Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukunda Mudare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope

Kukunda Mudare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope

Kukunda Mudare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope

MUSI waJanuary 11, 2007, Dare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope muStrasbourg, kuFrance, rakapa mutongo waitsigira Zvapupu zvaJehovha zvokuRussia munyaya yazvakamhan’arira Hurumende yeRussia. Mutongo wacho wakatsigira kuti Zvapupu zvaJehovha zvisununguke pakunamata uye kuti zvive nekodzero yokuti nyaya yazvo itongwe pasina udzvanyiriri. Ngationei kwakabva nyaya yacho.

Ungano yeZvapupu zvaJehovha iri muguta reChelyabinsk, kuRussia, ine matsi dzakawanda zvikuru. Vaiitira misangano yavo pane imwewo koreji inodzidzisa vanhu mabasa emaoko vachibhadhara rendi. Musi weSvondo, April 16, 2000, gungano ravo rakadzongonyedzwa nasachigaro wechidzimai, kana kuti Mukuru mukuru weSangano Rekodzero Dzevanhu Redunhu iroro, aine vakuru vakuru vemapurisa vaviri nomumwe akanga asina yunifomu. Nokuti Mukuru mukuru wacho aivavenga, gungano racho rakamiswa vachipomerwa mhosva dzenhema dzokuti vaipinda misangano zvisiri pamutemo. Kubva musi waMay 1, 2000, chibvumirano chavo chokushandisa koreji iyoyo chakanzi chapera.

Zvapupu zvaJehovha zvakamhan’ara kumuchuchisi weguta reChelyabinsk, asi hapana chakabuda. Bumbiro Romutemo rokuRussia uye Chibvumirano Chokudzivirira Kodzero Dzevanhu Nokusununguka chinobvumira kuti munhu asununguke kupinda chechi yaanoda uye kuti munhu asununguke kuva nhengo yesangano raanoda. Saka mhosva yokutadza kugarisana yakamhan’arwa kudare ikazokwidzwa kudare repamusoro. Musi waJuly 30, 1999, dare repamusorosoro romunyika iyoyo mune imwewo nyaya rakapa mutongo wokuti “maererano noMutemo weRussia wokuva nehana yakasununguka uyewo wezvemasangano emachechi, mashoko okuti ‘pasina kudzongonyedzwa’ anoreva kuti machechi haafaniri kukumbira mvumo kuvakuru vakuru vehurumende kuti ashandise zvivako [zvaanenge ahaya nechinangwa chokunamata].” (Varidzi ndivo vaisa zvikomberedzo.) Pasinei nomutongo uyu, zvichemo zvakaendeswa kudare rokutanga nerechipiri zvakarambwa.

Musi waDecember 17, 2001, nyaya yacho yakaendeswa kuDare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope. Nyaya yacho yakatongwa musi waSeptember 9, 2004. Mashoko anotevera akatorwa pamutongo wokupedzisira wakaitwa neDare:

a uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

“Dare rinoona kuti kodzero dzevamhan’ari dzorusununguko rwokunamata dzakatyorwa nokuti musi wa16 April 2000, vakuru vakuru veHurumende vakaita kuti gungano ravo rimiswe risati rapera.”

“Zviri pachena kuti pakanga pasina chikonzero chiri pamutemo chokumisa musangano wechechi wakanga uchiitirwa panzvimbo yavakanga vachirenda zviri pamutemo.”

“[Dare rino] rinoona kuti maererano nenyaya dzakambotongwa neDare Repamusorosoro machechi haafaniri kufanokumbira kana kuti kuzivisa hurumende nezvemisangano yawo.”

“Saka Chikamu 9 cheChibvumirano chorusununguko rwokunamata chakatyorwa nokuti musangano wechechi wevamhan’ari wakamiswa musi wa16 April 2000 noMukuru mukuru weSangano Rekodzero Dzevanhu Redunhu iroro nevamwe vake.”

“Dare rino rinoona kuti matare maduku akatadza basa rawo . . . rokuona kuti nyaya yevakamhan’arirana yatongwa zvakanaka pasina kusarura. Chikamu 6 cheChibvumirano [chekodzero yokutongwa pasina kusarura] chakatyorwa.”

Zvapupu zvaJehovha zvinoonga kuti Mwari akaita kuti zvikunde muDare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope. (Pisarema 98:1) Mutongo weDare iri uchachinja sei zvinhu? Joseph K. Grieboski, purezidhendi weSangano Remitemo Yokunamata uye Yevoruzhinji anoti: “Uyu mumwezve mutongo unokosha une chokuita norusununguko rwokunamata muEurope yose nokuti mutongo wacho uchasimbisa kodzero dzemachechi ari munyika dzose dziri nhengo dzeDare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope.”