Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku Rinonzi Mariro

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku Rinonzi Mariro

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku Rinonzi Mariro

MUPROFITA Jeremiya anoona kuzadzika kwemashoko okutonga aave achitaura kwemakore 40. Muprofita wacho anonzwa sei paanoona guta raanoda, raanogara richiparadzwa? Ichisuma bhuku iri, Septuagint yechiGiriki inoti: “Jeremiya akagara pasi achisvimha misodzi, achichemera Jerusarema nokuchema uku.” Bhuku iri zvarakanyorwa muna 607 B.C.E. muprofita wacho achiri kunyatsoyeuka kukombwa kwakaita Jerusarema kwemwedzi 18 uye kupiswa kwarakazoitwa, rinonyatsoratidza kushungurudzika kwaiita Jeremiya pamwoyo. (Jeremiya 52:3-5, 12-14) Pamaguta ose akambovapo hapana rimwe rakachemwa nemashoko anobaya mwoyo uye anonzwisa tsitsi kudaro.

Bhuku iri inhetembo shanu dzakabatanidzwa dzinoratidza manzwiro aaiita. Ina dzokutanga inziyo dzemariro; yechishanu kuteterera, kana kuti munyengetero. Nziyo ina dzokutanga dzakarongwa maererano nearufabheti, ndima dzakatevedzana dzichitanga nebhii rakasiyana zvichienderana nearufabheti yechiHebheru ine mabhii 22. Kunyange zvazvo nziyo yechishanu iine ndima 22 dzinoenderana nenhamba yemabhii earufabheti yechiHebheru, haina kurongwa maererano nearufabheti yacho.—Mariro 5:1.

“MAZISO ANGU HAACHAONI NEMISODZI”

(Mariro 1:1–2:22)

“Haiwa guta raiva nevanhu vazhinji, rava kugara roga sei! Iro raiva nevanhu vazhinji pakati pemarudzi, rava sechirikadzi sei! Iro raiva muchindakadzi pakati pematunhu rava rokushandisa basa rokumanikidzirwa sei!” Ndiwo matangiro anoita muprofita Jeremiya achichema Jerusarema. Achitaura chakakonzera nhamo iyi, muprofita wacho anoti: “Jehovha ariunzira shungu nokuda kwokuwanda kwokudarika kwaro.”—Mariro 1:1, 5.

Sezvo richinzi ichirikadzi ichiri kuchema murume wayo nevana, Jerusarema rinobvunza kuti: “Kune marwadzo chero api zvawo akaita semarwadzo angu” here? Richinyengeterera vavengi varo kuna Mwari, rinoti: “Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu, muvaitire zvinorwadza, sokundiitira zvinorwadza kwamakaita nokuda kwokudarika kwangu kwose. Nokuti kugomera kwangu kuzhinji, uye mwoyo wangu uri kurwadza.”—Mariro 1:12, 22.

Ashungurudzika zvikuru, Jeremiya anoti nezvaJehovha: “Akagura nyanga dzose dzaIsraeri akatsamwa kwazvo. Akadzosa ruoko rwake rworudyi pamberi pomuvengi; anoramba achipfuta pakati paJakobho somurazvo womoto waparadza kumativi ose.” Achiratidza kusuwa kwake kukuru, muprofita wacho anochema achiti: “Maziso angu haachaoni nemisodzi. Ura hwangu huri kumona-mona. Chiropa changu chakadururirwa pasi.” Kunyange vaya vari kupfuurawo havo varatidza kushamisika, vachiti: “Iri ndiro guta ravaimboti nezvaro, ‘Ndiro kukwana kworunako, kupembera nomufaro kwenyika yose here’?”—Mariro 2:3, 11, 15.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:15—Jehovha akanga “atsika-tsika chisviniro chewaini chemhandara yaJudha” sei? Pavakaparadza guta rairondedzerwa semhandara, vaBhabhironi vakateura ropa rakanga rakawanda semazambiringa akanga achisvinwa muchisviniro chewaini. Jehovha akafanotaura kuti izvi zvaizoitika uye akarega zvichiitika, saka zvinogona kunzi akanga ‘atsika-tsika chisviniro chewaini.’

2:1—‘Kunaka kwaIsraeri kwakakandwa panyika kuchibva kudenga’ sei? Sezvo ‘matenga akakwirira kupfuura nyika,’ kukandwa pasi kwezvinhu zvakakwirira dzimwe nguva kunofananidzwa nokukandwa kwazvo ‘panyika zvichibva kudenga.’ “Kunaka kwaIsraeri”—kukudzwa nesimba zvavaiva nazvo Jehovha paakanga achiri kuvakomborera—kwakakandwa panyika pakaparadzwa Jerusarema uye nyika yaJudha payakaitwa dongo.—Isaya 55:9.

2:1, 6—“Chitsiko chetsoka” dzaJehovha uye “dumba” rake chii? Munyori wepisarema akaimba kuti: “Ngatipindei mutebhenekeri yake huru; ngatikotamei tiri pachitsiko chetsoka dzake.” (Pisarema 132:7) Saka “chitsiko chetsoka” chinotaurwa pana Mariro 2:1 chinoreva imba yaJehovha yokunamatira, kana kuti temberi yake. VaBhabhironi ‘vakapisa imba yaJehovha’ sezvinonzi yaiva dumba, kana kuti kambawo zvako kari mumunda.—Jeremiya 52:12, 13.

2:16, 17—Ndima yechi16 haifaniri here kutanga nebhii rechiHebheru rokuti ayin uye yechi17 yotanga nerokuti pe kuti zvienderane nearufabheti yechiHebheru? Pavainyora nhetembo nemanyorero aya, kazhinji vanyori vakafuridzirwa vaitevedzera marongerwo earufabheti yacho. Zvisinei, vakanga vasingazviiti pazvaisanzwika zvakanaka. Vaikoshesa pfungwa yacho kupfuura kuomerera pakuita zvaivabatsira kuti vayeuke. Munziyo 3 ne4 dzomubhuku iri, mabhii maviri aya akapesaniswawo.—Mariro 3:46, 49; 4:16, 17.

2:17—Zvii ‘zvakataurwa’ naJehovha zvaakazoita zvine chokuita neJerusarema? Zviri pachena kuti pano mashoko ari kurehwa ndeari pana Revhitiko 26:17, anoti: “Chokwadi ndichakutarirai ndakatsamwa, uye muchakundwa pamberi pevavengi venyu; nevaya vanokuvengai vachakutsika-tsikai, uye muchatiza pasina anokuteverai.”

Zvatinodzidza:

1:1-9. Jerusarema rinosvimha misodzi usiku, uye rine misodzi pamatama. Magedhi aro ava matongo, uye vapristi varo vari kugomera. Mhandara dzaro dziri kushungurudzika, uye rine shungu. Nei? Nokuti Jerusarema ratadza zvakakomba. Kusachena kwaro kuri kumupendero wenguo yaro. Chibereko chokudarika hachisi mufaro, asi misodzi, kugomera, kurwadziwa uye kushungurudzika.

1:18. Paanoranga vatadzi, nguva dzose Jehovha anoruramisira uye akarurama.

2:20. VaIsraeri vakanyeverwa kuti kana vakasateerera inzwi raJehovha, vaizotukwa, zvaizosanganisira kudya ‘nyama yevanakomana vavo nevanasikana vavo.’ (Dheuteronomio 28:15, 45, 53) Kusachenjera kwakadini kusarudza nzira yokusateerera Mwari!

“MUSAVANZIRA NZEVE YENYU KUZORORA KWANGU”

(Mariro 3:1–5:22)

Muna Mariro chitsauko 3, rudzi rwaIsraeri runonzi “murume.” Pasinei nenhamo yaakaona, murume uyu anoimba kuti: “Jehovha akanaka kune uya anotarisira kwaari, kumweya unoramba uchimutsvaka.” Achinyengetera kuna Mwari wechokwadi, anokumbira kuti: “Inzwai inzwi rangu. Musavanzira nzeve yenyu kuzorora kwangu, uye kuchemera kwangu kubatsirwa.” Achikumbira Jehovha kuti ateerere kuzvidzwa kwaari kuitwa nomuvengi, anoti: “Haiwa Jehovha, muchavatsiva zvichienderana nebasa remaoko avo.”—Mariro 3:1, 25, 56, 64.

Jeremiya anotaura manzwiro ake nezvezvakaipa zvakaitika panguva yakanga yakakombwa Jerusarema kwemwedzi 18 uye anochema achiti: “Chirango chokukanganisa kwomwanasikana wevanhu vangu chavawo chikuru kupfuura chirango chechivi cheSodhoma, iro rakaparadzwa munguva duku, uye risina maoko akaribatsira.” Jeremiya anoenderera achiti: “Vaya vakaurayiwa nebakatwa vari nani kupfuura vaya vakaurayiwa nenzara, nokuti ava vanoondoroka, vobvoorwa nokuda kwokushayikwa kwezvibereko zvomunda.”—Mariro 4:6, 9.

Nhetembo yechishanu inoratidza kuti vagari vomuJerusarema vari kutaura. Vanoti: “Haiwa Jehovha, yeukai zvakaitika kwatiri. Tarirai muone kuzvidzwa kwedu.” Sezvavanorondedzera matambudziko avo, vanoteterera vachiti: “Haiwa Jehovha, imi muchagara nokusingagumi. Chigaro chenyu choumambo chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa. Haiwa Jehovha, tidzosei kwamuri uye tichabva tadzoka. Tiunzirei mazuva matsva sekare kare.”—Mariro 5:1, 19, 21.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3:16—Chii chinorehwa nemashoko okuti: “Anogura mazino angu norukangarabwe”? Rimwe bhuku rinoti: “VaJudha pavaienda kwavaizonogara senhapwa, vakamanikidzwa kubikira chingwa mumakomba akanga acherwa muivhu, zvokuti chingwa chavo chakava norukangarabwe.” Kudya chingwa chakadaro kwaigona kugura mazino omunhu.

4:3, 10—Nei Jeremiya achienzanisa ‘mwanasikana wevanhu vake ava’ ne“mhou dziri murenje”? Jobho 39:16 inotaura nezvemhou ichiti: “Inobata vanakomana vayo zvisina kunaka, sokunge kuti havasi vayo.” Somuenzaniso, kana mazai ayo achochonywa, hadzi yacho inobva padendere rayo yoenda nedzimwe hadzi, hono yosara ichitarisira vana. Uye chii chinoitika padzinotarisana nengozi? Hono yacho nehadzi dzinotiza, dzosiya vana vadzo. Pakakombwa Bhabhironi, muJerusarema makava nenzara yakakura zvokuti vanaamai, vagara vachinzwira vana vavo tsitsi, vakavaitira utsinye, sezvinoita mhou murenje. Izvi zvakanga zvakasiyana chaizvo nokutarisira kunoitwa nehunguhwe hadzi.

5:7—Jehovha anopa vanhu mhosva nokuda kwokukanganisa kwemadzitateguru avo here? Aiwa, Jehovha haarangi vanhu zvakananga nokuda kwezvivi zvemadzitateguru avo. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:12) Zvisinei, migumisiro yokukanganisa ingaramba iripo uye zvizvarwa zvinozouya ndizvo zvingazoona nhamo yacho. Somuenzaniso, kunamata zvidhori kwakaitwa nevaIsraeri kwakaomesera kunyange vaIsraeri vakatendeka vomunguva dzakazouya vaida kuomerera kunzira yakarurama.—Eksodho 20:5.

Zvatinodzidza:

3:8, 43, 44. Jerusarema parakawirwa nenhamo, Jehovha akaramba kuteerera vagari vomuguta racho pavaichemera kubatsirwa. Nei? Nokuti vanhu vacho vakanga vasingateereri, uye vakaramba vasingapfidzi. Kana tichida kuti Jehovha apindure minyengetero yedu, tinofanira kumuteerera.—Zvirevo 28:9.

3:20. Jehovha, “Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose,” akakwirira chaizvo zvokuti anozvideredza kuti “atarire denga nenyika.” (Pisarema 83:18; 113:6) Asi, Jeremiya aiziva kuti Wemasimba ose aida kuzvideredza, kureva kuti, kukotama kuti aenzane nevanhu vake kuti avakurudzire. Tinofara zvikuru kuti Mwari wechokwadi akachenjera zvikuru uye ane masimba ose nepo anozvininipisa.

3:21-26, 28-33. Tingatsungirira sei kunyange kutambura kwakanyanya? Jeremiya anotiudza zvokuita. Hatifaniri kukanganwa kuti Jehovha ane mutsa worudo zvikuru uye kuti ane ngoni zhinji. Tinofanirawo kuyeuka kuti kuva kwedu vapenyu chikonzero chakakwana chokuramba tiine tariro uye kuti tinofanira kushivirira uye kumirira kuti Jehovha atiponese takanyarara, tisinganyunyuti. Uyezve, tinofanira ‘kuisa muromo wedu muguruva,’ kureva kuti tinofanira kuzvininipisa tobvuma kuedzwa, tichiziva kuti Mwari anobvumira kuti zvinhu zviitike aine chikonzero chakanaka.

3:27. Kukurira miedzo yokutenda patinenge tichiyaruka kungareva kutsungirira dambudziko uye kusekwa. Asi “zvakanaka kuti murume atakure joko achiri muduku.” Nemhaka yei? Nokuti kudzidza kutakura joko rokutambura kunoita munhu paanenge achiri muduku kunoita kuti agadzirire kukurira matambudziko kana akura.

3:39-42. ‘Kunyunyuta’ patinenge tichitambura pamusana pezvivi zvedu hakusi kuchenjera. Pane kunyunyuta kuti takohwa migumisiro yokuita zvakaipa, “ngatinzverei nzira dzedu, todziongorora, uye ngatidzokerei kuna Jehovha chaiko.” Tinenge takachenjera kana tikapfidza uye tikagadzirisa nzira dzedu.

Vimba naJehovha

Bhuku reBhaibheri rinonzi Mariro rinoratidza kuti Jehovha aiona sei Jerusarema nenyika yaJudha pashure pokunge vaBhabhironi vapisa guta uye vaita kuti nyika yacho ive dongo. Kubvuma kwavakaita kuti vakatadza kwakanyorwa imomo kunojekesa kuti mumaonero aJehovha, kukanganisa kwevanhu ndiko kwaiva chikonzero chenhamo yacho. Nziyo dzakafuridzirwa dziri mubhuku iri dzinewo mashoko anoratidza tariro muna Jehovha uye chido chokuita zvakanaka. Kunyange zvazvo aya akanga asiri iwo manzwiro evanhu vakawanda vomuzuva raJeremiya, mashoko aya airatidza manzwiro aJeremiya neevakasara vakapfidza.

Maonero aJehovha mamiriro ezvinhu omuJerusarema sezvinoratidzwa mubhuku iri anotidzidzisa zvidzidzo zviviri zvinokosha. Chokutanga, kuparadzwa uye kuitwa dongo kwenyika yaJudha kunokurudzira kuti titeerere Jehovha uye kunotinyevera kuti tisarega kuita zvinodiwa naMwari. (1 VaKorinde 10:11) Chidzidzo chechipiri chinobva mumuenzaniso waJeremiya. (VaRoma 15:4) Muprofita wacho akanga achishungurudzika zvikuru aitarisira kuponeswa naJehovha kunyange mumamiriro ezvinhu aiita seasina tariro. Zvinokosha zvikuru kuti tivimbe naJehovha uye neShoko rake zvakazara.—VaHebheru 4:12.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Muprofita Jeremiya akaona kuzadzika kwemashoko okutonga aakataura

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kutenda kweZvapupu izvi zvokuKorea kwakaedzwa panyaya yokuti sevaKristu havana kutsigira zvematongerwo enyika