Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Akaremara—Asi Anoda Kwazvo Kushanda

Akaremara—Asi Anoda Kwazvo Kushanda

Akaremara—Asi Anoda Kwazvo Kushanda

PAUNOTANGA kuonana naLeonardo, haungafungi kuti anokwanisa kuita basa rokuvaka. Akadimbuka maoko mutsaona yakamboitika achiita basa rokuvaka. Asi pasinei nokuti akaremara, Leonardo akanga achishanda nesimba pane imwe nzvimbo yaivakwa muAcajutla, kuEl Salvador, sezvauri kuona pamufananidzo.

Kuti aitewo basa iroro rokuvaka, Leonardo akazvigadzirira zvinhu zvokushandisa. Anopinza chidimbu choruoko rwake rworudyi muburi resimbi yakabatana nefoshoro onyatsofoshorera ivhu mubhara. Munzvimbo dzinoda kubatwa, anokochekera simbi dzakaita raundi dzinoita kuti akwanise kupinza zvidimbu zvemaoko ake kuti asunde bhara racho. Chii chakamukurudzira kuita basa iri?

Leonardo aida kuitawo basa rokuvaka Imba yoUmambo, kana kuti nzvimbo yokunamatira yeungano yeZvapupu zvaJehovha yokwaanogara. Aigona kutaura zvikonzero zvakawanda zvokuti asaita basa iri rokuvaka. Aishanda kunyika nguva dzose, akaremara, uye muungano yavo aitoshanda somushumiri anoshumira. Asi aida kuita zvaaigona kuti ashumirewo Mwari panzvimbo iyi yokuvaka.

Ndiwo manzwiro aunoita here nezvokushumira Mwari? Pane kurega kuita basa achiti akaremara, Leonardo akashandisa pfungwa dzake kuzvigadzirira zvinhu zvokushandisa kuitira kuti agone kuita basa racho raaisazokwanisa kuita. Akanga achishumira Mwari ‘nepfungwa dzake dzose.’ (Mateu 22:37) Vanhu vanoshanda pakuvaka Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose vanhu vakazvipira pasinei nokuti vakaremara here kana kuti kwete. Vanhu vose vakasununguka kupinda misangano yavo, uye unogona kuipindawo.