Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvichaita Kuti Kutambura Kwose Kukurumidze Kupera

Zvichaita Kuti Kutambura Kwose Kukurumidze Kupera

Zvichaita Kuti Kutambura Kwose Kukurumidze Kupera

“Iye iDombo, basa rake rakakwana.”—DHEUTERONOMIO 32:4.

1, 2. (a) Nei uchikoshesa tariro yokurarama nokusingaperi? (b) Chii chinotadzisa vakawanda kutenda muna Mwari anopikira ramangwana rakaisvonaka?

UNONAKIDZWA nokufungidzira zvichange zvakaita upenyu hwomuParadhiso here? Zvichida unofungidzira uchiongorora nyika ino yakaisvonaka uye uchidzidza nezvezvinhu zvayo zvipenyu zvakasiyana-siyana. Kana kuti zvichida unodzamisa pfungwa uchifunga nezvomufaro wauchava nawo sezvauchashanda nevamwe kudyara nokusima miti, maruva nemichero muchibatsirana kuita kuti pasi rose rive paki. Kana kuti ungafunga unyanzvi hwaunogona kuva nahwo pakunyora mifananidzo, kunyora mapurani, mimhanzi, kana kuti zvimwe zvinhu zvausiri kuwanira nguva muupenyu hwemazuva ano hune zvizhinji zvokuita. Chero zvazvingava, unokoshesa tariro yokurarama hunonzi neBhaibheri “upenyu chaihwo,” upenyu husingagumi uhwo Jehovha akagara achida kuti tirarame.—1 Timoti 6:19.

2 Zvinofadza uye iropafadzo inokosha kuudza vamwe tariro iyoyo inobva muBhaibheri, handizvo here? Zvisinei, vakawanda vanoramba tariro yakadaro. Vanoiona sengano, mahumbwe anoitwa nevanhu vakapusa. Vangatoona zvakaoma kutenda muna Mwari anopikira upenyu husingaperi muParadhiso. Nei? Dambudziko rouipi ndiro rinovhiringidza vamwe. Vanofunga kuti kana Mwari ariko uye aine masimbaose norudo, havanzwisisi kuti nei munyika muchiitika zvakaipa uye kuti nei vanhu vachitambura. Vanoti hakuna Mwari angarega zvakaipa zvichingoitika, kana kuti kana ariko, angave asiri wemasimbaose uyewo haana hanya nesu. Kune vamwe, kufunga kwakadai kunoita sokwechokwadi. Satani zvechokwadi akaratidza unyanzvi pakupofumadza pfungwa dzevanhu.—2 VaKorinde 4:4.

3. Tingabatsira vanhu kupindura mubvunzo upi wakaoma, uye nei tiri isu chete tinokwanisa kuvabatsira?

3 SeZvapupu zvaJehovha, tisu chete tinokwanisa kubatsira vanhu vari kunyengedzwa naSatani nouchenjeri hwenyika ino. (1 VaKorinde 1:20; 3:19) Tinonzwisisa kuti nei vakawanda vasingatendi zvipikirwa zveBhaibheri. Chikonzero chacho ndechokuti havazivi Jehovha. Vangave vasingazivi zita rake kana zvarinoreva, uye vangangove vachiziva zvishoma kana kuti vasina chavanoziva nezvounhu hwake kana kuti nezvezvaave achiita kuti azadzise zvaanenge apikira. Takakomborerwa kuti tinoziva izvozvo. Nguva nenguva, zvakanaka kuti tiongorore kuti tingabatsira sei vanhu vari “murima mupfungwa” kuti vawane mhinduro yomumwe wemibvunzo yakaomesesa inobvunzwa nevanhu wokuti, “Nei Mwari achirega vanhu vachitambura?” (VaEfeso 4:18) Kutanga tichakurukura kuti tingawana sei mhinduro yacho inogutsa. Zvadaro tichakurukura kuti unhu hwaJehovha hunooneka sei munzira yaave achibata nayo nyaya youipi.

Nzira Yakanaka Yokupindura Nayo

4, 5. Tingafanira kutanga taitei mumwe munhu paanobvunza kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura? Tsanangura.

4 Mumwe munhu paanobvunza kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura, tinopindura sei? Tinganzwa tichida kubva tangonyatsotsanangura, tichitangira pane zvakaitika mumunda weEdheni. Dzimwe nguva, izvozvo zvingave zvakanaka. Asi tinofanira kungwarira. Tingada kuwana pokutangira. (Zvirevo 25:11; VaKorose 4:6) Ngatikurukurei pfungwa nhatu dzomuMagwaro dzatingada kujekesa muchidimbu tisati tapindura mubvunzo wacho.

5 Pfungwa yokutanga, kana munhu wacho achinyanya kuvhiringidzwa nezvokupararira kwakaita uipi munyika, zvimwe pane zvakaipa zvakaitika kwaari iye kana kuti kune vaanoda. Saka kungava kuchenjera kuti titange nokuratidza kuti tinomunzwira urombo zvechokwadi. Muapostora Pauro akapa vaKristu zano rokuti: “Chemai nevanhu vanochema.” (VaRoma 12:15) Kunzwira munhu wacho urombo, kana kuti ‘kumunzwira ngoni’ kungamubaya mwoyo. (1 Petro 3:8) Kana achiona kuti tine hanya naye, kazhinji achateerera zvatichataura.

6, 7. Nei zvakakodzera kuti tirumbidze munhu anobvunza zvinobva pamwoyo mubvunzo unomutambudza mune zvokunamata?

6 Pfungwa yechipiri, tingarumbidza munhu wacho anobvunza mubvunzo uyu zvichibva pamwoyo. Vamwe vanhu vanoguma vati kunetseka kwavanoita nemibvunzo yakadaro kunoratidza kuti havana kutenda kana kuti havaremekedzi Mwari. Vangatove vakaudzwa izvozvo nomufundisi. Zvisinei, kubvunza mibvunzo yakadaro hakurevi hako kuti havana kutenda. Chokwadi, vanhu vakatendeka vekare vakabvunzawo mibvunzo yakadaro. Somuenzaniso, munyori wepisarema Dhavhidhi akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, munorambirei makamira kure? Munorambirei makavanda munguva dzokutambudzika?” (Pisarema 10:1) Saizvozvowo, muprofita Habhakuki akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini, imi musinganzwi? Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi? Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza? Nei kupamba nokuita zvechisimba zviri pamberi pangu, nei kupopotedzana kuchiitika, uye nei kukakavara kuchiitwa?”—Habhakuki 1:2, 3.

7 Ava vaiva varume vakatendeka vairemekedza Mwari zvikuru. Vakatukwa here pamusana pokubvunza mibvunzo yakadaro inotambudza? Aiwa, Jehovha akaona zvakakodzera kuti mibvunzo yavo yaibva pamwoyo inyorwe muShoko rake. Nhasi, munhu anonetseka nokupararira kwouipi chaizvoizvo angave aine nzara mune zvokunamata, achida kunzwa mhinduro dzinongowanikwa muBhaibheri. Yeuka kuti Jesu akarumbidza vaya vaiva nenzara yezvokunamata, kana kuti “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Chokwadi, kubatsira vakadaro kuti vawane mufaro wakavimbiswa naJesu iropafadzo!

8. Idzidziso dzipi dzinovhiringidza dzakaita kuti vanhu vadavire kuti Mwari ndiye anoita kuti vatambure, uye tingavabatsira sei?

8 Pfungwa yechitatu, tingafanira kubatsira munhu wacho kuti aone kuti Mwari haasiri iye anokonzera uipi hwakapararira kwazvo munyika. Vanhu vakawanda vanodzidziswa kuti Mwari ndiye ari kutonga nyika ino yatinogara, kuti kare kare Mwari akasarudza zvose zvaizoitika kwatiri, uye kuti ane zvikonzero zvisinganzwisisiki, zvisingatsananguriki zvokuita kuti vanhu vatambure. Dzidziso idzi ndedzenhema. Dzinozvidza Mwari uye dzinoita kuti vanhu vafunge kuti ndiye anokonzera uipi nokutambura zviri munyika. Saka tingafanira kushandisa Shoko raMwari kuti tiruramise nyaya dzakadaro. (2 Timoti 3:16) Jehovha haasi iye mutongi wemamiriro ezvinhu akaipa aripo; mutongi wacho ndiSatani Dhiyabhorosi. (1 Johani 5:19) Jehovha haafanosarudziri vanhu vake; anopa mumwe nomumwe rusununguko uye mikana yokusarudza zvakanaka nezvakaipa, zvakarurama nezvisina kururama. (Dheuteronomio 30:19) Uye Jehovha haambokonzeri zvakaipa; anovenga zvakaipa uye anotarisira vaya vanotambura vasingaruramisirwi.—Jobho 34:10; Zvirevo 6:16-19; 1 Petro 5:7.

9. “Muranda akatendeka, akangwara” akapa vanhu mabhuku api kuti avabatsire kunzwisisa kuti nei Jehovha Mwari achirega vanhu vachitambura?

9 Kana mangova nezvamunobvumirana, muteereri wako angave agadzirira kuziva kuti nei Mwari achirega vanhu vachiramba vachitambura. Kuti atibatsire, “muranda akatendeka, akangwara” akatipa mabhuku akawanda. (Mateu 24:45-47) Somuenzaniso, paGungano Reruwa ra2005/06 raiti “Kuteerera Mwari,” pakabudiswa turakiti rine musoro unoti Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza! Kana muine turakiti iri mumutauro wenyu, wadii kujairana nezviri mariri? Saizvozvowo, bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? iye zvino rinowanika mitauro 157, rine chitsauko chinokurukura mubvunzo uyu unokosha. Shandisa zvizere mabhuku akadaro. Anotsanangura zvakajeka kubva muMagwaro zvakaitika panyaya yachangamire wezvose zvakasikwa yakatangwa muEdheni uye kuti nei Jehovha akabata nyaya yacho sezvaakaita. Yeukawo kuti paunokurukura nyaya iyi, unenge uchiita kuti muteereri wako azive zvinhu zvinokosha zvikuru. Unenge uchimubatsira kuti azive Jehovha uye unhu hwake hunoshamisa.

Ramba Uchitaura Nezvounhu hwaJehovha

10. Vakawanda vanoomerwa nokunzwisisei nezvokuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura, uye vangabatsirwa nokuziva chii?

10 Paunenge uchibatsira vanhu kuti vanzwisise chikonzero nei Jehovha akabvumira kuti vanhu vazvitonge vachidzorwa naSatani, edza kufungisisa unhu hwaJehovha hunoshamisa. Vanhu vakawanda vanoziva kuti Mwari ane simba; vajaira kunzwa achinzi Mwari Wemasimbaose. Zvisinei, vangaona zvakaoma kunzwisisa chikonzero nei asingashandisi simba rake guru kuti abve angogumisa kusaruramisira uye kutambura. Zvichida havanzwisisi humwe unhu hwaJehovha, hwakadai soutsvene hwake, kururamisira, uchenjeri, uye rudo. Jehovha anoratidza unhu uhwu nenzira yakakwana, yakanaka. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Basa rake rakakwana.” (Dheuteronomio 32:4) Ungasimbisa sei unhu uhwu paunopindura mibvunzo inowanzobvunzwa panyaya iyi? Ngatikurukurei mienzaniso mishomanana.

11, 12. (a) Nei zvakanga zvisingaiti kungokanganwira Adhamu naEvha pavakatadza? (b) Nei Jehovha asingazoregi chivi chiripo nokusingaperi?

11 Jehovha angadai akangokanganwira Adhamu naEvha here? Kukanganwira kwakanga kusingaiti munyaya iyi. Zvavaiva vanhu vakakwana, Adhamu naEvha vakasarudza nemaune kuramba uchangamire hwaJehovha, vachibvuma kutungamirirwa naSatani. Hazvishamisi kuti vapanduki vacho vakanga vasingaratidzi kuti vaida kupfidza. Zvisinei, vanhu pavanoti nei Jehovha asina kuvaregerera, chaizvoizvo vanenge vachitoshamisika kuti nei Jehovha asina kungoita mwoyochena ndokurega chivi nokupandukira zviripo. Mhinduro yacho ine chokuita nounhu hunokosha huna Jehovha, utsvene hwake.—Eksodho 28:36; 39:30.

12 Bhaibheri rinotaura nezvoutsvene hwaJehovha kakawanda. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vanhu vashomanana munyika ino ine uori ndivo vanonzwisisa unhu ihwohwo. Jehovha akachena, mutsvene uye haatadzi. (Isaya 6:3; 59:2) Kana totaura nezvechivi, akaronga nzira yokuchiyananisa nayo, yokuchibvisa, asi haazoregi chiripo nokusingaperi. Kudai Jehovha aida kurega chivi chiripo nokusingagumi, tingadai tisina tariro yenguva yemberi. (Zvirevo 14:12) Munguva yake yakakodzera, Jehovha achaita kuti zvisikwa zvose zvive zvitsvene. Izvozvo zvichaitika, nokuti iye Mutsvene ndizvo zvaanoda.

13, 14. Nei Jehovha akasarudza kurega kuparadza vapanduki muEdheni?

13 Jehovha aigona kudai akangoparadza vapanduki muEdheni otanga kusika vanhu patsva here? Zvechokwadi aiva nesimba rokuzviita; nokukurumidza achashandisa simba iroro kuti aparadze uipi hwose. Vamwe vangashamisika kuti, ‘Nei asina kuita izvozvo pakwaingova nevatadzi vatatu chete munyika yose? Kupararira kwechivi uye nhamo yose yatinoona munyika kungadai kusina kudziviswa here?’ Nei Jehovha asina kuita izvozvo? Pana Dheuteronomio 32:4 panoti: “Nzira dzake dzose ndedzokururamisira.” Kutaura zvazviri, “Jehovha anoda kururamisira.” (Pisarema 37:28) Nemhaka yokuti Jehovha anoda kururamisira, akarega kuparadza vapanduki muEdheni. Nei?

14 Kupanduka kwaSatani kwakaita kuti vanhu vasava nechokwadi kana uchangamire hwaMwari hwakanga hwakarurama. Kuda kururamisira kunoita Jehovha kwakaita kuti zvakanga zvataurwa naSatani zvipindurwe zvakarurama. Kunyange zvazvo zvakanga zvakakodzera kuti abve angoparadza vapanduki vacho, kuvaparadza pakarepo kwaisazopa mhinduro yakarurama. Kungadai kwakapa humwe uchapupu hwokuti simba raJehovha rakakura, asi yakanga isiri nyaya yokuda kuona kana Jehovha aine simba guru kana kuti kwete. Uyezve, Jehovha akanga audza Adhamu naEvha chinangwa chake. Vaizova nevana uye vaizofanira kuzadza nyika, kuikurira, uye kuva nesimba pamusoro pezvisikwa zvose zvepanyika. (Genesisi 1:28) Kudai Jehovha akanga angoparadza Adhamu naEvha, chinangwa chake chaakanga ataura nezvevanhu chingadai chisina kuzobudirira. Kururamisira kwaJehovha kwaisazombobvumira mugumisiro wakadaro, nokuti chinangwa chake chinozadzika nguva dzose.—Isaya 55:10, 11.

15, 16. Vanhu pavanotaura “zvavanofunga” nezvokugadzirisa nyaya yakamutswa muEdheni, tingavabatsira sei?

15 Pane mumwe munhu ane uchenjeri hukuru kupfuura hwaJehovha angagadzirisa kupanduka kwacho here? Vamwe vanhu vangataura “zvavanofunga” kuti zvaifanira kuitwa kugadzirisa kupanduka kwakaitika muEdheni. Zvisinei, pavanoita izvi, vanenge vasiri kureva kuti vanogona kufunga nzira dziri nani dzokugadzirisa nadzo nyaya yacho here? Vangasaita izvozvo vaine vavariro yakaipa, asi kuti vanenge vasinganzwisisi Jehovha nouchenjeri hwake hunoshamisa. Paainyorera vaKristu vokuRoma, muapostora Pauro akanyatsoongorora uchenjeri hwaMwari, kusanganisira “chakavanzika chitsvene” nezvechinangwa chaJehovha chokushandisa Umambo hwaMesiya kuti hudzikinure vanhu vakatendeka uye hutsvenese zita rake dzvene. Pauro akanzwa sei nezvouchenjeri hwaMwari uyo akatanga chinangwa ichi? Muapostora wacho akagumisa tsamba yake nemashoko aya anoti: “Kuna Mwari, akachenjera oga, ngakuve nokubwinya nokuna Jesu Kristu nokusingaperi. Ameni.”—VaRoma 11:25; 16:25-27.

16 Pauro ainzwisisa kuti Jehovha ndiye “akachenjera oga”—ndiye ane uchenjeri kupfuura zvinhu zvose. Pane munhu asina kukwana angafunga nzira iri nani yokugadzirisa nayo chero dambudziko ripi zvaro here, tisingatauri hedu nezvedambudziko rakaoma zvikuru rokuti Satani akapikisa uchenjeri hwaMwari? Saka tinoda kubatsira vanhu kuti varemekedzewo Mwari “ane mwoyo wakachenjera” sezvatinoita. (Jobho 9:4) Kana tikanzwisisa zviri nani uchenjeri hwaJehovha, tichavimba zvizere kuti nzira yake yokugadzirisa nayo zvinhu ndiyo yakanakisisa.—Zvirevo 3:5, 6.

Kuziva Unhu hwaJehovha Hukuru

17. Kunzwisisa zvikuru rudo rwaJehovha kungabatsira sei vaya vari kunetseka kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura?

17 “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Nemashoko iwayo anofadza, Bhaibheri rinotaura unhu hwaMwari hukuru, unhu hunonyanya kufadza pane hwose uye hunonyanya kunyaradza vaya vanotambudzwa nouipi hwakapararira. Jehovha akaratidza kuti ane rudo munzira dzose dzaakabata nadzo kukanganisa kukuru kunoita chivi zvinhu zvake zvaakasika. Rudo rwakaita kuti Jehovha ape tariro kuvana vaAdhamu naEvha vane chivi, achivapa mukana wokutaura naye uye wokuva noukama naye hwaanofarira. Rudo rwakaita kuti Mwari ape rudzikinuro rwaizozarura nzira yokukanganwira zvakazara zvivi uye yokuvazve noupenyu hwakakwana, husingaperi. (Johani 3:16) Uye rudo rwakamuita kuti ashivirire vanhu, achipa vakawanda mukana wokuramba Satani vosarudza Jehovha kuti ave Changamire wavo.—2 Petro 3:9.

18. Tinofara kunzwisisa chii, uye tichakurukura chii munyaya inotevera?

18 Mumwe mufundisi paakataura kuvanhu vakanga vakaungana kuti vayeuke kuparadza kwakanga kwaita magandanga, akati: “Hatizivi chikonzero nei Mwari achirega zvakaipa zvichiitika uye vanhu vachitambura.” Zvinosuruvarisa zvikuru! Hatifari here kuti tinonzwisisa nyaya iyi? (Dheuteronomio 29:29) Uye sezvo Jehovha akachenjera, akarurama, uye aine rudo, tinoziva kuti nokukurumidza achagumisa kutambura kwose. Chokwadi, akapikira kuita izvozvo. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvisinei, zvakadini nevose vakafa mumazana emakore akapfuura? Nzira yaJehovha yokugadzirisa dambudziko racho muEdheni yakavasiya vasina tariro here? Aiwa. Rudo rwakamuita kuti avapewo tariro, achishandisa rumuko. Ndiwo uchava musoro wenyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Tingapindura sei munhu anobvunza kuti nei Mwari achirega vanhu vachitambura?

• Utsvene hwaJehovha uye kururama kwake zvakaratidzwa sei mumabatiro aakaita nevapanduki muEdheni?

• Nei tichifanira kubatsira vanhu kuti vanzwisise zvikuru rudo rwaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Edza kubatsira vaya vari kunetseka nokutambura kuri munyika

[Mifananidzo iri papeji 23]

Dhavhidhi naHabhakuki vakanga vakatendeka vakabvunza Mwari mibvunzo yaibva pamwoyo