Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungano Ngairumbidze Jehovha

Ungano Ngairumbidze Jehovha

Ungano Ngairumbidze Jehovha

“Ndichazivisa hama dzangu zita renyu; ndichakurumbidzai . . . ndiri pakati peungano.”—VAHEBHERU 2:12.

1, 2. Nei ungano ichibatsira kwazvo, uye basa rayo guru nderei?

KUBVIRA kare, vanhu vave vachiwana shamwari uye vave vachinzwa vakachengeteka mumhuri. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura nezverimwe boka revanhu vasingaverengeki pasi pose nhasi vane ushamwari hwakanaka chaizvo uye vakachengeteka. Iungano yechiKristu. Ungave uri mumhuri mune vanhu vanonyatsowirirana, vanotsigirana kana kuti kwete, unogona uye unofanira kuonga urongwa hwakaitwa naMwari hwatinowana muungano. Chokwadi, kana uri kutopinda neungano yeZvapupu zvaJehovha, zvimwe ungapupurira ushamwari hwauinahwo imomo uye kuchengeteka kwawakaita.

2 Ungano haisi bokawo zvaro rokungoshamwaridzana. Hakusi kungoshamwaridzana kwevanhu munzanga kana kuti kirabhu inoungana vanhu vane mamiriro ezvinhu akafanana kana kuti vanofarira zvakafanana mumutambo kana kuti zvimwe zvokuzvivaraidza nazvo. Asi chinangwa chikuru chourongwa hweungano ndechokurumbidza Jehovha Mwari. Izvozvo zvave zvakadaro kwenguva refu, sezvinosimbiswa nebhuku reMapisarema. Pana Pisarema 35:18, tinoverenga kuti: “Ndichakurumbidzai muungano huru; ndichakurumbidzai pakati pevanhu vazhinji.” Saizvozvowo Pisarema 107:31, 32 rinokurudzira kuti: “Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu. Ngavamurumbidze vari muungano yevanhu.”

3. Maererano naPauro, basa reungano nderei?

3 Muapostora Pauro wechiKristu akasimbisa rimwe basa rinokosha reungano paakataura nezve“imba yaMwari, iyo iri ungano yaMwari mupenyu, mbiru nechinhu chinotsigira chokwadi.” (1 Timoti 3:15) Pauro akanga ari kutaura nezveungano ipi? Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “ungano” munzira dzipi? Uye inofanira kuita sei paupenyu hwedu uye pane zvatinotarisira? Kuti tiwane mhinduro, ngatitangei taongorora mashandisiro anoita Shoko raMwari shoko rokuti “ungano.”

4. Shoko rokuti “ungano” rinowanzoshandiswa sei muMagwaro echiHebheru?

4 Shoko rechiHebheru rinowanzoshandurwa kuti “ungano” rinobva pashoko rinoreva kuti “unganidza.” (Dheuteronomio 4:10; 9:10) Munyori wepisarema akashandisa shoko rokuti “ungano” achireva ngirozi dziri kudenga, uye rinogona kushandisirwa boka revanhu vakaipa. (Pisarema 26:5; 89:5-7) Zvisinei, kazhinji Magwaro echiHebheru anowanzorishandisa pavaIsraeri. Mwari akati Jakobho ‘aizova ungano yemarudzi,’ uye izvozvo zvakaitika. (Genesisi 28:3; 35:11; 48:4) VaIsraeri vakadanwa, kana kuti vakasarudzwa, kuti vave “ungano yaJehovha,” “ungano yaMwari wechokwadi.”—Numeri 20:4; Nehemiya 13:1; Joshua 8:35; 1 Samueri 17:47; Mika 2:5.

5. Ishoko ripi rechiGiriki rinowanzoshandurwa kuti “ungano,” uye shoko iri ringashandiswa sei?

5 Shoko rinoenderana naro rechiGiriki ndiek·kle·siʹa, rinobva mumashoko maviri echiGiriki anoreva kuti “unganidza.” Rinogona kushandiswa paboka rokunyika, rakadai se“ungano” yakanyonganiswa naDhemetriyo kuti ishore Pauro muEfeso. (Mabasa 19:32, 39, 41) Asi kazhinji Bhaibheri rinoshandisa shoko racho nokuda kweungano yechiKristu. Dzimwe shanduro dzinoshandura shoko iri kuti “chechi,” asi The Imperial Bible-Dictionary rinoti “harimborevi . . . chivako chacho chaicho munoungana vaKristu kuti vanamate.” Zvisinei, zvinofadza kuti muMagwaro echiKristu echiGiriki, tinowana shoko rokuti “ungano” richishandiswa munenge munzira ina dzakasiyana-siyana.

Ungano yaMwari Yevakazodzwa

6. Dhavhidhi naJesu vakaitei muungano?

6 Achishandisa mashoko aDhavhidhi kuna Jesu ari muPisarema 22:22, muapostora Pauro akanyora kuti: “‘Ndichazivisa hama dzangu zita renyu; ndichakurumbidzai nenziyo ndiri pakati peungano.’ Naizvozvo [Jesu] aisungirwa kuti ave se‘hama’ dzake muzvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka muzvinhu zvine chokuita naMwari.” (VaHebheru 2:12, 17) Dhavhidhi akanga arumbidza Mwari pakati peungano yeIsraeri yekare. (Pisarema 40:9) Zvisinei, Pauro akanga achitaura nezvei paakati Jesu akarumbidza Mwari ari “pakati peungano”? Yaiva ungano ipi?

7. Magwaro echiKristu echiGiriki anoshandisa sei shoko rokuti “ungano” munzira inokosha?

7 Zvatinoverenga pana VaHebheru 2:12, 17 zvinokosha. Zvinoratidza kuti mupfungwa yakazara, Kristu aiva nhengo yeungano, imomo aizivisa zita raMwari kuhama dzake. Hama idzodzo dzaiva vanaani? Dzaiva vaya vanoumba vamwe ve“vana vaAbrahamu,” hama dzaKristu dzakazodzwa nomudzimu, “dzinogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga.” (VaHebheru 2:16–3:1; Mateu 25:40) Kutaura zvazviri, pfungwa inokosha ye“ungano” muMagwaro echiKristu echiGiriki ndeyokuti iboka rine nhengo dzakawanda dzevateveri vaKristu vakazodzwa nomudzimu. Ava vakazodzwa vane 144 000 vanoumba “ungano yematangwe akanyorwa kumatenga.”—VaHebheru 12:23.

8. Jesu akafanotaura kuti chii nezvokuumbwa kweungano yechiKristu?

8 Jesu akataura kuti “ungano” iyi yechiKristu yaizofanira kuumbwa. Rinenge gore asati afa, akaudza mumwe muapostora kuti: “Ndiwe Petro, uye padombo guru iri ndichavakira ungano yangu, uye magedhi eHadhesi haazoikundi.” (Mateu 16:18) Petro naPauro vakanyatsonzwisisa kuti Jesu pachake ndiye aiva dombo guru rakafanotaurwa. Petro akanyora kuti vaya vanovakwa se“matombo mapenyu” eimba yomudzimu padombo guru, Kristu, vaiva ‘vanhu chaivo, kuti vazivise kwose kwose kunaka’ kwoUya akavadana.—1 Petro 2:4-9; Pisarema 118:22; Isaya 8:14; 1 VaKorinde 10:1-4.

9. Ungano yaMwari yakatanga kuumbwa rini?

9 ‘Vanhu chaivo’ ava vakatanga rini kuumbwa kuti vave ungano yechiKristu? Paiva paPendekosti ya33 C.E. Mwari paakadurura mudzimu mutsvene pavadzidzi vakanga vakaungana muJerusarema. Gare gare musi iwoyo, Petro akapa hurukuro yaibaya mwoyo kuboka revaJudha nevanhu vakanga vatendeuka. Vakawanda vakabayiwa mwoyo nezvokufa kwaJesu; vakapfidza ndokubhabhatidzwa. MuBhaibheri tinowana mashoko anoti vanhu zviuru zvitatu vakabhabhatidzwa, vachibva vava muungano yaMwari itsva yakanga ichikura. (Mabasa 2:1-4, 14, 37-47) Yaikura nokuti vaJudha vakawanda uye vanhu vakanga vachitendeuka vakabvuma chokwadi chokuti vaIsraeri sorudzi vakanga vasisiri ungano yaMwari. Asi vaKristu vakazodzwa vanoumba “Israeri waMwari” womudzimu ndivo vakanga vava ungano yechokwadi yaMwari.—VaGaratiya 6:16; Mabasa 20:28.

10. Jesu ane ukama hwei neungano yaMwari?

10 Bhaibheri rinowanzosiyanisa Jesu nevaya vakazodzwa, zvakadai somumashoko okuti “pamusoro paKristu neungano.” Jesu ndiye Musoro weungano iyi yevaKristu vakazodzwa nomudzimu. Pauro akanyora kuti Mwari “akaita kuti [Jesu] ave musoro wezvinhu zvose kuungano, iyo iri muviri wake.” (VaEfeso 1:22, 23; 5:23, 32; VaKorose 1:18, 24) Nhasi, pasi pano pangosara vashomanana venhengo dzakazodzwa dzeungano iyi. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti Musoro wavo, Jesu Kristu, anovada. Kuti anonzwa sei nezvavo kunorondedzerwa pana VaEfeso 5:25, panoti: “Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” Anovada nokuti vanoshingaira kupa Mwari “chibayiro chokurumbidza . . . , chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake,” kunyange sezvakaita Jesu paakanga ari pasi pano.—VaHebheru 13:15.

Mamwe Mashandisirwo Anoitwa Shoko Rokuti “Ungano”

11. Magwaro echiKristu echiGiriki anoshandisa shoko rokuti “ungano” munzira ipi yechipiri?

11 Dzimwe nguva, Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “ungano” mupfungwa isina kunyanya kujeka kana kuti yakajeka, risingashandisi shoko racho kuboka rose revaya vakazodzwa vane 144 000 vanoumba “ungano yaMwari.” Somuenzaniso, Pauro akanyorera rimwe boka revaKristu kuti: “Musava zvinhu zvinogumbura kuvaJudha pamwe chete nevaGiriki neungano yaMwari.” (1 VaKorinde 10:32) Zviri pachena kuti kana muKristu womuKorinde yekare aizoita zvisina kururama, izvozvo zvaizogumbura vamwe. Kunyange zvakadaro, zvaizobvira here kuti zvakaipa izvozvo zvigumbure vaGiriki vose, vaJudha, kana kuti vaya vakazodzwa kubvira panguva iyoyo kusvikira nhasi? Kwete. Saka zvinoita sokuti mundima iyi “ungano yaMwari” inoreva vaKristu vanorarama pane imwe nguva. Saizvozvowo, mumwe angataura nezvokutungamirira, kutsigira, kana kuti kukomborera ungano kunoitwa naMwari, kureva vaKristu vose vanenge vararama pane imwe nguva, chero kwavangava. Kana kuti tinogona kutaura nezvomufaro norugare zviri muungano yaMwari nhasi, kureva pahama dzose dzechiKristu.

12. Shoko rokuti “ungano” rinoshandiswa muBhaibheri mupfungwa ipi yechitatu?

12 Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “ungano” munzira yechitatu kureva vaKristu vose vanenge vari pane imwe nzvimbo. Tinoverenga kuti: “Ungano yacho muJudhiya mose nomuGarireya nomuSamariya yakabva yapinda munguva yorugare.” (Mabasa 9:31) Munzvimbo iyoyo yakakura maiva nemapoka akawanda evaKristu, asi ose aiva muJudhiya, Garireya, neSamariya ainzi “ungano.” Tichifunga nezvenhamba yevakabhabhatidzwa paPendekosti ya33 C.E. uye nokukurumidza pashure pacho, mungave maiva nemapoka akawanda aiungana nguva dzose muJerusarema. (Mabasa 2:41, 46, 47; 4:4; 6:1, 7) Herodhi Agripa I akatonga Judhiya kusvikira paakafa muna 44 C.E., uye kubva pana 1 VaTesaronika 2:14 zvakajeka kuti panenge pakazosvika gore ra50 C.E., muJudhiya makanga mava neungano dzinoverengeka. Saka, patinoverenga kuti Herodhi akanga ‘achiitira vamwe veungano zvakaipa,’ izvi zvingareva kumapoka anoverengeka aiungana muJerusarema.—Mabasa 12:1.

13. Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “ungano” munzira ipi yechina uye inozivikanwa zvikuru?

13 Nzira yechina yemamwezve mashandisirwo eshoko rokuti “ungano” akajairika asi asinganyanyi kushandiswa inoreva vaKristu vanenge vachiumba ungano imwe chete, sepamusha. Pauro akataura nezve“ungano dzeGaratiya.” Muruwa irworwo rweRoma rwakanga rwakakura maiva neungano dzakawanda dzakadaro. Kaviri Pauro akashandisa shoko rokuti “ungano” riri muuzhinji achitaura nezvenzvimbo yeGaratiya, shoko racho raizorevawo ungano dziya dzaiva muAndiyoki, Dhebhe, Ristra, neIkoniyumu. Varume vakuru vakakodzera, kana kuti vatariri, vaigadzwa muungano dzaiva munzvimbo idzi. (1 VaKorinde 16:1; VaGaratiya 1:2; Mabasa 14:19-23) Maererano neMagwaro, dzose idzi dzaiva “ungano dzaMwari.”—1 VaKorinde 11:16; 2 VaTesaronika 1:4.

14. Tingagumisa tichiti kudini nezvokushandiswa kweshoko rokuti “ungano” mumagwaro mashomanana?

14 Pane dzimwe nguva, mapoka epamisangano yechiKristu anofanira kunge aive maduku, kuti akwane mumba mehama. Kunyange zvakadaro, shoko rokuti “ungano” raishandiswa pamapoka maduku akadaro. Atinoziva nezvawo iungano dzaiva kumba kwaAkwira naPrisira, Nimufa, naFirimoni. (VaRoma 16:3-5; VaKorose 4:15; Firimoni 2) Izvi zvinofanira kukurudzira ungano duku zvikuru nhasi dziya dzinogara dzichiungana mudzimba dzehama. Jehovha aiziva ungano duku dzakadaro muzana remakore rokutanga, uye zvechokwadi anodaro nhasi, achidzikomborera nomudzimu wake.

Ungano Dzinorumbidza Jehovha

15. Zvaioneka sei kuti mudzimu mutsvene waishanda muungano dzepakutanga?

15 Tataura kuti mukuzadzika Pisarema 22:22, Jesu akarumbidza Mwari ari pakati peungano. (VaHebheru 2:12) Vateveri vake vakatendeka vaifanirawo kuita saizvozvo. Kare muzana remakore rokutanga vaKristu vechokwadi pavaizodzwa nomudzimu mutsvene kuti vave vanakomana vaMwari vova hama dzaKristu, vamwe vakawedzerwa mudzimu mutsvene, uye nenzira inokosha. Vakagamuchira zvipo zvinoshamisa zvomudzimu. Zvimwe zvairatidza kuti vaiva nezvipo izvi kwaiva kutaura nouchenjeri kana kuti zivo yavaiva nayo, simba rokurapa kana rokuprofita, kana kuti kunyange kukwanisa kutaura nendimi dzavakanga vasingazivi.—1 VaKorinde 12:4-11.

16. Chimwe chinangwa chezvipo zvinoshamisa zvomudzimu chaiva chei?

16 Nezvokutaura nendimi, Pauro akati: “Ndichaimba rwiyo rwokurumbidza nechipo chomudzimu, asi ndichaimbawo rwiyo rwokurumbidza nepfungwa dzangu.” (1 VaKorinde 14:15) Akaona kuti zvaikosha kuti vamwe vanzwisise shoko rake kuitira kuti naivowo varayiridzwe. Chinangwa chaPauro chaiva chokurumbidza Jehovha muungano. Akakurudzira vamwe vaiva nezvipo zvomudzimu achiti: “Tsvakai kuwedzera mazviri kuti ungano ivakwe,” kureva ungano yavo mavaishandisira zvipo zvavo. (1 VaKorinde 14:4, 5, 12, 23) Zviri pachena kuti Pauro aifarira ungano idzodzo, achiziva kuti mune imwe neimwe, vaKristu vaizova nemikana yokurumbidza Mwari.

17. Nezveungano dzedu nhasi, tinogona kuva nechokwadi chei?

17 Jehovha ari kuramba achishandisa uye achitsigira ungano yake. Ari kukomborera boka revaKristu vakazodzwa vari pasi pano nhasi. Izvi zvinogona kuoneka nokupiwa kuri kuitwa vanhu vaMwari zvokudya zvakawanda zvine chokuita nokunamata. (Ruka 12:42) Ari kukomborera ukama hwomunyika yose. Uye ari kukomborera ungano dziri kunzvimbo dzatinogara, kwatinorumbidza Musiki wedu nezvatinoita uye nemhinduro dzedu dzinosimbisa kutenda. Ikoko tinodzidziswa uye tinorovedzwa kuitira kuti tigone kurumbidza Mwari mune mamwe mamiriro ezvinhu, patinenge tisiri kuungano kwedu.

18, 19. VaKristu vakazvipira vari muungano chero ipi zvayo vanoda kuitei?

18 Yeuka kuti muapostora Pauro akakurudzira vaKristu muungano yomuFiripi, kuMakedhoniya achiti: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti . . . muzadzwe nechibereko chakarurama, chinouya pachishandiswa Jesu Kristu, kuti Mwari akudzwe uye arumbidzwe.” Izvozvo zvaizosanganisira kutaura kwavo kune vamwe, kuvanhu vokunze, nezvokutenda kwavo muna Jesu uye tariro yavo inoshamisa. (VaFiripi 1:9-11; 3:8-11) Saizvozvowo, Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Ngatigarei tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza [nokuna Jesu], icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.”—VaHebheru 13:15.

19 Unofara here kurumbidza Mwari uri “pakati peungano,” sezvaiita Jesu, uye kushandisa miromo yako kurumbidza Jehovha pamberi pevaya vasati vava kumuziva uye vasati vava kumurumbidza? (VaHebheru 2:12; VaRoma 15:9-11) Pamwero wakati, mhinduro yedu ingabva pakuti tinonzwa sei nezvebasa reungano yedu muchinangwa chaMwari. Munyaya inotevera, ngatikurukurei kuti Jehovha ari kutungamirira uye ari kushandisa sei ungano yokwedu uye kuti basa rayo rinofanira kuva rei muupenyu hwedu nhasi.

Unoyeuka Here?

• “Ungano yaMwari” inoumbwa nevaKristu vakazodzwa yakavapo sei?

• Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “ungano” mudzimwezve nzira nhatu dzipi?

• Nezveungano, Dhavhidhi, Jesu, uye vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaida kuitei, uye izvi zvinofanira kuita kuti tiite sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Jesu aiva nheyo yeungano ipi?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mapoka evaKristu vomunzvimbo imwe chete aiungana se“ungano dzaMwari”

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kufanana nevaKristu vomuBenin, tinogona kurumbidza Jehovha pamapoka evanhu vakaungana