Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vaduku—Rongai Zvinangwa Zvinokudza Mwari

Vaduku—Rongai Zvinangwa Zvinokudza Mwari

Vaduku—Rongai Zvinangwa Zvinokudza Mwari

“Vavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.”—1 TIMOTI 4:7.

1, 2. (a) Nei Pauro akarumbidza Timoti? (b) Mazuva ano vaduku vari “kuvavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari” sei?

“HANDINA mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake achatarisira zvinhu zvine chokuita nemi nomwoyo wose. . . . Akashanda neni mukuita kuti mashoko akanaka aenderere mberi, sezvinoita mwana anoshanda nababa vake.” (VaFiripi 2:20, 22) Mutsamba yaakanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muFiripi, muapostora Pauro akataura mashoko aya okurumbidza. Airumbidza ani? Timoti, shamwari yake duku yaaifamba nayo. Fungidzira kufara kwakaita Timoti anzwa kuti Pauro aimuda uye aivimba naye!

2 Pavanhu vaJehovha, vaduku vanoda zvokunamata vakafanana naTimoti vagara vari vanhu vanokosha. (Pisarema 110:3) Mazuva ano, sangano raMwari rine vaduku vakawanda vanoshanda semapiyona, mamishinari, vavaki vanozvipira uye vanoshanda paBheteri. Vamwewo vanoita zvakanaka ndevaya vanoshanda nesimba mumabasa eungano ukuwo vachiita mamwe mabasa. Vanhu vaduku vakadaro vanogutsikana zvechokwadi nokuita zvinangwa zvinokudza Jehovha, Baba vedu vokudenga. Zvechokwadi vari ku“vavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.”— 1 Timoti 4:7, 8.

3. Mibvunzo ipi ichakurukurwa munyaya ino?

3 Somunhu muduku, uri kuvavarira here kuita zvinangwa zvokunamata? Ndiani angakubatsira uye kukukurudzira kuti udaro? Ungakunda sei mweya wenyika ino wokuda kupfuma? Zvikomborero zvipi zvaungatarisira kana ukaronga kuita zvinangwa zvinokudza Mwari? Ngatitarisei upenyu hwaTimoti tiwane mhinduro dzemibvunzo iyi.

Upenyu hwaTimoti

4. Taura muchidimbu nhoroondo yokunamata yaTimoti.

4 Timoti akakurira muRistra, taundi duku raiva muruwa rwechiRoma rweGaratiya. Anofanira kuve akadzidza nezvaKristu paaiyaruka, Pauro paaiparidza muRistra munenge muna 47 C.E. Timoti akakurumidza kunyanya kuzivikanwa mune zvakanaka nehama dzechiKristu dzaiva munzvimbo iyoyo. Pauro akadzoka kuRistra kwapera makore maviri uye anzwa kufambira mberi kwaTimoti, akamusarudza kuti amuperekedze mubasa roufundisi. (Mabasa 14:5-20; 16:1-3) Timoti akura, akapiwa mamwe mabasa akawanda, kusanganisira basa raikosha rokufamba achisimbisa hama. Pauro paakanyorera Timoti tsamba ari mujeri kuRoma munenge muna 65 C.E., Timoti akanga ari mukuru wechiKristu muungano yokuEfeso.

5. Maererano na2 Timoti 3:14, 15, zvinhu zvipi zviviri zvakaita kuti Timoti asarudze kuita zvinangwa zvokunamata?

5 Zviri pachena kuti Timoti akasarudza kuita zvinangwa zvokunamata. Chii chakaita kuti adaro? Mutsamba yechipiri yaakanyorera Timoti, Pauro akataura zvinhu zviviri zvakaita kuti adaro. Akanyora kuti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani uye kuti kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene.” (2 Timoti 3:14, 15) Ngatitangei nokuongorora zvakaitwa nevamwe vaKristu pane zvakasarudzwa naTimoti.

Batsirwa Nevanhu Vanoita Zvakanaka

6. Timoti akadzidziswa chii uye akaita sei nezvazvo?

6 Timoti akarererwa mumhuri ine zvitendero zvakasiyana. Baba vake vaiva muGiriki, amai vake Yunisi naambuya vake Roisi vaiva vaJudha. (Mabasa 16:1) Yunisi naRoisi vakadzidzisa Timoti chokwadi cheMagwaro echiHebheru kubvira ari mucheche. Pavakatendeuka kuva vaKristu, hapana mubvunzo kuti vakabatsira kumuratidza kunaka kwezvakadzidziswa naKristu. Zviri pachena kuti Timoti akabatsirwa nokudzidzisa kwakanaka kwazvo uku. Pauro akati: “Ndinoyeuka kutenda kuri mauri kusina unyengeri chero hupi zvahwo, uye kwakatanga kugara muna ambuya vako Roisi naamai vako Yunisi, asi kwandinovimba kuti kuri mauriwo.”—2 Timoti 1:5.

7. Vaduku vakawanda vari kukomborerwa nechii uye izvi zvinovabatsira sei?

7 Mazuva ano vaduku vakawanda vanobatsirwa nokuti vane vabereki navanasekuru navanambuya vanotya Mwari, vanoziva kuti zvinangwa zvokunamata zvinokosha sezvaiita Roisi naYunisi. Somuenzaniso, Samira anoyeuka kuti paaiyaruka, aipedza nguva yakareba achitaura nevabereki vake. Anoti: “Amai nababa vakandidzidzisa kuona zvinhu sezvinoita Jehovha uye kuita kuti basa rokuparidza rive chinhu chokutanga pane zvose. Vaigara vachindikurudzira kuronga kupinda mubasa renguva yakazara.” Samira akateerera zvaakakurudzirwa nevabereki vake uye pari zvino akawana mukana unokosha wokushanda paBheteri munyika mavo. Kana vabereki vako vakakukurudzira kuti ugare uchifunga zvinangwa zvokunamata, koshesa mazano avo. Vanoda kuti zvikufambire zvakanaka.—Zvirevo 1:5.

8. Timoti akabatsirwa sei neshamwari dzechiKristu dzinovaka?

8 Zvinokoshawo kuti uwane shamwari dzinovaka pakati pevaKristu. Timoti akazivikanwa zvikuru nevakuru vechiKristu vomuungano make nevokuIkoniyumu, yaiva kure nemakiromita anenge 30. (Mabasa 16:1, 2) Akava shamwari yepedyo yaPauro, murume aishingaira. (VaFiripi 3:14) Tsamba dzaPauro dzinoratidza kuti Timoti aigamuchira mazano uye aikurumidza kutevedzera mienzaniso yokutenda. (1 VaKorinde 4:17; 1 Timoti 4:6, 12-16) Pauro akanyora kuti: “Iwe wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu.” (2 Timoti 3:10) Zvechokwadi Timoti akanyatsotevedzera Pauro. Saka kana ukashamwaridzana nevanhu vakasimba mukunamata vari muungano, uchabatsirwa kuva nezvinangwa zvakanaka zvokunamata.—2 Timoti 2:20-22.

Dzidza “Zvinyorwa Zvitsvene”

9. Kunze kwokusarudza shamwari kwadzo, unofanira kuitei kuti ‘uzvirovedze nechinangwa chokuzvipira kuna Mwari’?

9 Kungosarudza shamwari kwadzo ndiko kunoita kuti ubudirire kuita zvinangwa zvokunamata here? Aiwa. Sezvakaita Timoti, newewo unofanira kunyatsodzidza “zvinyorwa zvitsvene.” Kudzidza kungangodaro kwakakuomera, asi yeuka kuti Timoti aitofanira ‘kuvavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.’ Vanomhanya vanowanzozvirovedza zvakaoma kwemwedzi yakawanda kuti vabudirire kuita chinangwa chavo. Saizvozvowo, kuti ubudirire kuita zvinangwa zvokunamata zvinoda kuzvipira uye shungu. (1 Timoti 4:7, 8, 10) Ungabvunza kuti, ‘Asi kudzidza Bhaibheri kungandibatsira sei kubudirira kuita zvinangwa zvangu?’ Ngatikurukurei nzira nhatu.

10, 11. Nei Magwaro achikukurudzira kuti uite zvinangwa zvokunamata? Taura muenzaniso.

10 Kutanga, Magwaro achaita kuti uve nechido chakarurama. Anoratidza unhu hunokwezva hwaBaba vedu vokudenga, rudo rukuru rwavakatiratidza, uye zvikomborero zvisingaperi zvakachengeterwa vashumiri vake vakatendeka. (Amosi 3:7; Johani 3:16; VaRoma 15:4) Ruzivo rwako nezvaJehovha zvarunenge ruchikura, kumuda kwaunomuita uye chido chako chokutsaurira upenyu hwako kwaari chinokurawo.

11 VaKristu vaduku vakawanda vanotaura kuti kudzidza Bhaibheri vari voga chinhu chinokosha chakavabatsira kubatisisa chokwadi. Somuenzaniso, Adele musikana akarerwa mumhuri yevaKristu asi haana kumbobvira aronga chero chinangwa chokunamata. Anoti: “Vabereki vangu vaienda neni kuImba yoUmambo, asi ndaisadzidza ndoga kana kuteerera pamisangano yeungano.” Mukoma wake abhabhatidzwa, Adele haana kuzoita zvokutamba nechokwadi. “Ndakatanga kuverenga Bhaibheri rose. Ndaiverenga paduku ndobva ndanyora mashoko mapfupi pane zvandainge ndaverenga. Ndichine zvose zvandainyora. Ndakaverenga Bhaibheri mugore rimwe chete.” Zvakaguma nokuti Adele akakurudzirwa kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Kunyange hazvo akaremara zvakanyanya, pari zvino ndipiyona, kana kuti muevhangeri wenguva yakazara.

12, 13. (a) Kudzidza Bhaibheri kuchabatsira muduku kuti achinje chii, uye achazviita sei? (b) Taura mienzaniso youchenjeri hunobatsira huri muShoko raMwari.

12 Yechipiri, Bhaibheri richakubatsira kugadzirisa unhu hwako sezvinodiwa. Pauro akaudza Timoti kuti “zvinyorwa zvitsvene” zvi“nobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Nguva dzose kana uchifungisisa nyaya dziri muShoko raMwari uye uchiita zvinotaurwa neBhaibheri, uchabvumira kuti mudzimu waMwari uumbe unhu hwako. Iwo uchaita kuti uve nounhu hwakanaka hwakadai sokuzvininipisa, kutsungirira, kushanda nesimba, uye kuda zvechokwadi vamwe vaKristu. (1 Timoti 4:15) Timoti aiva nounhu uhu uye hwakamuita kuti akosheswe neungano dzaaishumira uye naPauro.—VaFiripi 2:20-22.

13 Yechitatu, Shoko raMwari idura rouchenjeri hunobatsira. (Pisarema 1:1-3; 19:7; 2 Timoti 2:7; 3:15) Richakubatsira kusarudza shamwari dzako nouchenjeri, kusarudza zvinokuvaraidza zvinovaka uye kukunda mamwe matambudziko akawanda. (Genesisi 34:1, 2; Pisarema 119:37; 1 VaKorinde 7:36) Kusarudza nokuchenjera iye zvino kunokosha kuti ubudirire kuita zvinangwa zvako zvokunamata.

“Irwa Kurwa Kwakanaka”

14. Nei zvisiri nyore kuita zvinangwa zvokunamata?

14 Kuisa pakutanga zvinangwa zvinokudza Jehovha kuchenjera asi hazvisi nyore. Somuenzaniso, pakusarudza basa, ungakurudzirwa kuita zvakasiyana-siyana nehama dzako, vezera rako, nevadzidzisi vanenge vaine vavariro yakanaka, vanofunga kuti dzidzo yepamusoro nebasa rakanaka ndizvo zvinoita kuti ubudirire uye ufare zvechokwadi. (VaRoma 12:2) SaTimoti, uchafanira ku“rwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda” kuti ugo“batisisa upenyu husingaperi” hwaunopiwa naJehovha.—1 Timoti 6:12; 2 Timoti 3:12.

15. Timoti angadaro akashorwa sei?

15 Muedzo wacho unonyanya kuoma kana vomumhuri yako vasiri Zvapupu vakaramba zvaunenge wasarudza. Zvinoratidza sokuti Timoti aifanira kukurira kushorwa kwakadaro. Rimwe bhuku rinoti Timoti anenge “aibva [kumhuri] yaiva yakadzidza uye yakapfuma.” Baba vake vanofanira kunge vaimutarisira kuti adzidze zvikuru uye kuti aenderere mberi nebhizimisi remhuri. * Fungidzira kuti baba vaTimoti vakazvitambira sei pavakaziva kuti Timoti ainge asarudza basa roufundisi raiva nengozi uye rakanga risina mari raiitwa naPauro!

16. Mumwe muduku akaita sei paaishorwa nababa vake?

16 Mazuva ano vaKristu vaduku vanosangana nematambudziko akafanana. Matthew, anoshanda pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha anoyeuka kuti: “Pandakatanga kushanda sapiyona, baba vangu vakarwadziwa zvikuru. Vakaona sokuti ndakanga ‘ndatambisa’ dzidzo yangu nokushanda basa rokutsvaira kuti rinditsigire muushumiri hwangu. Vaindituka uye vaiti ndaizotambira mari yakawanda kudai ndaizoshanda basa svinu.” Matthew akakwanisa sei kukurira kushorwa uku? “Ndakaramba ndakati kwati-kwati nourongwa hwokuverenga Bhaibheri kunyanya panguva yazvaizova nyore kuti ndirase muromo.” Kutsungirira kwaMatthew kwakakomborerwa. Nokufamba kwenguva, akatanga zvakare kuwirirana nababa vake. Matthew akaswederawo pedyo naJehovha. Matthew anoti: “Ndakaona Jehovha achindichengeta, achindikurudzira, uye achindidzivirira pakusarudza zvisina kuchenjera. Ndingadai ndisina kuwana kana chimwe chete chezvinhu izvozvo kudai ndisina kuronga zvinangwa zvokunamata.”

Gara Uchifunga Zvinangwa Zvokunamata

17. Vamwe vangaodza sei mwoyo nokusaziva vaya vanoronga kupinda mubasa renguva yakazara? (Mateu 16:22)

17 Rimwe dambudziko rausingafungire ringakutadzisa kuita zvinangwa zvokunamata ringatobva kune vaunonamata navo. Vangakubvunza kuti, ‘Washayei kuti uve piyona? Unokwanisa kurarama sezvinongoita vamwe uchiitawo basa rokuparidza. Tsvaka basa rine mari.’ Izvi zvingaita sezano rakanaka, asi zvechokwadi unenge uchivavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari here kana ukatevedzera zano iroro?

18, 19. (a) Ungaita sei kuti ugare uchifunga zvinangwa zvokunamata? (b) Tsanangura kuti iwe somuduku uri kuitei kuti uzvipire uchiitira zvinhu zvoUmambo.

18 Zviri pachena kuti vamwe vaKristu vomunguva yaTimoti vaiva nepfungwa dzakadaro. (1 Timoti 6:17) Kuti abatsire Timoti kuti agare achifunga zvinangwa zvokunamata, Pauro akamukurudzira achiti: “Hapana munhu anoshanda somurwi anozvipinza mumabasa okutengeserana oupenyu, kuti afarirwe nouya akamupinza basa somurwi.” (2 Timoti 2:4) Musoja ari pahondo haatarisirwi kuti avhiringidzwe nezvinoitwa nevanhu. Kuti iye nevamwe varambe vari vapenyu zvinoenderana nokuti nguva dzose akagadzirira kuteerera zvaanoudzwa nomukuru wake. Somusoja waKristu, unofanirawo kuva nepfungwa imwe chete, worega kuzvipinza mukutsvaka zvinhu zvisingakoshi zvingakutadzisa kuita zvizere ushumiri hwako hunoponesa upenyu.—Mateu 6:24; 1 Timoti 4:16; 2 Timoti 4:2, 5.

19 Pane kuvavarira kuva noupenyu hwomutambarakede, iva nomweya wokuzvipira. “Gadzirira kurarama upenyu husiri hwomutambarakede, somumwe wemasoja aJesu Kristu.” (2 Timoti 2:3, The English Bible in Basic English) Paaifamba naPauro, Timoti akadzidza kugutsikana kunyange pazvainge zvakaomesesa. (VaFiripi 4:11, 12; 1 Timoti 6:6-8) Unokwanisa kuzviitawo. Unoda here kuzvipira nokuda kwezvinhu zvoUmambo?

Kukomborerwa Iye Zvino Uye Mune Remangwana

20, 21. (a) Tsanangura zvimwe zvikomborero zvinowanika kana ukaita zvinangwa zvokunamata. (b) Wakatsunga kuitei?

20 Kwemakore 15, Timoti aive bhande nebhurugwa naPauro. Timoti akazvionera ungano dzakawanda dzichitanga sezvo mashoko akanaka akapararira kuchamhembe kwose kwenzvimbo yeMediterranean. Upenyu hwake hwainakidza uye hwaigutsa kupfuura kudai akanga asarudza kurarama “sezvaingoita vamwe.” Kana ukaronga kuva nezvinangwa zvokunamata, newewo uchawana zvikomborero zvisingatauriki mune zvokunamata. Uchaswedera pedyo naJehovha uye uchadiwa nokuremekedzwa nevamwe vaKristu. Pane kurwadziwa nokushungurudzika zvinobva pakutsvaka kupfuma, uchawana mufaro wechokwadi unobva pakuzvipira. Chinonyanya kukosha ndechokuti ‘uchabatisisa upenyu chaihwo’—upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano.—1 Timoti 6:9, 10, 17-19; Mabasa 20:35.

21 Saka kana usati wazviita, tinokukurudzira nomwoyo wose kuti utange izvozvi kuvavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari. Muungano, shamwaridzana nevaya vanokwanisa kukubatsira kuita zvinangwa zvokunamata uye vabvunze mazano. Koshesa kudzidza Shoko raMwari uri woga. Tsunga kuramba mweya wenyika ino wokuda kupfuma. Nguva dzose yeuka kuti Mwari “anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare” anokuvimbisa kuti unogona kuva nezvikomborero zvinofadza pari zvino uye mune ramangwana kana ukasarudza zvinangwa zvinomukudza.—1 Timoti 6:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 VaGiriki vaikoshesa kwazvo kudzidza. Plutarch, uyo akararamawo panguva yaTimoti, akanyora kuti: “Kudzidza zvakanaka ndiko kunoita kuti uwane zvose zvakanaka. . . . Ndinoti, izvozvo ndizvo zvinobatsira kuti uve netsika dzakanaka uye ufare. . . . Zvimwe zvose tinozviita nokuti tiri vanhu, hazvina basa uye hatingambozvinetsi nazvo.”—Moralia, I, “Dzidzo Yevana,” (The Education of Children).

Unoyeuka Here?

• Vaduku vangawana kupi rubatsiro rwokuita zvinangwa zvokunamata?

• Nei kunyatsodzidza Bhaibheri kuchikosha zvikuru?

• Vaduku vangaramba sei mweya wokuda kupfuma wenyika ino?

• Zvikomborero zvipi zvinowanika kana ukatsvaka zvinangwa zvokunamata?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Timoti akaronga zvinangwa zvakanakisisa

[Mifananidzo iri papeji 25]

Timoti akakurudzirwa navanaani?

[Mifananidzo iri papeji 26]

Uri kuronga zvinangwa zvokunamata here?