Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwadziwa Zvakadzama Kwenguva Refu

Kurwadziwa Zvakadzama Kwenguva Refu

Kurwadziwa Zvakadzama Kwenguva Refu

MUNGUVA ichangopfuura, mumwe mutsvakurudzi aida kuziva kuti vaya vanenge vafirwa nevavanoda vanozonzwa sei nokufamba kwenguva. Akatumira mapepa aiva nemibvunzo kuvabereki vakawanda vaiva vafirwa nevana makore akawanda akanga apfuura. Vamwe vabereki havana kupindura. Vamwe baba vanonzi Vladimir, vakafirwa nomwanakomana wavo makore mashanu akapfuura, vakati zvichakavaomera kwazvo kuti vataure nezvomwanakomana wavo. *

Zvakajairika kuti vabereki vanenge vafirwa vasuruvare kwenguva refu yakadai. Makore gumi akapfuura, William akafirwa nomwanakomana wake uyo akaita zvokunyura mumvura. Anonyora kuti, “Rufu rwake ruchiri kundirwadza, uye rucharamba ruchindirwadza chero ndiri mupenyu.” Kwapera makore mashanu Lucy afirwa nomwanakomana wake zvakonzerwa nechirwere chavaisatarisira, akanyora kuti: “Mazuva okutanga ndaingoramba ndichifunga kuti, ‘Hazvina kuitika.’ Ndaifunga kuti ndiri kurota zvinotyisa uye kuti ndichapepuka. Papera nguva ndipo pandakatanga kuona kuti chaiva chokwadi, kuti akanga asingachauyi kumba. Mwanakomana wangu akafa makore mashanu akapfuura, asi pane dzimwe nguva, pandinenge ndiri ndoga ndichiri kungomuchema.”

Nei vabereki vanenge vafirwa, vakadai saVladimir, William, naLucy, vachirwadziwa zvakadzama kudaro kwenguva refu? Ngationei zvimwe zvikonzero zvacho.

Nei Vachirwadziwa Zvakadaro?

Panoberekwa kacheche mumhuri, vabereki vanofara kwazvo zvisingawaniki mune humwe ukama hupi nohupi hwevanhu. Kungogumbatira kacheche kavo, kukaona kakarara, kana kukaona kachinyemwerera kunoita kuti vafare uye vagutsikane zvikuru. Vabereki vane rudo vanokoshesa vana vavo. Vanovadzidzisa kuti vazvibate uye vave netsika dzakanaka. (1 VaTesaronika 2:7, 11) Vana vacho zvavanokura vachiteerera zvavanoudzwa, vabereki vanodada navo uye vanotanga kutarisira zvinhu zvikuru pavari.

Vabereki vane hanya vanoshanda nesimba kuti vatarisire vana vavo. Vamwe vangagara vachichengeta mari kana zvimwe zvinhu kuitira kuti vana vavo vazokwanisa kutanga mhuri yavo pane imwe nguva. (2 VaKorinde 12:14) Manzwiro avanoita aya, zvavanoedza kuita, nguva nemari yavanoshandisa zvinongoratidza chinhu chimwe chete—vabereki vanorera vana vavo kuti vararame, kwete kuti vafe. Mwana paanofa, basa rokumurera rinenge risati rapera, uye zvose zvanga zvichitarisira vabereki zvinobva zvapera. Rudo rwoushamwari runoratidzwa mwana nevabereki vake runenge rwadimburirwa panzira, rwakanganiswa norufu. Mwanakomana kana kuti mwanasikana wavo aiva chido chemwoyo wavo aenda. Izvi zvinorwadza vabereki kwazvo zvokuti hazvisi nyore kuti marwadzo acho apere.

Bhaibheri rinobvuma kuti vabereki vanenge vafirwa vanotsungirira marwadzo akanyanya anongoramba aripo. Richirondedzera zvakaitika panguva iya tateguru Jakobho yaakanzwa kuti mwanakomana wake Josefa akanga aurayiwa, Bhaibheri rinoti: “Jakobho akabvarura majasi ake, akapfeka masaga muhudyu make, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji. Vanakomana vake vose nevanasikana vake vose vakaramba vachisimuka kuti vamunyaradze, asi haana kubvuma kunyaradzwa achiti: ‘Nokuti ndichaburukira kumwanakomana wangu muSheori [kana kuti kuguva] ndichichema!’” Makore akawanda gare gare, Jakobho akanga achiri kuchema mwanakomana wake, waaifunga kuti akanga afa. (Genesisi 37:34, 35; 42:36-38) Bhaibheri rinotaura nezvomumwe muenzaniso womukadzi akatendeka ainzi Naomi akafirwa nevanakomana vake vaviri. Arwadziwa zvikuru, aida kuchinja zita rake kuti asanzi Naomi, kureva kuti “Kufara Kwangu,” kuti anzi Mara, kureva kuti “Kushungurudzwa.”—Rute 1:3-5, 20, 21.

Zvisinei, Bhaibheri haringotauri nezvokurwadziwa kwevabereki. Rinoratidzawo kuti Jehovha anopa sei simba vaya vakafirwa. Munyaya inotevera, tichaona dzimwe nzira dzinoshandiswa naMwari kunyaradza vari kuchema.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.