Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingabatsira Sei Vana Vangu Kuti Vave Vanhu Vakanyatsodzidza?

Ndingabatsira Sei Vana Vangu Kuti Vave Vanhu Vakanyatsodzidza?

Ndingabatsira Sei Vana Vangu Kuti Vave Vanhu Vakanyatsodzidza?

DZIDZO yomwana ingafananidzwa norwendo runonakidza asi rwakaoma. Rwendo rwaunofamba iwe nevana vako. Unovakurudzira uye unovatungamirira norudo, uchivabatsira kuramba vachifamba munzira youpenyu. Vanodzidza zvinhu zvakawanda chaizvo!

Kuti vana vanyatsobudirira uye vafare muupenyu, vanofanira kuva netsika uye kuva noukama naMwari, vogona kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Kana vakasvika pakuziva Jehovha uye kumuda, zvechokwadi vachawana mubayiro wokudzidza kwavo uye mirayiridzo yavanowana ichagara nokusingaperi. Somubereki ndiwe musimboti wezvinodzidzwa nevana vako uye kuti vachakoshesa nokunzwisisa sei zvavanodzidza.

Murwendo urwu mune matambudziko. Vana vari nyore kufurirwa, uye vanogona kudzidziswa zvinhu zvakawanda zvisina kunaka nevanhu vasiri vomumhuri mavo. Tinogara munyika inodzorwa naSatani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Anofarira dzidzo yevana vako, asi nokuda kwezvikonzero zvakasiyana zvachose nezvako. Satani inyanzvi yokudzidzisa yagara nebasa rayo—asi mudzidzisi akaipa chaizvo. Kunyange zvazvo achinyepedzera kuva “ngirozi yechiedza,” anopa chiedza chinonyengera uye chisingaenderani neShoko raJehovha uye zvaanoda. (2 VaKorinde 4:4; 11:14; Jeremiya 8:9) Satani nemadhimoni ake inyanzvi dzokunyengera, vanotsigira udyire, kusatendeseka, uye kuparara kwetsika.—1 Timoti 4:1.

Chii chaungaita kuti udzivirire vana vako kuti vasatsauswa? Ungavadzidzisa sei kuti vabvume zvinhu zvakarurama uye zvinokosha? Danho rinokosha nderokuzviongorora iwe pachako. Unofanira kuratidza muenzaniso wakanaka. Zvinokoshawo kuti ubvume basa rako rokudzidzisa vana vako uye kuzvipa nguva yokuita izvozvo. Zvisinei, tisati takurukura pfungwa idzi, ngationei nheyo yedzidzo inokosha.

Nheyo Yedzidzo Yechokwadi

Tinogona kudzidza pane zvakaitwa naSoromoni Mambo waIsraeri, mumwe wevanhu vakanga vakachenjera zvikuru akamborarama. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari akaramba achipa Soromoni uchenjeri nokunzwisisa uye mwoyo unonzwisisa zvakanga zvakawanda kwazvo, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa. Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga huchipfuura kwazvo uchenjeri hweVokumabvazuva vose uye huchipfuura uchenjeri hwose hweIjipiti.” Soromoni “aigona kutaura zvirevo zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru neshanu.” Aiziva zvakawanda nezvezvirimwa uye upenyu hwemhuka. (1 Madzimambo 4:29-34) Mambo Soromoni ndiye aitarisirawo zvirongwa zvokuvaka zvevaIsraeri, kusanganisira kuvakwa kwetemberi yaJehovha yakanga yakanaka kwazvo yaiva muJerusarema.

Zvakanyorwa naSoromoni, zvakadai sezviya zvinowanikwa mubhuku raMuparidzi, zvinoratidza kuti ainyatsonzwisisa unhu hwevanhu. Akafuridzirwa naMwari kuti ataure nheyo yedzidzo yechokwadi. Soromoni akati: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwezivo.” Mambo akachenjera uyu akatiwo: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri, uye kuziva Mutsvenetsvene ndiko kunzwisisa.”—Zvirevo 1:7; 9:10.

Kana tichitya Mwari, tinomuremekedza uye tinochenjerera kuti tisamugumbura. Tinoziva kuti ndiye Mukurusa uye kuti tinozvidavirira kwaari. Vaya vanozvidza munhu anotipa upenyu vanganzi vakachenjera nevanhu, asi uchenjeri hwakadaro “upenzi kuna Mwari.” (1 VaKorinde 3:19) Vana vako vanofanira kudzidza kubva pa“uchenjeri hunobva kumusoro.”—Jakobho 3:15, 17.

Kutya kugumbura Jehovha kunoenderana zvikuru nokumuda. Jehovha anoda kuti vashumiri vake vamutye uye vamude. Mosesi akati: “Haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wako ari kukumbirei kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, kuti ufambe munzira dzake dzose, umude, ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose; kuti uchengete mirayiro yaJehovha nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kuti zvikunakire?”—Dheuteronomio 10:12, 13.

Kana tikadzidzisa vana vedu kuti vatye Jehovha zvokumuremekedza, tinenge tichivaka nheyo yedzidzo ichaita kuti vana vedu vave vakachenjera zvechokwadi. Zvavanoramba vachikudziridza kutya ikoko, vachawedzera kuonga kwavanoita Musiki wavo, uyo anopa zivo yose yechokwadi. Izvi zvichabatsira vana vedu kunyatsonzwisisa zvavanodzidza, uye havazosarudzi kuita zvinhu zvakaipa. Vachakwanisa “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Nheyo yakadaro ichavabatsirawo kuti varambe vachizvininipisa uye vasingaiti zvakaipa.—Zvirevo 8:13; 16:6.

Vana Vako Vanoona Zvaunoita!

Zvisinei, tingabatsira sei vana vedu kuti vade Jehovha uye vamutye? Mhinduro yomubvunzo iwoyo iri muMutemo uyo Jehovha akapa vanhu veIsraeri achishandisa muprofita Mosesi. Vabereki vechiIsraeri vakaudzwa kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose. Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.”—Dheuteronomio 6:5-7.

Rugwaro urwu runodzidzisa vabereki zvidzidzo zvinokosha. Chimwe chacho ndeichi: Somubereki, unofanira kuratidza muenzaniso wakanaka. Kuti udzidzise vana vako kuda Jehovha, iwe pachako unofanira kumuda, uye mashoko ake anofanira kuva mumwoyo mako. Nei izvi zvichikosha kwazvo? Nokuti ndiwe mudzidzisi mukuru wevana vako. Zvavanodzidza pamuenzaniso wako zvichavabatsira kana kuvakanganisa. Uye hapana chinhu chinonyanya kuchinja upenyu hwomwana kupfuura muenzaniso womubereki wake.

Zvaunoshuva, zvaunoda, zvaunokoshesa, uye zvaunofarira hazvingooneki mune zvaunotaura asiwo mune zvaunoita. (VaRoma 2:21, 22) Kubvira paucheche, vana vanodzidza nokunyatsoongorora zvinoitwa nevabereki vavo. Vana vanoona zvinokosheswa nevabereki vavo, uye izvi ndizvo zvinhu zvinowanzokosheswawo nevechiduku. Kana uchinyatsoda Jehovha, vana vako vachazviona. Somuenzaniso, vachaona kuti unokoshesa kuverenga Bhaibheri uye kuridzidza. Vachaziva kuti unotanga kuita zvinhu zvine chokuita noUmambo muupenyu hwako. (Mateu 6:33) Kupinda misangano yechiKristu nguva dzose uye kuitawo basa rokuparidza Umambo zvichavaratidza kuti unonyanya kukoshesa kuitira Jehovha basa dzvene.—Mateu 28:19, 20; VaHebheru 10:24, 25.

Ita Basa Rako

Pana Dheuteronomio 6:5-7, vabereki vanogona kudzidzazve izvi: Munofanira kudzidzisa vana venyu. Pavanhu vaJehovha vomunguva yekare, vabereki vaidzidzisa vana vavo. PavaKristu vomuzana remakore rokutanga, vabereki vakaramba vachiita basa guru rokudzidzisa vana vavo. (2 Timoti 1:5; 3:14, 15) Achinyorera vaKristu vaainamata navo, muapostora Pauro akati vanababa ndivo vaifanira ‘kuramba vachirera vana vavo mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.’—VaEfeso 6:4.

Nemhaka yezvinetso zvemazuva ano, basa, uye zvimwe zvinodawo kuitwa, vabereki vangarega vana vavo vachidzidziswa nevamwe vanhu, vakadai sevadzidzisi vokuchikoro kana kuti vanhu vanoita basa rokutarisira vana. Asi hapana anogona kutsiva mubereki ane rudo uye ane hanya. Usamborerutsa kukosha kwaunoita uye kukosha kwomuenzaniso wako. Kana uchida kubatsirwa, sarudza rubatsiro rwacho nokuchenjera, asi usamborega kuita basa rako dzvene.

Iva Nenguva Yokudzidzisa Vana Vako

Pana Dheuteronomio 6:5-7 vabereki vanodzidzazve kuti: Zvinoda nguva uye zvinoda kushanda nesimba kuti vadzidzise vana. Vabereki vechiIsraeri vaifanira ‘kuroverera’ chokwadi chaMwari muvana vavo. Shoko rechiHebheru chepakutanga rakashandurwa kuti “roverera” rinoreva “kudzokorora,” “kuramba uchingotaura.” Izvi zvaifanira kuitwa zuva rose, chokwadi, kubva pamambakwedza kusvika parubvunzavaeni, “mumba mako” uye “mumugwagwa.” Zvinoda nguva uye zvinoda kushanda nesimba kuti udzidzise vana uye kuti uchinje mafungiro nemaitiro avo kuti vafadze Mwari.

Saka ungaitei kuti ubatsire vana vako kuti vave vanhu vakanyatsodzidza? Pane zvakawanda zvaungaita. Vadzidzise kuti vade Jehovha uye kuti vamutye. Varatidze muenzaniso wakanaka. Ita basa rako rokudzidzisa vana vako, uye zvipe nguva inodiwa kuvadzidzisa. Hauna kukwana, uye uchakanganisa paunenge uchivadzidzisa. Asi kana uchiedza nomwoyo wose kuita zvinodiwa naMwari, kazhinji vana vako vachafarira zvaunoedza kuita vobatsirwa nazvo. Zvirevo 22:6 inoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” Izvi zvinoshandawo kuvasikana.

Dzidzo rwendo rwoupenyu hwose. Kana iwe nevana vako muchida Mwari, rwendo rwacho ruchakunakidzai nokusingagumi. Zvakadaro nokuti pachagara paine zvakawanda zvatinofanira kudzidza nezvaJehovha uye kuti tingaita sei chinangwa chake.—Muparidzi 3:10, 11.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Unoverengera vana vako Bhaibheri here?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvipe nguva yokudzidzisa vana vako nezvoMusiki