Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvirevo 22:6 inovimbisa here kuti kana vana vevaKristu vakarovedzwa zvakanaka, havazotsauki panzira yaJehovha?

Ndima iyi inoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” Sezvo kubhenda kwebazi romuti kuchiita kuti rikure rakadaro, vana vanorovedzwa zvakanaka vanowanzoramba vachishumira Jehovha kana vakura. Sezvinozivikanwa nomubereki wose, kurovedza kwakadaro kunotora nguva uye kunoda kushanda nesimba. Kuti vaite kuti vana vavo vave vadzidzi vaKristu, vabereki vanofanira kunyatsovarayiridza, kuvarayira, kuvakurudzira uye kuvaranga pamwe chete nokuvaratidza muenzaniso wakanaka. Vanofanira kugara vachiita izvi norudo kwemakore akawanda.

Zvisinei, izvi zvinoreva here kuti kana mwana akatsauka pakushumira Jehovha, vabereki vanenge vasina kumurovedza zvakanaka? Dzimwe nguva, vabereki vanenge vasina kuita zvose zvavaifanira kuita pakurera vana vavo mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha. (VaEfeso 6:4) Asiwo, chirevo chacho hachisi kuvimbisa kuti kurovedza zvakanaka kuchaita kuti vana vave vakatendeka kuna Mwari. Vabereki havagoni kuumba vana vavo kuti vave chero zvavanoda. Kungofanana nevanhu vakuru, vana vakasununguka kusarudza uye pakupedzisira vanofanira kusarudza zvavanoda kuita muupenyu. (Dheuteronomio 30:15, 16, 19) Pasinei nezvingaitwa nevabereki nomwoyo wose, vamwe vana vanova vasina kutendeka, sezvakaita Soromoni, akanyora ndima yatiri kukurukura. Kunyange Jehovha akava nevana vasina kutendeka.

Saka rugwaro runo harusi kureva kuti muzvinoitika zvose mwana “haazotsauki pairi” asi kuti kazhinji izvi ndizvo zvinoitika. Izvi zvinokurudzira vabereki chaizvo! Vabereki vanofanira kukurudzirwa nokuziva kuti kurovedza kwavanoita vana vavo nomwoyo wose munzira yaJehovha kuchaunza migumisiro yakanaka. Sezvo basa ravo richikosha uye vana vavo vachinyatsotevedzera zvavanoita, vabereki vanokurudzirwa kuti vakoshese basa ravo.—Dheuteronomio 6:6, 7.

Kunyange kana vana vakatsauka pakushumira Jehovha, vabereki vakanyatsorovedza vana vavo vanogona kuva netariro yokuti vachapengenuka. Chokwadi cheBhaibheri chine simba, uye vana havakurumidzi kukanganwa kurovedzwa kwavakaitwa nevabereki.—Pisarema 19:7.