Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupfuura Mamiriro Okunze

Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupfuura Mamiriro Okunze

Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupfuura Mamiriro Okunze

ANENGE marudzi ose ane tsumo dzinotaura nezvemamiriro okunze: Denga kana rakatsvuka usiku, vashandi vomungarava vanofara; denga kana rakatsvuka mangwanani, vashandi vomungarava vanorumwa nzeve. Mazuva ano vanoona nezvemamiriro okunze vanotaura zvikonzero zvinoita kuti mamiriro okunze ave sezvinotaurwa netsumo iyi.

Munguva yaJesu, vanhu vakanga vakajairawo kuongorora denga nokududzira zvarakaita. Jesu akati kune vamwe vaJudha: “Kana ava manheru makajaira kuti, ‘Kunze kuchava kwakanaka, nokuti denga rakatsvuka somoto’; uye mangwanani, ‘Kunze kuchatonhora, kuchanaya nhasi, nokuti denga rakatsvuka somoto, asi kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinenge zvakaita denga, asi . . . ” Asi chii? Jesu akaenderera mberi achitaura zvisina kujairika achiti: “Hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.”—Mateu 16:2, 3.

“Zviratidzo zvenguva” izvi zvaiva chii? Zvaiva zviratidzo zvakawanda zvakajeka zvokuti Jesu ndiye aiva Mesiya wechokwadi akatumwa naMwari. Mabasa ake ainyatsooneka sokutsvuka kwedenga. Zvisinei, vaJudha vakawanda havana zvavakaita pavakaona zviratidzo zvokuti Mesiya akanga auya—chinhu chaikosha zvikuru kupfuura mamiriro okunze.

Nhasi kunewo chiratidzo chinokosha zvikuru kupfuura kunzwisisa ruvara rwedenga. Jesu akafanotaura kuti nyika ino yakaipa ichagumiswa kuitira kuti nyika iri nani itange. Akataura zvinhu zvakawanda zvaizoitika zvokuti pamwe chete zvaizoratidza kuti kuchinja uku kwaizoitika rini. Zvimwe zvazvo ihondo nenzara. Jesu akati zvinhu izvi pazvinooneka, zvinoratidza kuti nguva yaMwari yokuti apindire yava pedyo.—Mateu 24:3-21.

Uri kuona here “zviratidzo zvenguva”?