Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Tingadzidzei pamufananidzo waJesu womunhu akanga agamuchira vaeni akaramba achisimbirira kukumbira? (Ruka 11:5-10)

Mufananidzo uyu unoratidza zvatinofanira kuita patinonyengetera. Tinofanira kuramba tichikumbira, zvikurukuru mudzimu mutsvene waMwari. (Ruka 11:11-13)—12/15, mapeji 20-2.

• Mufananidzo waJesu wechirikadzi nomutongi unotidzidzisei? (Ruka 18:1-8)

Unoratidza kuti tinofanira kunyengetera. Kusiyana nomutongi uya, Jehovha akarurama uye anoda kutibatsira. Uyezve, tinofanira kuva nokutenda sokwechirikadzi yomumufananidzo wacho.—12/15, mapeji 26-8.

• Nei muapostora Pauro akaudza vaKristu vokuKorinde kuti ‘vawedzere’? (2 VaKorinde 6:11-13)

Zvinoita sokuti vamwe vaiva muKorinde vakanga vasingakoshesi vavainamata navo, vasina mutsa uye vaingouitira vashomanana chete. Tinofanira kuedza kukoshesa zvechokwadi vatinonamata navo, kunyange kuedza kutsvaka dzimwe shamwari itsva.—1/1, mapeji 9-11.

• Kuiswa chisimbiso kupi kunotaurwa pana Zvakazarurwa 7:3?

Mwari paanozodza vaKristu nomudzimu mutsvene, vanoiswa chisimbiso kokutanga. Asi Zvakazarurwa 7:3 inotaura nezvokuisa chisimbiso kokupedzisira, vakazodzwa ivavo pavanonyatsoratidza kuti vakavimbika.—1/1, mapeji 30-1.

• Vabereki vangadzidzei pane zvakanyorwa muBhaibheri nezvaSamueri?

Kutanga, vanofanira kudzidzisa vana vavo shoko raMwari, sokudzidziswa kwakaitwa Samueri nevabereki vake. Uyezve, vanofanira kukurudzira vana vavo kuti vaone kushumira Jehovha sebasa ravo.—1/15, peji 16.

• Tingaratidza sei kuti tinofarira kumirira Jehovha?

Tiri ku“mirira . . . zuva raJehovha,” tichitarisira kuzorodzwa paanobvisa vanhu vose vasingadi Mwari. (2 Petro 3:7, 12) Kunyange zvazvo Jehovha achida kugumisa uipi hwose, ari kuzvidzora kuitira kuti aponese vaKristu nenzira ichaita kuti zita rake rikudzwe. Tinofanira kuvimba kuti Jehovha anoziva nguva yakakodzera yokuita izvi, uye panguva ino, tinofanira kushingaira kumurumbidza. (Pisarema 71:14, 15)—3/1, mapeji 17-18.

• Noa akapinza muareka mhuka nomwe pamhuka imwe neimwe yakachena here kana kuti mapoka manomwe embiri mbiri?

Noa akaudzwa kuti ‘atore nomwe nomwe’ pamhuka imwe neimwe yakachena. (Genesisi 7:1, 2) MuchiHebheru, shoko rokuti “nomwe” chaizvoizvo rinoreva kuti “nomwe nomwe.” Matauriro akadaro haarevi kuti mapoka manomwe embiri mbiri, sezvinoratidzwa nemamwe magwaro eBhaibheri. Zviri pachena kuti Noa akatora mhuka nomwe parudzi rwemhuka imwe neimwe, mapoka matatu emhuka mbiri mbiri uye imwe mhuka yaaizoshandisa pave paya muchibayiro. (Genesisi 8:20)—3/15, peji 31.

• Nei vaKristu vachifanira ‘kucherechedza’ mugumisiro wokutenda kwevakuru, vaya vari kutungamirira?

Muapostora Pauro anotikumbira kuti ‘ticherechedze,’ kana kuti tinyatsoongorora, mugumisiro womufambiro wakatendeka wevakuru uye kuti titevedzere mienzaniso yakadaro yokutenda. (VaHebheru 13:7) Tinoita izvi nokuti tinonzi tidaro neShoko raMwari. Uyewo, tinobvuma kuti vakuru vane hanya nezvinhu zvine chokuita noUmambo uye vanotifarira kwazvo.—4/1, peji 28.