Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Honzeri Yezvakaipa Inofumurwa!

Honzeri Yezvakaipa Inofumurwa!

Honzeri Yezvakaipa Inofumurwa!

MUZANA remakore rokutanga, vaJudha vakawanda vakanga vakamirira kuti Mesiya akapikirwa asvike. (Johani 6:14) Jesu paakauya, akavanyaradza uye akaita kuti vanzwisise Shoko raMwari. Akaporesa vairwara, akadyisa vaiva nenzara, akachinja mamiriro okunze, uye akatomutsa vakafa. (Mateu 8:26; 14:14-21; 15:30, 31; Mako 5:38-43) Akataurawo mashoko aJehovha uye akavimbisa upenyu husingaperi. (Johani 3:34) Zvaakataura uye zvaakaita zvakanyatsoratidza kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya, aizosunungura vanhu pachivi nemigumisiro yacho yose yakaipa.

Zvaizova nomusoro kuti vatungamiriri vechitendero chechiJudha vave ivo vaizotanga kugamuchira Jesu, kumuteerera, uye kubvuma kutungamirirwa naye vachifara. Asi pane kudaro, vakamuvenga, vakamutambudza, uye vakaronga kumuuraya!—Mako 14:1; 15:1-3, 10-15.

Zvakanga zvakakodzera kuti Jesu ashore varume ivavo vakaipa. (Mateu 23:33-35) Zvisinei, aiziva kuti paiva nomumwe munhu aikonzera kuti vave nepfungwa dzakaipa idzodzo mumwoyo yavo. Akati kwavari: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari.Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Kunyange zvazvo Jesu akabvuma kuti vanhu vaikwanisa kuita zvakaipa, akataura honzeri yezvakaipa zvacho—Satani Dhiyabhorosi.

Paakataura kuti Satani “haana kumira zvakasimba muchokwadi,” Jesu akaratidza kuti chisikwa ichi chomudzimu chaimbova mushumiri waMwari akatendeka asi chakanga chatsauka munzira iyoyo yakarurama. Nei Satani akapandukira Jehovha? Nokuti akaregerera pfungwa yokuti aikosha ichikura zvokuti akazochiva kunamatwa kwaingofanira Mwari bedzi. *Mateu 4:8, 9.

Kupandukira kwaSatani kwakaonekwa mumunda weEdheni paakanyengedza Evha kuti adye muchero waakanga arambidzwa. Paakareva nhema dzokutanga uye paakachera Jehovha, Satani akazviita “baba venhema.” Uyezve, paakanyengedza Adhamu naEvha kuti vasateerera, akaita kuti vave nechivi, zvichiguma nokufa kwavo nokwezvizvarwa zvaizotevera. Zvechokwadi Satani akazviita “muurayi,” mhondi inotyisa kupfuura dzose dzakambovapo!—Genesisi 3:1-6; VaRoma 5:12.

Kuipa kwaSatani kwakatosvika kunzvimbo inogara zvisikwa zvomudzimu, kwaakafurira dzimwe ngirozi kuti dzibatane naye pakupanduka. (2 Petro 2:4) Kufanana naSatani, iyi midzimu yakaipa yakafarira vanhu zvisina kukodzera. Yakachiva zvepabonde, izvo zvakava nemigumisiro yakaipa.

Zvakaipa Zvinozara Munyika

Bhaibheri rinotiudza kuti: “Vanhu pavakatanga kuva vazhinji . . . uye pavakaberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” (Genesisi 6:1, 2) “Vanakomana vaMwari wechokwadi” ivavo vaiva vanaani? Vaiva zvisikwa zvomudzimu, kwete vanhu. (Jobho 1:6; 2:1) Tinozviziva sei? Kutanga, vanhu vakanga vagara vachiroorana kwemakore 1 500 uye hapana chakambotaurwa. Nhoroondo yacho painotaura nezve“vanakomana vaMwari wechokwadi” vakaita zvepabonde, vakachinja miviri kuti vatore “vanasikana vevanhu,” inonyatsoratidza kuti izvi zvinhu zvakanga zvakaipa zvikuru uye zvakanga zvisina kukodzera.

Vana vakazoberekwa vanoratidza kuti zvakaitwa izvi zvakanga zvisina kukodzera. Vainzi vaNefirimu, uye vakava hofori. Vaivawo nhubu dzaishusha. Kutaura zvazviri, kuti “Nefirimu” zvinoreva “Vawisi,” kana kuti “vaya vanoita kuti vamwe vawire pasi.” Nhubu idzi dzinorondedzerwa se“vanhu vaiva nesimba, vekare, vaiva nomukurumbira.”—Genesisi 6:4.

VaNefirimu navanababa vavo vakatoita zvakaipa zvakanga zvisati zvamboitwa. Genesisi 6:11 inoti: “Nyika yakashatiswa pamberi paMwari wechokwadi uye . . . yakazara nechisimba.” Chokwadi, vanhu vakafarira nzira dzechisimba, dzakaipa dzakanga dzichiitwa neava vanhu vatsva vavakanga vava kugara navo.

VaNefirimu navanababa vavo vakafurira sei vanhu kuti vaite zvakaipa kudaro? Vakaita zvaidiwa uye zvaishuviwa nevanhu vacho. Zvakaguma nei? “Vanhu vose vakanga vashatisa nzira yavo panyika.” Pakupedzisira, Jehovha akaparadza nyika iyoyo neMafashamo akaitika munyika yose, achiponesa Noa akarurama nemhuri yake chete. (Genesisi 6:5, 12-22) Zvisinei, ngirozi dzakachinja miviri dzikadzokera kunyika yemidzimu dzanyadziswa. Semadhimoni akaipa, dzakaramba dzichishora Mwari nemhuri yake yengirozi dzakavimbika. Zviri pachena kuti kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Mwari akarambidza midzimu iyi yakaipa kuti ichinje miviri. (Judha 6) Kunyange zvakadaro, dzave dzichifurira vanhu zvakasimba.

Akaipa Anofumurwa Zvizere!

Kuti Satani ari kuvhiringidza zvinhu kusvika papi zvinotaurwa pana 1 Johani 5:19, inoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” Dhiyabhorosi ari kupinza vanhu munhamo dzisingaperi. Kutaura zvazviri, akatotsunga kubvonyonga zvinhu kupfuura zvaakaita kare. Nei? Nokuti iye nemadhimoni vakadzingwa kudenga Umambo hwaMwari pahwakagadzwa muna 1914. Nezvokudzingwa uku, Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Mune nhamo imi nyika . . . , nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:7-12) Saka Satani anofurira sei vanhu mazuva ano?

Satani anonyanya kuita izvozvo nokukurudzira mafungiro anodzora maonero evanhu nezvavanoita. Naizvozvo VaEfeso 2:2 inodana Dhiyabhorosi kuti “mutongi wesimba remhepo, iwo mafungiro [kana kuti maonero] anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” Pane kukurudzira kutya Mwari uye kuita zvakanaka, iyi “mhepo” yemadhimoni inoita kuti vanhu vapandukire Mwari nemitemo yake. Saka Satani nemadhimoni ake vanokurudzira vanhu kuti vanyanye kuita zvakaipa.

“Chengetedza Mwoyo Wako”

Pamwe panooneka “mhepo” iyi panyaya yezvinonyadzisira, zvinoita kuti vanhu vave nechido chepabonde chisina kukodzera uye zvinoita kuti zvinhu zvisimo mutsika zviite sezvakanaka. (1 VaTesaronika 4:3-5) Zvinonyadzisira zvinoratidza kubata chibharo, kubatwa chibharo nevanhu vakawanda, utsinye, kurara nemhuka, uye kushungurudzwa kwevana mune zvepabonde sezvinhu zvinovaraidza. Kunyange pane zvinokuvadza zvishoma, zvinonyadzisira zvinopinda muropa zvakanyanya uye zvinokuvadza vaya vanozviona kana kuzviverenga, zvichiita kuti varambe vachinakidzwa nokuona zvepabonde. * Zvinhu zvakaipa zvinokanganisa ukama hwomunhu nevamwe uye naMwari. Zvinonyadzisira zvinoratidza mafungiro akaipa emadhimoni anozvitsigira, vapanduki vanoda zvepabonde zvisina kukodzera vakabvira kare Mafashamo omuzuva raNoa asati aitika.

Ndokusaka mambo akachenjera Soromoni akarayira kuti: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako, nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.” (Zvirevo 4:23) Kutaura zvazviri, kuchengetedza mwoyo wako pamusungo wezvinonyadzisira kungareva kuchinja nhepfenyuro yeterevhizheni kana kuti kudzima kombiyuta kana mifananidzo inonyadzisira ikabuda, uye zvinokosha kuti ubve wangodzima! Fungidzira uri murwi ari kuedza kuvhika pfumo rakananga mwoyo wako. Satani anonyanya kuda mwoyo wako, uyo unoita kuti uite zvaunoita, uye anoedza kuushatisa.

Unofanira kudzivirirawo mwoyo wako kuti usada chisimba, nokuti Dhiyabhorosi anoziva kuti Jehovha “unovenga munhu wose anoda zvechisimba.” (Pisarema 11:5) Satani haafaniri hake kukuita kuti uve mhondi kuti uve muvengi waMwari; zvaanongofanira kuita kuti ude chisimba. Hazvisi zvinhu zvinongoitikawo kuti kakawanda chisimba chine chokuita nokudavira midzimu chakazara mumaterevhizheni, maredhiyo uye mapepanhau. VaNefirimu havasisipo, asi unhu hwavo nemaitiro zvichiripo chaizvo! Zvaunosarudza kuvaraidzwa nazvo zvinoratidza here kuti uri kuramba manomano aSatani?—2 VaKorinde 2:11.

Kudzivisa Kwaungaita Kufurirwa naSatani

Masimba akaipa angaita seakaoma chaizvo kukurira. Bhaibheri rinoti vaya vanoedza kufadza Mwari vanorwa “nemasimba emidzimu yakaipa,” kuwedzera pakurwisana nenyama yavo isina kukwana. Kuti tikunde muhondo yacho uye tinzwirwe nyasha naMwari, tinofanira kushandisa zvinhu zvakawanda zvaanotipa.—VaEfeso 6:12; VaRoma 7:21-25.

Zvinhu izvi zvinosanganisira mudzimu mutsvene waMwari, simba rinopfuura zvimwe pane zvose zvakasikwa. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari.” (1 VaKorinde 2:12) Vaya vanotungamirirwa nomudzimu waMwari vanosvika pakuda zvinodiwa naMwari uye kuvenga zvaanovenga. (Amosi 5:15) Munhu angagamuchira sei mudzimu mutsvene? Kunyanya nokunyengetera, kushamwaridzana kwakanaka nevaya vanoda Mwari zvechokwadi, uye kudzidza Bhaibheri, rakanyorwa pachishandiswa mudzimu mutsvene.—Ruka 11:13; 2 Timoti 3:16; VaHebheru 10:24,25.

Kana ukashandisa zvakanaka zvinhu izvi zvatinopiwa naMwari, unotanga kupfeka “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari,” dzinodzivirira zvechokwadi pa“manomano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11-18) Unofanira kukurumidza kuita izvi iye zvino kupfuura zvawaiita kare. Sei?

Zvakaipa Zvava Kuda Kuzopera!

Munyori wepisarema anoti: “Vakaipa pavanomera sezvinomera uye vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza pavanotumbuka, zvinoitirwa kuti vatsakatiswe nokusingaperi.” (Pisarema 92:7) Chokwadi, sezvazvakanga zvakaita muzuva raNoa, kuwedzera kuri kuita zvakaipa iye zvino uchapupu hwokuti kutonga kwaMwari kwava pedyo. Achatonga vakaipa uyewo Satani nemadhimoni ake, avo vachakandwa mugomba mavanenge vasingakwanisi kuita chinhu vakamirira kuparadzwa zvachose. (2 Timoti 3:1-5; Zvakazarurwa 20:1-3, 7-10) Ndiani achatonga ipapo? Hapana mumwe kunze kwaJesu Kristu, watinoverenga nezvake kuti: “Nokuda kwaizvozvi Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.”—1 Johani 3:8.

Unoshuva kuona zvakaipa zvichipera here? Kana zvakadaro, nyaradzwa nezvipikirwa zviri muBhaibheri. Hapanazve rimwe bhuku rinofumura Satani, honzeri yezvakaipa, uye hapanazve rimwe bhuku rinoratidza kuti iye nemabasa ake ose akaipa achatsakatiswa sei pakupedzisira. Tinokukurudzira kuti uwane zivo yakarurama yeBhaibheri kuitira kuti urege kufurirwa naSatani iye zvino uye kuti uwane tariro yokurarama munyika isina zvinhu zvakaipa.—Pisarema 37:9, 10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Zita rokutanga rengirozi yakazova Satani harizivikanwi. Mashoko okuti “Satani” uye “Dhiyabhorosi” anoreva “Mudzivisi” uye “Mucheri.” Mune dzimwe nzira, zvakaitwa naSatani zvakafanana nezvakaitwa nomumwe mambo wekare wokuTire. (Ezekieri 28:12-19) Vose vakatanga vachiita zvakanaka asi vakazozvikudza.

^ ndima 17 Ona nyaya dzinotevedzana dzinoti “Pornography—Harmless or Harmful?” dziri muAwake! yaJuly 22, 2003, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Ngano Dzine Kachikamu Kechokwadi

Munyika yose zvayo munotaurwa ngano dzevanhu vakaita hafu munhu hafu mwari, dzehofori nedzemafashamo. Somuenzaniso, ngano yokuAkkad yaGilgamesh inotaura nezvemafashamo, ngarava, uye vanhu vakapukunyuka. Gilgamesh wacho anonzi aiva hafu munhu hafu mwari ane ruchiva, uye anoda zvechisimba. Ngano dzevaAztec dzinotaura nezvemafashamo uye nyika yaivako kare yaigarwa nehofori. Imwe ngano yechiNorse inorondedzera rumwe rudzi rwehofori uye murume akachenjera ainzi Bergelmir, akagadzira chikepe chakakura, chakazoponesa iye nomudzimai wake. Zvose zvinotaurwa mungano idzodzo zvinotsigira zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti vanhu vose vakabva kune vanhu vakapukunyuka mafashamo akaparadza nyika yakaipa yekare.

[Mufananidzo]

Hwendefa rakanyorwa ngano yaGilgamesh

[Kwazvakatorwa]

The University Museum, University of Pennsylvania (neg. # 22065)

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mazuva ano vanhu vanoratidza unhu hwevaNefirimu

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zivo yechokwadi inotisimbisa kuti tisafurirwa