Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Utsinye Huchazombopera Here?

Utsinye Huchazombopera Here?

Utsinye Huchazombopera Here?

VAKAWANDA vangabvuma nyore nyore kuti udyire ndihwo huri kunyanya kukonzera utsinye munyika nhasi. Kusimbiswa kwemararamiro oudyire kuri kuramba kuchiwedzera kwaita kuti pave nevanhu vakawanda vanonyanya kuzvida. Vakawanda vachaita zvose zvavanokwanisa kuti vawane zvavanoda, kazhinji zvichiguma nokuita utsinye. Izvi hazvingoitwi nomunhu mumwe nomumwe asiwo munyika yose.

Upenyu hwevamwe vanhu hahuchaiti sohunokosha. Vamwe vanotonakidzwa noutsinye. Vanoona huchinakidza, kufanana nematsotsi anoreurura kuti anokuvadza vamwe nokuti zvinoanakidza. Uye zvakadini nemamiriyoni anofarira mafirimu anobudisa zvechisimba noutsinye, anokurudzira vanoabudisa kuti vawane purofiti kubva mumafirimu akadaro? Kugara vachiona utsinye mumaredhiyo, mumapepanhau, mumaTV kunongoita kuti vakawanda vave nemwoyo wakaoma.

Kazhinji utsinye hunokanganisa pfungwa uye ndihwo hunozokonzera kuti munhu ade kutsiva. Achitaura nezvechisimba chinokonzerwa noutsinye, Noemí Díaz Marroquín, anodzidzisa paNational Autonomous University of Mexico, anoti: “Chisimba chinoita zvokudzidzwa, itsika yedu . . . Tinodzidza chisimba kana kwatinogara kuchiitwa chisimba uye chichikurudzirwa.” Saka, vaya vangave vasina kubatwa zvakanaka vangangoguma vava kubatawo vamwe zvisina kunaka, zvichida sezvavakaitwa chaizvo.

Dzimwe nguva, vaya vanodhakwa nedoro uye nezvimwewo zvinodhaka vangaguma vava kuita utsinye. Hatifaniri kukanganwa vanhu vasingagutsikani nehurumende yavo pamusana pokuti inenge isiri kugutsa zvido zvevanhu. Vamwe vavo, vakatsunga kuita kuti pfungwa dzavo dzizivikanwe, vachiita utsinye uye vachitsigira ugandanga, kazhinji zvichiita kuti vanhu vasina mhosva vatambure.

Kunyange zvakadaro ungashamisika kuti: ‘Vanhu vakadzidza voga kuva noutsinye here? Chii chiri kukonzera zviri kuitika iye zvino?’

Chaizvoizvo Ndiani Ari Kukonzera Utsinye?

Bhaibheri rinotiudza kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye anofurira nyika ino zvakasimba zvokuti rinomuti “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaKorinde 4:4) Ndiye munhu ane udyire uye ane utsinye hwakanyanyisa pazvinhu zvose zvakasikwa. Jesu akanyatsomutsanangura achiti iye “muurayi” na“baba venhema.”—Johani 8:44.

Kubvira panguva isina kuteerera Adhamu naEvha, vanhu vave vachidzorwa nesimba raSatani. (Genesisi 3:1-7, 16-19) Mazana 15 emakore pashure pokunge vanhu vaviri vokutanga varega kuteerera Jehovha, ngirozi dzakapanduka dzakachinja miviri yadzo kuti ive yenyama, dzikarara nevakadzi, uye dzakabereka vanhu vainzi vaNefirimu. Vakanga vakaita sei? Zita ravo rinopa mhinduro. Rinoreva kuti “Vawisi,” kana kuti “vaya vanowisira vamwe pasi.” Zviri pachena kuti vakanga vari vanhu vaiva nechisimba vaiita utsinye nounzenza izvo zvakazogumira pamafashamo akaunzwa naMwari. (Genesisi 6:4, 5, 17) Kunyange zvazvo vaNefirimu vakaparadzwa muMafashamo, vanababa vavo vakadzokera kunyika yemidzimu vari madhimoni asingaoneki.—1 Petro 3:19, 20.

Utsinye hwengirozi dzakapanduka hunooneka pane zvakaitika kumukomana akanga abatwa nedhimoni womuzuva raJesu. Dhimoni racho rakaramba richiita kuti mwana wacho agwinhe, richimukandira mumoto nomumvura richiedza kumuuraya. (Mako 9:17-22) Zviri pachena kuti “masimba emidzimu yakaipa” akadaro anoratidza kusanzwira tsitsi kwomutungamiriri wawo mukuru ane utsinye, Satani Dhiyabhorosi.—VaEfeso 6:12.

Nhasi, kufurira kwemadhimoni kuri kuramba kuchitsigira utsinye hwevanhu, sezvakafanotaurwa muBhaibheri kuti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, . . . vanozvitutumadza, vanozvikudza, . . . vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.”—2 Timoti 3:1-5.

Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti nguva yedu yakanyanya kuoma nokuti pashure pokunge Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naKristu Jesu hwagadzwa muna 1914, Satani nemapoka emadhimoni ake vakadzingwa kudenga. Bhaibheri rinozivisa kuti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:5-9, 12.

Izvi zvinoreva here kuti mamiriro acho ezvinhu haagoni kuchinja? Díaz Marroquín, ambotaurwa, anoti “vanhu vanokwanisa kudzidza zvishoma nezvishoma kukurira” maitiro asina kunaka. Zvisinei, nokufurira kwaSatani kuri kuzadza nyika nhasi, munhu angangotadza kudzidza maitiro aya kutoti akabvumira simba rakasiyana, rinopfuura mamwe ose kuti richinje mafungiro ake uye zvaanoita. Simba iri chii?

Kuchinja Kunoita—Sei?

Zvinofadza kuti mudzimu mutsvene waMwari ndiwo simba guru zvikuru riripo, uye unogona kukurira kufurira chero kupi kwemadhimoni. Unosimudzira rudo uye kugara zvakanaka kwevanhu. Kuti ave nomudzimu waMwari, munhu wose anoda kufadza Jehovha anofanira kudzivisa unhu hwakarerekera kuutsinye. Anofanira kuchinja unhu hwake kuti huenderane nezvinodiwa naMwari. Anodei? Zviri kwatiri kutevedzera nzira yaMwari nepatinogona napo. Izvi zvinosanganisira kuona vamwe sokuonekwa kwavanoitwa naMwari.—VaEfeso 5:1, 2; VaKorose 3:7-10.

Kudzidza mabatiro anoita Mwari zvinhu kuchaita kuti ubvume kuti Jehovha haana kumborega kufarira vamwe. Agara achingoruramisira vanhu kunyange mhuka chaidzo. * (Dheuteronomio 22:10; Pisarema 36:7; Zvirevo 12:10) Anosema utsinye uye vose vanohuita. (Zvirevo 3:31, 32) Unhu hutsva uhwo Jehovha anoda kuti vaKristu vashandire hunovabatsira kuona vamwe sevakuru uye kuvaremekedza. (VaFiripi 2:2-4) Unhu hutsva ihwohwo hwechiKristu hunosanganisira “rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.” Hatifaniri kukanganwa rudo, “nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:12-14) Haubvumi here kuti nyika yaizova nzvimbo yakasiyana kudai yakanga yakazara nounhu hwakadaro?

Zvisinei, ungashamisika kana zvichinyatsoita kuchinja unhu zvechigarire. Chimbofunga zvinhu chaizvo zvakanyatsoitika muupenyu. Martín * aiwanzopopotera mudzimai wake pamberi chaipo pevana vavo uye aimurova zvikuru. Pane imwe nguva, mamiriro acho ezvinhu akasvika pakuipa kwazvo zvokuti vana vaifanira kumhanyira kuvavakidzani kuti vabatsirwe. Kwapera makore anoverengeka, mhuri yacho yakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Martín akadzidza kuti aifanira kuva munhu worudzii uye kuti aifanira kubata sei vamwe. Akakwanisa kuchinja here? Mudzimai wake anopindura kuti: “Kare, murume wangu aiti kana ashatirwa aityisa. Nokuda kweizvi, upenyu hwedu hwakanga hwakavhiringidzika kwazvo kwenguva yakareba. Ndiri kutoshaya kuti ndingatenda sei Jehovha nokubatsira kwaakaita Martin kuti achinje. Iye zvino ava baba vakanaka uye murume akanaka kwazvo.”

Ichi chinongova chiitiko chimwe chete. Pasi pose, mamiriyoni evanhu vakadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha havachaiti utsinye. Chokwadi, zvinobvira kuchinja.

Kuguma Kwoutsinye Hwose Kwava Pedyo

Munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwaMwari—hurumende zvino yakagadzwa mudenga ine Mutongi ane tsitsi, Kristu Jesu—huchashandisa simba rose panyika pano. Hwakatochenesa matenga nokubvisa Satani, uyo anokonzera utsinye hwose, nemadhimoni ake. Nokukurumidza, Umambo hwaMwari huchagutsa zvinodiwa nevanhu vahunotonga vanoda rugare vari pasi pano. (Pisarema 37:10, 11; Isaya 11:2-5) Ndiyo nzira bedzi yechokwadi yokupedza nayo zvinetso zvenyika. Asi zvakadini kana ukaitirwa utsinye paunenge uchimirira Umambo uhwu?

Kutsiva nokuita utsinye hakubatsiri. Izvozvo zvingangoguma nokuitirwa utsinye hwakanyanya. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tivimbe naJehovha, panguva yake yakakodzera ‘achapa mumwe nomumwe zvinoenderana nenzira dzake, zvinoenderana nezvibereko zvezvaakaita.’ (Jeremiya 17:10) (Ona bhokisi rinoti, “Zvaungaita Kana Waitirwa Utsinye.”) Chokwadi, ungatambura pamusana pokuti ndiwe unenge waitirwa utsinye. (Muparidzi 9:11) Asi Mwari anogona kubvisa migumisiro youtsinye hwose, kunyange rufu. Maererano nezvaakapikira, vaya vaanoyeuka vakafa nemhaka youtsinye vachadzorerwa kuupenyu.—Johani 5:28, 29.

Kunyange zvazvo tingangoitirwa utsinye, tinogona kunyaradzwa nokuva noukama hwepedyo naMwari uye kutenda zvakasimba muzvipikirwa zvake. Chimbofunga nezvaSara akarera vanakomana vake vaviri asingabatsirwi nomurume uye akava nechokwadi chokuti vakawana dzidzo yakanaka. Akwegura, vanakomana vake vakamusiya, vasingamutarisiri mune zvokunyama kana kuti zvoutano. Zvisinei, iye zvino Sara ava muKristu, anoti: “Kunyange zvazvo ndichirwadziwa, Jehovha haana kundisiya. Anonditsigira achishandisa hama nehanzvadzi dzangu dzandinonamata nadzo, dzinogara dzichinditarisira. Ndinotenda zvakasimba kuti nokukurumidza achagadzirisa kwete bedzi matambudziko angu asi aya evanhu vose vanovimba nesimba rake uye vanoita zvaanorayira.”

Ndivanaani hama nehanzvadzi mune zvokunamata vaitaurwa naSara? Ishamwari dzake dzechiKristu, Zvapupu zvaJehovha. Zvine ukama hwomunyika yose hwevanhu vane tsitsi vanobvuma kuti nokukurumidza zvikuru utsinye huchapera. (1 Petro 2:17) Satani Dhiyabhorosi, anonyanya kukonzera utsinye, kana kuti munhu wose anoita sezvaanoita haazorambi aripo. Iyi “nguva youtsinye,” sokudanwa kwainoitwa nomumwe munyori, haizovipo. Wadii kudzidza nezvetariro iyi uchiita zvokukurukura nomumwe weZvapupu zvaJehovha?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Kuti uwane kukurukurwa kwakadzama kwounhu hwaMwari, ona bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 17 Mamwe mazita akachinjwa.

[Bhokisi riri papeji 6]

Zvaungaita Kana Waitirwa Utsinye

Shoko raMwari rinopa mazano anobatsira ezvaungaita kana waitirwa utsinye. Ona kuti ungashandisa sei mashoko anotevera ouchenjeri:

“Usati: “Ndichatsiva chakaipa!” Mirira Jehovha, iye achakuponesa.”—Zvirevo 20:22.

“Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa uye kururamisira nokururama zvichibviswa . . . , nechisimba, usashamiswa nazvo, nokuti uya ari pamusorosoro pouya ari pamusoro pevamwe akatarira.”—Muparidzi 5:8.

“Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”—Mateu 5:5.

“Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Mateu 7:12.

“Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose. Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose. Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”—VaRoma 12:17-19.

“Kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake. . . . Paakanga achitukwa, haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uya anotonga zvakarurama.”—1 Petro 2:21-23.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Jehovha akadzidzisa vakawanda kuti vasiye utsinye