Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhinduro Dzinobatsira!

Mhinduro Dzinobatsira!

Mhinduro Dzinobatsira!

ZVIZHINJI zviri mumabhuku akawanda anopa mazano aripo nhasi zvinonyanya kutaura nezvevanhu vanotova nematambudziko. Bhaibheri rakasiyana. Kunyange zvazvo zano raro richigona kuyamura vaya vane matambudziko, Bhaibheri rinotobatsira kupfuura izvozvo. Zano raro rinobatsira munhu kuti asaita zvikanganiso zvingamuomesera upenyu ihwo husingafaniri hawo kuoma.

Bhaibheri rinogona ‘kupa vasina zivo njere, kupa jaya zivo nemano okufunga.’ (Zvirevo 1:4) Kana ukaita zvinotaurwa muBhaibheri, “mano okufunga acharamba akakurinda, ungwaru huchakuchengetedza, kuti zvikununure panzira yakaipa.” (Zvirevo 2:11, 12) Funga nezvemimwe mienzaniso chaiyo yokuti kutevera zano reBhaibheri kungaita sei kuti urambe uine utano hwakanaka, kungavandudza sei upenyu hwemhuri yako, uye kungaita sei kuti uve mushandi kana kuti mushandirwi ari nani.

Inwa Doro Zvine Mwero

Bhaibheri harirambidzi kunwa doro zvine mwero. Muapostora Pauro akataura nezvokubatsira kunoita waini pautano paakarayira Timoti muduku kuti: “Shandisa waini shomanana nokuda kwomudumbu mako nokurwara-rwara kwaunogara uchiita.” (1 Timoti 5:23) Dzimwe ndima dzeBhaibheri dzinoratidza kuti chinangwa chaMwari chakanga chisiri chokuti waini ingonwiwa somushonga. Waini inonzi inoita kuti “mwoyo womunhuwo zvake ufare.” (Pisarema 104:15) Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera kuti ‘tisaitwa varanda newaini zhinji.’ (Tito 2:3) Rinoti: “Usava mumwe wevanonwisa waini, mumwe wevanokara nyama. Nokuti chidhakwa nomunhu anokara vachava varombo.” (Zvirevo 23:20, 21) Kana zano iroro riri pakati nepakati rikasateererwa, chii chinoitika? Ona zvakaitika munyika shomanana chete.

Mushumo weWorld Health Organization’s Global Status Report on Alcohol 2004 unoti: “Matambudziko ane chokuita nedoro akadyira vanhu vokuIreland mari ingasvika US$3 000-000 000 pagore.” Aya mazakwatira emari anosanganisira “mari yokutarisira utano (US$350-000 000 000), mari yetsaona dzomumugwagwa (US$380 000 000 000), mari yemhosva dzinoparwa nevanhu vakadhakwa (US$126-000 000 000), kuderera kwebasa rinoitwa nemhaka yevanhu vanorovha kubasa vakadhakwa (US$1 300 000 000 000),” unodaro mushumo wacho.

Chinonyanya kukosha kupfuura mari inoshandiswa pakunwiwa kwedoro zvisina kukodzera, kutambura kunoita vanhu. Somuenzaniso, muAustralia, mumwedzi 12 chete, vanhu vanopfuura 500-000 vakashungurudzwa nevaya vakanga vakadhakwa. MuFrance, kudhakwa kunonzi ndiko kunoita kuti vanhu vanenge 30 muzana varwisane mumhuri dzavo. Uchifunga nezveizvi, hauoni here kuti zano reBhaibheri nezvedoro rine musoro?

Rega Kuita Zvinhu Zvinosvibisa

Kare muna 1942, kuputa pakwakanga kuchiri chinhu chinoshamisira, magazini ino yakabatsira vaiiverenga kuti vanzwisise kuti kuputa fodya kunopesana nezvinotaura Bhaibheri uye kunofanira kuregwa. Imwe nyaya yakabudiswa mugore iroro yakati vaya vanoda kufadza Mwari vanofanira kutevera murayiro weBhaibheri wokuti ‘vazvichenese pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu.’ (2 VaKorinde 7:1) Iye zvino, kwapera makore anenge 65, zano iri reBhaibheri harina kuratidza kuti rine musoro here?

Muna 2006 sangano reWorld Health Organization rakarondedzera kuputa fodya se“chinhu chechipiri chinouraya chiri munyika.” Gore negore, vanhu vanenge mamiriyoni mashanu vanofa nemhaka yokuputa fodya. Kana zvichienzaniswa, gore negore vanenge mamiriyoni matatu vanofa neHIV/AIDS. Muzana remakore rechi20, kuputa kwakauraya vanhu vanenge mamiriyoni zana, vangada kuenzana nevakaurayiwa muhondo dzose dzenyika dzomuzana remakore iroro. Zvechokwadi, iye zvino kwose kwose vava kubvuma kuti kurega kuputa fodya kuchenjera.

“Tizai ufeve”

Vanhu vashomanana vanoda kukurumidza kubvuma zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya dzepabonde. Kusiyana nezvinodavirwa nevanhu vakawanda, Bhaibheri haritauri kuti chido chose chokurara nomumwe munhu chivi. Asi rinopa zano rine musoro rokuti vanhu vanofanira kuita sei pavanonzwa kuda kuita zvepabonde. Bhaibheri rinodzidzisa kuti zvepabonde zvinofanira kungoitwa nomurume nomukadzi vakaroorana. (Genesisi 2:24; Mateu 19:4-6; VaHebheru 13:4) Kuita zvepabonde kunoita kuti vakaroorana varatidzane rudo rukuru. (1 VaKorinde 7:1-5) Vana vanoberekwa nevanhu vakaroorana vanobatsirwa nokuva nevabereki vaviri vanodanana.—VaKorose 3:18-21.

Nezvounzenza, Bhaibheri rinorayira kuti: “Tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Chikonzero chokutiza ufeve ndechei? Ndima yacho inoenderera ichiti: “Chimwe chivi chose chingaitwa nomunhu chiri kunze kwomuviri wake, asi ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.” Chii chinoitika kana zano reBhaibheri nezvenyaya dzepabonde rikasateererwa?

Funga nezvezviri kuitika muUnited States. Iye zvino nyika iyoyo ndiyo yava nevasikana vakawanda vachiri kuyaruka vari kuva nepamuviri kupfuura dzimwe nyika dzose dzakabudirira—vanenge 850 000 gore roga roga. Kana pamuviri pacho pasina kupfupfudzwa vana vakawanda vanoberekwa navanaamai vanenge vasina kuroorwa. Hapana mubvunzo kuti vakawanda vevanaamai vaduku ava vanoedza nepavanogona napo kuti varere vana vavo norudo vachivaranga, uye vamwe vanobudirira. Zvisinei, chokwadi chinorwadza ndechokuti, vanakomana vanoberekwa navanaamai vanenge vachiri kuyaruka kazhinji vanoguma vava mujeri, uye vanasikana vacho vanoguma vabereka vana ivo vachiri kuyarukawo. Pashure pokunge aongorora zvakaitika mumakumi emakore anoverengeka akapfuura, mumwe mutsvakurudzi anonzi Robert Lerman akanyora kuti: “Kuchinja kwakaitika pachiva nemhuri dzine mubereki mumwe chete kungangova kwakaita kuti matambudziko emagariro evanhu awedzere, akadai sokuva nevana vakawanda vanosiyira chikoro panzira, okudhakwa uye kushandisa zvinodhaka, evachiri kuyaruka vanova nepamuviri uye vanobereka vana, uye emhosva dzinoparwa nevachiri kuyaruka.”

Vaya vanoita unzenza vanotarisanawo nedambudziko rakakura routano, hwepfungwa uye hwomuviri. Somuenzaniso, magazini inonzi Pediatrics inoti: “Mashoko anoratidza kuti vachiri kuyaruka vanoita zvepabonde vari pangozi yakakura yokuora mwoyo uye yokuzviuraya.” Nezvedzimwe ngozi dzoutano, American Social Health Association inoti: “Inopfuura hafu yevanhu vose [vari muUnited States] vachava neSTD [zvirwere zvinopomeranwa pabonde] pane imwe nguva muupenyu hwavo.” Imbofunga kuti kana vanhu vakatevera zano rinobatsira reBhaibheri pamusoro penyaya dzepabonde zvingaita kuti vasarwadziwa uye vasatambura zvakadini!

Ivai Noukama Hwemhuri Hwakasimba

Bhaibheri haringonyeveri kuti vanhu vasaita zvinhu zvinokuvadza. Ona zano raro rinobatsira rokuti tingavandudza sei upenyu hwemhuri.

Shoko raMwari rinoti: “Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo.” (VaEfeso 5:28) Pane kuratidza kuti havakoshesi madzimai avo, varume vanokurudzirwa kuti vagare nawo ‘maererano nokuziva, vachikudza vakadzi sezvavanoita mudziyo usina simba.’ (1 Petro 3:7) Nezvokukakavadzana kungaitika, varume vanopiwa zano rokuti: “Rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” (VaKorose 3:19) Haubvumi here kuti murume anoshandisa zano iri achadiwa uye acharemekedzwa nomudzimai wake?

Kumadzimai, Bhaibheri rinopa zano iri rokuti: “Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe, nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano . . . Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:22, 23, 33) Haufungi here kuti mudzimai anotevera zano iri paanenge achitaura nomurume wake kana kuti achitaura nezvomurume wake—achadiwa kwazvo nomurume wake?

Nezvokurovedzwa kwevana, zano reBhaibheri kwamuri vabereki nderokuti mukurukure nevana venyu ‘pamunogara mumba menyu nepamunofamba mumugwagwa nepamunorara pasi nepamunomuka.’ (Dheuteronomio 6:7) Vanababa ndivo vanonyanya kurayirwa kuti varayire vana vavo tsika uye vavarange norudo. “Vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha,” rinodaro Shoko raMwari. (VaEfeso 6:4) Uyewo vana vanoudzwa kuti: “Teererai vabereki venyu,” uye “kudza baba vako naamai vako.” *VaEfeso 6:1, 2.

Unofunga kuti mhuri dzingabatsirwa nokutevera mazano aya here? Ungati, ‘chokwadi, izano rakanaka kana richitaurwa, asi rinonyatsobatsira here?’ Tinokukumbira kuti ushanyire Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri kwaunogara. Ikoko uchaona mhuri dziri kuedza kushandisa zano rokuchenjera reBhaibheri. Taura nadzo. Ona kuti vomumhuri vanokurukurirana sei. Uchazvionera kuti kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri zvechokwadi kunoita kuti mhuri dzinyatsofara!

Mushandi Anobishaira Nomushandirwi Akanaka

Bhaibheri rinotii nezvedambudziko rezuva nezuva rokuchengetedza basa? Rinoti mushandi ane unyanzvi pabasa rake anokosheswa uye anopiwa mubayiro. “Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here?” akabvunza kudaro Mambo Soromoni. “Iye achamira pamberi pemadzimambo.” (Zvirevo 22:29) Asiwo, “simbe” yakaita ‘soutsi hunoshatirisa mumaziso’ owainoshandira. (Zvirevo 10:26) Bhaibheri rinokurudzira vashandi kuti vave vakavimbika uye vashande nesimba. “Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake.” (VaEfeso 4:28) Zano iri rinoshanda kunyange kana waunoshandira asiri kukuona. “Teererai vaya vari vanatenzi venyu panyama muzvinhu zvose, kwete kushanda pamunenge muchionekwa, sevanhu vanofadza vanhu, asi nomwoyo wose, muchitya Jehovha.” (VaKorose 3:22) Kana uriwe unoshandirwa, haungakoshesi mushandi anoita izvi here?

Bhaibheri rinoyeuchidza vanoshandirwa kuti: “Mushandi akakodzera kuwana mubayiro wake.” (1 Timoti 5:18) Mutemo waMwari kuvaIsraeri waiti vaishandirwa vaifanira kubhadhara vashandi vavo mari ine musoro kana vangopedza basa ravo. “Usabiridzira wokwako, uye usaba. Mubayiro womunhu wemaricho haufaniri kugara usiku hwose uinewe kusvikira mangwanani,” akanyora kudaro Mosesi. (Revhitiko 19:13) Haungafari kushandira munhu anoteerera zano reBhaibheri uye anokubhadhara mari ine musoro kana wangopedza basa rake here?

Munhu Ane Uchenjeri Hwakakwirira

Zvinokushamisa here kuti bhuku rekare zvikuru rakaita seBhaibheri rine zano rinobatsira mazuva ano? Chinoita kuti Bhaibheri rirambe richibatsira asi mamwe mabhuku akawanda kwazvo asingachashandi ndechokuti harisi shoko revanhu, asi i“shoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13.

Tinokukurudzira kuti uwane nguva yokujairana neShoko raMwari. Kana ukadaro, uchatanga kunzwa uchida Munyori weBhaibheri, Jehovha Mwari. Shandisa zano raanokupa, uye uchaona kuti richakurinda kuti usakuvadzwa uye richakubatsira kuvandudza upenyu hwako. Kana ukadaro, ‘uchaswedera pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo newe.’ (Jakobho 4:8) Hapana rimwe bhuku ringakubatsira saizvozvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Kana uchida mamwe mashoko akawanda nezvemirayiro iri muBhaibheri ingabatsira mhuri yako, ona bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Unofunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvokushandisa zvinodhaka zvinobatsira here?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Unobvumirana nezano rinobva muBhaibheri rokurega kuputa fodya here?

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kutevera zano reBhaibheri kunonatsiridza upenyu hwemhuri

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

Globe: Based on NASA photo