Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Une Chokwadi Chokuti Vakafa Vachamuka Here?

Une Chokwadi Chokuti Vakafa Vachamuka Here?

Une Chokwadi Chokuti Vakafa Vachamuka Here?

“Kuchava nokumuka.”—MABASA 24:15.

1. Nei zvichiita sokuti munhu wose achatofa chete?

“MUNYIKA ino kufa uye kubhadhara mitero zvinhu zvinotoitika.” Mashoko iwayo, akanyorwa muna 1789 naBenjamin Franklin aiva mukuru mukuru wehurumende yokuAmerica, akaonekwa nevamwe sedama guru. Zvisinei, vanhu vakawanda vasina kutendeseka vanobiridzira pakubhadhara mitero yavo. Kunyange zvakadaro vanotofa chete. Pachedu hatigoni kunzvenga rufu zvachose. Harutiziki. Sezvo Sheori, guva rinoenda vanhu vose isingaguti, inotora vanhu vatinoda. (Zvirevo 27:20) Asi ona pfungwa inonyaradza.

2, 3. (a) Nemhaka yei vamwe vasiri kuzombofa? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Shoko raJehovha rinovimbisa kuti vakafa vachamuka. Uku hakusi kungorotawo zvako, nokuti hapana chinotadzisa Jehovha kuzviita. Asi zvisingazivikanwi nevanhu vakawanda ndezvokuti vamwe havasi kuzombofa. Nemhaka yei? Nokuti “boka guru revanhu” vasingaverengeki richapukunyuka “kutambudzika kukuru,” kuri kukurumidza kuuya. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14) Kutambudzika kukuru kwapera, vachararama vachitarisira upenyu husingagumi. Saka vanenge vasina kuzombofa. Uyezve, ‘rufu ruchaparadzwa.’—1 VaKorinde 15:26.

3 Tinofanira kuva nechivimbo chokuti vakafa vachamuka sezvaiita muapostora Pauro, akati: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Ngationei mibvunzo mitatu ine chokuita nokumuka. Wokutanga, chii chinoita kuti tariro iyi ive yechokwadi? Wechipiri, iwe pachako unganyaradzwa sei netariro yokumuka? Wechitatu, tariro iyi inei chokuita nemararamiro auri kuita iye zvino?

Vakafa Vachamuka Zvechokwadi

4. Kumuka kunokosha sei kana chinangwa chaJehovha chichizoitwa?

4 Pane zvinhu zvinoverengeka zvinoita kuti tive nechokwadi chokuti kumuka kuchaitika. Chokutanga, kumuka kunokosha kana chinangwa chaJehovha chichizoitwa. Yeuka kuti Satani akaita kuti vanhu vaite chivi, chine mugumisiro usinganzvengeki worufu. Saka Jesu akati nezvaSatani: “Iye akanga ari muurayi paakatanga.” (Johani 8:44) Asi Jehovha akavimbisa kuti “mukadzi” wake, kana kuti sangano rake rakaita somudzimai riri kudenga, raizobereka “mwana” aizopwanya “nyoka yepakutanga” mumusoro, achipwanya Satani zvachose. (Genesisi 3:1-6, 15; Zvakazarurwa 12:9, 10; 20:10) Sezvo Jehovha akazivisa zvishoma nezvishoma chinangwa chake chine chokuita noMwana aizova Mesiya, zvakava pachena kuti Mwana wacho aisazongoparadza Satani chete. Shoko raMwari rinoti: “Nokuda kwaizvozvi Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johani 3:8) Rufu rwakakonzerwa nechivi chatakagara nhaka kuna Adhamu ndirwo basa guru pamabasa aSatani anoda kubviswa naJehovha, kana kuti aanoda kuparadza, achishandisa Jesu Kristu. Munyaya iyi, chibayiro chaJesu chorudzikinuro uye kumuka zvinokosha zvikuru.—Mabasa 2:22-24; VaRoma 6:23.

5. Nei kumuka kwevakafa kuchakudza zita raJehovha?

5 Jehovha akatsunga kukudza zita rake dzvene. Satani akachera zita raMwari uye akareva nhema. Akareva nhema achiti Adhamu naEvha ‘vaisazofa zvechokwadi’ kana vakadya muchero wakarambidzwa naMwari. (Genesisi 2:16, 17; 3:4) Kubvira ipapo Satani ave achireva nhema dzakafanana, dzakadai sedzidziso yenhema yokuti mweya haufi panofa muviri. Zvisinei, Jehovha achafumura nhema dzose idzodzo paachamutsa vakafa. Acharatidza zvachose kuti iye oga ndiye Muponesi uye Mudzoreri woupenyu.

6, 7. Jehovha anonzwa sei nezvokumutsa vanhu, uye tinoziva sei manzwiro ake?

6 Jehovha anosuwa kumutsa vakafa. Bhaibheri rinojekesa manzwiro aJehovha munyaya iyi. Somuenzaniso, funga nezvemashoko aya akafuridzirwa omurume akatendeka Jobho, anoti: “Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here? Ndichamirira mazuva ose ebasa rangu rokumanikidzirwa, kusvikira kusunungurwa kwangu kwauya. Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.” (Jobho 14:14, 15) Mashoko iwayo anorevei?

7 Jobho aiziva kuti kana afa, aifanira kuzomirira kwenguva yakati akarara murufu. Aiona nguva iyoyo ‘sebasa rokumanikidzirwa,’ nguva yaaifanira kumirira kusvikira asunungurwa. Kwaari, kusunungurwa ikoko kwaizoitika zvechokwadi. Jobho aiziva kuti aizosunungurwa. Nei? Nokuti aiziva manzwiro aJehovha. Jehovha aizo“suwa” kuonazve mushumiri wake akanga akatendeka. Chokwadi, Mwari anosuwa kumutsa vanhu vose vakarurama. Jehovha achapawo vamwe mukana wokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. (Ruka 23:43; Johani 5:28, 29) Sezvo Mwari achida kuita chinangwa ichocho, ndiani angamurambidza?

8. Jehovha “akapa vimbiso” yetariro yedu yeramangwana sei?

8 Tariro yedu yeramangwana inosimbiswa nokumuka kwaJesu. Pauro paakataura muAtene, akazivisa kuti: “[Mwari] akatara zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa, nokururama achishandisa munhu waakagadza, uye akapa vimbiso kuvanhu vose pakuti akamumutsa kubva kuvakafa.” (Mabasa 17:31) Vamwe vakanga vakateerera Pauro vakaseka pavakanzwa nezvokumuka kwevakafa. Zvisinei, vashomanana vakatenda. Zvichida pfungwa yokuti tariro iyi ndeyechokwadi yakavatora mwoyo. Jehovha paakamutsa Jesu, akaita chishamiso chikuru kudarika zvose. Akamutsa Mwanakomana wake ari mudzimu une simba. (1 Petro 3:18) Jesu akanga amutswa akanga ava nesimba kudarika zvaaiva asati ava munhu. Zvaasingafi uye ari wechipiri chete pakuva nesimba kubva pana Jehovha, iye zvino Jesu ava kukwanisa kuita mabasa anoshamisa aanonzi naBaba vake aite. Jehovha anoshandisa Jesu pakumutsa vamwe vanhu vose, vanomukira kuupenyu hwokudenga kana kuti hwepasi pano. Jesu pachake akati: “Ndini kumuka noupenyu.” (Johani 5:25; 11:25) Jehovha akavimbisa tariro yakadaro kune vose vakatendeka nokumutsa kwaakaita Mwanakomana wake.

9. Nhoroondo yeBhaibheri inoratidza sei kuti vakafa vachamuka zvechokwadi?

9 Vanhu vakazvionera vanhu vachimutswa uye zvakanyorwa muShoko raMwari. Nhoroondo yeBhaibheri inotaura zvakawanda nezvokumutswa kwevanhu vasere pasi pano. Zvishamiso izvi zvaisaitwa pakavanda asi pachena, kazhinji paine zvapupu. Jesu akamutsa Razaro, akanga ava nemazuva mana afa, paine boka revanhu vaichema, vaisanganisira mhuri yaRazaro wacho, shamwari uye vavakidzani. Uchapupu uhwu hwokuti Jesu akatumwa naMwari hwakanga hwakasimba kwazvo zvokuti vanhu vaivenga Jesu vaiva nezvitendero zvavo havana kuramba kuti akanga amutsa Razaro. Pane kudaro havana kungoronga kuuraya Jesu chete asi naRazarowo! (Johani 11:17-44, 53; 12:9-11) Kutaura zvazviri, tinogona kuva nechivimbo chokuti vakafa vachamutswa zvechokwadi. Mwari akatinyorera nhoroondo yokumutswa kwaiitwa vanhu kare kuitira kuti atinyaradze uye asimbise kutenda kwedu.

Kunyaradzwa Netariro Yokumuka Kwevakafa

10. Chii chichatibatsira kunyaradzwa nenhoroondo dzeBhaibheri dzokumutswa kwevakafa?

10 Unosuwa kunyaradzwa here paunenge wanangana norufu? Chimwe chinogona kutinyaradza zvechokwadi inhoroondo dzokumuka kwevakafa dzinowanikwa muBhaibheri. Kuverenga nhoroondo dzakadaro, kudzifungisisa, uye kuedza kufungidzira zvakaitika zvacho kungaita kuti uve netariro yokuti vakafa vachamuka. (VaRoma 15:4) Idzi hadzisi nyayawo zvadzo. Zvinhu zvakanyatsoitika kuvanhu chaivo vakaita sesu, vakararama panguva chaiyo uye panzvimbo chaiyo. Ngatimbokurukurai muchidimbu mumwe muenzaniso, kumuka kwokutanga kwakanyorwa muBhaibheri.

11, 12. (a) Chirikadzi yeZarefati yakawirwa nenhamo yei, uye yakaita sei pakutanga? (b) Rondedzera kuti Jehovha akapa muprofita wake Eriya simba rokuti aitire chirikadzi chii.

11 Chimbofungidzira zvakaitika. Kwevhiki dzinoverengeka, muprofita Eriya ave ari mueni wechirikadzi yeZarefati, uye ari kugara muimba yepamusoro pedenga remba yechirikadzi iyi. Inguva inosiririsa. Nharaunda yacho yayaura nokusanaya kwemvura uye nzara. Vakawanda vari kufa. Jehovha atoshandisa Eriya kuti aite chishamiso chaizotora nguva refu kuti akomborere kutenda kwechirikadzi iyi inozvininipisa. Chirikadzi yacho nomwanakomana wayo muduku vava kuda kupererwa nezvokudya, vangosarirwa nezvokudya zvokupedzisira. Mwari anoita kuti Eriya aite chishamiso chokuti furawa yayo nemafuta ayo zvisapera. Zvisinei, iye zvino inowirwa nenhamo. Mwana wayo anoerekana arwara, uye pasina nguva anorega kufema. Chirikadzi yacho inorwadziwa zvikuru! Yagara yakatoomerwa nokurarama isina murume, uye iye zvino yafirwa nomwana wayo zai regondo. Nemhaka yokuti iri kurwadziwa, inotopa mhosva Eriya naMwari wake, Jehovha! Muprofita wacho achaita sei?

12 Eriya haatuki chirikadzi iyi pamusana pezvainomupomera. Asi anoti: “Ndipe mwanakomana wako.” Aenda nomwana afa kuimba yepamusoro pedenga, Eriya anoramba achinyengetera kuti mwana wacho amuke. Pakupedzisira, Jehovha anoita kuti amuke! Chimbofungidzira kufara kunoita Eriya paanoona chipfuva chomukomana wacho chichitamba-tamba sezvaanotangazve kufema. Maziso omwana wacho anovhurika, uye ari kupenya kuratidza kuti mupenyu. Eriya anodzika nomukomana wacho kuna amai vake, obva ati: “Ona, mwanakomana wako mupenyu.” Mufaro wayo hautauriki. Inoti: “Chokwadi, zvino ndava kuziva kuti muri munhu waMwari uye kuti shoko raJehovha riri mumuromo menyu nderechokwadi.” (1 Madzimambo 17:8-24) Yava kutenda muna Jehovha uye muvamiririri vake zvikuru kupfuura zvayaiita kare.

13. Nei nhoroondo yezvokumutsa kwaEriya mwanakomana wechirikadzi ichitinyaradza nhasi?

13 Kufungisisa nhoroondo yakadaro zvechokwadi kunokunyaradza zvikuru. Zviri pachena chaizvo kuti Jehovha anokwanisa kukurira muvengi wedu rufu! Chimbofungidzira zuva iro vanhu vakawanda zvikuru vachafara sezvakaita chirikadzi iya pachamutswa vanhu vose vakafa! Kudenga kuchavawo nomufaro mukuru sezvo Jehovha achifara kuudza Mwanakomana wake kuti amutse vanhu pasi pose. (Johani 5:28, 29) Wakafirwa nomumwe munhu waunoda here? Zvinofadza chaizvo kuziva kuti Jehovha anogona kumutsa vakafa uye achazviita!

Tariro Yako Uye Upenyu Hwako Nhasi

14. Tariro yokumuka kwevakafa ingakubatsira sei muupenyu?

14 Tariro yokumuka kwevakafa ingakubatsira sei mumararamiro auri kuita iye zvino? Unogona kusimbiswa netariro iyi paunotarisana nenhamo, zvinetso, ngozi kana kuti paunotambudzwa. Satani anoda kuti utye rufu zvakanyanya zvokuti ungarega kuvimbika kana akakunyepera kuti uchachengeteka. Yeuka kuti Satani akati kuna Jehovha: “Munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.” (Jobho 2:4) Paakataura izvi, Satani akatirevera nhema tose zvedu, kusanganisira iwe. Ichokwadi here kuti ucharega kushumira Mwari kana ukasangana nengozi? Kana ukafungisisa tariro yokumuka kwevakafa, unogona kutsunga kuramba uchiita zvinodiwa naBaba vako vokudenga.

15. Mashoko aJesu ari pana Mateu 10:28 angatinyaradza sei patinotarisana nengozi?

15 Jesu akati: “Musatya vaya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nomuviri muGehena.” (Mateu 10:28) Hatifaniri kutya Satani kana kuti vamiririri vake. Chokwadi, vamwe vangava nesimba rokukuvadza kana kuti kunyange kuuraya. Zvisinei, zvakaipisisa zvavangaita zvinongova zvenguva pfupi. Jehovha anogona uye achabvisa zvakaipa zvose zvinoitirwa vashumiri vake vakatendeka uye achatovamutsa. Jehovha oga ndiye watinofanira kutya uye kuremekedza. Ndiye oga ane simba rokuuraya uye kubvisa tariro yose youpenyu hwomunguva yemberi, achiparadza muviri nomweya muGehena. Zvinofadza kuti Jehovha haadi kuti izvozvo zviitike kwauri. (2 Petro 3:9) Pamusana petariro yokumuka kwevakafa, isu sevashumiri vaMwari tinogona kugara tiine chokwadi chokuti takachengeteka. Tinovimbiswa upenyu husingaperi kana tikaramba takatendeka, uye hapana chingaitwa naSatani kana kuti vateveri vake nezvazvo.—Pisarema 118:6; VaHebheru 13:6.

16. Maonero atinoita kumuka kwevakafa anei chokuita nezvatinoisa pakutanga?

16 Kana tiine tariro yokuti vakafa vachamuka, zvingaita kuti tichinje maonero atinoita upenyu. Tinoziva kuti ‘tingave tichirarama kana tichifa, tiri vaJehovha.’ (VaRoma 14:7, 8) Saka pakuronga zvinhu zvatinoisa pakutanga, tinoshandisa zano raPauro rinoti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Vanhu vakawanda vari kumhanya-mhanya kuti vaite zvose zvavanoda, zvavaine shungu nazvo, uye zvavanoshuva. Vanoita sevanonyanya kutsvaka mafaro nokuti vanoona sokuti upenyu hupfupi, uye kana vachinamata, kunamata kwacho hakuenderani ‘nezvinodiwa naMwari zvakakwana.’

17, 18. (a) Shoko raJehovha rinobvuma kuti upenyu hwevanhu hupfupi richitii, asi Mwari anoda kuti tiitei? (b) Nei tichinzwa tichida kurumbidza Jehovha zuva nezuva?

17 Chokwadi, upenyu hupfupi. Hu“chakurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda,” zvichida mumakore 70 kana kuti 80. (Pisarema 90:10) Vanhu vanouya voenda sezvinoita uswa hwakasvibirira, somumvuri unopfuura, semhepo inofemwa. (Pisarema 103:15; 144:3, 4) Asi Mwari haana kuronga kuti tipedze makumi emakore mashomanana tichikura uye tichiwana uchenjeri nezivo, kuti tigopedza makumi emakore mashomanana anotevera tichisvava torwara uye tofa. Jehovha akasika vanhu vaine chido chokurarama nokusingaperi. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo.” (Muparidzi 3:11) Mwari ane utsinye here, zvokuti angatipa chido chakadaro asi obva aita kuti chisazadzika? Aiwa, nokuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Achashandisa kumuka kwevakafa kuitira kuti vanhu vakafa vagone kuwana upenyu husingaperi.

18 Tinogona kuva neramangwana rakachengeteka nokuti tine tariro yokumuka kwevakafa. Hatifaniri kutya, tobva tararama upenyu hwomutambarakede. Hatifaniri kushandisa “zvizere” nyika ino iri kufa. (1 VaKorinde 7:29-31; 1 Johani 2:17) Kusiyana nevaya vasina tariro chaiyo, tine chipo chinoshamisa chokuziva kuti kana tikaramba takatendeka kuna Jehovha Mwari, tichamurumbidza uye tichanakidzwa noupenyu nokusingaperi. Saka nepatinogona napo, zuva nezuva ngatirumbidzei Jehovha, uyo anoita kuti tive netariro yokumuka kwevakafa!

Ungapindura Sei?

• Tinofanira kunzwa sei nezvokumuka kwevakafa?

• Zvinhu zvipi zvinoita kuti tive netariro yokuti vakafa vachamuka?

• Unganyaradzwa sei netariro yokumuka kwevakafa?

• Tariro yokumuka kwevakafa ingakubatsira sei mumararamiro ako?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Jobho aiziva kuti Jehovha aisuwa kumutsa vanhu vakarurama

[Mufananidzo uri papeji 29]

“Ona, mwanakomana wako mupenyu”