Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jefta Anoita Sezvaakapika Kuna Jehovha

Jefta Anoita Sezvaakapika Kuna Jehovha

Jefta Anoita Sezvaakapika Kuna Jehovha

MURWI anokunda anodzokera kumba pashure pokusunungura rudzi rwake pakudzvinyirirwa. Mwanasikana wake anomumhanyira kuti asangane naye, achitamba nomufaro uye achiridza gandira. Paanongoona mwanasikana wake, pane kuti afare, anobvarura nguvo dzake. Nei? Haafariwo sezviri kuita mwanasikana wake here kuti adzoka ari mupenyu? Ihondo ipi yaakunda? Anombova ani?

Murume wacho ndiJefta, mumwe wevatongi veIsraeri yekare. Asi kuti tipindure mimwe mibvunzo uye kuti tione kukosha kwenyaya yacho, tinofanira kufunga nezvezvakatanga zvaitika zvokusanganazve kwavo kunoshamisa.

Dambudziko Muna Israeri

Jefta anorarama munguva yedambudziko. Vamwe vake vaIsraeri vasiya kunamata kwakachena uye vari kushumira vanamwari veSidhoni, Moabhi, Amoni, neFiristiya. Naizvozvo Jehovha anosiya vanhu vake vachidzvinyirirwa nevaAmoni uye nevaFiristiya kwemakore 18. Vanhu vanogara muGiriyedhi, kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani, vari kutambura zvikuru. * Pakupedzisira, vaIsraeri vanopengenuka, vopfidza, votsvaka kubatsirwa naJehovha, vobvisa vanamwari vokumwe pakati pavo.—Vatongi 10:6-16.

VaAmoni vanodzika matende avo muGiriyedhi, uye vaIsraeri vanoungana kuti vasangane navo. Asi vaIsraeri havana mutungamiriri. (Vatongi 10:17, 18) Panguva iyi, Jefta ane zvinetso zvakewo. Vakoma vake vane makaro vamudzinga kuti vagoba nhaka yake. Saka Jefta anotamira kuTobhu, nzvimbo iri kumabvazuva kweGiriyedhi uye isina kudzivirirwa kuvavengi vevaIsraeri. “Varume vaiva vasina zvokuita,” zvichida vaya vakanga vadzingwa pabasa nevadzvinyiriri kana kuti vakanga varamba kuva varanda, vanoenda voga kuna Jefta. ‘Vanoenda pamwe chete naye,’ zvichida zvinoreva kuti vanoenda pamwe chete naJefta paanondorwisa vavakidzani vane utsinye. Zvimwe nokuti Jefta aiva mhare, Magwaro anomuti “murume ane simba, akashinga.” (Vatongi 11:1-3) Saka ndiani achatungamirira vaIsraeri kuti vanorwa nevaAmoni?

“Uya Uve Mutungamiriri Wedu”

Varume vakuru veGiriyedhi vanokumbira Jefta vachiti: “Uya uve mutungamiriri wedu.” Kana vanhu ivavo vari kutarisira kuti achabva akurumidza kuuya kunyika yokumusha kwake achifara, vairasa. Anopindura achiti: “Hamusi imi maindivenga zvokuti makandidzinga muimba yababa vangu here? Zvino mauyirei kwandiri zvamava kutambudzika?” Zvakaipa chaizvo kuti vanombotanga varamba Jefta asi vozomukumbira kuti avabatsire!—Vatongi 11:4-7.

Chinhu chimwe chete bedzi ndicho chingaita kuti Jefta ave mutungamiriri muGiriyedhi. ‘Kana Jehovha akaisa vaAmoni kwandiri, ndichava mukuru wenyu!’ Kukunda kwaizoratidza kuti ari kutsigirwa naMwari, asi Jefta anodawo kuva nechokwadi chokuti kutonga kwaMwari kwaisazoshorwa nokukurumidza kana dambudziko racho rapera.—Vatongi 11:8-11.

Kukurukurirana nevaAmoni

Jefta anoedza kutaurirana nevaAmoni. Anotumira vanhu kuna mambo wavo kuti abvunze chikonzero chinoita kuti vade kurwisa. Vanopindura vachipomera vaIsraeri kuti: Pavakabuda muIjipiti, vakagara munyika yevaAmoni, uye vanofanira kuidzorera.—Vatongi 11:12, 13.

Jefta anoramba zvakataurwa nevaAmoni nokuti anonyatsonzwisisa nhoroondo yevaIsraeri. Anovataurira kuti vaIsraeri pavakabva kuIjipiti havana kunetsa vaAmoni, vaMoabhi, kunyange vaEdhomu; uye kuti panguva iyoyo, nyika yacho yakanga isiri yevaAmoni. Yaiva nyika yevaAmori panguva iyoyo, asi Mwari akaita kuti mambo wavo, Sihoni, akundwe nevaIsraeri. Uyezve, vaIsraeri vakanga vagara munzvimbo iyoyo kwemakore 300. Saka nei vaAmoni vava kuda nyika yacho iye zvino?—Vatongi 11:14-22, 26.

Jefta anofungawo nezvenyaya inonyanya kuita kuti vaIsraeri vatambure, yokuti: Mwari wechokwadi ndiani? NdiJehovha here kana kuti ndivanamwari venyika iyoyo iri kugara vaIsraeri? Kudai Kemoshi aiva nesimba, angadai asina kurishandisa here kuti atorezve nyika yevanhu vake? Iri igakava rechitendero chenhema, chinotsigirwa nevaAmoni, uye kunamata kwechokwadi. Saka Jefta achiratidza kuti anonzwisisa anozoti: “Jehovha Mutongi ngaatonge nhasi pakati pevanakomana vaIsraeri nevanakomana vaAmoni.”—Vatongi 11:23-27.

Mambo wevaAmoni haateereri shoko raJefta rinoratidza kuti haadzokeri shure. “Mudzimu waJehovha [unova] pana Jefta, [anopfuuura] nomuGiriyedhi nepakati paManase,” zvimwe achiunganidza varume vanokwanisa kunorwa.—Vatongi 11:28, 29.

Mhiko yaJefta

Achida kutungamirirwa naMwari, Jefta anoita mhiko kuna Mwari achiti: “Chokwadi kana mukaisa vanakomana vaAmoni muruoko rwangu, munhu achabuda, anobuda mumasuo eimba yangu kuzondichingura pandinodzokera norugare ndichibva kuvanakomana vaAmoni, achavawo waJehovha, uye ndichapa iyeye sechinopiwa chinopiswa.” Achimupindura, Mwari anokomborera Jefta nokuita kuti aparadze maguta 20 evaAmoni, ‘anouraya vakawanda kwazvo,’ achibva akunda vavengi vevaIsraeri.—Vatongi 11:30-33.

Jefta paanodzoka kuhondo, mwanasikana wake mumwe oga waanoda zvikuru ndiye anomutambira! Nyaya yacho inoti: “Paakamuona, akatanga kubvarura nguo dzake akati: ‘Maiwe, mwanasikana wangu kani! Chokwadi wandiunzira nhamo, iwe ndiwe munhu wandanga ndichiunzira dambudziko. Ini ndashama muromo wangu kuna Jehovha, uye handikwanisi kurega.”—Vatongi 11:34, 35.

Chaizvoizvo Jefta achapa mwanasikana wake sechibayiro here? Kwete. Hazvisiri izvo zvaari kufunga. Jehovha anovenga zvibayiro zvevanhu chaivo, inova ndiyo imwe yetsika dzakaipa dzaiitwa nevaKenani. (Revhitiko 18:21; Dheuteronomio 12:31) Jehovha haana kungoita kuti mudzimu wake uve pana Jefta chete paakaita mhiko yake asiwo akamukomborera pane zvaakaita. Magwaro anotaura zvakanaka nezvaJefta pamusana pokutenda kwake uye basa raakaita rine chokuita nechinangwa chaMwari. (1 Samueri 12:11; VaHebheru 11:32-34) Saka zvokubayira munhu—kuuraya—chinhu chisingatombofungiki. Saka Jefta akanga achifungei paakapika kuti aizopa munhu sechibayiro kuna Jehovha?

Zviri pachena kuti Jefta aireva kuti aizotsaura munhu waaizosangana naye kuti anoita basa raMwari chete chete. Mutemo waMosesi waibvumira munhu kuti apikire kuzopa munhu kuna Jehovha. Somuenzaniso, pane vakadzi vaishanda panzvimbo tsvene, zvichida vachiita basa rokuchera mvura. (Eksodho 38:8; 1 Samueri 2:22) Zvishomanana zvinozivikanwa nezvebasa iroro uye kana raizoitwa zvechigarire achifunga nezvokuzvipira ikoko paakanga achiita mhiko yake, uye zvinoita sokuti mhiko yake yaizova yechigarire.

Mwanasikana waJefta uye gare gare chikomana chainzi Samueri, vose vakabvuma kuti vazadzike mhiko dzevabereki vavo vainamata Mwari. (1 Samueri 1:11) Somushumiri waJehovha akavimbika, mwanasikana waJefta akanga achibvumirana nababa vake kuti mhiko iyoyo yaifanira kuzadziswa. Kuzvipira kwacho kwakanga kwakakura, nokuti zvaireva kuti akanga asingazombofi akaroorwa. Akachema umhandara hwake nokuti muIsraeri wose aida kuva nevana kuti achengetedze zita remhuri uye kuitira nhaka. Kuna Jefta, kuzadzika mhiko zvaireva kuti mwana wake oga waaida aizenge asisipo.—Vatongi 11:36-39.

Upenyu hwokuvimbika hwemhandara iyi hahuna kutambiswa. Basa renguva yakazara paimba paJehovha raiva chinhu chakanaka zvikuru, chaigutsa uye chairumbidzwa kuti akudze Mwari. Saka, “gore negore vanasikana vaIsraeri vaienda kunorumbidza mwanasikana waJefta muGiriyedhi, mazuva mana pagore.” (Vatongi 11:40) Uye zvechokwadi Jefta akafara nebasa raiitirwa Jehovha nomwanasikana wake.

Pavanhu vaMwari vakawanda nhasi, pane vamwe vanosarudza kuita basa renguva yakazara semapiyona, mamishinari, vatariri vanofambira, kana kuti nhengo dzemhuri yeBheteri. Izvi zvingareva kuti havaonani nevemumhuri dzavo kakawanda sezvavangada. Asi vose vanoita mabasa aya vanogona kufara nokuita basa iroro rinoitirwa Jehovha.—Pisarema 110:3; VaHebheru 13:15, 16.

Kuramba Kutungamirirwa naMwari

Tikatarisa nguva yakararama Jefta, tinoona kuti vaIsraeri vakawanda vanoramba kutungamirirwa naJehovha. Pasinei zvapo nouchapupu hwokuti Mwari ndiye ari kukomborera Jefta, vaEfremu vanokakavadzana naye. Vanoda kuziva kuti nei asina kuenda navo kuhondo. Vanotoda ‘kumupisira mumba make’!—Vatongi 12:1.

Jefta anoti akadaidza vaEfremu, asi havana kuda kuuya. Kunyange zvakadaro, Mwari akakunda pahondo yacho. Iye zvino vatsamwa nokuti vaGiriyedhi havana kuvaudza pavakanga vachisarudza Jefta somutungamiriri wavo here? Kutaura zvazviri, kuramba kwakaita vaEfremu kunotoratidza kuti vakapandukira Jehovha, uye hapana zvimwe zvokuita kunze kwokurwa navo. Muhondo inotevera, vaEfremu vanokundwa. Nokuti havagoni kutaura zvakarurama shoko ravanoedzwa naro rokuti “Shibhoreti,” zvinova nyore kuziva varume veEfremu vari kutiza. VaEfremu 42 000 vanourayiwa muhondo yacho.—Vatongi 12:2-6.

Inguva inosuruvarisa zvikuru munhoroondo yevaIsraeri! Vatongi, Otinieri, Ehudhi, Bharaki, naGidhiyoni pavakakunda muhondo, zvakaita kuti pave norugare. Iye zvino hakuna rugare. Nhoroondo yacho inogumisa ichiti: “Jefta akaramba achitonga Israeri kwemakore matanhatu, . . . achibva azofa akavigwa muguta rake muGiriyedhi.”—Vatongi 3:11, 30; 5:31; 8:28; 12:7.

Chii chatingadzidza pane zvose izvi? Kuti kunyange zvazvo upenyu hwaJefta hwakanga huri hwokurwa, akanga akavimbika kuna Mwari. Uyu murume akashinga akataura nezvaJehovha paakataura nevarume vakuru vokuGiriyedhi, kuvaAmoni, kumwanasikana wake, uye kuvaEfremu, uyewo paakaita mhiko yake. (Vatongi 11:9, 23, 27, 30, 31, 35; 12:3) Mwari akakomborera Jefta nokuti akanga akazvipira, uye akamushandisa iye nomwanasikana wake kuti kunamata kwakachena kufambire mberi. Nokufamba kwenguva vamwe pavakasiya mirayiro yaMwari, Jefta akaramba akaomerera kwairi. SaJefta, ucharamba uchiteerera Jehovha here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 VaAmoni vaiva noutsinye zvikuru. Makore 60 asati ambopera, vakatyisidzira kuti vaizotushura maziso okurudyi evanhu vose vaigara muguta reGiriyedhi ravaigara vachirwisa. Muprofita Amosi akataura nezvenguva vaAmoni yavaitumbura vakadzi vokuGiriyedhi vaiva nepamuviri.—1 Samueri 11:2; Amosi 1:13.