vakuru vangaita mabasa avo nomufaro, uye izvi zvinoita kuti tibatane uye tiitewo basa rokuparidza Umambo tichifara.—VaRoma 15:5, 6.

Kuratidza Kuzviisa Kwedu Pasi

15. Tingaratidza sei kuti tinoteerera uye tinozviisa pasi?

15 Pane nzira dzakawanda dzinobatsira dzatingashandira nadzo pamwe nevatariri vakagadzwa. Vachiitira kuti vaite zvinoenderana nemamiriro ezvinhu ari mundima yenyu, vakuru vakaronga kuva nemisangano yebasa romumunda pamazuva nenguva dzingada kuti tichinje purogiramu yedu here? Ngatiedzei kutsigira urongwa hutsva hwacho. Tingawana zvikomborero zvatisingatarisiri. Mutariri webasa ari kushanyira Chidzidzo Chebhuku Cheungano chedu here? Ngatiedzei nepatinogona napo kuti tiparidze vhiki iyoyo. Takapiwa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri here? Tinofanira kuedza nepatinogona napo kuvapo uye kupa hurukuro yedu. Mutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano akazivisa kuti ijana reboka redu rokuchenesa Imba yoUmambo here? Ngatimutsigirei zvizere, zvinoenderana nesimba redu uye noutano hwedu. Munzira idzi nedzimwe dzakawanda, tinoratidza kuti tinozviisa pasi pevarume vakagadzwa naJehovha noMwanakomana wake kuti vatarisire makwai.

16. Kana mukuru akasaita zvinhu semaitiro aanofanira kuita, nei chisiri chikonzero chokuti tipandukire?

16 Dzimwe nguva mumwe mukuru angasaita zvinhu sezvinotaurwa neboka romuranda akatendeka neDare raro Rinodzora. Kana akaramba achiita izvi, achafanira kuzvidavirira kuna Jehovha, “mufudzi nomutariri wemweya” yedu. (1 Petro 2:25) Asi kukanganisa kana kutadza kungaitwa nevakuru hachisi chikonzero chokuti tirege kuzviisa pasi. Jehovha haakomboreri kusateerera uye kupandukira.—Numeri 12:1, 2, 9-11.

Jehovha Anokomborera Kushandira Pamwe Nechido

17. Tinofanira kuona sei vatariri vedu?

17 Jehovha Mwari anozviziva kuti varume vaakagadza sevatariri havana kukwana. Asi ari kuvashandisa, uye anofudza vanhu vake vari pasi pano achishandisa mudzimu wake. Ndizvo zvakaitawo vakuru—nesu tose—kuti zviratidze kuti “simba rinopfuura renguva dzose [nde]raMwari, kwete rinobva matiri.” (2 VaKorinde 4:7) Naizvozvo tinofanira kuonga Jehovha nezvaari kuita achishandisa vatariri vedu vakatendeka, uye tinofanira kunzwa tichida kushandira pamwe navo.

18. Kana tikazviisa pasi pevatariri vedu, kutaura zvazviri tiri kuitei?

18 Vatariri vanoita nepavanogona napo kuti vararame zvinoenderana nokurondedzera kunoita Jehovha vafudzi vaakagadza paboka rake mumazuva ano okupedzisira, sezvinowanikwa pana Jeremiya 3:15, kuti: “Ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, uye vachakufudzai nezivo nenjere.” Zvechokwadi vakuru vari pakati pedu vari kuita basa rakanaka chaizvo rokudzidzisa nokudzivirira makwai aJehovha. Ngatirambei tichiratidza kuonga basa ravo rakaoma nokuzvidira tichishandira pamwe navo, kuteerera, uye kuzviisa pasi. Kana tikadaro, ticharatidza kuti tinoonga Vafudzi vedu vokudenga, Jehovha Mwari naJesu Kristu.

Kudzokorora

• Jehovha naJesu Kristu vakaratidza sei kuti Vafudzi vane rudo?

• Kunze kwokuteerera, nei tichifanira kuzviisa pasi?

• Tingaratidza kuzviisa pasi munzira dzipi dzinobatsira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vakuru vechiKristu vanozviisa pasi vachitungamirirwa naKristu

[Mifananidzo iri papeji 29]

Pane nzira dzakawanda dzatingaratidza nadzo kuti tinozviisa pasi pevafudzi vakagadzwa naJehovha