Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Netariro Munyika Yakazara Nenhamo

Kuva Netariro Munyika Yakazara Nenhamo

Kuva Netariro Munyika Yakazara Nenhamo

“VANHUWO zvavo vava kukwanisa kubatsira voruzhinji uye kugadzirisa matambudziko akajairika kupfuura zvazvaiva zvakaita kare.” Bill Clinton, aimbova Purezidhendi wokuUnited States akataura mashoko iwayo pane mumwe musangano wakaitirwa muOttawa, kuCanada, muna March 2006. Akagumisa kuti kubvira pakaitika tsunami muna 2004, nyika yose yave ichibatsirana zvikuru uye akataura aine tariro kuti iye zvino pasi pose “vanhu vava kuvimbana zvisati zvakamboitika.”

Tingatarisira kuti njodzi dzinongoitika dzoga dziite kuti kwose kwose vanhu vashande vachibatsirana kuti vave neramangwana riri nani here? “Kuvimbana kwevanhu zvisati zvakamboitika” kungaita kuti tive netariro yeramangwana rine rugare rwechokwadi uye rakachengeteka zvechigarire here?

Kwatinowana Tariro Yechokwadi

Nhoroondo youpenyu hwevanhu hunopfuura makore zviuru zvitanhatu inoratidza kuti vanhu vanoramba vachiodza vamwe mwoyo. Ndokusaka Magwaro akafuridzirwa achitinyevera kuti: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa.” (Pisarema 146:3) Kuvimba nemasangano enyika ino, zvinhu zvayo, uye zvido zvayo kunongoodza mwoyo. Nei? Nokuti “nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo.”—1 Johani 2:17.

Zvisinei, mumazana emakore akapfuura, vanhu vakarurama vave vachivimba naMwari. Bhaibheri rinomuti “tariro yaIsraeri” wekare uye “tariro yemadzitateguru” aIsraeri, uye rinotaura zvakawanda nezvetariro uye kuvimba naye. (Jeremiya 14:8; 17:13; 50:7) Zvechokwadi, Magwaro anotikurudzira kuti ‘titarisire kuna Jehovha.’—Pisarema 27:14.

Zvirevo 3:5, 6 inotikurudzira kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” Unogona kuvimba zvizere nechipikirwa chakadaro nokuti Jehovha Mwari haachinji, akavimbika, uye nguva dzose anozadzisa zvaanenge ataura. (Maraki 3:6; Jakobho 1:17) Anoda kuita zvakakunakira, uye kana uchigara uchiteerera zvinotaurwa muShoko rake Bhaibheri, zvichanyatsokutungamirira munguva dzino dzinotyisa.—Isaya 48:17, 18.

Munhu anonyatsoita zvinotaurwa naMwari anogona kuvimba nechipikirwa ichi, chinoti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” (Isaya 41:10) Kunyengetera nomwoyo wose pamwe chete nokufungisisa chipikirwa ichi kunonyaradza zvikuru vose vaya vanonyatsoda Jehovha Mwari, nokuti kunovabatsira kukurira mamiriro ezvinhu anotambudza uye kuti varege kuzvidya mwoyo.

Chimbofunga nezvomumwe mukadzi anonzi Andrea, mumwe weZvapupu zvaJehovha ane vana vaviri. Anoti: “Kana zvinhu zvisina kundimirira zvakanaka, ndinongonyengetera uye ndinofungisisa zvipikirwa zvaJehovha. Kana ndikaramba ndichiona Jehovha somunhu asingachinji muupenyu hwangu, zvinova nyore zvikuru kuramba ndakatsiga.”

Ita Kuti Tariro Yako Muna Jehovha Isimbe

Achitaura nezvokukosha kwokutarisira kuna Jehovha, mumwe munyori wepisarema akati: “Rugare rukuru ndorwevaya vanoda mutemo wenyu, uye hapana chinovagumbura.” (Pisarema 119:165) Kudzidza Shoko raMwari nomwoyo wose kuchakubatsira zvikuru kuti uzadze pfungwa dzako nomwoyo wako ‘nezvinhu zvechokwadi, zvinhu zvokuva nehanya nazvo, zvinhu zvakarurama, zvinhu zvakachena, zvinhu zvinodiwa, zvinhu zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kungavapo, uye zvinhu zvinorumbidzwa.’ Izvi zvichakubatsira pakunamata. Kana ukaedza nomwoyo wose kuteerera, kudzidza, kugamuchira, uye kuita zvinhu zvakadaro, ‘Mwari worugare achava newe.’—VaFiripi 4:8, 9.

Achitaura zvave zvichiitika kwaari kwemakumi emakore, John anoti: “Ndisati ndachinja maonero andaiita ramangwana, zvaikosha kuziva kuti ndaifanira kukurumidza kuchinja unhu hwangu nemafungiro angu, ndisati ndava kutarisira kuva noukama naMwari akakwana, asingaoneki. Kuva munhu akasimba pakunamata ndiko bedzi kwakaita kuti ndive noukama ihwohwo. Izvozvo zvaisanganisira kuverenga Shoko rake rakafuridzirwa uye kurifungisisa kuitira kuti ndive munhu anoda Mwari uye anoda kuita zvinodiwa naMwari.”

Kana ukanwa mvura yechokwadi inozorodza, inopa upenyu iri muMagwaro akafuridzirwa, unenge uchishandisa nzira yechokwadi inobudirira kuti urege kuita zvinhu zvakawanda zvakaipa zvinobudiswa zuva nezuva mumapepanhau, mumaredhiyo neterevhizheni. Kuita zvinotaurwa muBhaibheri kunogonawo kusimbisa ukama hwemhuri yako kwoita kuti urege kunyanya kuzvidya mwoyo. Uyezve, Mwari anopikira kuti akagadzirira kuratidza “simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Achagadzirisa zvinhu nenzira yokuti hapana chaunozombotya.

Mumwe murume anonzi Phinehas akapukunyuka hondo uye akapukunyuka paiurayiwa vanhu vakawanda, anoti: “Ndakadzidza kusiyira upenyu hwangu mumaoko aJehovha. Kuomerera pane zvinodzidziswa neBhaibheri kwakaita kuti ndisave nematambudziko akawanda.” Kana uchinyatsovimba naJehovha Mwari, anogona kukubatsira kukurira dambudziko chero ripi zvaro rakaita segomo. (Pisarema 18:29) Mwana muduku anonzwanana nevabereki vake anonyatsovimba navo uye anonzwa akachengeteka kana ainavo kunyange paanenge achirwara kana kuti aine zvinomunetsa. Unogona kunzwa saizvozvo kana ukashanda nesimba uye ukabvuma zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti utarisire kuna Jehovha.—Pisarema 37:34.

Nheyo Yechokwadi Inoita Kuti Tive Netariro

Jesu Kristu akaudza vateveri vake kuti: “Munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’” (Mateu 6:9, 10) Umambo hwokudenga ihwohwo, kureva hurumende inotungamirirwa naJesu Kristu, inzira yaMwari yaanoratidza nayo kuti akakodzera kutonga nyika ino.—Pisarema 2:7-12; Dhanieri 7:13, 14.

Zvinhu zvakasiyana-siyana zvinotyisa zviri kuitika muupenyu nhasi zvinonyatsoratidza kuti Mwari anofanira kuzvigadzirisa. Zvinofadza kuti ava kuda kuzvigadzirisa! Iye zvino Jesu Kristu zvaakagadzwa pachigaro naMwari kuti ave Mambo Mesiya, akapiwa simba rokureverera uchangamire nerokutsvenesa zita raJehovha. (Mateu 28:18) Munguva pfupi, Umambo hwacho huchatonga nyika hwobvisa zvose zvinoita kuti vanhu vatye uye vazvidye mwoyo. Isaya 9:6 inotaura zvinhu zvinoratidza kuti Jesu Mutongi akakodzera anogona kutisunungura pane zvatinotya. Somuenzaniso, anonzi “Baba Vasingagumi,” “Mupi weZano Anoshamisa,” uye “Muchinda woRugare.”

Chimbofunga mashoko anoratidza ushamwari okuti “Baba Vasingagumi.” Zvaari “Baba Vasingagumi,” Jesu ane simba nechiremera uyewo anoda kuita kuti vanhu vanoteerera vatarisire kuzowana upenyu husingagumi pasi pano nemhaka yechibayiro chake chorudzikinuro. Izvi zvinoreva kuti pakupedzisira vachasunungurwa pachivi nokusakwana zvavakagara nhaka kumunhu wokutanga aiva nechivi, Adhamu. (Mateu 20:28; VaRoma 5:12; 6:23) Kristu achashandisawo simba rake raakapiwa naMwari kuti amutse vanhu vakawanda vakafa.—Johani 11:25, 26.

Paaiva pasi pano, Jesu aiva “Mupi weZano Anoshamisa.” Jesu aigona kugadzirisa zvinetso zvoupenyu hwezuva nezuva nemhaka yokuti aiziva Shoko raMwari uye kuti ainyatsonzwisisa masikirwo akaitwa vanhu. Kubvira paakagadzwa pachigaro kudenga, Kristu achiri “Mupi weZano Anoshamisa.” Jehovha anomushandisa paanenge achitaura nevanhu. Nguva dzose mazano aJesu ari muBhaibheri anoratidza kuchenjera uye akakwana. Kuziva izvi uye kuzvibvuma kungaita kuti urarame uchiziva chokwadi uye usina kana chaunombotya.

Isaya 9:6 inotiwo Jesu “Muchinda woRugare.” Zvaaine chinzvimbo chakadaro, Kristu achakurumidza kushandisa simba rake kuti abvise kusaruramisira kwose mune zvematongerwo enyika, munzanga, uye mune zvoupfumi. Sei? Nokuita kuti Umambo humwe chete hwaMesiya hutonge vanhu zvine rugare.—Dhanieri 2:44.

Umambo pahunenge huchitonga, nyika yose ichava norugare rusingaperi. Nei ungava nechokwadi nazvo? Nokuti pana Isaya 11:9 panoti: ‘Vanhu vanotongwa noUmambo havazombokuvadzi kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene; nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.’ Pakupedzisira, munhu wose ari pasi pano achava nezivo yakarurama pamusoro paMwari uye achamuteerera. Tariro iyoyo inonyevenutsa mwoyo wako here? Kana zvakadaro, usanonoka ‘kuwana zivo yaJehovha’ iyo inokosha.

Kana ukaongorora zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri nezvezvinhu zviri kuitika uye nezveramangwana rakanaka rinopikirwa neBhaibheri, unogona kubatsirwa nezivo yaMwari inosimbisa kutenda uye inopa upenyu. Saka tinokukurudzira kuti ubatsirwe nepurogiramu yeZvapupu zvaJehovha zvokwaunogara yokudzidza Bhaibheri usingabhadhari. Iyi ndiyo nzira yokuita kuti usanyanya kutya uye yokuti uwane tariro yechokwadi munyika yakazara nenhamo.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]

Zvinoita Kuti Hurumende yoUmambo Iite Kuti Uve Netariro

Zvaari Mambo woUmambo hwaMwari, Jesu Kristu akapiwa mano uye kodzero yokushandisa simba pazvinhu zvose. (Mateu 28:18) Achaita kuti zvinhu zvipenyu nezvinhu zvakazvipoteredza zvive zvakakwana. Anokwanisawo kubvisa zvirwere. Mabasa ane simba akaitwa naJesu paaiva pasi pano aingoratidza zvikomborero zvakanaka kwazvo zvichauya paachange ava kutonga saMambo akakwana uye akavimbika. Unhu hupi hwaMambo Mesiya uyu huri pasi apa hwaunonyanya kufarira?

Ari nyore kutaura naye.Mako 10:13-16.

Anonzwisisa uye haasaruri.Mako 10:35-45.

Akavimbika uye haana udyire.Mateu 4:5-7; Ruka 6:19.

Akarurama uye anoruramisira.Isaya 11:3-5; Johani 5:30; 8:16.

Anofunga vamwe, ane hanya uye anozvininipisa.Johani 13:3-15.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa kunoita kuti tive netariro muna Jehovha