Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungano Ngaivakwe

Ungano Ngaivakwe

Ungano Ngaivakwe

‘Ungano yakapinda munguva yorugare, ichivakwa.’—MABASA 9:31.

1. Mibvunzo ipi ingabvunzwa nezve“ungano yaMwari”?

PAZUVA rePendekosti ya33 C.E., Jehovha akagamuchira boka revadzidzi vaKristu sorudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Sezvinotaurwa neBhaibheri, vaKristu ava vakazodzwa nomudzimu vakavawo “ungano yaMwari.” (1 VaKorinde 11:22) Zvisinei, izvozvo zvaisanganisira chii? “Ungano yaMwari” yaizorongwa sei? Yaizoshanda sei pasi pano, pasinei nokwaigara nhengo dzayo? Uye upenyu hwedu nomufaro zvinobatanidzwa sei?

2, 3. Jesu akaratidza sei kuti ungano yaizova yakarongeka?

2 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Jesu akafanotaura nezvokuvapo kweungano iyi yevateveri vakazodzwa, achiudza muapostora Petro kuti: “Padombo guru iri [Jesu Kristu] ndichavakira ungano yangu, uye magedhi eHadhesi haazoikundi.” (Mateu 16:18) Uyezve, Jesu paakanga achine vaapostora vake, akataura mashandiro uye marongerwo eungano iyoyo yakanga yoda kutangwa.

3 Jesu akadzidzisa neshoko uye nezvaaiita zvairatidza kuti muungano maizova nevamwe vaizotungamirira. Vaizotungamirira nokushandira vamwe vaiva muboka ravo kana kuti kuvashumira. Kristu akati: “Imi munoziva kuti vaya vanonzi vanotonga marudzi vanozviita madzishe paari uye vakuru vavo vanoshandisa simba paari. Izvi hazvina kudaro pakati penyu; asi munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wevamwe vose.” (Mako 10:42-44) Zviri pachena kuti “ungano yaMwari” yaisazova nevanhu vakangopararira, vakaparadzana nevamwe, ichiita seungano isina kurongeka. Asi yaizova yakarongeka, iine vanhu vanoshanda pamwe chete uye vanokurukurirana.

4, 5. Tinoziva sei kuti ungano yaizoda kurayiridzwa mune zvokunamata?

4 Uya aizova Musoro we“ungano yaMwari” iyoyo akati vaapostora vake nevamwe vakanga vadzidza kwaari vaizova nemabasa avaizoita muungano. Vaizoitei? Basa ravo guru raizova rokupa mirayiridzo yezvokunamata kune vaya vari muungano. Yeuka kuti paakanga ari pakati pevamwe vaapostora, Jesu akanga amutswa akati kuna Petro: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akapindura kuti: “Hungu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Jesu akati kwaari: “Dyisa makwayana angu. . . . Fudza makwai angu maduku. . . . Dyisa makwai angu maduku.” (Johani 21:15-17) Raiva basa rinokosha kwazvo!

5 Tinogona kuona kubva mumashoko aJesu kuti vaya vaiunganidzwa muungano vanofananidzwa nemakwai ari mudanga. Makwai aya—varume, vakadzi nevana vechiKristu—vaifanira kudyiswa mune zvokunamata uye kunyatsofudzwa. Uyezve, sezvo Jesu akarayira vateveri vake vose kuti vadzidzise vamwe uye kuti vaite kuti vanhu vave vadzidzi, vatsva vapi nevapi vaizova makwai ake vaifanira kudzidziswa kuita basa iroro rakanga rarayirwa naMwari.—Mateu 28:19, 20.

6. Urongwa hupi hwakaitwa mu“ungano yaMwari” yakanga ichangotangwa?

6 Pakangotangwa “ungano yaMwari,” vaya vaiva muungano iyi vaigara vachiungana ku- ti varayiridzwe uye kuti vakurudzirane: “Vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora uye pakugoverana, pazvokudya nepaminyengetero.” (Mabasa 2:42, 46, 47) Mamwe mashoko anozivikanwa zvikuru munhau dzakaitika ndeokuti vamwe varume vaikwanisa vaisarudzwa kuti vabatsire kutarisira dzimwe nyaya dzinobatsira. Vakanga vasingasarudzwi pamusana pokuti vakanga vakadzidza zvikuru, kana kuti vaiva nounyanzvi hwokushandisa michina. Varume ava vakanga “vazere nomudzimu nouchenjeri.” Mumwe wavo aiva Stefani, uye nhoroondo yacho inotaura kuti “murume akanga azere nokutenda nomudzimu mutsvene.” Nemhaka yokuti vakanga vakarongeka muungano, “shoko raMwari rakaramba richikura, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera kwazvo muJerusarema.”—Mabasa 6:1-7.

Varume Vaishandiswa naMwari

7, 8. (a) Vaapostora nevarume vakuru muJerusarema vaishumira sechii pavaKristu vekare? (b) Chii chakaguma chaitika murayiridzo pawakapiwa nokuungano?

7 Zvinonzwisisika kuti vaapostora ndivo vaitungamirira muurongwa hweungano hwepakutanga, asi vakanga vasiri ivo voga. Pane imwe nguva, Pauro neshamwari dzake vakadzokera kuAndiyoki yeSiriya. Mabasa 14:27 inoti: “Pavakanga vasvika uye vaunganidza ungano, vakabva varondedzera zvinhu zvizhinji izvo Mwari akanga aita achivashandisa.” Pavakanga vachiri kupinda neungano iyoyo, mubvunzo wakamuka kana Vemamwe Marudzi vaifanira kudzingiswa. Kuti vagadzirise nyaya yacho, Pauro naBhanabhasi vakatumwa “kuvaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema,” vaishumira sedare rinodzora.—Mabasa 15:1-3.

8 Jakobho, mumwe mukuru wechiKristu, munun’una waJesu nokuna amai asi asiri muapostora, akatungamirira apo “vaapostora nevarume vakuru vakaungana kuti vaone nezvenyaya iyi.” (Mabasa 15:6) Pashure pokunge vakurukura uye vafungisisa uye vachibatsirwa nomudzimu mutsvene, vakapa mhedziso yaienderana neMagwaro. Vakatumira izvi mutsamba kuungano dzokwavo. (Mabasa 15:22-32) Vaya vakagamuchira mashoko aya vakaabvuma uye vakaashandisa. Zvikaguma nei? Hama nehanzvadzi dzakavakwa uye dzakakurudzirwa. Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo, chokwadi, ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.”—Mabasa 16:5.

9. Mabasa api anotaurwa neBhaibheri anofanira kuitwa nevarume vechiKristu vanokwanisa?

9 Asi ungano dzaiva mune dzimwe nzvimbo dzaizoshanda sei zuva nezuva? Somuenzaniso, chimbofunga nezveungano dzaiva pachitsuwa cheKrete. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vaigara ipapo vaiva nomukurumbira wakaipa, vamwe vakachinja ndokuva vaKristu vechokwadi. (Tito 1:10-12; 2:2, 3) Vaigara mumaguta akasiyana-siyana, uye vose vaiva kure nedare rinodzora muJerusarema. Zvisinei, iroro rakanga risiri dambudziko rakakura nokuti “varume vakuru” mune zvokunamata vaigadzwa muungano imwe neimwe kuKrete, sezvaingoitwa kune dzimwe nzvimbo. Varume ivavo vaiva nezvinodiwa zvatinowana muBhaibheri. Vaigadzwa kuva vakuru, kana kuti vatariri, vaigona ‘kurayira vachishandisa kudzidzisa kunopa utano uye kutsiura vaya vaipikisa.’ (Tito 1:5-9; 1 Timoti 3:1-7) Vamwe varume vakasimba pakunamata vaikwanisa kubatsira ungano vari vashumiri vanoshumira, kana kuti madhikoni.—1 Timoti 3:8-10, 12, 13.

10. Maererano naMateu 18:15-17, zvinetso zvikuru zvaizogadziriswa sei?

10 Jesu akati urongwa hwakadaro hwaizovapo. Yeuka nhoroondo iri pana Mateu 18:15-17, paakati dzimwe nguva zvinetso zvingamuka pakati pevanhu vaMwari vaviri, pavanotadzirana. Uya akatadzirwa aifanira kutaura nomumwe wacho ‘obudisa pachena mhosva yake’ vari voga, vachingova vaviri. Kana danho iroro risina kupedza nyaya yacho, mumwe chete kana vaviri vaiziva nezvazvo vaigona kushevedzwa kuti vabatsire. Zvakadini kana nyaya yacho yainge isina kupera? Jesu akati: ‘Kana akasavateerera, taura neungano. Kana akasateerera kunyange ungano, ngaave kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.’ Jesu paakataura izvozvo, vaJudha vakanga vachiri kuumba “ungano yaMwari,” saka pakutanga mashoko ake aishanda kwavari. * Zvisinei, ungano yechiKristu payakangotangwa, murayiridzo waJesu waizoshandiswa muungano. Ichi ndechimwe chiratidzo chokuti vanhu vaMwari vaizova nourongwa hweungano kuitira kuti muKristu mumwe nomumwe avakwe uye atungamirirwe.

11. Vakuru vaiita basa rei pakugadzirisa zvinetso?

11 Zvakakodzera kuti vakuru, kana kuti vatariri vaizomiririra ungano yavo pakubata kana kuti kugadzirisa zvinhu zvinenge zvichinetsa kana kuti pakutonga vanhu vanenge vaita zvivi. Izvi zvinoenderana nezvinotarisirwa vakuru zviri pana Tito 1:9. Chokwadi, vakuru vomuungano vakanga vasina kukwana, sezvakanga zvakaita Tito, akatumwa naPauro kuungano kuti a“ruramise zvinhu zvakanga zvisina kururama.” (Tito 1:4, 5) Nhasi, vaya vanogadzwa sevakuru vanofanira kunge varatidza kutenda kwavo uye kuzvipira kwavo kwenguva yakati. Saka vamwe vari muungano vane chikonzero chokuvimba nemirayiridzo uye kutungamirira kunoitwa pachishandiswa urongwa uhwu.

12. Vakuru vanoita basa rei muungano?

12 Kuvakuru veungano yeEfeso, Pauro akati: “Zvichenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa pariri nomudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake.” (Mabasa 20:28) Nanhasiwo vatariri veungano vanogadzwa kuti va“fudze ungano yaMwari.” Vanofanira kuita izvozvo norudo, kwete kuzviita madzishe kuboka. (1 Petro 5:2, 3) Vatariri vanofanira kuedza kuvaka uye kubatsira “boka rose.”

Kuramba Uri Pedyo Chaizvo Neungano

13. Dzimwe nguva, chii chingaitika muungano, uye nei?

13 Vakuru uye vamwe vose vari muungano havana kukwana, saka nguva nenguva, panova nokusanzwisisana kana kuti zvinetso, sezvaiitika muzana remakore rokutanga vamwe vaapostora pavakanga vachiripo. (VaFiripi 4:2, 3) Mutariri kana kuti mumwe munhu angataura chimwe chinhu chingaita sokusaremekedza, kusava nomutsa, kana kuti chisiri chechokwadi chaizvoizvo. Kana kuti tingafunga kuti chimwe chinhu chisiri chepaMagwaro chiri kuitika, asi zvinoita sokuti kunyange zvazvo vakuru vari muungano vachizviziva, havasi kuchigadzirisa. Chokwadi, kungava kuti nyaya yacho yakagadziriswa kana kuti iri kugadziriswa maererano neMagwaro uye nezvimwewo zvinhu zvatisingazivi. Asi kunyange tikafunga kuti ndizvo zvakaitika, ngatifungei izvi: Muungano yaidiwa naJehovha yeKorinde makambova nomunhu akatadza zvikuru. Nokufamba kwenguva, Jehovha akaita kuti kutadza kwacho kugadziriswe, zvakarurama uye zvakasimba. (1 VaKorinde 5:1, 5, 9-11) Tingazvibvunza kuti, ‘Kudai ndaigara muKorinde kare ikako, ndingadai ndakaita sei panguva iyi?’

14, 15. Nei vamwe vakarega kutevera Jesu, zvichitipa chidzidzo chipi?

14 Chimbofunga zvimwe zvingangoitika muungano. Ngatitii munhu anoona imwe dzidziso yeMagwaro yakaoma kunzwisisa uye kugamuchira. Angave akatsvakurudza muBhaibheri uye mumabhuku anowanikwa nokuungano uye akatsvaka kubatsirwa nevamwe vaKristu vane ruzivo mukunamata, kunyange vakuru. Asi zvichakamuomera kunzwisisa kana kuti kugamuchira pfungwa yacho. Angaita sei? Chimwe chinhu chakafanana chakaitika rinenge gore Jesu asati afa. Akati aiva “chingwa choupenyu” uyewo kuti munhu ararame nokusingaperi aifanira ‘kudya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake.’ Izvozvo zvakashamisa vamwe vadzidzi vake. Pane kuti vabvunze kana kuti vangomirira vaine kutenda, vadzidzi vakawanda “vakanga vasingachafambizve na[Jesu].” (Johani 6:35, 41-66) Zvekare, kudai taivapo, tingadai takaita sei?

15 Mazuva ano, vamwe vakarega kupinda neungano yavo, vachifunga kuti vanogona kushumira Mwari vari voga. Vangati imhaka yokuti vakagumburwa, vanofunga kuti chakakanganiswa hachisi kugadziriswa, kana kuti havagoni kugamuchira imwe dzidziso. Zvavanoita zvine musoro here? Kunyange chiri chokwadi kuti muKristu mumwe nomumwe anofanira kuva noukama naMwari, hatigoni kuramba kuti ari kushandisa ungano yomunyika yose, sezvaaiita muzuva revaapostora. Uyezve, Jehovha aishandisa uye aikomborera ungano muzana remakore rokutanga, achironga kuti vakuru nevashumiri vanoshumira vanokwanisa vabatsire ungano. Izvozvo ndizvo zviri kuitikawo nhasi.

16. Kana akanzwa achida kusiya ungano, munhu anofanira kufunga nezvechii?

16 Kana muKristu achifunga kuti anogona kuvimba noukama hwake naMwari chete, ari kuramba urongwa hwaMwari hwaakagadza—hweungano yomunyika yose uye hweungano dzevanhu vaMwari dzekwaanogara. Munhu wacho angave achinamata Mwari ari oga kana kuti achingoshamwaridzana nevanhu vashomanana, asi kana zvakadaro chinangwa chokuva nevakuru veungano uye vashumiri vanoshumira ndechei? Zvinokosha kuti Pauro paakanyorera ungano yomuKorose ndokurayira kuti tsamba yacho iverengwewo muRaodhikiya, akataura ‘nezvokudzika midzi uye kuvakwa muna Kristu.’ Vaya vaiva muungano, kwete vanhu vaizviparadzanisa neungano, vaizobatsirwa nourongwa uhwu.—VaKorose 2:6, 7; 4:16.

Mbiru Nechinhu Chinotsigira Chokwadi

17. Ko 1 Timoti 3:15 inoratidzei nezveungano?

17 Mutsamba yake yokutanga yaakanyorera mukuru wechiKristu Timoti, muapostora Pauro akataura zvinodiwa pavakuru nevashumiri vanoshumira muungano dzavo. Angopedza kutaura izvozvo, Pauro akataura nezve“ungano yaMwari mupenyu,” achiti iyi i“mbiru nechinhu chinotsigira chokwadi.” (1 Timoti 3:15) Ungano yose yevaKristu vakazodzwa zvechokwadi yakaratidza kuva mbiru yakadaro muzana remakore rokutanga. Uye ichokwadi kuti urongwa chaihwo hwokuti muKristu mumwe nomumwe awane chokwadi chakadaro hwaienderana neungano yaaipinda nayo. Ndiko kwavaigona kunzwa chokwadi chichidzidziswa uye chichitsigirwa, ndiko kwavaigona kuvakwa.

18. Nei misangano yeungano ichikosha?

18 Saizvozvowo, ungano yechiKristu yomunyika yose iimba yaMwari, “mbiru nechinhu chinotsigira chokwadi.” Kupinda misangano nguva dzose uye kugara tiine zvatinoitawo pamisangano yeungano yedu inzira inokosha yokuti tivakwe, tisimbiswe muukama hwedu naMwari, uye tigadzirire kuita zvaanoda. Achinyorera ungano yaiva muKorinde, Pauro akaomerera pane zvakanga zvataurwa pamisangano yakadaro. Akanyora kuti aida kuti zvakanga zvataurwa pamisangano yavo zvive zvakajeka uye zvinzwisisike kuitira kuti vaya vaipinda ‘vavakwe.’ (1 VaKorinde 14:12, 17-19) Isu nhasi tinogona kukurudzirwawo kana tichiziva kuti Jehovha Mwari akabvumira kuti kwatinogara kuve neungano uye kuti ari kuhutsigira.

19. Nei uchifanira kunzwa uchida kuramba uri muungano yenyu?

19 Chokwadi, kana tichida kuvakwa sevaKristu, tinofanira kuramba tiri muungano. Kwenguva refu yave ichidzivirira padzidziso dzenhema, uye Mwari ave achiishandisa kuitira kuti mashoko akanaka oUmambo hwaMesiya wake aziviswe pasi pose. Hapana mubvunzo kuti Mwari ave achiita zvakawanda achishandisa ungano yechiKristu.—VaEfeso 3:9, 10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Nyanzvi yeBhaibheri Albert Barnes yakati murayiro waJesu woku“taura neungano” waigona kureva “vaya vanobvumirwa kuongorora nyaya dzakadaro—vamiririri vechechi. Musinagogi rechiJudha maiva nevakuru vaishumira sevatongi, uye nyaya dzakaita seidzi dzaiendeswa kwavari.”

Ungayeuka Here?

• Nei tichifanira kutarisira kuti Mwari aizoshandisa ungano dziri pasi pano?

• Kunyange zvazvo vakuru vasina kukwana, vanoita basa rei muungano?

• Uri kuvakwa sei neungano yenyu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vaapostora nevarume vakuru muJerusarema vaishumira sedare rinodzora

[Mufananidzo uri papeji 28]

Vakuru nevashumiri vanoshumira vanopiwa mirayiridzo kuitira kuti vagone kuita mabasa avo eungano