Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Simba Rorurimi

Simba Rorurimi

Simba Rorurimi

RURIMI rwefuriramudenga rwakareba masendimita 45, runokurumidza kufamba uye rwakasimba zvokukwanisa kufura mashizha emapazi emiti. Rurimi rwehove inonzi blue whale runorema senzou imwe chete. Fungidzira simba rinodiwa kuti rufambe-fambe!

Pakukura, uremu, uye simba, rurimi rwomunhu hapana zviripo. Asi rune simba zvikuru. “Rufu noupenyu zviri musimba rorurimi,” rinodaro Bhaibheri nezvenhengo duku iyi yomuviri womunhu. (Zvirevo 18:21) Zvechokwadi, kangani katakanzwa nezvesimba rinouraya rine rurimi rwomunhu pakuruka uye kupupurira nhema dzakaparadza, kunyange kutourayisa vanhu vasina mhosva?

Saizvozvowo, vanhu vaishamwaridzana kwenguva refu vakaparadzaniswa nemashoko anorwadza. Vakarwadziswa chaizvo nemashoko asina tsitsi. “Mucharamba muchishungurudza mweya wangu kusvikira rini uye mucharamba muchindipwanya nemashoko kusvikira rini?” akachema achidaro Jobho paakaudzwa mashoko anorwadza neshamwari dzake. (Jobho 19:2) Mudzidzi Jakobho akataura mufananidzo wakajeka wesimba rinoparadza rorurimi rusingadzorwi, achiti: “Rurimi inhengo duku asi runozvikudza kwazvo. Tarirai! Zvinoda moto muduku sei kupisa sango guru kwazvo! Naizvozvo, rurimi moto.”—Jakobho 3:5, 6.

Asiwo, simba rorurimi rinogona kuponesa. Mashoko okunzwira tsitsi uye anonyaradza akaita kuti vamwe varege kuora mwoyo uye vasazviuraya. Vakawanda vanoshandisa zvinodhaka uye matsotsi pavakateerera zano rakanaka, havana kukurumidza kufa. Zvechokwadi, chibereko chorurimi rwomunhu akarurama “muti woupenyu,” uye “shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.”—Zvirevo 15:4; 25:11.

Zvisinei, kurumbidza Jehovha Mwari, kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, uye kudzidzisa vamwe chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri ndiko kushandisa rurimi zvakarurama. Nei? Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3; Mateu 24:14; 28:19, 20.