Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zvirongwa Zvako Zvichasimbiswa Kwazvo”

“Zvirongwa Zvako Zvichasimbiswa Kwazvo”

“Zvirongwa Zvako Zvichasimbiswa Kwazvo”

MURWIYO rwaakaimba, munyori wepisarema Dhavhidhi akanyengetera achiti: “Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari, muise mafungiro matsva mandiri, akasimba. Ndidzorerei kupembera nomufaro kworuponeso runoitwa nemi, nditsigirei nomwoyo unoda.” (Pisarema 51:10, 12) Pashure pokunge aita chivi naBhati-shebha, Dhavhidhi uyo aiva apfidza akateterera Jehovha Mwari kuti achenese mwoyo wake uye akamukumbira kuti aite kuti afunge zvakarurama.

Chaizvoizvo Jehovha anosika matiri mwoyo mutsva here, kunyange kuisa matiri mafungiro matsva uye mwoyo unoda? Kana kuti tinofanira kuvavarira kuva nomwoyo wakachena touchengetedza here? “Jehovha ndiye muongorori wemwoyo,” asi anoongorora zviri mumwoyo yedu kusvika papi? (Zvirevo 17:3; Jeremiya 17:10) Anodzora upenyu hwedu, zvatinovavarira uye zvatinoita kusvika papi?

Ndima pfumbamwe dzokutanga dzechitsauko 16 chaZvirevo dzinoshandisa zita raMwari kasere kutiratidza kuti tingaita sei kuti Mwari adzore upenyu hwedu kuitira kuti ‘zvirongwa zvedu zvisimbiswe kwazvo.’ (Zvirevo 16:3) Ndima 10 kusvika ku15 dzinonyanya kutaura zvinofanira kuitwa namambo kana kuti nomutongi.

Ndiani Anoita “Zvinorongwa Nomwoyo”?

Zvirevo 16:1a inoti, “Zvinorongwa nomwoyo ndezvomunhu wepanyika.” Zviri pachena kuti tisu tinofanira kuita “zvinorongwa nomwoyo.” Jehovha haagadziriri mwoyo wedu nenzira inoshamisa kana kutipa mwoyo unoda. Tinofanira kushanda nesimba kuti tiwane zivo yakarurama yeShoko rake Bhaibheri, kufungisisa zvatinodzidza, uye kuita kuti pfungwa dzedu dzienderane nedzake.—Zvirevo 2:10, 11.

Zvisinei, kukumbira kwakaita Dhavhidhi “mwoyo wakachena” uye “mafungiro matsva,” kunoratidza kuti aiziva kuti aiva nechivi uye kuti aida kubatsirwa naMwari kuti achenese mwoyo wake. Zvatisina kukwana, tinganzwa tichida kuita “mabasa enyama.” (VaGaratiya 5:19-21) Tinoda kubatsirwa naJehovha kuti ‘tiuraye nhengo dzemiviri yedu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora.’ (VaKorose 3:5) Zvinokosha zvikuru kuti tinyengeterere kubatsirwa naye kuitira kuti tisapinde mumiedzo uye kuti tibvise mafungiro okutadza mumwoyo yedu!

Tingabatsira vamwe here mune “zvinorongwa” nemwoyo yavo? Bhaibheri rinoti: “Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa, asi rurimi rwevakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Rurimi rwedu runozoporesa vamwe kana zvaita sei? Runongoporesa kana ‘mhinduro yorurimi ichibva kuna Jehovha,’ kureva kuti, patinotaura mashoko akarurama echokwadi cheBhaibheri.—Zvirevo 16:1b.

Bhaibheri rinoti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo.” (Jeremiya 17:9) Mwoyo wedu wokufananidzira unongogara uchida kuzvipembedza uye kuzvinyengedza. Achinyevera nezvengozi iyi, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anoti: “Nzira dzomunhu dzose dzakarurama mukuona kwake, asi Jehovha ndiye anoona zvakaita mafungiro ake.”Zvirevo 16:2.

Kuzvida kungaita kuti tizvipembedze pane zvatinokanganisa, tivanze unhu husina kunaka, uye titadze kuona zvakaipa zvatinoita. Asi Jehovha haagoni kunyengedzwa. Anoona zvakaita mafungiro edu. Mafungiro omunhu ndiwo maonero aanoita uye anobva mumwoyo. Kazhinji mafungiro edu anobva pane zvinoitwa nomwoyo wedu wokufananidzira, uyo unosanganisira zvinhu zvakadai sepfungwa dzedu, manzwiro edu uye zvatinovavarira kuita. “Muongorori wemwoyo” anoongorora mafungiro edu uye haaiti zvechizivano kana kuti kusarura pakutonga kwake. Kuchenjera kungwarira mafungiro edu.

“Isa Mabasa Ako Kuna Jehovha”

Kuronga kunosanganisa kufunga kwatinoita mumwoyo medu. Tinowanzotanga taronga tozoita mabasa. Tichabudirira here pane zvatinoronga? Soromoni anoti: “Isa mabasa ako kuna Jehovha uye zvirongwa zvako zvichasimbiswa kwazvo.” (Zvirevo 16:3) Kuisa mabasa edu kuna Jehovha kunoreva kuvimba naye, kubvuma kutongwa naye, kuita setiri kubvisa zvinotiremera tozviisa paari. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye, uye iye achazviita.”—Pisarema 37:5.

Zvisinei, kuti zvirongwa zvedu zvisimbiswe kwazvo, zvinofanira kuenderana neShoko raMwari, uye tinofanira kuzviita nevavariro yakanaka. Uyezve, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire uye atitsigire toedza nomwoyo wose kuita zvinotaurwa neBhaibheri. Zvinokosha zvikuru kuti ‘tikande mutoro wedu pana Jehovha’ patinenge tiine miedzo kana kuti matambudziko, nokuti ‘achatitsigira.’ Chokwadi, “haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”—Pisarema 55:22.

“Jehovha Akaita Zvinhu Zvose Nokuda Kwechinangwa Chake”

Chiizve chichaitika kana tikaisa mabasa edu pana Jehovha? Mambo akachenjera anoti: “Jehovha akaita zvinhu zvose nokuda kwechinangwa chake.” (Zvirevo 16:4a) Musiki wezvinhu zvose ndiMwari ane chinangwa. Patinoisa mabasa edu paari, upenyu hwedu hunova nechinangwa uye hunova nezvahunoreva, hahuzovi hwenhando kana kuti husina maturo. Chinangwa chaJehovha nokuda kwenyika nevanhu vanogara mairi hachigumi. (VaEfeso 3:11) Akaumba nyika uye akaisika “kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Uyezve, chinangwa chake chepakutanga nokuda kwevanhu pasi pano zvechokwadi chava kuda kuzadzika. (Genesisi 1:28) Upenyu hwokuzvipira kuna Mwari wechokwadi hahuzoperi uye huchava nezvahunoreva nokusingagumi.

Jehovha akaita “kunyange munhu akaipa nokuda kwezuva rakaipa.” (Zvirevo 16:4b) Haana kusika vakaipa, nokuti “basa rake rakakwana.” (Dheuteronomio 32:4) Zvisinei, akavabvumira kuti vavepo voramba vachirarama kusvikira zvakodzera kuti avatonge. Somuenzaniso, Jehovha akati kuna Farao weIjipiti: “Ndaita kuti urambe uchirarama nokuda kwechikonzero ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe munyika yose.” (Eksodho 9:16) Matambudziko Gumi nokuparadzwa kwakaitwa Farao uye mauto ake muGungwa Dzvuku zvechokwadi zvaiva kuratidzwa kusingakanganwiki kwesimba raMwari risingaenzaniswi.

Jehovha anogonawo kuronga nenzira yokuti vakaipa vaite chinangwa chake vasingazivi. Munyori wepisarema akati: “[Jehovha], hasha dzomunhu dzichakurumbidzai; muchazvisunga nehasha dzakasara.” (Pisarema 76:10) Jehovha angabvumira kuti vavengi vake vaitire hasha vashumiri vake, asi anongozviita pamwero wakafanira kuti arange vanhu vake achivarovedza. Mwari anopindira kana zvikapfuura apa.

Kunyange zvazvo Jehovha achitsigira vashumiri vake vanozvininipisa, zvakadini nevanozvikudza uye vanodada? Mambo waIsraeri anoti: “Munhu wose ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha. Maoko angabatana, asi munhu haazoregi kurangwa.” (Zvirevo 16:5) Vaya va“ne mwoyo unozvikudza” vachatsigirana, asi vacharangwa chete. Saka tinenge takachenjera kana tikazvininipisa pasinei nokuti tine ruzivo rwakadini, tine unyanzvi hwakadini kana kuti tingava neropafadzo dzebasa dzakadini.

“Kutya Jehovha”

Zvatakaberekerwa muchivi, tinototadza. (VaRoma 3:23; 5:12) Chii chichatibatsira kuti tisaita zvirongwa zvingaita kuti tive nomufambiro wakaipa? Zvirevo 16:6 inoti: “Kukanganisa kunoyananisirwa nomutsa worudo nechokwadi, uye munhu anobva pane zvakaipa nokuda kwokutya Jehovha.” Kunyange zvazvo Jehovha achiyananisa zvivi zvedu nomutsa wake worudo nechokwadi, kutya Jehovha ndiko kunoita kuti tisaita zvivi. Zvinokosha chaizvo kuti titye kugumbura Mwari kuwedzera pakumuda uye kuonga mutsa wake worudo!

Tinotya Mwari zvinobva mumwoyo patinomuremekedza nokuda kwesimba rake rinoshamisa. Chimbofunga nezvesimba rake ratinoona mune zvaakasika! Kuyeuchidzwa nezvokuratidzwa kwesimba mumabasa aMwari okusika kwakabatsira musoro wemhuri Jobho kuti agadzirise mafungiro ake. (Jobho 42:1-6) Hatibatsirwiwo here kugadzirisa mafungiro edu patinoverenga tofungisisa nhoroondo dzakanyorwa muBhaibheri dzemabatiro aiita Jehovha nevanhu vake? Munyori wepisarema akaimba kuti: “Uyai muone mabasa aMwari. Zvaanoitira vanakomana vevanhu zvinotyisa.” (Pisarema 66:5) Hatifaniri kurerutsa mutsa waJehovha worudo. VaIsraeri ‘pavakapanduka, vakarwadzisa mudzimu mutsvene waMwari, Jehovha akachinja akava muvengi wavo; uye iye akavarwisa.’ (Isaya 63:10) Asiwo, “Jehovha paanofarira nzira dzomunhu, anoita kuti kunyange vavengi vake vave norugare naye.” (Zvirevo 16:7) Chokwadi kutya Jehovha kunodzivirira zvikuru!

Mambo akachenjera anoti: “Zviri nani kuva nezvishoma paine kururama pane kuva nezvibereko zvizhinji pasina kururamisira.” (Zvirevo 16:8) Zvirevo 15:16 inoti: “Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha pane kuva nezvizhinji iwe uchivhiringidzwa nazvo.” Kuremekedza Mwari zvechokwadi kunokosha kuti tirambe tiri munzira yakarurama.

“Mwoyo Womunhu Wepanyika Ungafunga Nzira Yake”

Munhu akasikwa akasununguka kuita zvaanoda, achikwanisa kusarudza zvakarurama nezvisina kururama. (Dheuteronomio 30:19, 20) Mwoyo wedu wokufananidzira unokwanisa kusarudza zvakasiyana-siyana woomerera pane chimwe chete kana kuti pane zvakawanda. Achiratidza kuti tinofanira kuzvisarudzira, Soromoni anoti: “Mwoyo womunhu wepanyika ungafunga nzira yake.” Kana aita izvi, “Jehovha ndiye anotungamirira nhanho dzake.” (Zvirevo 16:9) Sezvo Jehovha achigona kutungamirira nhanho dzedu, tinenge takachenjera kana tikabatsirwa naye kuti ‘zvirongwa zvedu zvisimbe kwazvo.’

Sezvatatoona, mwoyo unonyengera uye unogona kufunga zvinhu zvenhema. Somuenzaniso, munhu angaita chivi, uye mwoyo wake ungaita kuti azvipembedze. Pane kuti arege chivi chake, munhu wacho angafunga kuti Mwari ane rudo, ane mutsa, ane ngoni, uye anokanganwira. Munhu akadaro anoti mumwoyo make: “Mwari akanganwa. Avanza chiso chake. Haazombozvioni.” (Pisarema 10:11) Zvisinei, zvine ngozi uye hazvina kururama kurerutsa ngoni dzaMwari.

“Chiyereso Chakarurama Pamwe Chete Nechikero ndezvaJehovha”

Soromoni anorega kutaura nezvomwoyo womunhu wepanyika nezviito zvake otaura nezvamambo, achiti: “Kutonga kwakafuridzirwa kunofanira kuva pamiromo yamambo; muromo wake haufaniri kuva usina kutendeka pakutonga.” (Zvirevo 16:10) Izvi ndizvo chaizvo zvichaitika kuna Mambo akagadzwa pachigaro Jesu Kristu. Achatonga nyika maererano nezvinodiwa naMwari.

Achiratidza kuti ndiani anoruramisira uye anoita zvakarurama, mambo akachenjera anoti: “Chiyereso chakarurama pamwe chete nechikero ndezvaJehovha; zvokuyeresa zvose zvematombo zvehomwe ibasa rake.” (Zvirevo 16:11) Jehovha ndiye anotaura kuti zviyereso zvakarurama uyewo zvikero zvakarurama ndezvipi. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kusarudzwa namambo zvichienderana nezvaanoda iye. Paaiva pasi pano, Jesu akati: “Handingaiti chinhu chimwe chete chandinozvitangira ndoga; ndinotonga, sezvandinonzwa; uye kutonga kwandinoita kwakarurama, nokuti handitsvaki zvandinoda ini, asi zvinodiwa naiye akandituma.” Tinogona kutarisira kuti Mwanakomana uyo ‘akapiwa kutonga kwose’ naBaba, acharuramisira zvakakwana.—Johani 5:22, 30.

Mambo anomiririra Jehovha angatarisirwa kuiteizve? Mambo waIsraeri anoti: “Kuita zvakaipa chinhu chinosemesa madzimambo, nokuti chigaro choumambo chinosimbiswa nokururama.” (Zvirevo 16:12) Umambo hwaMesiya hunodzorwa nemitemo yaMwari yakarurama. Hahushamwaridzani ne“chigaro choumambo chinokonzera nhamo.”—Pisarema 94:20; Johani 18:36; 1 Johani 5:19.

Kufarirwa naMambo

Vanhu vanotongwa namambo akanaka vanofanira kuita sei? Soromoni anoti: “Miromo yakarurama inofadza mambo mukuru; uye iye anoda munhu anotaura zvakarurama. Hasha dzamambo dzakaita senhume dzorufu, asi munhu akachenjera anodzinyaradza.” (Zvirevo 16:13, 14) Nhasi vanamati vaJehovha vanoteerera mashoko aya uye vanobishaira mubasa rokuparidza Umambo nerokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Vanoziva kuti kushandisa miromo yavo seizvi kunoita kuti Mambo Mesiya, Jesu Kristu afare. Kurega kugumbura mambo ane simba uye kutsvaka kufarirwa naye kwaiva kuchenjera zvechokwadi. Kutaura zvazviri kutsvaka kufarirwa naMambo Mesiya kuchenjera zvikuru!

Soromoni anoenderera mberi achiti: “Muchiedza chechiso chamambo mune upenyu, uye kufarira kwaanoita kwakaita segore remvura yokupedzisira.” (Zvirevo 16:15) “Chiedza chechiso chamambo” chinoreva kufarirwa naye, kungofanana ‘nechiedza chechiso chaJehovha’ chinoreva kufarirwa naMwari. (Pisarema 44:3; 89:15) Kungofanana nemakore emvura anoratidza kuti mvura ichanaya yobatsira kuti zvirimwa zviibve, kufarirwa namambo kunoratidza zvinhu zvakanaka zvichauya. Panenge pachitonga Mambo Mesiya vanhu vachakomborerwa uye vachabudirira zvikuru, kungofanana nezvaiitika paitonga Mambo Soromoni asi achitonga vanhu vashoma.—Pisarema 72:1-17.

Patinomirira Umambo hwaMwari kuti hudzore zvose zvinoitika pasi pezuva, ngatitsvakei kubatsirwa naye pakuchenesa mwoyo wedu. Ngativimbeiwo naJehovha tomutya. Tikadaro tichava nechokwadi chokuti ‘zvirongwa zvedu zvichasimbiswa kwazvo.’—Zvirevo 16:3.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Jehovha akaita “munhu akaipa nokuda kwezuva rakaipa” mupfungwa ipi?