Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubudirira Pakunamata Munguva Yokuchena Musoro

Kubudirira Pakunamata Munguva Yokuchena Musoro

Kubudirira Pakunamata Munguva Yokuchena Musoro

“Vaya vakadyarwa muimba yaJehovha . . . vacharamba vachibudirira munguva yokuchena musoro.”—PISAREMA 92:13, 14.

1, 2. (a) Kukwegura kunowanzorondedzerwa sei? (b) Magwaro anovimbisei nezvezvakakonzerwa nechivi chaAdhamu?

KUKWEGURA—shoko iri rinokufungisei? Ganda rakawunyana here? Nzeve shoma here? Maoko nemakumbo asina simba here? Kana kuti chimwe chikamu che“mazuva okutambudzika” chinonyatsorondedzerwa pana Muparidzi 12:1-7 here? Kana zvakadaro, zvinokosha kuyeuka kuti rondedzero inowanika muna Muparidzi chitsauko 12 hairatidzi kuti kukwegura kwaiva chinangwa chepakutanga choMusiki, Jehovha Mwari, asi kuti kwakakonzerwa nechivi chaAdhamu pamiviri yevanhu.—VaRoma 5:12.

2 Kukwegura pachako hakusi kutukwa, nokuti kuti urambe uri mupenyu zvinoreva kuti nguva inenge ichifamba. Kutaura zvazviri, zvinhu zvose zvipenyu zvinofanira kukura. Kukanganiswa kwatakaitwa nechivi uye kusakwana mumakore zviuru zvitanhatu kuchange kwapera munguva pfupi iri kuuya, uye vanhu vose vanoteerera vachanakidzwa noupenyu sezvakanga zvakarongwa, pasina nhamo yokukwegura uye kufa. (Genesisi 1:28; Zvakazarurwa 21:4, 5) Panguva iyoyo, “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Vakwegura vachavazve ne“simba rouduku hwa[vo],” uye nyama yavo ‘ichava itsva kupfuura pavaiva vaduku.’ (Jobho 33:25) Zvisinei, panguva ino vanhu vose vachiri kutambura nechivi chavakagara nhaka kuna Adhamu. Asi vashumiri vaJehovha vanokomborerwa mune zvakawanda pavanenge vachikwegura.

3. VaKristu vangaramba sei “vachibudirira munguva yokuchena musoro”?

3 Shoko raMwari rinotivimbisa kuti “vaya vakadyarwa muimba yaJehovha . . . vacharamba vachibudirira munguva yokuchena musoro.” (Pisarema 92:13, 14) Nemashoko okufananidzira, munyori wepisarema akataura chokwadi chinokosha chokuti vashumiri vaMwari vanogona kuramba vachifambira mberi uye vachibudirira pakunamata, kunyange zvazvo vari kukwegura. Mienzaniso yakawanda yomuBhaibheri uye yemazuva ano inoratidza kuti izvi ichokwadi.

“Asingamboshayikwi”

4. Muprofitakadzi Ana akanga achembera akaratidza sei kuti aiva akazvipira kuna Mwari, uye akakomborerwa sei?

4 Imbofunga nezvomuprofitakadzi womuzana remakore rokutanga ainzi Ana. Pazera remakore 84, akanga “asingamboshayikwi patemberi, achiita basa dzvene usiku nemasikati, achitsanya nokuteterera.” Zvakanga zvisingaiti kuti Ana agare patemberi nokuti baba vake vakanga vasiri muRevhi, vaiva ve“dzinza raAsheri.” Fungidzira zvaaifanira kuita kuti aende kutemberi zuva nezuva ovapo kubvira panguva yokunamata kwemangwanani kusvikira panguva yokunamata kwemanheru! Asi Ana akakomborerwa zvikuru nokuda kwokuzvipira kwake. Akava neropafadzo yokuvapo Josefa naMariya pavakauya naJesu achiri mucheche kutemberi kuti azopiwa kuna Jehovha maererano nezvaitaurwa noMutemo. Paakaona Jesu, Ana “akatanga kuonga Mwari uye kutaura nezvomwana wacho kune vaya vose vaimirira kununurwa kweJerusarema.”—Ruka 2:22-24, 36-38; Numeri 18:6, 7.

5, 6. Vakwegura vakawanda mazuva ano vari kuratidza sei maitiro akafanana neaAna?

5 Mazuva ano vakwegura vakawanda vatinavo vakafanana naAna pakupinda misangano nguva dzose, pakuteterera nomwoyo wose kuti kunamata kwechokwadi kufambire mberi, uye pakuti vane chido chakasimba chokuparidza mashoko akanaka. Imwe hama yava nemakore okuma80 inopinda misangano nguva dzose nomudzimai wayo yakati: “Tine tsika yokupinda misangano. Hakuna kumwe kwatinoda kuva. Tinoda kuva kune vanhu vaMwari. Tinonzwa takasununguka tiri ikoko.” Muenzaniso unokurudzira zvakadini kune vanhu vose!—VaHebheru 10:24, 25.

6 “Kana paine chero chokunamata chinenge chichida kuitwa uye ndichikwanisa kuchiita, ndinoda kuchiita.” Ndizvo zvinogara zvichitaurwa naJean, chirikadzi yechiKristu ine makore okuma80. Anoenderera mberi achiti, “Chokwadi, dzimwe nguva ndinosuwa, asi ndingadirei kuti munhu wose anenge aripo asuwewo pandinenge ndakasuwa?” Maziso ake achipenya, akataura nezvokufara kwaanoita paanoshanyira dzimwe nyika pazviitiko zvinokurudzira zvine chokuita nokunamata. Pane rumwe rwendo rwaakaita munguva pfupi yapfuura, akaudza shamwari dzake kuti: “Handichadi kuramba ndichiona nzvimbo dzinonakidza; ndava kuda kuenda muushumiri hwomumunda!” Kunyange zvazvo akanga asingagoni mutauro womunzvimbo iyoyo, Jean akakwanisa kuita kuti vanhu vafarire shoko reBhaibheri. Uyezve, kwemakore akawanda, aishanda neungano yaida kubatsirwa, kunyange zvazvo izvi zvaireva kuti aifanira kudzidzira mutauro mutsva uye kufamba kweawa kuenda kumisangano uye awa kudzoka.

Kuita Kuti Pfungwa Dzirambe Dzichishanda Zvakanaka

7. Paakanga akwegura, Mosesi akaratidza sei kuti aiva nechido chokuti ukama hwake naMwari hurambe huchikura?

7 Muupenyu ruzivo runowedzera nokupindana kwemazuva. (Jobho 12:12) Asi kana kuri kukwegura hakungoerekani kwaita kuti munhu afambire mberi pakunamata. Naizvozvo, pane kungovimba nezivo yavakawana kare, vashumiri vaMwari vakavimbika vanoedza ku“wedzera kudzidza” nokufamba kunenge kuchiita makore. (Zvirevo 9:9) Mosesi akanga ava nemakore 80 paakapiwa basa rokuita naJehovha. (Eksodho 7:7) Munguva yake, vanhu vakanga vasinganyanyi kurarama kusvika pazera iroro, nokuti akanyora kuti: “Mazuva emakore edu makore makumi manomwe; asi kana tiine simba kwazvo, makore makumi masere.” (Pisarema 90:10) Kunyange zvakadaro, Mosesi haana kumbofunga kuti akanga akura zvokusakwanisa kudzidza. Pashure pokushumira Jehovha kwemakumi emakore, aine mabasa anokosha akawanda uye anorema, Mosesi akateterera Jehovha achiti: “Ndapota, ndizivisei nzira dzenyu, kuti ndikuzivei.” (Eksodho 33:13) Mosesi aida kuti ukama hwake naJehovha hurambe huchikura.

8. Dhanieri akaita sei kuti pfungwa dzake dzirambe dzichishanda zvakanaka paakanga ava nemakore okuma90, uye zvakaguma nei?

8 Muprofita Dhanieri, uyo angangodaro aiva nemakore okuma90, akanga achiri kuongorora zvinyorwa zvitsvene. Zvaakanzwisisa pakudzidza kwaaiita “mabhuku” angangodaro aisanganisira Revhitiko, Isaya, Jeremiya, Hosiya, uye Amosi, zvakaita kuti ade kutsvaka Jehovha achinyengetera nomwoyo wose. (Dhanieri 9:1, 2) Munyengetero iwoyo wakapindurwa nemashoko akafuridzirwa ane chokuita nokuuya kwaMesiya uye zvaizoitika panyaya yokunamata kwakachena.—Dhanieri 9:20-27.

9, 10. Vamwe vakaitei kuti pfungwa dzirambe dzichishanda zvakanaka?

9 Kufanana naMosesi naDhanieri, isuwo tinogona kuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichishanda zvakanaka nokufunga nezvezvinhu zvokunamata chero bedzi tichikwanisa. Vakawanda vari kuita izvozvo chaizvo. Worth, mumwe mukuru wechiKristu ane makore okuma80, anoedza kufambirana nourongwa hwose hwokunamata hwatinopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Anoti, “Ndinoda chokwadi chaizvo, uye ndinofara chaizvo kuona kuti chiedza chechokwadi chiri kuramba chichiwedzera kupenya.” (Zvirevo 4:18) Saizvozvowo, Fred, ave ari mubasa roushumiri hwenguva yakazara kwemakore 60, anoti anokurudzirwa pakunamata paanotanga kukurukura Bhaibheri nevamwe vaanonamata navo. Anoti, “Ndinofanira kuramba ndichinakidzwa neBhaibheri. Kana uchigona kuita kuti Bhaibheri rikunakidze, rive nezvarinoreva kwauri, uye ukaona kubatana kunoita zvauri kudzidza no“muenzaniso wemashoko anopa utano,” unenge wava nezvidimbu zvepfungwa zvine zvazvinoreva. Unogona kuona kubatana kunonakidza kunoita pfungwa dzacho.”—2 Timoti 1:13.

10 Kukwegura hakurevi hakwo kuti hauchakwanisi kudzidza zvinhu zvitsva uye zvakaoma. Vanhu vane makore okuma60, 70, kunyange 80 vakadzidza kuverenga nokunyora kana kuti vakadzidza mitauro mitsva. Zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakaita izvozvo zviine chinangwa chokuudza vanhu vemarudzi akasiyana-siyana mashoko akanaka. (Mako 13:10) Harry nomudzimai wake vakanga vava nemakore anoda kusvika 70 pavakasarudza kunobatsira mundima yechiPutukezi. Harry anoti, “Kutaura chokwadi, zvinhu zvose zvinonyanya kuoma paunenge wakura.” Kunyange zvakadaro, nezvavaiedza kuita uye kutsungirira, vakatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu nechiPutukezi. Kwemakore akawanda zvino, Harry ave achipawo hurukuro nechiPutukezi pamagungano eruwa.

11. Nei tichifanira kukurukura zvakaitwa nevakwegura vakatendeka?

11 Chokwadi, haasi munhu wose ane utano kana kuti ane mamiriro ezvinhu anomubvumira kuita izvozvo. Saka nei tichifanira kukurukura zvakaitwa nevamwe vakwegura? Chokwadi hatisi kuitira kuti munhu wose aedze kuita zvakafanana. Asi tiri kuitira zvakanyorwa naPauro kuvaKristu vechiHebheru nezvevakuru veungano vakatendeka, kuti: “Sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei, tevedzerai kutenda kwavo.” (VaHebheru 13:7) Patinofungisisa mienzaniso yakadaro yokushingaira, tingakurudzirwa kutevedzera kutenda kwakasimba kunoita kuti ava vakwegura varambe vachishumira Mwari. Achitsanangura zvinomukurudzira, Harry ava nemakore 87, anoti: “Ndingada kushandisa makore angu asara nouchenjeri kuti ndiite basa raJehovha nepandinogona napo.” Fred, ambotaurwa, anogutsikana zvikuru nebasa raanoita paBheteri. Anoti, “Unofanira kuwana nzira yakanakisisa yokushumira nayo Jehovha worega kubva pairi.”

Kuzvipira Pasinei Nemamiriro Ezvinhu Aichinja

12, 13. Bhazirai akazvipira sei kuna Mwari pasinei nemamiriro ake ezvinhu akanga achinja?

12 Zvingava zvakaoma kubvuma kuti wakwegura. Kunyange zvakadaro, unogona kuzvipira kuna Mwari pasinei nezvinenge zvachinja. Bhazirai muGiriyedhi muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Pazera remakore 80, akaratidza Dhavhidhi neuto rake mutsa unoshamisa, achivapa zvokudya uye pokugara panguva yakapanduka Absaromu. Dhavhidhi paakanga ava kudzokera kuJerusarema, Bhazirai akaperekedza boka racho kusvika kuRwizi rwaJodhani. Dhavhidhi akati aida kuti Bhazirai ashande muimba yake youmambo. Bhazirai akatii? “Nhasi ndava nemakore makumi masere. . . . Mushandi wenyu achagona kuravidza zvaanodya nezvaanonwa here, kana kuti ndichagona kuteerera inzwi revaimbi vechirume nevechikadzi here? . . . Hoyu mushandi wenyu Kimhamu. Ngaayambuke naishe wangu mambo; mumuitire zvakakunakirai.”—2 Samueri 17:27-29; 19:31-40.

13 Pasinei nemamiriro ezvinhu akanga achinja, Bhazirai akaita zvaaigona kuti atsigire mambo akanga agadzwa naJehovha. Kunyange zvazvo aiziva kuti akanga asingacharavidzi uye asingachanzwi sezvaaimboita, haana kushungurudzwa nazvo. Pane kuti adaro, Bhazirai akaratidza unhu hwake paakati Kimhamu apiwe hake basa rakanga rataurwa, zvichiratidza kuti akanga asina udyire. Kufanana naBhazirai, vakwegura vakawanda nhasi vanoratidza kuti havana udyire asi kuti vane rupo. Vanoita zvavanogona kuti vatsigire kunamata kwechokwadi, vachiziva kuti “Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” Kuva nevanhu vakavimbika pakati pedu chokwadi chikomborero!—VaHebheru 13:16.

14. Zera raDhavhidhi rinotibatsira sei kunzwisisa mashoko akanyorwa pana Pisarema 37:23-25?

14 Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu aDhavhidhi akachinja kakawanda, akaramba aine chokwadi chokuti Jehovha haambochinji kutarisira kwaanoita vashumiri vake vakavimbika. Ava kuda kuzofa, Dhavhidhi akanyora rwiyo rwava kuzivikanwa mazuva ano sePisarema 37. Imbofungidzira Dhavhidhi achinyatsofungisisa, achiridza rudimbwa uye achiimba mashoko okuti: “Nhanho dzomurume akagwinya dzakasimbiswa naJehovha, iye anofarira nzira yake. Kunyange akawa, haangazvambarari pasi, nokuti Jehovha ari kutsigira ruoko rwake. Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.” (Pisarema 37:23-25) Jehovha akaona zvakakodzera kuti zera raDhavhidhi rinyorwe mupisarema iri rakafuridzirwa. Kutaurwa ikoko kwezera kunowedzera sei kunzwisisa kwatinoita mashoko iwayo anobva pasi pemwoyo!

15. Muapostora Johani akaratidza sei muenzaniso wakanaka wokutendeka pasinei nemamiriro ezvinhu akanga achinja uye nokukwegura?

15 Muapostora Johani ndomumwe muenzaniso wakanaka zvikuru womunhu akanga akatendeka pasinei nemamiriro ezvinhu akanga achinja uye nokukwegura. Pashure pokunge ashumira Mwari kwemakore anoda kusvika 70, Johani akasungwa akaendeswa kuchitsuwa chePatimosi “nokuda kwokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 1:9) Asi, basa rake rakanga risina kupera. Kutaura zvazviri, mashoko ose ari muBhaibheri akanyorwa naJohani akaanyora ava kuda kuzofa. Paaiva paPatimosi, akaratidzwa Zvakazarurwa zvinoshamisa, zvaakanyora achingwaririra. (Zvakazarurwa 1:1, 2) Zvinofungidzirwa kuti akasunungurwa panguva yaitonga Mambo weRoma Nerva. Pashure paizvozvo, munenge muna 98 C.E., paakanga ava nemakore angasvika 90 kana kuti 100, Johani akanyora Evhangeri uye tsamba nhatu dzine zita rake.

Mukurumbira Wokutsungirira

16. Vaya vasingachanyatsogoni kutaura vangaratidza sei kuti vakazvipira kuna Jehovha?

16 Vanhu vanotadziswa kuita zvinhu nezvinhu zvakasiyana-siyana uye pamwero yakasiyana-siyana. Somuenzaniso, vamwe havachanyatsogoni kunyange kutaura. Zvisinei, vachiri kufara kufunga nezvorudo rwaMwari uye mutsa wake usina kukodzera kuwanwa. Kunyange zvazvo vasingachanyatsogoni kutaura nemiromo yavo, mumwoyo mavo vari kuti kuna Jehovha: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.” (Pisarema 119:97) Jehovha anoziva vaya “vanofunga nezvezita rake,” uye anonzwisisa kusiyana kwavakaita noruzhinji rwevanhu, rusina hanya nenzira dzake. (Maraki 3:16; Pisarema 10:4) Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha anofara patinofungisisa mumwoyo yedu!—1 Makoronike 28:9; Pisarema 19:14.

17. Vanhu vave vachishumira Jehovha kwenguva yakareba vakasiyana sei nevamwe?

17 Hatifaniri kukanganwa kuti vaya vave vachishumira Jehovha vakatendeka kwemakumi emakore vava nomukurumbira wokutsungirira. Chokwadi hapana imwe nzira yokuwana nayo mukurumbira uyu. Jesu akati: “Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu.” (Ruka 21:19) Kuti tiwane upenyu husingaperi zvinokosha kuti titsungirire. Vaya vaka“ita zvinodiwa naMwari” vakaratidza kuti vakatendeka nemararamiro avo vanogona kutarisira “kuzadzika kwechipikirwa.”—VaHebheru 10:36.

18. (a) Chii chinofarirwa naJehovha nezvevakwegura? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Jehovha anokoshesa basa raunoita nomwoyo wose pasinei nokuti unokwanisa kuita zvakawanda kana kuti zvishoma zvakadini. Pasinei nezvingave zvichiitika ku“munhu watiri nechokunze” patinenge tichikwegura, “munhu watiri nechomukati” anogona kuitwa mutsva zuva nezuva. (2 VaKorinde 4:16) Hapana mubvunzo kuti Jehovha anokoshesa zvawakaita kare, asi zviri pachena-chena kuti anokoshesawo zvauri kuitira zita rake iye zvino. (VaHebheru 6:10) Munyaya inotevera, tichakurukura kubatsira kwazvinoita kana munhu akaramba akatendeka zvakadaro.

Ungapindura Sei?

• Ana akasiyira vaKristu vakwegura vemazuva ano muenzaniso wakanaka upi?

• Nei zera risiri iro ringatadzisa munhu kuita zvaanoda?

• Vakwegura vangaramba vakazvipira kuna Mwari sei?

• Jehovha anoona sei basa raanoitirwa nevakwegura?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dhanieri akanga akwegura akanzwisisa nokuverenga “mabhuku” kuti vaJudha vaizova nhapwa kwenguva yakareba sei

[Mifananidzo iri papeji 25]

Vakwegura vakawanda vanoratidza muenzaniso wakanaka pakupinda misangano nguva dzose, kushingaira kuparidza, uye kuda kudzidza