Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Zvaunotarisira Zvikasaitika

Kana Zvaunotarisira Zvikasaitika

Kana Zvaunotarisira Zvikasaitika

KUORA mwoyo kungatanga pane vakaroorana chero vapi zvavo, kunyange kana zvaiita sokuti murume nomukadzi vakanga vachiwirirana pavakapfimbana. Asi vanhu vaviri vaiita sevaipindirana vasati vaita mhiko dzomuchato vanozochinja sei varoorana?

Bhaibheri rinoti vaya vanoroora vachava “nemarwadzo nenhamo.” (1 VaKorinde 7:28, The New English Bible) Kazhinji, marwadzo akadaro anokonzerwa nokusakwana kwevanhu. (VaRoma 3:23) Uyezve, mumwe wacho kana kuti vose vangave vari kutadza kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. (Isaya 48:17, 18) Zvisinei, pane dzimwe nguva murume nomukadzi vanoroorana vachitarisira zvinhu zvisingaitiki. Izvi pazvinoitika, kusanzwisisana kungakonzera zvinetso zvikuru.

Kutarisira Zvinhu Zvisingaitiki

Kana uri murume kana kuti mudzimai, zvimwe wakaroora kana kuroorwa uchitarisira zvinhu zvinoverengeka; ndizvo zvinongoitawo vanhu vakawanda. Zvipe nguva yokufungisisa upenyu hwawaitarisira. Muchato wako handiwo wawaifungidzira here? Kana zvakadaro, usagumisa kuti hamugoni kugadzirisa zvinenge zvichinetsa. Kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri kungakubatsira kururamisa zvinhu. * (2 Timoti 3:16) Munguva iyi, ungaita zvakanaka kuongorora zvimwe zvezvaungave waitarisira nezvokuroora kana kuroorwa.

Somuenzaniso, vamwe vakafunga kuti kana vakaroorana upenyu hwavo hwose vanenge vachingorezvana zvavo, sezvinotaurwa munyaya dzengano. Kana kuti zvichida waifunga kuti iwe nomumwe wako maizopedza nguva yenyu zhinji muri mose kana kuti maizogadzirisa kusanzwisisana kwose nenzira yakanaka, inoratidza kukura. Vakawanda vaifunga kuti kana mukaroorana hamufaniri henyu kuzvidzora mune zvepabonde. Nokuti zvinhu zvose izvi zvinenge zvichitarisirwa hazvizoitiki sezvinenge zvichitarisirwa, chokwadi vamwe vanoora mwoyo.—Genesisi 3:16.

Chimwe chinhu chinotarisirwa chisingaitiki ndechokuti kuroorana kwoga kuchaita kuti munhu afare. Chokwadi, kuva nomumwe munhu muupenyu kunogona kuita kuti ufare chaizvo. (Zvirevo 18:22; 31:10; Muparidzi 4:9) Asi kuroorana kungatarisirwa kuti kungoerekana kwagadzirisa kusawirirana kwose here? Kazhinji vaya vanofunga saizvozvo vanongozoerekana vasingachafari!

Zvinhu Zvinotarisirwa Zvinenge Zvisina Kutaurwa

Hazvisi zvinhu zvose zvinotarisirwa zvisingaitiki. Asi zvimwe zvinosanganisira zvishuwo zvinokosha. Zvisinei, pangava nezvimwe zvinganetsa pamusana pezvimwe zvinhu zvinenge zvichitarisirwa. “Ndinoona vakaroorana vachitsamwirana nokuti mumwe wavo ari kumirira kuti chimwe chinhu chaanoda chiitwe, kunyange mumwe wacho anga asinganyatsozivi nezvechinhu ichocho pakutanga,” anodaro mumwe chipangamazano wevakaroorana. Kuti unzwisise kuti izvi zvingaitika sei, chimbofunga chinoitika chinotevera.

Mary anoroorwa naDavid, anogara mazana emakiromita kubva kutaundi rokumusha kwaMary. Vasati varoorana, Mary aiziva kuti kutamira kunzvimbo itsva kwaizokonzera zvimwe zvinetso—sezvo ari munhu anonyara chaizvo. Asi aiva nechokwadi chokuti David aizomubatsira kuti achinje. Somuenzaniso, Mary aitarisira kuti David aizomutsigira uye aizomubatsira kuti azivane neshamwari dzake. Zvisinei, hazvisi izvo zviri kuitika. David anopedza nguva yakawanda achikurukura neshamwari dzake dzakawanda—achisiya Mary waachangoroora ari oga. Mary anonzwa sokuti haadiwi. ‘Sei David asina hanya zvakadaro?’ anoshamisika.

Mary anotarisira zvinhu zvisingaitiki here? Kwete. Chaanongoda chete ndechokuti murume wake amubatsire kujairana nenzvimbo itsva yaava kugara. Mary anonyara, uye anotopererwa paanosangana nevanhu vatsva vakawanda. Kunyange zvakadaro, chokwadi ndechokuti Mary haasati amboudza David manzwiro ake. Saka, David haazivi manzwiro ari kuita Mary. Chii chichaitika kana zvinhu zvikaramba zvakadaro? Mary angatsamwa, uye nokufamba kwenguva, angafunga kuti murume wake haana hanya zvachose nemanzwiro ake.

Zvichida iwewo wakaora mwoyo pawakaona mumwe wako achiita seasina hanya nezvaunoda. Kana zvakadaro, ungaitei?

Taura

Zvechokwadi zvinhu zvinotarisirwa zvikasaitika zvingarwadza. (Zvirevo 13:12) Kunyange zvakadaro, pane chimwe chinhu chaungaita kana zviri izvo zvazviri. “Unogona kunyengetedza vamwe kana wakangwara uye taura nouchenjeri,” chinodaro chirevo cheBhaibheri. (Zvirevo 16:23, Contemporary English Version) Saka kana uchifunga kuti une zvinhu zvine musoro zvauri kutarisira zvisiri kuitika, kurukura nyaya yacho nowawakaroorana naye.

Edza kusarudza nguva yakanaka, zvinhu pazvinenge zvakanaka, uye sarudza mashoko akanaka kuti utaure zvinokunetsa. (Zvirevo 25:11) Taura zvinyoronyoro uye zvine ruremekedzo. Yeuka chinangwa chako—hachisi chokupomera wawakaroorana naye asi ndechokumuudza nezvezvinhu zvaunotarisira uye manzwiro ako.—Zvirevo 15:1.

Nei uchifanira kuita izvi? Wawakaroorana naye ane hanya haangakwanisi kuziva zvaunoda here? Chokwadi, mumwe wako angangove achiona zvinhu neimwe nzira asi angafara kuona maonero ako kana ukamutsanangurira. Kutaura zvaunoda kana kuti zvaunofanira kuva nazvo hazviratidzi kuti imba yenyu haina kusimba, uyewo hazviratidzi kuti mumwe wako haana hanya newe.

Saka usazeza kukurukura zvinhu nomumwe wako. Somuenzaniso, pane zvambotaurwa, Mary aigona kuti kuna David: “Ndinofanira kubvuma kuti zvakati omei kuti ndisangane nevanhu vatsva vakawanda. Kusvikira ndati sunungukei, ungandibatsira here kuti ndizivane nomunhu wose?”

“Kurumidza Kunzwa”

Iye zvino chiona nyaya yacho neimwe nzira. Ngatitii mumwe wako anokutaurira kuti ari kurwadziwa nokuti hausi kumuitira chimwe chinhu chakanaka chaari kutarisira. Kana izvi zvikaitika, teerera mumwe wako! Usaedza kuzvidzivirira. Pane kudaro, ‘kurumidza kunzwa, unonoke kutaura, unonoke kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19; Zvirevo 18:13) Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:24.

Unogona kuita izvi nokuzviisa munzvimbo yomumwe wako. Bhaibheri rinoti: “Imi varume, rambai muchigara nemadzimai enyu saizvozvo maererano nokuziva,” kana kuti, maererano neshanduro inonzi J. B. Phillips, “imi varume munofanira kuedza kunzwisisa madzimai amunogara nawo.” (1 Petro 3:7) Chokwadi, madzimai anofanira kuedzawo kuita izvozvo kuvarume vawo.

Yeuka kuti zvisinei nokuti mungave muchiwirirana zvakadini nomumwe wako, hamumbooni zvinhu zvose nenzira yakafanana. (Ona bhokisi rinoti “Muri Panzvimbo Imwe Chete, Asi Muchiona Zvakasiyana.”) Chokwadi, ichi chikomborero, nokuti zvakanaka kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa nomumwe munhu. Mose makaita kuti mhuri yenyu itarisire zvinhu zvinoshamisa zvinobva pazvinhu zvakadai sokusiyana kwakaita mhuri dzenyu uye tsika. Saka munogona kudanana zvikuru asi zvimwe zvinhu zvamunotarisira zvakasiyana.

Somuenzaniso, vaKristu vakaroorana vanganyatsoziva zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuva musoro. (VaEfeso 5:22, 23) Asi chaizvoizvo kuva musoro kungaratidzwa sei mumhuri yenyu, uye kuzviisa pasi kungaratidzwa sei? Muri vaviri muri kutungamirirwa nechokwadi ichi chiri muBhaibheri, uye muri kuedza zvechokwadi kuchitevedzera here?

Mungavawo nemafungiro akasiyana pamusoro pedzimwe nyaya dzoupenyu hwezuva nezuva. Ndiani achaita mamwe mabasa epamba? Ndirini pamuchapedza nguva muine voukama, uye ichange yakawanda sei? VaKristu vakaroorana vacharatidza sei kuti vari kuisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga muupenyu hwavo? (Mateu 6:33) Nezvemari, zviri nyore kuva nechikwereti, saka zvinokosha kuchengetedza mari. Asi zvinomborevei chaizvo kugona kuchengetedza mari? Nyaya dzakaita seidzi dzinofanira kukurukurwa pachena uye zvine ruremekedzo, kuti mubatsirwe zvikuru.

Kukurukurirana kwadaro kungakubatsira kuti uwane rugare rukuru mumhuri yako, kunyange kusvikira iye zvino zvimwe zvinhu zvaunotarisira zvisina kuzadziswa. Zvechokwadi, uchakwanisa kushandisa zviri nani zano romuapostora Pauro rinoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”—VaKorose 3:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mazano akanaka akawanda nokuda kwevanhu vakaroorana ari mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

MURI PANZVIMBO IMWE CHETE, ASI MUCHIONA ZVAKASIYANA

‘Chimbofungidzira boka revashanyi vari kuona nzvimbo yakanaka kwazvo. Kunyange zvazvo boka racho rose richiona zvinhu zvakafanana, mumwe nomumwe anozviona nenzira yakasiyana. Nei? Nokuti munhu mumwe nomumwe ane maonero akasiyana. Chaizvoizvo hazviiti kuti vanhu vaviri vabve vanyatsomira panzvimbo imwe chete. Uyezve, haasi munhu wose anoramba akatarisa chinhu chimwe chete panzvimbo yacho. Munhu mumwe nomumwe anoona chimwe chinhu chakasiyana chichimunakidza zvikuru. Ndizvowo nomumhuri. Kunyange pavanenge vachiwirirana zvikuru, hapana murume nomukadzi vanoona zvinhu nenzira yakanyatsofanana. Kukurukurirana kunosanganisira kuedza kuita kuti muone zvinhu nenzira yakafanana. Izvi zvinoda kuwana nguva yokutaura.’—Nharireyomurindi, yaAugust 1, 1993, peji 4.

[Bhokisi riri papeji 11]

ZVAUNGAITA IYE ZVINO

• Ongororazve zvinhu zvaunotarisira. Zvine musoro here? Unotarisira zvakawanda kune mumwe wako here kupfuura zvinofanira kutarisirwa?—VaFiripi 2:4; 4:5.

• Edza kururamisa zvinhu zvose zvisingaitiki zvaunotarisira. Somuenzaniso, pane kuti, “Hatimbofi takabvumirana,” sarudza kuti uchaedza kushandira kugadzirisa kusanzwisisana kwacho norugare.—VaEfeso 4:32.

• Kurukurai zvinhu zvamunotarisira. Kukurukurirana idanho rinokosha pakudzidza kuti mungaratidzana sei rudo uye ruremekedzo.—VaEfeso 5:33.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unofanira “kukurumidza kunzwa” zvinonetsa mumwe wako