Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

MuKristu anofanira kurega kunwa uye kudya zvinhu zvine caffeine here?

Bhaibheri harirambidzi muKristu kuti anwe kofi, tii, chokoreti, maté, uye zvinwiwa zvine caffeine. Zvisinei, Magwaro anotaura zvinhu zvatingaita zvingatibatsira kuti tisarudze nokuchenjera. Ngatitangei kuona kuti nei vamwe vanhu vachirega zvinwiwa kana kuti zvokudya zvine caffeine.

Chimwe chikonzero chikuru ndechokuti zvinonzi caffeine ingachinja unhu uye mafungiro omunhu, ichiita kuti ambochangamuka. Munhu anogonawo kupindwa muropa necaffeine. Rimwe bhuku rinoshandiswa pakutsvakurudza mashoko nevagadziri vemishonga rinoti: “Munhu akaramba achidya zvinhu zvine caffeine yakawanda kwenguva refu angapedzisira apindwa nayo muropa, uye ava kuda kungogara achidya zvinhu zvacho kana kuzvinwa. Zviratidzo zvokuti munhu haachadyi zvinhu zvine caffeine zvakadai sokunzwa musoro, kungoshatirwa, kutya, kuzvidya mwoyo, uye kunzwa dzungu zvingavapo kana munhu akangoerekana arega kudya zvinhu zvinayo.” Zviratidzo zvokurega zvinhu zvine caffeine zvakanyorwawo mubhuku rinonzi Diagnostic and Statistical Manual of Mental Disorders, pamwe chete nezvimwewo zvinoratidza kuti munhu arega zvimwe zvinhu zvinodhaka. Nokudaro, zvinonzwisisika kuti vamwe vaKristu vangaona sezvisina kukodzera kushandisa caffeine nokuti havadi kupindwa nayo muropa uye vanoda kuzvidzora.—VaGaratiya 5:23.

Vamwe vanodavira kuti caffeine inogona kukanganisa utano hwomunhu kana kuti hwomwana asati aberekwa. VaKristu vanofanira kuda Mwari ‘nomweya wavo wose,’ saka havaiti chimwe chinhu chichapfupisa upenyu hwavo. Uye sezvo vachirayirwawo kuda muvakidzani wavo, vanorega zvinhu zvingangokuvadza mwana asati aberekwa.—Ruka 10:25-27.

Zvakakodzera here kutyira utano hwedu pamusoro pezvinhu zvakadaro? Kunyange zvazvo zvave zvichinzi caffeine inogona kukonzera zvirwere zvakasiyana-siyana, havasi vose vanozvibvuma. Vamwe vanotsvakurudza vanototi kofi yakanakira utano. Muna 2006, magazini inonzi Time yakati: “Kuongorora kwokutanga kwakaratidza [kuti caffeine] inogona kukonzera kenza yomudundira, BP yakakwira nezvimwe zvirwere. Kutsvakurudza kuchangobva kuitwa hakuna kungopesana neizvi asiwo kwakaratidza zvimwe zvakanakira kuishandisa. caffeine inoita seinodzivirira pakukanganiswa kwechiropa, chirwere chinonzi Parkinson, chirwere cheshuga, cheAlzheimer, matombo omunduru, kuora mwoyo uye kunyange mamwe marudzi ekenza.” Nezvokushandisa caffeine, imwe magazini inobudisa nhau yakati: “Zvinonzwisisika kuti zvinokosha kuva nomwero.”

MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira pakunzwisisa kwaanoita mashoko aripo panguva ino nezvecaffeine uye chokwadi cheBhaibheri chinoita sechinobatanidzwa. Somuenzaniso, muKristu ane pamuviri angasarudza kurega caffeine paanenge akazvitakura kana achifunga kuti inogona kukanganisa mwana wake asati aberekwa. Kana muKristu akaona kuti paanoshaya zvinhu zvine caffeine anoita hasha kana kuti anorwara, zvingava nani kuti ambozvirega. (2 Petro 1:5, 6) Vamwe vaKristu vanofanira kuremekedza zvaanenge asarudza, kwete kumumanikidza.

Chero zvaunenge wasarudza nezvezvinwiwa uye zvokudya zvine caffeine, yeuka zano raPauro rinoti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho, itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”—1 VaKorinde 10:31.