Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Raiva Mupumburu Rikazova Kodhekisi— Rakazova Bhuku Sei?

Bhaibheri Raiva Mupumburu Rikazova Kodhekisi— Rakazova Bhuku Sei?

Bhaibheri Raiva Mupumburu Rikazova Kodhekisi— Rakazova Bhuku Sei?

KWEMAZANA emakore vanhu vave vachichengetedza mashoko munzira dzakasiyana-siyana. Kare, vanyori vainyora mashoko avo pazvivako zvakakurumbira, pamatombo kana pamahwendefa omuti, pamatehwe nepazvimwewo zvinhu. Pakazosvika zana remakore rokutanga, kuMiddle East vakanga vava kunyorera pamipumburu. Zvadaro, kwakazouya kodhekisi, uye nokufamba kwenguva yakatanga kushandiswa kwose kwose senzira yokuchengetedza mashoko akanyorwa, ichibva yazotsiva mipumburu. Yakabatsirawo chaizvo pakuparadzirwa kweBhaibheri. Chii chainzi kodhekisi, uye yakazoshandiswa zvaita sei?

Mabhuku atinawo nhasi akatanga ari kodhekisi. Ainge ari mapepa aipetwa, obatanidzwa, uye osungwa nepaaipetwa napo. Mapepa acho ainge akanyorwa seri neseri ozodzivirirwa nebutiro. Kodhekisi yokutanga yakanga isina kuita semabhuku atinawo nhasi, asi sezvinongoita zvimwe zvigadzirwa, yakachinjwa uye yakagadziridzwa maererano nezvaidiwa uye nezvaifarirwa nevaiishandisa.

Miti, Namo uye Matehwe

Pakutanga, kodhekisi dzaiwanzogadzirwa nemahwendefa omuti aiva akakwenenzverwa nenamo. Mahwendefa omuti aiva akaiswa namo akabatanidzwa pamwe chete, akawanikwa mutaundi rinonzi Herculaneum iro rakaparadzwa pamwe chete neguta rePompeii pakaputika gomo rinonzi Vesuvius muna 79 C.E. Pakupedzisira mahwendefa akanga asingapeteki akazotsiviwa nemapepa aipeteka. MuchiLatin, kodhekisi idzi, kana kuti mabhuku, dzainzi membranae, kana kuti matehwe, nemhaka yemakanda aiwanzoshandiswa kugadzira mapeji acho.

Dzimwe kodhekisi dzakagadzirwa nenhokwe dzakaramba dziripo. Kodhekisi dzekaresa dzechiKristu dzakawanika, dzakanga dzakachengetedzwa mudzimwe nzvimbo dzinopisa dzokuIjipiti, dzakagadzirwa nenhokwe. *

Mupumburu Here Kana Kuti Kodhekisi?

Zvinoita sokuti vaKristu vainyanya kushandisa mupumburu, kusvikira panenge pakupera kwezana remakore rokutanga C.E. Kubvira pakupera kwezana remakore iroro kusvikira kune rechitatu C.E., pakava nemakakatanwa, vamwe vachitsigira kodhekisi vamwewo vachitsigira mupumburu. Vaya vaiomerera pane zvavakajaira, vakanga vagara vachishandisa mupumburu, vaisada kurega zvavakanga vajaira kuita mutsika dzavo. Zvisinei, chimbofunga kuti munhu aifanira kuitei kuti averenge mupumburu. Kazhinji mupumburu waiva nemapepa akawanda enhokwe kana kuti matehwe ainge akanamwa, ozopetwa achimoneredzwa. Mashoko acho akanga akanyorwa muzvikamu kudivi rimwe chete romupumburu wacho. Kuti auverenge, munhu aifanira kubhedhenura mupumburu wacho kuti awane ndima yaaida. Apedza kuverenga, aiupeta zvakare. (Ruka 4:16-20) Kunyange zviri pachena kuti vaKristu vomuzana remakore rechipiri zvichienda mberi vaikopa Magwaro pakodhekisi, mupumburu wakaramba uchishandiswa kwemazana emakore. Kunyange zvakadaro, nyanzvi dzinofunga kuti kushandiswa kwaiitwa kodhekisi nevaKristu kwakabatsira chaizvo kuti igamuchirwe nevakawanda.

Kodhekisi ine zvayakanakira—kuva nezvakawanda, kuva nyore kushandisa, uye kutakurika zviri nyore. Kunyange zvazvo vamwe mumazuva aya okutanga vakaona zvazvakanga zvakanakira, ruzhinji rwakatora nguva kurega kushandisa mupumburu. Zvisinei, mumazana emakore akatevera, pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazoita kuti vashandise kodhekisi.

Kana ichienzaniswa nomupumburu, kodhekisi yakanga isingadyi mari yakawanda. Peji yaigona kunyorwa seri neseri, uye mabhuku anoverengeka aitorwa ova mubatanidzwa mumwe chete. Maererano nezvinotaurwa nevamwe, kuwana zviri nyore ndima dzaunenge uchitsvaka mukodhekisi ndiko kwakaita kuti inyanye kudiwa nevaKristu nenyanzvi dzakaita semagweta. KuvaKristu, mapeji maduku, kana kuti kuwanikwa zviri nyore kwendima dzeBhaibheri, zvaibatsira zvikuru pabasa rokuparidza. Uyezve, kodhekisi yaiva nebutiro raiwanzova repuranga, saka yaiva yakasimba kupfuura mupumburu.

Kodhekisi dzaishandawo pakuverenga uri woga. Pakazopera zana remakore rechitatu, Magwaro ematehwe aikwana muhomwe akanga ava kushandiswa nevaizviti vaKristu. Kubvira panguva iyoyo, mabhiriyoni emakopi eBhaibheri rakazara kana kuti zvikamu zvaro akabudiswa akaita sekodhekisi.

Mazuva ano, zvishandiso zvakawanda zviri kuita kuti vanhu vakwanise kukurumidza kuwana uchenjeri hwaMwari huri muBhaibheri zviri nyore. Rinogona kuwanikwa pamakombiyuta, makaseti nemaCD, uye riri bhuku. Pasinei nokuti unofarira kuita zvokuriteerera kana kuriverenga, wedzera kuda Shoko raMwari, urifungisise zuva nezuva.—Pisarema 119:97, 167.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona nyaya iri muNharireyomurindi yeChirungu yaAugust 15, 1962 inoti “The Early Christian Codex,” mapeji 501-5.

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kodhekisi yakabatsira zvikuru kuti Bhaibheri riparadzirwe