Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Yanhasi Ine Utsinye

Nyika Yanhasi Ine Utsinye

Nyika Yanhasi Ine Utsinye

MARÍA aiva nemakore 64 uye aigara oga. Akawanikwa akafa mumba make, arohwa uye akadzipwa newaya muhuro.

Mhomho yakanga yakatsamwa yakarova mapurisa matatu, ichiapomera mhosva yokuba vana vaduku vaviri. Mhomho yacho yakadira peturu mapurisa acho maviri ndokuapisa uye akafa. Mupurisa wechitatu akakwanisa kutiza.

Runhare rwakaridzwa nomumwe munhu asina kuzivikanwa rwakaita kuti vanhu vatye pane zvavakazowana. Zvitunha zvevarume vana vaiva pazororo zvakafukunurwa mune rimwe bindu. Zvakanga zvakasungwa maoko nokumeso. Kuongorora zvitunha zvavo kwakaratidza kuti vakanga vavigwa vari vapenyu.

Utsinye uhwu hahuna kuonekwa mumabhaisikopu echisimba anotyisa. Izvi zvinhu zvakaitika chaizvo uye zvaiva musoro wenhau mune imwe nyika yokuLatin America munguva ichangopfuura iyi. Asi nyika iyoyo handiyo yoga inoitika zvinhu zvinotyisa kudaro munyika nhasi.

Utsinye hwava kungoitwa kwose kwose. Kubhomba, kupfura, kuponda, kurwiswa nemagandanga, kurohwa kana kutukwa, uye kubata chibharo zvinongova zvimwe zvezvinhu zvishoma zvinoratidza utsinye. Kakawanda, maredhiyo, materevhizheni nemapepanhau zvinotaura zvakajeka nezvoutsinye huri kuitwa, uye vanhu vakawanda havachashamiswi nokuona kana kuti kunzwa nezvoutsinye hwakadaro.

Zvechokwadi ungashamisika kuti: ‘Chii chiri kuitika munyika nhasi? Kuva nehanya kwose nemanzwiro evamwe uye nokuremekedza upenyu kwakapera here?’ Nei tichifanira kurarama munyika yakadai?

Iye zvino chimbofunga nezvaHarry, mumwe murume ane makore 69 ane kenza. Mudzimai wake anorwara nechirwere chinokanganisa kuona nokutaura (multiple sclerosis), asi vavakidzani vake neshamwari vanovabatsira. “Handizivi kuti taizoita sei kudai pakanga pasina vanhu vose ava vari kutibatsira,” anodaro Harry. KuCanada, kwaanogara, kumwe kuongorora kunoratidza kuti kune vanhu vanopfuura 50 muzana vari kutarisira mumwe munhu akwegura asiri hama yavo. Hapana mubvunzo kuti unoziva nezvevanhuwo zvavo vanogara vachiratidza mutsa uye ushamwari. Chokwadi, vanhu vanokwanisa kunzwira tsitsi uye kuva nomutsa pane kuva noutsinye.

Saka nei kuine utsinye? Chii chinoita kuti vanhu vaite utsinye? Vaya vanoitira vamwe utsinye vanogona kuchinja here? Utsinye huchazombopera here? Uye kana huchizopera, huchapera sei uye rini?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Chitima: CORDON PRESS