Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakwegura Chikomborero Kuvaduku

Vakwegura Chikomborero Kuvaduku

Vakwegura Chikomborero Kuvaduku

“Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya, kusvikira ndaudza chizvarwa chinotevera nezvoruoko rwenyu, ivo vose vaya vachauya, nezvesimba renyu.”—PISAREMA 71:18.

1, 2. Vashumiri vaMwari vakwegura vanofanira kunzwisisei, uye iye zvino tichakurukurei?

MUMWE mukuru muKristu wokuWest Africa akashanyira imwe hama yakazodzwa yakwegura ndokuibvunza kuti, “Makadini?” Hama yacho yakapindura ichiti, “Ndinogona kumhanya, kukwakuka, kusvetuka, kutomuka negumbo rimwe,” ichiedzesera zvayaitaura. Yakawedzera kuti, “Asi handigoni kubhururuka.” Mukuru uya akanzwisisa zvayaireva zvokuti, ‘Zvandinokwanisa, ndinozviita nomwoyo wose, zvandisingakwanisiwo, handizviiti.’ Mukuru akashanyira hama iyoyo iye zvino ava nemakore okuma80, uye anoyeuka kusetsa kwaiita hama iya uye kuvimbika kwayaiva yakaita.

2 Munhu akwegura paanoratidza kuti anoda Mwari, zvinogona kubatsira vamwe kwoupenyu hwose. Chokwadi, zera roga hariiti kuti munhu angoerekana ava nouchenjeri uye unhu hwakaita sohwaKristu. (Muparidzi 4:13) Bhaibheri rinoti: “Kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.” (Zvirevo 16:31) Kana uri munhu akwegura, unonzwisisa here kuti zvaunotaura nezvaunoita zvingabatsira vamwe kusvika papi? Imbofunga nezvemimwe mienzaniso yomuBhaibheri inoratidza kuti vakwegura vakabatsira vaduku kusvika papi.

Kutenda Kunobatsira Zvikuru

3. Kutendeka kwaNoa kwakabatsira sei vapenyu vose nhasi?

3 Kutenda uye kutsiga kwaNoa kuchiri kubatsira nanhasi. Noa akanga ava kuda kusvitsa makore 600 paakavaka areka, achiunganidza mhuka, nokuparidzira vavakidzani vake. (Genesisi 7:6; 2 Petro 2:5) Nokuti aitya Mwari, Noa nemhuri yake vakapukunyuka Mafashamo makuru uye akava tateguru wevanhu vose vari kurarama panyika nhasi. Chokwadi, Noa akararama panguva yairarama vanhu makore akawanda. Asi kunyange paakanga akwegura zvikuru, Noa akaramba akatendeka, uye izvozvo zvakaguma nokukomborerwa zvikuru. Sei?

4. Kutsiga kwaNoa kwakabatsira sei vashumiri vaMwari nhasi?

4 Noa akanga ava kuda kusvitsa makore 800 Nimrodhi paakatanga kuvaka Shongwe yeBhabheri achiita zvaipesana nomurayiro waJehovha woku‘zadza nyika.’ (Genesisi 9:1; 11:1-9) Zvisinei, Noa haana kubatanidzwa pakupandukira kwaNimrodhi. Saka zvingangodaro kuti mutauro wake hauna kuchinjwa pakavhiringidzwa mutauro wevapanduki. Chokwadi zvakakodzera kuti vashumiri vaMwari vemazera ose vatevedzere kutenda nokutsiga kwaNoa kwaakaratidza, kwete paaiva akwegura chete asi muupenyu hwake hwose.—VaHebheru 11:7.

Kubatsira Kwavanoita Mumhuri

5, 6. (a) Abrahamu paakanga ava nemakore 75, Jehovha akamuudza kuti aitei? (b) Abrahamu akaitei pane zvaakarayirwa naMwari?

5 Upenyu hwemisoro yemhuri yakararama Noa afa hunoratidza kuti vakwegura vangabatsira kuti vomumhuri dzavo vave nokutenda. Abrahamu akanga ava nemakore anenge 75 Mwari paakamuti: “Buda munyika yako ubve kuhama dzako nomuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza; ndichaita rudzi rukuru runobva mauri, ndichakukomborera.”—Genesisi 12:1, 2.

6 Imbofungidzira uchiudzwa kuti usiye imba yako, shamwari dzako, nyika yawakaberekerwa, uye voukama, uchinzi uende kunyika yausingazivi. Izvi ndizvo chaizvo zvakaudzwa Abrahamu kuti aite. “Akaenda sezvaakanga ataurirwa naJehovha,” uye kwoupenyu hwake hwose, aigara mumatende ari mutorwa uye achingotama-tama munyika yeKenani. (Genesisi 12:4; VaHebheru 11:8, 9) Kunyange zvazvo Jehovha akanga ataura kuti Abrahamu aizova “rudzi rukuru,” akafa vana vake vasati vatombowanda. Mudzimai wake Sara akamuberekera mwanakomana mumwe chete, Isaka, uye izvi zvakazoitika Abrahamu atombogara munyika yakapikirwa kwemakore 25. (Genesisi 21:2, 5) Asi Abrahamu haana kurasa tariro uye haana kudzokera kuguta raakanga abva. Muenzaniso wakadini wokutenda uye wokutsungirira!

7. Kutsungirira kwaAbrahamu kwakabatsira sei mwanakomana wake Isaka, uye zvakaguma nei kuvanhu?

7 Kutsungirira kwaAbrahamu kwakabatsira chaizvo mwanakomana wake Isaka, uyo akapedza upenyu hwake hwose—makore 180—ari mutorwa munyika yeKenani. Kutsungirira kwaIsaka kwaibva pakuti aitenda chipikirwa chaMwari, kutenda kwaakadzidziswa nevabereki vake vakanga vakwegura uye kwakazosimbiswa nezvakataurwa naJehovha kwaari. (Genesisi 26:2-5) Kutsiga kwaIsaka ndiko kwakabatsira zvikuru kuti chipikirwa chaJehovha chizadzike chokuti ‘mwana’ aizoita kuti vanhu vose vakomborerwe aizouya achibva nomumhuri yaAbrahamu. Kwapera mazana emakore, Jesu Kristu, “mwana” mukuru pavana vacho, akaita kuti vose vanotenda maari vayananiswe naMwari uye vazowana upenyu husingaperi.—Johani 3:16; VaGaratiya 3:16.

8. Jakobho akaratidza sei kutenda kwakasimba, uye zvakabatsirei?

8 Isaka akabatsirawo mwanakomana wake Jakobho kuti ave nokutenda kwakasimba kwaakaramba anako kusvikira akwegura. Jakobho akanga ava nemakore 97 paakarwisana nengirozi usiku hwose kuti akomborerwe. (Genesisi 32:24-28) Asati afa pazera remakore 147, Jakobho akakoka simba rakakwana rokuti akomborere mumwe nomumwe wevanakomana vake 12. (Genesisi 47:28) Mashoko ouprofita aakataura akanyorwa pana Genesisi 49:1-28, akaratidza kuti ndeechokwadi uye achiri kuzadzika.

9. Chii chingataurwa nezvokubatsira kunoita vakwegura vakasimba pakunamata mumhuri dzavo?

9 Zviri pachena kuti vashumiri vaMwari vakwegura vakavimbika vanogona kubatsira chaizvo vomumhuri dzavo. Mirayiridzo yomuMagwaro pamwe chete nemazano ouchenjeri uye muenzaniso wokutsungirira zvingabatsira chaizvo wechiduku kuti akure aine kutenda kwakasimba. (Zvirevo 22:6) Vakwegura havambofaniri kurerutsa kubatsira zvikuru kwavangaita mhuri dzavo.

Kubatsira Kwavanoita Vavanonamata Navo

10. ‘Murayiro waJosefa pamusoro pemapfupa ake’ waiva wokutii, uye wakabatsirei?

10 Vakwegura vangabatsirawo vavanonamata navo. Paakanga akwegura, Josefa mwanakomana waJakobho akaita chinhu chiri nyore chakaratidza kutenda kwake, icho chakabatsira mamiriyoni evanamati vechokwadi vakazorarama iye afa. Akanga ava nemakore 110 pa“akapa murayiro pamusoro pemapfupa ake,” wokuti vaIsraeri pavaizobuda muIjipiti, vaifanira kuenda nemapfupa ake. (VaHebheru 11:22; Genesisi 50:25) Murayiro iwoyo wakabatsira kuti vaIsraeri vave netariro yakasimba mumakore akawanda ouranda hwakaoma pashure pokufa kwaJosefa, uchivavimbisa kuti vaizonunurwa.

11. Mosesi akanga akwegura angadaro akabatsira sei Joshua?

11 Mosesi ndiye mumwe wevakakurudzirwa nokutenda kwaJosefa. Mosesi paaiva nemakore 80, akava neropafadzo yokutakura mapfupa aJosefa achibuda nawo munyika yeIjipiti. (Eksodho 13:19) Panenge panguva iyoyo, akazivana naJoshua, uyo akanga ari muduku zvikuru. Kwemakore 40 akatevera, Joshua akava mushumiri waMosesi. (Numeri 11:28) Akaperekedza Mosesi kuGomo reSinai uye Mosesi paakaburuka mugomo aine mahwendefa eChipupuriro, Joshua akanga aripo kuti amugamuchire. (Eksodho 24:12-18; 32:15-17) Chokwadi Mosesi akanga akwegura anofanira kunge akapa Joshua mazano ouchenjeri anobatsira chaizvo.

12. Joshua akabatsira sei rudzi rwaIsraeri paakanga ari mupenyu?

12 Joshua akakurudzirawo rudzi rwaIsraeri paakanga ari mupenyu. Vatongi 2:7 inotiudza kuti: “Vanhu vakaramba vachishumira Jehovha mazuva ose aJoshua nemazuva ose evarume vakuru vakanga vachiri kurarama Joshua afa uye vakanga vaona basa rose guru raJehovha raakaitira Israeri.” Zvisinei, Joshua nevamwe varume vakanga vakwegura pavakafa, kwemakore 300 akatevera vanhu vaisanganisa kunamata kwechokwadi nokwenhema, kusvika mumazuva omuprofita Samueri.

Samueri “Akaita Kuti Pave Nokururama”

13. Samueri akaitei kuti ‘pave nokururama’?

13 Bhaibheri haritauri kuti Samueri akanga ava nemakore mangani paakafa, asi zviitiko zviri mubhuku Rokutanga raSamueri zvakaitika kwemakore 102, uye Samueri akaona zvakawanda zvacho. Pana VaHebheru 11:32, 33, tinoverenga kuti vatongi vakarurama uye vaprofita “vakaita kuti pave nokururama.” Chokwadi, Samueri akabatsira vamwe vakararama panguva imwe chete naye kuti vasaita zvakaipa. (1 Samueri 7:2-4) Akazviita sei? Akanga akavimbika kuna Jehovha muupenyu hwake hwose. (1 Samueri 12:2-5) Akanga asingatyi kutsiura zvakasimba kunyange munhu akaita samambo. (1 Samueri 15:16-29) Uyezve, Samueri, zvaakanga ‘akwegura uye achena musoro,’ akaratidza muenzaniso wakanaka pakunyengeterera vamwe. Akapika kuti akanga ‘asingazofungi kuti atadzire Jehovha nokurega kunyengeterera’ vaIsraeri vaainamata navo.—1 Samueri 12:2, 23.

14, 15. Vakwegura nhasi vangatevedzera sei Samueri panyaya yokunyengetera?

14 Zvose izvi zvinoratidza nzira inokosha iyo vakwegura vanogona kubatsira nayo vashumiri vaJehovha vavanonamata navo. Pasinei nezvavangatadziswa kuita nemhaka youtano kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu, vaya vakwegura vanogona kunyengeterera vamwe. Vakwegura, munoziva here kuti minyengetero yenyu inobatsira ungano zvakadini? Nemhaka yokutenda kwamunoita muropa raKristu rakateurwa, mune ukama hwakanaka naJehovha, uye nemhaka yokutsungirira kwenguva refu, kutenda kwenyu “kwakaedzwa.” (Jakobho 1:3; 1 Petro 1:7) Musambokanganwa kuti: “Kuteterera kwomunhu akarurama, kune simba guru pakushanda kwakunoita.”—Jakobho 5:16.

15 Minyengetero yenyu yokutsigira basa roUmambo hwaJehovha inodiwa. Dzimwe hama dzedu dziri mumajeri nemhaka yokuti sevaKristu hadzitsigiri zvematongerwo enyika. Vamwe vakawirwa nenjodzi dzinongoitika, hondo, uye kurwisana kwevanhu vomunyika imwe chete. Vamwewo vari muungano dzedu vari kuedzwa kana kuti kushorwa. (Mateu 10:35, 36) Vaya vari kutungamirira basa rokuparidza uye kutarisira ungano vanodawo kunyengetererwa nemi nguva dzose. (VaEfeso 6:18, 19; VaKorose 4:2, 3) Zvakanaka sei kuti mutaure hama dzamunonamata nadzo muminyengetero yenyu, sezvakaita Epafrasi!—VaKorose 4:12.

Kudzidzisa Chizvarwa Chichauya

16, 17. Chii chakafanotaurwa pana Pisarema 71:18, uye izvi zvakazadzika sei?

16 Kushanda pamwe chete nevakatendeka veboka duku, vaya vakadanwa kudenga, kwakabatsira kunyatsorovedza vemamwe makwai, vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. (Ruka 12:32; Johani 10:16) Izvi zvakafanotaurwa pana Pisarema 71:18, inoti: “Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya, kusvikira ndaudza chizvarwa chinotevera nezvoruoko rwenyu, ivo vose vaya vachauya, nezvesimba renyu.” Vakazodzwa nomudzimu vave vachida nomwoyo wose kurovedza shamwari dzavo dzemamwe makwai mamwe mabasa vasati vavasiya vachienda kunokudzwa pamwe chete naJesu Kristu.

17 Zvinotaurwa nePisarema 71:18 nezvokurayiridza “vaya vachauya” zvingashandawo kune mamwe makwai, akarayiridzwa nevakazodzwa vaMwari. Jehovha akapa vakwegura ropafadzo yokupupura nezvake kune vaya vari kugamuchira kunamata kwechokwadi iye zvino. (Joeri 1:2, 3) Mamwe makwai anonzwa kuti akakomborerwa nemhaka yezvaakadzidza kune vakazodzwa uye anonzwa achida kuudzawo vamwe vanoda kushumira Jehovha dzidzo yomuMagwaro.—Zvakazarurwa 7:9, 10.

18, 19. (a) Mashoko api anokosha ayo vashumiri vakawanda vaJehovha vakwegura vanogona kutaura? (b) VaKristu vakwegura vanofanira kuva nechivimbo chei?

18 Vashumiri vaJehovha vakwegura, vakazodzwa nevaya vemamwe makwai, ndivo vanogona kutipa nhoroondo yezvinokosha zvakaitika kare. Vashomanana vachiri vapenyu vakanga varipo pakatanga kuratidzwa bhaisikopu rainzi “Photo-Drama of Creation.” Vamwe vainyatsozivana nehama dzakanga dzichitungamirira dzakasungwa muna 1918. Vamwe vakatotaurawo panhepfenyuro yeredhiyo yeWatchtower, yainzi WBBR. Vakawanda vachiri kuyeuka nguva yaitongwa nyaya dzaisanganisira rusununguko rweZvapupu zvaJehovha mumatare epamusoro-soro. Vamwezve vakamira vakasimba kuti vatsigire kunamata kwechokwadi pavakanga vachitongwa nehurumende dzaidzvinyirira. Zvechokwadi, vakwegura vanogona kurondedzera kuti kunzwisisa chokwadi kwave kuchijekeswa zvishoma nezvishoma. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tibatsirwe nevanhu ava vaona zvakawanda muupenyu.—Dheuteronomio 32:7.

19 VaKristu vakwegura vanokurudzirwa kuti vave mienzaniso yakanaka kuvaduku. (Tito 2:2-4) Pamwe iye zvino hamuoni kuti kutsungirira kwenyu, minyengetero yenyu, uye zano renyu zvinobatsira sei vamwe. Noa, Abrahamu, Josefa, Mosesi nevamwe vangangodaro vasina kuziva kuti kutendeka kwavo kwaizobatsira zvikuru zvizvarwa zvaizouya. Asi nhaka yavakatisiyira yokutenda kwavo nokuvimbika yakatibatsira chaizvo; ndizvo zvinoitawo nhaka yokutenda kwenyu.

20. Zvikomborero zvipi zvichawanwa nevaya vanoramba vaine tariro yakasimba kusvikira pakuguma?

20 Kunyange zvazvo mungachengetedzwa pa“kutambudzika kukuru” kana kuti mungaita zvokumutswa, zvichanakidza zvikuru kurarama “upenyu chaihwo”! (Mateu 24:21; 1 Timoti 6:19) Imbofungidzira nguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru apo Jehovha achachinja zvinokonzerwa nokukwegura. Pane kuti miviri yedu irambe ichikwegura, zuva nezuva tichamuka utano hwedu huchichinja—tichinzwa tava nesimba rakawanda, tava kuona zviri nani, nzeve dzedu dzava kunzwa zviri nani, tava kuratidzika zviri nani! (Jobho 33:25; Isaya 35:5, 6) Vaya vakakomborerwa kurarama munyika itsva yaMwari vachagara vari vaduku kana zvichienzaniswa noupenyu husingaperi hwavachararama. (Isaya 65:22) Naizvozvo, tose zvedu ngatirambei tiine tariro yakasimba kusvikira pakuguma uye tirambe tichishumira Jehovha nomwoyo wose. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achazadzisa zvose zvaakavimbisa uye kuti zvaachaita zvichapfuura nokure zvose zvatingatarisira.—Pisarema 37:4; 145:16.

Ungapindura Sei?

• Kutsiga kwaNoa akanga akwegura kwakaguma nokukomborerwa kwevanhu vose sei?

• Kutenda kwemisoro yemhuri kwakabatsira sei vana vavo?

• Pavakanga vakwegura, Josefa, Mosesi, Joshua naSamueri vakasimbisa sei kutenda kwevavainamata navo?

• Vakwegura vanogona kusiya nhaka yei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kutsungirira kwaAbrahamu kwakabatsira Isaka zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 28]

Mazano aMosesi ouchenjeri akakurudzira Joshua

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kunyengeterera vamwe kwamunoita kungabatsira chaizvo

[Mufananidzo uri papeji 30]

Vaduku vanobatsirwa nokuteerera vakwegura vakatendeka