Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munda Wa“chenera Kukohwa”

Munda Wa“chenera Kukohwa”

Munda Wa“chenera Kukohwa”

Nechokuchamhembe kweSouth America kune Guajira Peninsula. Iri kuchamhembe kweColombia uye kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweVenezuela. Nzvimbo iyi inenge gwenga inopisa zvikuru uye hainyanyi kunaya mvura zvokuti tembiricha inotombosvika 43°C. Pasinei nemamiriro okunze, vanhu kuno vakabatikana uye vari kurima vachitokohwa. Mhepo yakadzikama yomunyanza uye yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva inoita kuti vanhu vagone kugara munzvimbo iyi, zvokuti vashanyi vanonakidzwa nokuona nzvimbo dzinoyevedza nemhenderekedzo dzakanaka.

IYI inyika yevaIndia vaWayuu. Mune vaWayuu vanenge 305 000, 135 000 vanogara muColombia. Dzinza iri raigara munyika iyi kare isati yatorwa neSpain.

VaWayuu vanonyanya kurarama nokupfuya zvipfuwo uye kurima. Vanobatawo hove uye vanoitawo zvokutengeserana nevanhu vokune dzimwe nyika dziri pedyo. Vakadzi vacho inyanzvi pakuruka zvinhu zvine mavara akajeka, uye zvavanoruka zvinofarirwa nevashanyi vokune dzimwe nyika.

VaWayuu vanozivikanwa nokutendeseka kwavo uye kugamuchira vaeni. Zvisinei, ivowo vari kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Urombo ndihwo huri kunyanya kuvanetsa uyewo hunokonzera zvimwe zvinetso, zvakadai sokusagona kuverenga nokunyora, kushaya zvokudya zvevacheche zvinovaka muviri, kusatarisirwa zvakanaka mune zvoutano uye, mune dzimwe nzvimbo, kuparwa kwemhosva.

Kwemakumi emakore, machechi echiKristudhomu akatumira mamishinari kuti anogara nevaWayuu. Saka zvikoro zvizhinji zvokudzidzisa vadzidzisi uye zvikoro zvebhodhingi zviri pasi pemachechi. VaWayuu vakawanda vakagamuchira tsika dzinonzi ndedzechiKristu, dzakadai sokunamata zvifananidzo uye kubhabhatidza vacheche, asi havana kumbosiya zvitendero netsika zvakabva mungano dzechinyakare uye kudavira mashura.

VaWayuu vazhinji vanotya Mwari uye vanoda chokwadi cheBhaibheri chinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha. Kumavambo ema1980, muGuajira maingova neZvapupu zvechiWayuu zvinomwe, zvitatu zvacho zvaigara muRíohacha, guta guru. Kuwedzera kuZvapupu zvomunzvimbo yacho, vamwe vaparidzi 20 vaiparidza mashoko akanaka oUmambo imomo nomutauro weSpanish.

Vanoparidzirwa Nomutauro Wavo

VaWayuu vakawanda vanogara muRíohacha havanyanyi kutaura Spanish kunze kwomutauro wavo, Wayuunaiki. Pakutanga, kuparidza shoko roUmambo kwakanga kusinganyanyi kubudirira. Zvizvarwa zvemo zvaiita sezvakanga zvisingadi vaarijunas, sokudana kwavanoita vanhu vasiri vaWayuu. Zvapupu pazvaisvika pamisha yavo, vaWayuu vakawanda vaipindura nomutauro wavo, kwete neSpanish. Zvapupu zvaibva zvangoenda kuimba inotevera.

Zvisinei, pakazopera gore ra1994, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yakanga yaendesa boka remapiyona chaiwo, kana kuti vadzidzisi veBhaibheri venguva yakazara, kuti vanoshumira vari muUngano yeRíohacha. Mapiyona acho akakumbira Chapupu chechiWayuu kuti chivadzidzise Wayuunaiki. Pashure pokunge vadzidza mharidzo dziri nyore, vashumiri vacho vakaenda kundima yacho uye nokukurumidza vakacherechedza kuti vanhu vakanga vachinja zvikuru. Kunyange zvazvo vadzidzisi veBhaibheri ava vakanga vasinganyatsogoni kutaura Wayuunaiki, vanasaimba vaishamiswa zvikuru uye vainzwa vachida kuteerera, dzimwe nguva vachitoenderera mberi vachikurukurirana navo vakachangamuka nomutauro wavo weSpanish wavasinganyatsogoni!

“Yachenera Kukohwa”

Muapostora Pauro akafananidza basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi nokurima munda, muenzaniso unonyatsonzwisiswa nevaWayuu vanoita zvokurima. (1 VaKorinde 3:5-9) Mupfungwa yokufananidzira, munda wevaWayuu zvechokwadi wa“chenera kukohwa.”—Johani 4:35.

Neil, muIndia wechiWayuu aigara mutaundi rinonzi Manaure, aiva nechirwere chaakangoberekwa ainacho. Nokuti aishora Mwari nemhaka yechirwere ichi, Neil akaora mwoyo zvokuti akaedza kuzviuraya. Chimwe Chapupu chakashandisa mukana wokuparidza paimba neimba pachaishanyira mataundi akasiyana-siyana nemhaka yebasa racho rokunyika chakataura naNeil nezvoUmambo hwaJehovha. Neil aingova nemakore 14. Chichiona kufarira kwaNeil, Chapupu chacho chakatanga kumudzidzisa Bhaibheri. Neil akafara kudzidza nezvounhu hwaJehovha hworudo, uye zvakaita kuti agumise kuti haasi Mwari aikonzera kurwara kwake. Akashamiswa zvikuru paakaverenga nezvechipikirwa chaMwari cheparadhiso pasi pano, muchange musisina kurwara!—Isaya 33:24; Mateu 6:9, 10.

Panguva iyoyo, mhuri yaNeil yakakakavadzana neimwe mhuri. Dzichiedza kuva nechokwadi chokuti dzakachengeteka, hama dzaNeil dzakaita dzimwe tsika dzedzinza ravo. Neil anoti: “Pakutanga, ndaitya kuudza mhuri yangu nezvokutenda kwangu kwandakanga ndichangowana, kunyanya kuvakuru vomumhuri, vanoremekedzwa zvikuru.” Vabereki vaNeil vakashatirwa pavakaziva kuti akanga asingazobvumi zvitendero zvisiri zvemagwaro kana kuita zvemidzimu. Neil akabva atamira kuRíohacha achibva atanga kupinda neungano yeikoko. Gare gare akabhabhatidzwa. Muna 1993 akagadzwa kuva mushumiri anoshumira, uye makore matatu gare gare akava piyona wenguva dzose. Zvadaro muna 1997 akagadzwa kuva mukuru muungano. Mugore ra2000, akawedzera ushumiri hwake, achiva piyona chaiye.

Fungawo zvakaitika kuna Teresa, muWayuu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Teresa nevana vake vatatu vaisekwa uye vairohwa naDaniel, murume waaibika naye mapoto. Kunyange zvazvo akazobvuma kudzidza Bhaibheri pamwe chete naTeresa, aiwanzoenda kunonwa doro neshamwari dzake, dzimwe nguva kwemazuva mana kana kuti mashanu. Mhuri yake yaingosara ichitambura. Teresa akaramba achidzidza akatendeka uye achipinda misangano yechiKristu. Izvi zvakabatsira Daniel kuona kukosha kwokudzidza Bhaibheri. Zvadaro mumwe mwana wavo akangoerekana awira paketero yaiva nemvura yaifashaira ndokubva afa nemhaka yokutsva zvakaipisisa. Kunze kwokutsungirira kurwadziwa zvakadzama pamusana pokufirwa nomwanakomana, Teresa akamanikidzwa neshamwari nevoukama kuti achengete tsika dzemariro dzisiri dzechiKristu.

Panguva iyoyo yakaoma, murume nomukadzi ava vakakurudzirwa uye vakanyaradzwa nevamwe vomuungano dzaiva pedyo. Mariro apera, vakaramba vachinyaradzwa neungano yomutauro wechiWayuu yokwavaigara yaivashanyira nguva dzose. Paakaona rudo rwechiKristu ruchiratidzwa zvakadai, Daniel akanzwa achida kufambira mberi mune zvokunamata. Akarega kunwa uye kubata Teresa zvisina kunaka. Daniel naTeresa vakachata, uye Daniel akatanga kushanda nesimba kuti ariritire mhuri yake. Vakafambira mberi mune zvokunamata uye vakabhabhatidzwa muna 2003. Vose vanodzidza Bhaibheri nevanhu vanoverengeka. Nokuda kwouchapupu hwakanaka kwazvo hwakapa Teresa kumhuri yake, hama dzake iye zvino dzava kuda kuteerera Zvapupu pazvinoshanya. Mumwe wevazukurukomana vaDaniel ava muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye vazukurusikana vake vaviri vari kudzidza Bhaibheri uye vari kupinda misangano yeungano. Tete vaTeresa, vakafirwawo nomwanakomana mutsaona, ivo nemhuri yavo vakaratidza kufarira kudzidza Bhaibheri.

Mabhuku Anoshandiswa Pakunamata Mumutauro weWayuunaiki

Muna 1998 bhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! * rakabudiswa mumutauro weWayuunaiki. Rakava chinhu chinokosha zvikuru pakudzidzisa vanhu vakawanda mundima yeWayuu uye pakudzidzisa vanhu Bhaibheri pamusha. Urongwa hwakaitwa muna 2003 hwokurovedza hama dzinoverengeka kuti dzishandurire mabhuku eZvapupu zvaJehovha mumutauro weWayuunaiki. Nemhaka yokushanda zvakaoma kweboka revashanduri muRíohacha, mabhurocha akawanda akashandurwa, zvichibatsira kuti vadzidzi vanotaura mutauro weWayuunaiki vakure mune zvokunamata.

Kubvira muna 2001, dzimwe hurukuro dzepapurogiramu yegungano reruwa dzakaturikirwa mumutauro weWayuunaiki. Vadzidzi veBhaibheri vanokurudzirwa mune zvokunamata pavanonzwa purogiramu yacho mumutauro wavo. Vanotarisira zuva richabudiswawo mitambo yomuBhaibheri mumutauro weWayuunaiki.

Munda Uri Kuibva

Uribia itaundi riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweRíohacha nemakiromita anenge 100. Ungano yevaWayuu muUribia ine vaparidzi voUmambo 16, vakawanda vavo vari kuwedzera basa ravo nokuparidzira maIndia anogara kumaruwa. Mumwe wevakuru veungano yacho anotaura izvi nezverwendo rwakadaro rwokuparidzira: “Takashanyira purazi remombe rine dzimba dzinenge 12 dzine matenga akaderera uye mahwindo maduku. Mberi kweimba imwe neimwe kune vheranda rakagadzirwa neyotojolo, puranga rinobva mumuti wecactus. Vherenda iri rinodzivirira mhuri nevashanyi pazuva rinogocha. Takafara kuona kuti vakawanda vakafarira zvikuru, saka takaronga kudzoka ndokutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri. Patakadzoka, takaona kuti vakawanda vakanga vasingagoni kuverenga nokunyora. Vakatiudza nezvechimwe chikoro chakavharwa pamusana pokushayiwa mari. Munhu aitarisira akatibvumira nomutsa kuti tishandise imwe kirasi kuitira zvidzidzo zvokuverenga nokunyora uye kudzidziramo Bhaibheri nevanhu. VaWayuu vatanhatu vakadzidza kuverenga nokunyora uye vari kufambira mberi pakudzidza kwavo Bhaibheri. Tinofara zvikuru nokufarira kwevanhu vacho, saka tiri kuronga kupinda misangano papurazi racho.”

Zvapupu zvinoverengeka zvisiri zvizvarwa zvemo zvakadzidza mutauro weWayuunaiki, uye kubatsira kwazviri kuita kunoongwa zvikuru. PaGuajira Peninsula, ungano sere nemapoka maviri zvino vava kushandisa mutauro uyu.

Zviri kuoneka kuti Jehovha ari kukomborera zviri kuitwa. Hapana mubvunzo kuti zvakawanda zvinogona kuitwa kuti mashoko akanaka aparidzwe kuvaWayuu. Tiri kutarisira kuti pachava nezvakanaka zvichaitika sezvo vaya vanoda kuziva Mwari vari kuva vadzidzi vechiKristu. Dai Jehovha akatumira vamwe vashumiri kuti vazoshanda munda uyu, wa“chenera kukohwa.”—Mateu 9:37, 38.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mepu dziri papeji 16]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

VENEZUELA

COLOMBIA

LA GUAJIRA

Manaure

Ríohacha

Uribia

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

Musasa wevaWayuu uri pasi apa: Victor Englebert