Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tinofanira kunzwisisa sei mashoko aPauro okuti chirikadzi yaifanira kuva “mudzimai aiva nomurume mumwe chete” kuti ikwanise kubatsirwa neungano yechiKristu?—1 Timoti 5:9.

Sezvo muapostora Pauro akanga ari kutaura nezvechirikadzi, zviri pachena kuti mashoko okuti “mudzimai aiva nomurume mumwe chete” anofanira kunge achireva mamiriro ake ezvinhu asati ava chirikadzi. Izvi zvingareva here kuti chirikadzi yacho yaifanira kunge yakangoroorwa kamwe chete? Kana kuti mashoko aPauro angadaro aine zvimwewo zvaanoreva here? *

Vamwe vakati Pauro aitaura nezvechirikadzi dzakanga dzangoroorwa kamwe chete bedzi. Ichokwadi kuti mutsika nomunyika dzakawanda, chirikadzi yairamba isina kuroorwa yainzi ine tsika dzakanaka chaizvo. Zvisinei, maonero akadaro anopesana nemamwe mashoko akambotaurwa naPauro. Somuenzaniso, paainyorera vaKristu vokuKorinde, akajekesa kuti kunyange zvazvo iye aifunga kuti chirikadzi yaizofara kudai yaizoramba isina kuroorwa, ‘iyo yakasununguka kuti iroorwe nowainoda, munaShe chete.’ (1 VaKorinde 7:39, 40; VaRoma 7:2, 3) Uyezve, mutsamba yaakanyorera Timoti, Pauro akati: “Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziroorwe.” (1 Timoti 5:14) Saka chirikadzi payaisarudza kuroorwazve yaisashorwa.

Saka tinofanira kunzwisisa sei mashoko aPauro aakanyorera Timoti? Mashoko okuti “mudzimai aiva nomurume mumwe chete” anongowanika mundima iyi chete. MuchiGiriki, anoreva kuti “mukadzi ane murume mumwe chete.” Zvinofadza kuti mashoko aya akafanana neakashandiswa naPauro kakawanda mutsamba dzake, okuti “murume ane mudzimai mumwe chete” mumutauro wechiGiriki. (1 Timoti 3:2, 12; Tito 1:6) Pauro akashandisa mashoko okuti “murume ane mudzimai mumwe chete” paakataura zvinodiwa kuti varume vakwanise kuva vatariri vechiKristu nevashumiri vanoshumira. Panyaya iyoyo, mashoko acho anongoreva kuti, kuti murume akwanise kupiwa basa muungano yechiKristu, kana akaroora anofanira kunge akatendeka uye akavimbika kumudzimai wake uye anofanira kunge asingapomerwi tsika dzakaipa. * Saka zvinoita sokuti mashoko ari pana 1 Timoti 5:9 angava nepfungwa yakafanana, yokuti: Kuti chirikadzi ibatsirwe neungano, inofanira kunge yaiva mudzimai akavimbika uye akazvipira aiva akatendeka kumurume wake paaiva mupenyu uye inofanira kunge yaiva isingapomerwi tsika dzakaipa. Zvimwe zvaifanira kuitwa nechirikadzi iyoyo kuti ibatsirwe neungano zvakazotaurwa naPauro mundima inotevera.—1 Timoti 5:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Panguva yevaapostora, muRoma nomuGirisi zvakanga zvisingabvumirwi kuti mukadzi ave nevarume vakawanda panguva imwe chete. Saka, Pauro haangavi ainyorera Timoti nezvazvo kana kuti haangavi aitsiura munhu aizviita.

^ ndima 5 Kana uchida kuona pamwe pakakurukurwa pfungwa iyi, ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1996, peji 17, uye nyaya inoti “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri mumagazini yeChirungu yaSeptember 15, 1980, peji 31.