Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsunga Kuita Ushumiri Hwedu

Kutsunga Kuita Ushumiri Hwedu

Nyaya Youpenyu

Kutsunga Kuita Ushumiri Hwedu

Yakataurwa naLena Davison

“Ndava kuona madzerere. Handichaoni,” akadaro mutyairi wendege yataiva, nenzwi rakashoshoma. Pasina nguva, maoko ake akatsvedza pazvinhu zvinodzora ndege, uye akati gojodo muchigaro chake, afenda. Murume wangu, akanga asati ambokwira ndege, akaedza nepaaigona napo kumumutsa. Ndisati ndakuudzai nezvokupona nepaburi retsono kwatakaita, regai nditsanangure zvakaita kuti tive mundege iyoyo kuPapua New Guinea, imwe nyika iri kure zvikuru.

NDAKABEREKWA muna 1929 muAustralia uye ndakarererwa muSydney, guta guru reNew South Wales. Baba vangu Bill Muscat, vaiva muKomonisiti asi zvinoshamisa ndezvokuti vaidavira kuti kuna Mwari. Muna 1938 vakatobvuma kusayina gwaro raiva nechikumbiro chevanhu vose chokuti Joseph F. Rutherford, aibva kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, abvumirwe kuparidza muSydney Town Hall.

“Anofanira kunge aine zvinhu zvinokosha zvaanoda kutaura,” Baba vakatiudza kudaro panguva iyoyo. Kwapera makore masere, takaziva kukosha kwemashoko iwayo. Baba vakakoka Norman Bellotti, mushumiri aiva piyona wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha kumba kwedu kuti vakurukure Bhaibheri. Mhuri yedu yakakurumidza kugamuchira chokwadi cheBhaibheri uye pasina nguva yakanga yava kushingaira chaizvo muushumiri hwechiKristu.

Nechepakati pema1940, ndakarega chikoro kuti ndibatsire amai vangu vakanga vachirwara zvikuru. Ndairarama nokusona. Manheru oMugovera, ini nomukoma wangu Rose taibatana neboka remapiyona topupura mumugwagwa kunze kweSydney Town Hall. Muna 1952 hanzvadzi yangu huru John, akapedza kudzidza kuchikoro chemamishinari cheGiriyedhi kuUnited States uye akanzi anoshandira kuPakistan. Neniwo ndaida ushumiri uye ndaida kutevedzera muenzaniso wake. Saka gore rakatevera racho, ndakava piyona wenguva dzose.

Kuroorwa uye Basa Roumishinari

Izvozvo zvichangoitika, ndakaonana naJohn Davison, aishanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuAustralia. Kuzvininipisa kwake, kusada kushamisira, uye tsika dzake zvakandifadza. MuHondo Yenyika II, akasungwa katatu nokuti somuKristu haana kutsigira zvematongerwo enyika. Tiri vaviri takasarudza kuti ushumiri hwechiKristu huve basa roupenyu hwedu hwose.

Ini naJohn takaroorana muna June 1955. Takatenga kabhazi tiine chinangwa chokukachinja kuti kave karavhani. Chinangwa chedu chaiva chokuishandisa mubasa rokuparidza mumaruwa okuAustralia. Gore rakatevera racho, Zvapupu zvakakumbirwa kuti zvitamire kuNew Guinea, nyika iri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwechitsuwa chikuru chiri kuchamhembe kweAustralia. * Shoko roUmambo rakanga risati ramboparidzwa munyika iyi. Takabva tangozvipira kuenda.

Panguva iyoyo, waingokwanisa kugara muNew Guinea kana wawana basa, saka John akatanga kutsvaka basa. Nenguva isipi akawana basa pane imwe fekitari yemapuranga muNew Britain, chitsuwa chiduku zvikuru chiri kuNew Guinea. Kwapera vhiki dzinoverengeka, takatanga rwendo rwokuenda kunzvimbo itsva kwatainoparidza, uye takasvika muRabaul, New Britain, muna July 1956. Tiri imomo takamirira chikepe kwemazuva matanhatu kuti chitiendese kuWaterfall Bay.

Ushumiri Hwedu muWaterfall Bay

Kwapera mazuva anoverengeka tiri mugungwa rakanga risina kugadzikana, takasvika kuWaterfall Bay, chitsuwa chikuru chiri makiromita 240 kumaodzanyemba kweRabaul. Ndiko kwaiva nefekitari huru yemapuranga musango raitemwa miti. Manheru iwayo vashandi vose pavakanga vakagara patafura yokudyira, maneja akati, “Gara zviya Baba naMai Davison, mutemo wekambani ino ndewokuti vashandi vose vataure kuti vanopinda chechi ipi.”

Taiziva kuti paigona kunge pasina mutemo wakadaro, asi zvaiva pachena kuti vakanyumwa nokuti takanga taramba kusvuta. Kunyange zvakadaro, John akapindura kuti, “Tiri Zvapupu zvaJehovha.” Vanhu vakabva vati mwiro. Varume vacho vaiva varwa muHondo Yenyika II uye vaifungira Zvapupu zvaJehovha nokuti munguva yehondo zvakanga zvisingatsigiri zvematongerwo enyika. Kubvira panguva iyoyo, varume vacho vakatsvaka mikana yokutiomesera.

Kutanga, maneja akaramba kutipa firiji nechitofu, kunyange taifanira kuzvipiwa. Zvokudya zvedu zvakaora, uye taitofanira kubikira pachitofu chakasakara chatakanga tanhonga musango. Zvadaro vagari vomumusha wacho vakarambidzwa kutitengesera zvinhu zvakanaka, saka tairarama nemiriwo chero ipi zvayo yataiwana. Takanzi taiva vatengesi uye tainyatsoongororwa kuti zvionekwe kana paine munhu wataizodzidzisa Bhaibheri. Ndakabva ndabatwa nemarariya.

Kunyange zvakadaro, takanga takatsunga kuita ushumiri hwedu. Saka takakumbira vechiduku vaviri vaishanda pafekitari yacho vaitaura Chirungu kuti vatidzidzise Pidgin yokuMelanesia, mutauro waitaurwa ikoko. Isu taivadzidzisawo Bhaibheri. Pakupera kwevhiki taifamba nzendo dzakareba tichinakidzwa nokuona nzvimbo. Pataifamba, taipupurira nokungwarira kuvanhu vomumisha yacho vataisangana navo; vaya vataidzidzisa Bhaibheri ndivo vaitishandurira. Taiyambuka nzizi dzaiva dzakazara uye dzaiva nemakarwe anotyisa ataiona achidziya zuva pamahombekombe. Kunze kwekamwe chete katakapotsa taitwa kanyama kanyama, hatina kunyanya kutambudzwa nezvikara izvozvo zvinotyisa.

Kugadzira Zvaitibatsira Kudzidzisa

Vanhu vaifarira zvavaiwedzera, takasarudza kutaipa mashoko eBhaibheri ari nyore kuti tipe vaifarira. Vataidzidza navo Bhaibheri pafekitari vakatibatsira kushandura mashoko aya okutanga. Taipedza usiku hwakawanda tichitaipa mazana ematurakiti uye taiapa vaigara mumisha yacho nevaishanda muzvikepe.

Muna 1957 John Cutforth, mushumiri anofambira akanga ava nenguva mubasa iri, akatishanyira kuzotikurudzira. * Akati taizobudirira kana tikashandisa mifananidzo pakudzidzisa chokwadi cheBhaibheri kuvanhu vakanga vasingagoni kuverenga. Iye nomurume wangu vaidhirowa mifananidzo iri nyore, yaitsanangura dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Gare gare, taizopedza maawa akawanda tichikopera mharidzo dzaitsanangurwa nemifananidzo iyi mumabhuku echikoro. Mudzidzi weBhaibheri mumwe nomumwe akapiwa bhuku rake, raaishandisa kuparidzira vamwe. Nzira iyi yokudzidzisa yakazopedzisira yava kushandiswa munyika yacho yose.

Kwapera makore maviri nehafu tiri kuWaterfall Bay, nguva yatakanga tapiwa kuti tishande yakakwana uye takabvumirwa kugara munyika yacho. Saka takabvuma kutanga ushumiri hwokuva mapiyona chaiwo.

Kudzokera kuRabaul

Pataienda kuchamhembe kuRabaul, chikepe chedu chakambomira usiku hwose paminda yecoconut uye yecocoa paWide Bay. Varidzi vacho, vakaroorana vakanga vakwegura vaida kurega basa kuti vadzokere kuAustralia, vakati John apinde basa rokutarisira minda yacho. Zvavakataura izvi zvaifadza chaizvo, asi patakazotaura nyaya yacho usiku ihwohwo, takabvumirana kuti takanga tisina kuuya kuNew Guinea kuzotsvaka pfuma. Takanga takatsunga kuita ushumiri hwedu tiri mapiyona. Saka zuva rakatevera racho, takaudza vakwegura ava zvatakanga tasarudza ndokukwirazve chikepe.

Tasvika kuRabaul, takabatana neboka duku reZvapupu zvaibva kune dzimwe nyika zvakanga zvatamira munharaunda iyoyo. Vanhu vemo vakafarira shoko roUmambo chaizvo, uye takatanga kudzidza Bhaibheri nevakawanda zvikuru. Munguva iyi, taiitira misangano yechiKristu muimba yairendwa, uye vanosvika 150 vaipinda misangano yacho. Vakawanda vavo vakagamuchira chokwadi uye vakabatsira kuparadzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kune dzimwe nzvimbo dzomunyika yacho.—Mateu 24:14.

Takashanyirawo Vunabal, musha waiva makiromita anenge 50 kubva kuRabaul, kwaiva neboka revanhu vaifarira chokwadi cheBhaibheri nomwoyo wose. Munguva pfupi zvakarwadza mumwe muKaturike aityiwa chaizvo munharaunda yacho. Aine boka reshamwari dzake dzokuchechi, akavhiringidza kudzidza kwataiita Bhaibheri vhiki nevhiki uye akatidzinga mumusha wacho. Patakaziva kuti paizova nezvimwe zvinetso vhiki yaitevera, takakumbira kuti mapurisa atiperekedze.

Zuva iroro mugwagwa wakanga wakazara nevaKaturike vaishevedzera vachitituka. Vakawanda vaida kutitema nematombo. Panguva iyi, mupristi akanga aunganidza mazana evarume vomumusha wacho. Mapurisa akativimbisa kuti takanga tiine kodzero yokuita musangano wedu, saka akavhura nzira, akaita kuti tipfuure nepakati peboka revanhu. Zvisinei, tichangotanga musangano wedu, mupristi wacho akanyandura vanhu kuti vaite mhirizhonga. Mapurisa akatadza kudzora mhirizhonga yacho; saka mukuru mukuru wemapurisa akatiudza kuti tibve uye akabva atiperekedza kumotokari yedu.

Mhomho yacho yakatikomba, ichitituka, ichitipfira, uye ichitisimudzira zvibhakera, mupristi akamira zvake akapeta maoko uye achinyemwerera. Tatiza, mukuru wemapurisa akabvuma kuti akanga asati amboona zvakadaro. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vokuVunabal vakatya mhomho yaiita zvechisimba, munhu mumwe chete aidzidza Bhaibheri akatsigira chokwadi choUmambo noushingi. Kubvira ipapo, mazana evanhu muNew Britain yose akatsigirawo chokwadi.

Vanhu vokuNew Guinea Vanonzwa Shoko roUmambo

Muna November 1960, takanzi tiende kunoshandira kuMadang, taundi rakakura riri kumhenderekedzo yokuchamhembe kweNew Guinea, chitsuwa chikuru chacho. KuMadang vakawanda vaida kuti ini naJohn tivashandire. Imwe kambani yakandikurudzira kuti ndive maneja wechitoro chayo chembatya. Imwe yacho yaida kuti ndigadzirise mbatya dzainge dzatengwa asi dzisingakwani zvakanaka. Vamwe vakadzi vokune dzimwe nyika vakati vaizondibatsira kuti nditange shopu yangu yokusona. Tichifunga nezvezvinangwa zvedu, takaramba zvakanakanaka mabasa ose aya nezvimwe zvavaida kuti tiite.—2 Timoti 2:4.

Vanhu vokuMadang vaifarira, uye munguva pfupi kwakava neungano yaikura. Taifamba netsoka uye taimbofamba nechimudhudhudhu chedu kuenda kumisha yaiva kure kunoparidza kwemazuva anoverengeka. Taiwana dzimba dzouswa dzaiva matongo munzira yataifamba, towaridza uswa torara. Taingova nezvokudya zvomumagaba, mabhisikiti, uye neti yokudzivirira umhutu.

Pane rumwe rwendo, takashanyira boka revanhu vaifarira kuTalidig, musha uri makiromita anenge 50 kuchamhembe kweMadang. Sezvo boka racho rakanga richifambira mberi mune zvokunamata, mukuru wechikoro chaikoko akavarambidza kudzidzira Bhaibheri pachena. Gare gare, akakurudzira mapurisa kuti aparadze misha yavo uye avadzingire kusango. Zvisinei, mumwe ishe aiva pedyo akabvumira boka racho kuti rigare munyika yake. Nokufamba kwenguva, ishe uyu aiva nomutsa akagamuchira chokwadi, uye Imba yoUmambo yemazuva ano yakavakwa munharaunda yacho.

Basa Rokushandura uye Rokufambira Ungano

Kwangopera makore maviri kubva patakasvika muNew Britain muna 1956, ini naJohn takakumbirwa kuti tishandure mabhuku eBhaibheri akasiyana-siyana tichiisa mumutauro wePidgin yokuMelanesia. Basa iri rakaenderera kwemakore. Zvadaro muna 1970, takakokwa kuti tizova vashanduri pahofisi yebazi muPort Moresby, guta guru rePapua New Guinea. Taidzidzisawo mutauro wacho ikoko.

Muna 1975 takadzokera kuNew Britain kunoita basa rokufambira ungano. Kwemakore 13 akatevera, taifamba nendege, nechikepe, nemotokari kana kuti netsoka tichienda kunzvimbo dzose dzenyika yacho. Pane zvakawanda zvinotyisa zvaiitika munzira, kusanganisira chiitiko chatsanangurwa patanga nyaya ino. Pachiitiko ichocho, mutyairi wendege yedu akafenda nemhaka yechirwere chenyon’o patakanga tava kusvika pakanhandare kendege keKandrian muNew Britain. Ndege yaiswa pokuti ifambe yoga, takaramba tichitenderera mudenga tiri pakati pesango tapererwa John paaiva mushishi rokumutsa mutyairi wendege akanga afenda. Pakupedzisira, akamuka, uye akatanga kuona zvakanaka zvokuti akakwanisa kuita kuti ndege imhare asi zvine ngozi. Zvadaro akafendazve.

Mumwe Mukana Webasa

Muna 1988 takanzi tidzokere kunoshandira pabazi rePort Moresby tichishandura nokuti basa rakanga rakawanda. Vanenge 50 vedu taigara semhuri pabazi tichishanda ipapo, uye tichidzidzisawo vashanduri vatsva. Tose zvedu taigara mumafurati aiva nekamuri rimwe chete. Ini naJohn takasarudza kuramba tichisiya musuo wedu wakavhurika zvishoma kuti tikurudzire nhengo dzemhuri yacho nevashanyi kuti vambomira kuti tizivane. Izvozvo zvakaita kuti tive noukama hwepedyo zvikuru nemhuri yedu uye tidanane nokutsigirana zvikuru.

Muna 1993, John akazoshaya nemhaka yechirwere chomwoyo. Ndakaona sokuti pakanga pasisina chokuraramira. Takanga tava nemakore 38 takaroorana uye tapedza nguva yose iyoyo pamwe chete muushumiri. Kunyange zvakadaro, ndakatsunga kuenderera mberi, ndichibatsirwa nesimba raJehovha. (2 VaKorinde 4:7) Suo rekamuri rangu rairamba rakavhurika, uye vaduku vakaramba vachindishanyira. Kuwadzana kunokurudzira kwakadaro kwakandibatsira kuramba ndiine maonero akanaka.

Muna 2003 utano hwangu hwakanga huchidzikira hwakaita kuti ndigume ndanzi ndinoshandira kuhofisi yebazi rokuSydney, Australia. Iye zvino ndine makore 77 uye ndichiri kushanda nguva yakazara muDhipatimendi Rokushandura, uye ndinoshingairawo mubasa rokuparidza. Nguva dzose ndinofadzwa neshamwari dzangu, vana vangu nevazukuru vangu pakunamata.

Suo rekamuri rangu repaBheteri rinogara rakavhurika, uye ndinenge ndiine vaenzi mazuva akawanda. Kutaura zvazviri, kana suo rangu rakavharika, vanhu vanowanzogogodza kuti vaone kana zvisiri kundifambira zvakanaka. Chero bedzi ndichiri mupenyu, ndicharamba ndakatsunga kuita ushumiri hwangu uye kushumira Mwari wangu, Jehovha.—2 Timoti 4:5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Panguva iyoyo, chikamu chokumabvazuva chechitsuwa chacho chakanga chakakamurwa kuva Papua kumaodzanyemba uye New Guinea kuchamhembe. Mazuva ano, chikamu chokumadokero chechitsuwa ichi chinonzi Papua ndecheIndonesia, uye chikamu chokumabvazuva chinonzi Papua New Guinea.

^ ndima 19 Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaJune 1, 1958, mapeji 333-6, kuti unzwe nyaya youpenyu hwaJohn Cutforth.

[Mepu dziri papeji 18]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

NEW GUINEA

AUSTRALIA

Sydney

INDONESIA

PAPUA NEW GUINEA

Talidig

Madang

PORT MORESBY

NEW BRITAIN

Rabaul

Vunabal

Wide Bay

Waterfall Bay

[Kwazvakatorwa]

Map and globe: Based on NASA/Visible Earth imagery

[Mufananidzo uri papeji 17]

Ndiina John, pagungano reruwa muLae, New Guinea, 1973

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiri pabazi muPapua New Guinea, muna 2002