Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shoko raMwari Ngaritungamirire Tsoka Dzako

Shoko raMwari Ngaritungamirire Tsoka Dzako

Shoko raMwari Ngaritungamirire Tsoka Dzako

“Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—PISAREMA 119:105.

1, 2. Nei vanhu vakawanda vasingabudiriri kuwana rugare rwechokwadi nomufaro?

UNOYEUKA here nguva yawaifanira kubvunza mumwe munhu nzira? Zvichida wakanga wava pedyo nokwawaienda asi usina chokwadi nenzira yawaifanira kuenda nayo. Kana kuti zvimwe wakanga wanyatsorasika uye waitofanira kuchinja nzira yawaifamba nayo. Chero zvazvingave, kwaisazova kuchenjera here kutevera nzira inenge yataurwa nomunhu anoziva nzvimbo yacho? Munhu akadaro angakubatsira kuti usvike kwauri kuenda.

2 Kwezviuru zvemakore, vanhu vave vachiedza kufamba muupenyu vasingadi kubatsirwa naMwari. Zvisinei, kana vanhu vasina kukwana vakasiyiwa vachiita zvavanoda, vanorasika zvachose. Havatombogoni kuwana nzira inoita kuti vave norugare rwechokwadi nomufaro. Nei vasingakwanisi kuwana rugare nomufaro? Makore anopfuura 2 500 akapfuura, muprofita Jeremiya akati: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Munhu anoita zvaanoda asingabvumi kutungamirirwa nomunhu anoziva, anotongoshungurudzika chete. Zvechokwadi, vanhu vanoda kutungamirirwa!

3. Nei Jehovha Mwari achinyatsokwanisa kutungamirira vanhu, uye anovimbisei?

3 Jehovha Mwari ndiye anonyatsokwanisa kutungamirira. Nei? Nokuti anonzwisisa masikirwo akaita vanhu kupfuura chero munhu upi zvake. Uye anonyatsoziva kuti vanhu vakatsauswa uye vakarasika sei. Anozivawo zvavanofanira kuita kuti vadzoke munzira yakarurama. Uyezve, zvaari Musiki, Jehovha agara achiziva zvakatinakira. (Isaya 48:17) Saka tinogona kuvimba zvizere nevimbiso yake yakanyorwa pana Pisarema 32:8, inoti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” Hapana mubvunzo kuti: Jehovha anotungamirira nenzira yakanakisisa. Asi anombotitungamirira sei chaizvo?

4, 5. Mashoko aMwari angatitungamirira sei?

4 Munyori wepisarema akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Tinowana mashoko aMwari nezviyeuchidzo zvake muBhaibheri, uye zvingatibatsira kukunda zvipingamupinyi zvatinosangana nazvo muupenyu hwedu. Zvechokwadi, patinoverenga Bhaibheri toita kuti rititungamirire, tinenge tichiita zvinorondedzerwa pana Isaya 30:21, zvokuti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.’”

5 Zvisinei, ona kuti Pisarema 119:105 rinotaura kushanda kunoita Shoko raMwari munzira mbiri dzakada kufanana. Kutanga, rinoshanda serambi retsoka dzedu. Patinotarisana nematambudziko ezuva nezuva, zvinotaurwa muBhaibheri zvinofanira kutungamirira nhanho dzedu kuitira kuti tisarudze nokuchenjera uye tinzvenge misungo yenyika ino. Chechipiri, zviyeuchidzo zvaMwari zvinovheneka nzira yedu, zvichitibatsira kusarudza nokuchenjera zvinoenderana netariro yedu yokurarama nokusingaperi muParadhiso yakavimbiswa naMwari. Kana nzira iri mberi yakanyatsojeka, tichakwanisa kuziva migumisiro yakanaka neyakaipa yenzira yacho. (VaRoma 14:21; 1 Timoti 6:9; Zvakazarurwa 22:12) Ngatinyatsokurukurai kuti mashoko aMwari anowanikwa muBhaibheri angava sei rambi retsoka dzedu uye chiedza panzira yedu.

“Rambi Retsoka Dzangu”

6. Zvinotaurwa naMwari zvingava rambi retsoka dzedu mumamiriro api ezvinhu?

6 Zuva nezuva tine zvatinosarudza kuita. Zvimwe zvatinosarudza zvingaita sezviduku, asi dzimwe nguva pane zvimwewo zvingaita kuti tsika dzedu dzakanaka, kuvimbika kwedu, kana kusava kwedu nokwatakarerekera zviedzwe. Kuti tibudirire kukunda miedzo yakadaro tinofanira kuita kuti ‘simba redu rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’ (VaHebheru 5:14) Kana tikawana zivo yakarurama yeShoko raMwari nokunzwisisa zvarinotaura, tinodzidzisa hana yedu kuitira kuti tisarudze zvinofadza Jehovha.—Zvirevo 3:21.

7. Rondedzera mamiriro ezvinhu angaita kuti mumwe muKristu ade kushamwaridzana nevaanoshanda navo vasinganamati.

7 Chimbofunga nezvomumwe muenzaniso. Uri munhu mukuru ari kuedza nomwoyo wose kufadza mwoyo waJehovha here? (Zvirevo 27:11) Kana zvakadaro, uri kuita zvakanaka. Asi kwekanguva imbofungidzira kuti vamwe vaunoshanda navo vanokupa tikiti rokuti uende navo kune mumwe mutambo. Vanofarira kushamwaridzana newe kubasa uye musiri kubasa. Ungatogutsikana kuti vanhu ava havasi vanhu vakaipa. Vangatodaro vaine tsika dzakanaka. Uchaitei? Pangava nengozi here kana ukabvuma kuenda navo? Shoko raMwari ringakubatsira sei kusarudza zvakanaka panyaya iyi?

8. Ndezvipi zvinotaurwa muMagwaro zvinotibatsira kunzwisisa nyaya yokushamwaridzana?

8 Chimbofunga zvishomanana zvinotaurwa neMagwaro. Chokutanga chatingafunga chinowanikwa pana 1 VaKorinde 15:33, panoti: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” Izvi zvingareva kuti hauchatombotauri nevanhu vasingatendi here? Mhinduro yomuMagwaro yomubvunzo iwoyo ndeyokuti aiwa. Nokuti muapostora Pauro pachake akaratidza kuti aida “vanhu vemarudzi ose,” kusanganisira vakanga vasingatendi. (1 VaKorinde 9:22) Kana tiri vaKristu chaivo zvinoda kuti tiratidze kuti tinofarira vamwe—kusanganisira vaya vasingatendi zvatinotenda. (VaRoma 10:13-15) Zvechokwadi, tingatevera sei zano rokuti “ngatiitirei vose zvakanaka” kana tisingadi kuwadzana nevanhu vangave vachida kubatsirwa nesu?—VaGaratiya 6:10.

9. Izano ripi reBhaibheri rinotibatsira kuti tive pakati nepakati pakushamwaridzana nevatinoshanda navo?

9 Zvisinei, kushamwaridzana nomunhu waunoshanda naye nokuva shamwari yake yepedyo zvinhu zviviri zvakanyatsosiyana. Pano ndipo panoshanda zvimwe zvinotaurwa muMagwaro. Muapostora Pauro akanyevera vaKristu kuti: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.” (2 VaKorinde 6:14) Mashoko okuti “musasungwa zvisina kukodzera pajoko” anorevei? Mamwe maBhaibheri anoshandura mashoko aya achiti “musazvibatanidza,” “musaedza kuenzana,” kana kuti “musava noushamwari husina kukodzera.” Kushamwaridzana nomunhu watinoshanda naye kunozova kusina kukodzera papi? Kunopfuura muganhu kwova kusungwa pajoko zvisina kukodzera kana zvaita sei? Shoko raMwari Bhaibheri rinogona kutungamirira nhanho dzako mumamiriro ezvinhu aya.

10. (a) Jesu aisarudza sei vokushamwaridzana navo? (b) Mibvunzo ipi ingabatsira munhu kusarudza zvakanaka shamwari?

10 Chimbofunga nezvaJesu aida vanhu kubvira pavakasikwa. (Zvirevo 8:31) Paakanga ari pasi pano, ainyatsoshamwaridzana nevateveri vake. (Johani 13:1) ‘Akatoda’ mumwe murume ainge asingazivi kuti anganamata sei. (Mako 10:17-22) Asi Jesu ainyatsozivawo pokugumira pakusarudza shamwari dzepedyo. Akanga asingashamwaridzani zvepedyo nevanhu vakanga vasingafariri kuita nomwoyo wose zvaida Baba vake. Pane imwe nguva, Jesu akati: “Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.” (Johani 15:14) Ichokwadi kuti ungawirirana nomumwe munhu waunoshanda naye. Asi zvibvunze kuti: ‘Munhu uyu anoda here kuita zvinorayirwa naJesu? Anoda here kudzidza nezvaJehovha watakanzi naJesu tinamate? Anochengeta tsika dzandinochengeta somuKristu here?’ (Mateu 4:10) Paunotaura nevaunoshanda navo uye paunoomerera kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri, uchakwanisa kupindura mibvunzo iyi.

11. Taura mienzaniso yepatinofanira kutungamirirwa nhanho dzedu neShoko raMwari.

11 Shoko raMwari ringashanda serambi retsoka dzedu muzvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, muKristu asingashandi angawana basa raanga achitsvaka nemeso matsvuku. Zvisinei, basa racho rinoda kuti ashande nesimba uye apedze nguva yakawanda, uye kana akaribvuma, achatadza kupinda misangano inoverengeka yechiKristu uye achatadza kuvapo pane zvimwe zviitiko zvokunamata kwechokwadi. (Pisarema 37:25) Mumwewo muKristu angaedzwa kuti avaraidzwe nezvinhu zvinonyatsorambidzwa neBhaibheri. (VaEfeso 4:17-19) Mumwezve angagumburwa nyore nyore nokukanganisa kwevamwe vake vaanonamata navo. (VaKorose 3:13) Muzvose izvi Shoko raMwari rinofanira kuva rambi retsoka dzedu. Chaizvoizvo, tikatevedzera zvinotaura Bhaibheri, tichakwanisa kukunda chero dambudziko ripi ratingasangana naro muupenyu. Shoko raMwari ri“nobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.”—2 Timoti 3:16.

“Chiedza Panzira Yangu”

12. Shoko raMwari chiedza panzira yedu sei?

12 Pisarema 119:105 rinotiwo Shoko raMwari rinogona kuvheneka nzira yedu, richijekesa kumberi kwedu. Tinoziva remangwana redu nokuti Bhaibheri rinotiudza zvinorehwa nezvinhu zvinoodza mwoyo zviri munyika uye zvichazoitika. Tinotoziva kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” enyika ino yakaipa. (2 Timoti 3:1-5) Kuziva zviri mberi kunofanira kuchinja zvikuru mararamiro edu. Muapostora Petro akanyora kuti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha!”—2 Petro 3:11, 12.

13. Kupera kwaita nguva yedu kunofanira kuita kuti tive nemafungiro uye mararamiro zvakaita sei?

13 Mafungiro nemararamiro edu zvinofanira kuratidza chivimbo chakasimba chatinacho chokuti “nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo.” (1 Johani 2:17) Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kuchatibatsira kusarudza nokuchenjera zvinangwa zvedu zvenguva yemberi. Somuenzaniso, Jesu akati: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:33) Zvinodadisa kuona vaduku vakawanda vari kuratidza kutenda mashoko aJesu aya nokuita ushumiri hwenguva yakazara! Vamwe—kusanganisira mhuri yose, nokuzvidira vakatamira kunyika dzinodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda.

14. Imwe mhuri yechiKristu yakaita sei kuti iite zvakawanda muushumiri?

14 Chimbofunga nezveimwe mhuri yechiKristu ine vanhu vana yakatamira kuDominican Republic ichibva kuUnited States kuti inoshumira neimwe ungano iri muguta rine vanhu 50 000. Ungano yacho ine vaparidzi voUmambo vanenge 130. Kunyange zvakadaro, musi waApril 12, 2006 vanhu vanenge 1 300 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu! Munda uri munzvimbo iyi ‘wanyatsochenera kukohwa’ zvokuti pashure pemwedzi mishanu chete, baba ava, mudzimai wavo, mwanakomana wavo nomwanasikana wavo, vose vakanga vava kudzidza Bhaibheri nevanhu 30. (Johani 4:35) Baba vacho vanotsanangura kuti: “Ungano yacho ine hama nehanzvadzi 30 dzakatamira kuno kuzobatsira. Uye vanenge 20 vakabva kuUnited States, asi vamwe vose ndevokuBahamas, Canada, Italy, New Zealand neSpain. Vanouya vachida ushumiri chaizvo uye izvi zvakaita kuti hama dzokuno dzide ushumiri zvikuru.”

15. Zvikomborero zvipi zvawakawana nokuti wakaisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwako?

15 Zvinonzwisisika kuti vakawanda havakwanisi kutamira kune imwe nyika kuti vanoshanda kunodiwa vaparidzi zvikuru. Asi vaya vanokwanisa kuzviita, kana kuti vanokwanisa kugadzirisa upenyu hwavo kuti vadaro, chokwadi vachakomborerwa zvikuru. Uye pasinei nokuti uri kushumira uri kupi, wana mufaro unobva pakushumira Jehovha nesimba rako rose. Kana ukaisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwako, Jehovha anovimbisa kuti ‘achakudururira chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa.’—Maraki 3:10.

Kubatsirwa Nokutungamirirwa naJehovha

16. Kubvuma kutungamirirwa neShoko raMwari kuchatibatsira sei?

16 Sezvataona, Shoko raJehovha rinotitungamirira munzira mbiri dzakada kufanana. Rinoita serambi retsoka dzedu, richitibatsira kuti tifambe negwara chairo uye richititungamirira patinenge tava kufanira kusarudza. Uye rinovheneka nzira yedu, richiita kuti tikwanise kunyatsoona zviri mberi. Izvi zvinozotibatsira kuti tishandise zano raPetro rokuti: “Gadzirirai pfungwa dzenyu nokuda kwebasa rakaoma, nyatsosvinurirai; isai tariro yenyu pamutsa usina kukodzera kuwanwa uchaunzwa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu.”—1 Petro 1:13.

17. Kudzidza Bhaibheri kuchatibatsira sei kubvuma kutungamirirwa naMwari?

17 Jehovha ari kutitungamirira zvechokwadi. Mubvunzo ndowokuti, Uchabvuma kutungamirirwa naye here? Kuti unzwisise kutungamirira kuri kuita Jehovha, tsunga kuverenga dzimwe ndima dzeBhaibheri zuva roga roga. Fungisisa zvaunoverenga, edza kuona kuti Jehovha anodei, uye funga nzira dzakasiyana-siyana dzemashandisiro aungaita mashoko acho muupenyu hwako. (1 Timoti 4:15) Wadaro shandisa ‘simba rako rokufunga’ paunenge wava kusarudza zvokuita.—VaRoma 12:1.

18. Kana tikarega Shoko raMwari richititungamirira, tichawana zvikomborero zvipi?

18 Mitemo iri muShoko raMwari ichaita kuti tijekerwe nezvinhu uye ichatitungamirira patinenge tava kuda kusarudza nzira yakakodzera yokutevera, ndokunge tairega ichititungamirira. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Shoko raJehovha ‘rinochenjedza asina zivo.’ (Pisarema 19:7) Kana tikarega Bhaibheri richititungamirira, tichava nehana yakachena uye tichagutsikana zvichibva pakuti tinenge tichifadza Jehovha. (1 Timoti 1:18, 19) Kana tikarega shoko raMwari richitungamirira nhanho dzedu zuva rimwe nerimwe, Jehovha achatikomborera zvikuru noupenyu husingaperi.—Johani 17:3.

Unoyeuka Here?

• Nei zvichikosha kuti Jehovha Mwari atungamirire nhanho dzedu?

• Shoko raMwari ringava rambi retsoka dzedu munzira ipi?

• Shoko raMwari ringava chiedza munzira yedu sei?

• Kudzidza Bhaibheri kuchatibatsira sei kuti titevere kutungamirira kwaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kushamwaridzana nomunhu asingatendi kungasava kuchenjera kana zvaita sei?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Shamwari dzaJesu dzepedyo dzaiva vaya vaiita zvinodiwa naJehovha

[Mifananidzo iri papeji 17]

Mararamiro edu anoratidza kuti tinoisa zvinhu zvoUmambo pakutanga here?