Unogona Kunzwa Wakachengeteka Munyika Ino Ine Matambudziko!
Unokokwa Kuzonzwa Hurukuro Inokosha
Unogona Kunzwa Wakachengeteka Munyika Ino Ine Matambudziko!
Hurukuro iyi yomuBhaibheri ichapiwa munyika dzinopfuura 230 pasi pose. Munyika dzakawanda, hurukuro yacho ichapiwa musi weSvondoy, April 15, 2007. Uchadzidzei? Somuenzaniso, imbofunga nezveizvi:
Chii chakaita kuti mabhiriyoni munyika yose anzwe asina kuchengeteka?
Pfungwa yokuchengeteka yakazonyanya kunyangarika rini chaizvo?
Kuchengeteka kwechokwadi kungawanikwepi uye kungawanika sei?
Ziva mhinduro dzacho nokuvapo pahurukuro yeBhaibheri iyi inokosha ichapiwa munzvimbo dzakawanda. Muzviitiko zvakawanda, ichapiwa paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Zvapupu zviri munharaunda yako zvichakuudza nguva nekero yacho. Tinokukoka nomwoyo wose kuti uvepo pahurukuro iyi yeBhaibheri yakakodzera nguva uye inokurudzira.