Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsigiswa Nemitemo Yetsika Isingachinjwi Nenguva

Kutsigiswa Nemitemo Yetsika Isingachinjwi Nenguva

Kutsigiswa Nemitemo Yetsika Isingachinjwi Nenguva

NZANGA yose ine bumbiro remitemo yetsika. Haubvumirani nazvo here kuti unhu hwakadai sokuvimbika, kuva nomutsa, kunzwira tsitsi uye kusava noudyire, zvinhu zvinoyemurwa uye zvinofadza vanhu pasi pose?

Mitemo Yetsika Yaani?

Muzana remakore rokutanga C.E., mumwe munhu akanga akadzidza chaizvo ainzi Sauro akararama nevaJudha, nevaGiriki, nevaRoma—vose vaiva netsika dzakasimba chaizvo. Kuwedzera pamitemo netsika zvakawanda zvemarudzi iwayo, Sauro akanzwisisa kuti vanhu vose vanotungamirirwa nesimba ravanoberekwa naro. Simba iroro ihana. Sauro ava muapostora wechiKristu anonzi Pauro, akanyora kuti: “Nokuti nguva yose vanhu vemamwe marudzi vasina mutemo pavanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo avakaitwa [“nesimba ravanoberekwa naro,” The New Testament in Modern Speech] vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. Ivo ndivo vanoratidza kuti zvinhu zvine chokuita nomutemo zvakanyorwa mumwoyo mavo, hana yavo painenge ichipupurirana navo.”—VaRoma 2:14, 15.

Zvisinei, zvakakwana here kuti tingotungamirirwa “nesimba ratinoberekwa naro” patinenge tichisarudza zvakanaka kana kuti zvakaipa? Sezvaungave wacherechedza, nhoroondo yevanhu izere nokukundikana kwevanhu vamwe nevamwe uye kwemasangano anotungamirira. Izvi zvakaita kuti vakawanda vaone kuti tinoda kutungamirirwa nechimwe chinhu chinopfuura hana yedu kuitira kuti tive netsika dzakanakisisa dzatingatevedzera. Vakawanda vangabvuma kuti Musiki wedu ndiye anonyatsokwanisa kutipa mitemo yetsika isingachinji. Mumwe muzvinadzidzo anonzi Carl Jung mubhuku rake rinonzi Zvizive Pachako [The Undiscovered Self], akati: “Munhu asingabatsirwi naMwari pachake haagoni kuramba akachena mutsika kana mupfungwa dzake.”

Zvaakataura zvinoenderana nezvakataurwa nomumwe muprofita wekare paakati: “Ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Musiki wedu anoti: “Ndini . . . anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Kungawanikwa Tsika Dzakavimbika

Mashoko achangotaurwa aya anowanikwa mubhuku remitemo yetsika rinoparadzirwa kupfuura mamwe ose—Magwaro Matsvene. Mamiriyoni evanhu munyika yose, kunyange vasiri vaKristu nevasinganamati, vanotsvaka njere nouchenjeri muMagwaro. Mumwe mudetembi wokuGermany anonzi Johann Wolfgang von Goethe akanyora kuti: “Ini ndaida uye ndairemekedza [Bhaibheri] nokuti ndimo mandaitora tsika dzangu dzose.” Mumwe mutungamiriri wevaHindu ainzi Mohandas Gandhi akamboti: “Pedzai nyota yenyu nokunwa mvura yomuchitubu cheMharidzo yepaGomo [dzimwe dzedzidziso dzaJesu Kristu dziri muBhaibheri] . . . Nokuti dzidziso dzeMharidzo iyi dzakaitirwa isu.”

Muapostora Pauro ane mashoko ambotaurwa, akaburitsa pachena kukosha kweMagwaro Matsvene pakupa tsika dzakavimbika, paakati: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa.” (2 Timoti 3:16) Ichocho ichokwadi here?

Wadii wazvionera woga? Ongorora zvakanyorwa papeji inotevera. Ona kusimudzira kwazvinoita tsika dzakanaka. Fungisisa kuti zviri mudzidziso idzi zvine simba rakadini rokuita kuti upenyu hwako uye ukama hwako nevamwe zvive nani.

Uchabatsirwa Here?

Zvataurwa pamusoro apa inongova mienzaniso mishomanana chete yokubatsira kunoita mazano anowanikwa muMagwaro Matsvene. Kunze kweizvi, Shoko raMwari rine nyevero dzakawanda nezvepfungwa, kutaura, uye zviito zvinokuvadza zvingazokanganisa upenyu hwedu.—Zvirevo 6:16-19.

Chokwadi, dzidziso dzeBhaibheri dzinotipa chimwe chinhu chiri kushayikwa zvikuru munzanga dzevanhu—zano rinoita kuti vanhu vakwanise kuva netsika dzakanaka chaizvo. Vaya vanobvuma uye vanoshandisa dzidziso idzi vanochinja zvinonyatsooneka. Mafungiro avo anonatsiridzwa. (VaEfeso 4:23, 24) Zvinangwa zvavo zvinova nani. Kudzidza tsika dzaMwari dziri muBhaibheri kwakabatsira vakawanda kuti vasasarure mamwe madzinza, vasafungirane zvakaipa, uye vasavengane. (VaHebheru 4:12) Magwaro netsika dzaanokurudzira zvakaita kuti vanhu vasiye marudzi ose echisimba uye ezvakaipa ndokuva vanhu kwavo.

Chokwadi, tsika dziri muBhaibheri dzakabatsira mamiriyoni kuti arege tsika nezviito zvakanga zvavapinda muropa sezviya zvakaparadza upenyu hwevamwe. (1 VaKorinde 6:9-11) Dzidziso dzeBhaibheri dzave dzichichinja vanhu vakadaro kwete tsika dzavo chete asiwo mwoyo yavo, tariro yavo, uye mhuri dzavo. Pasinei nokuderera kukuru kuri kuita tsika, vanhu munyika yose vari kuramba vachichinja kuva vanhu kwavo. Izvi zvicharamba zvichingoenderera mberi. “Uswa hwakasvibirira hwaoma, ruva raoma; asi shoko raMwari wedu, richagara nokusingagumi.”—Isaya 40:8.

Zvisinei, iwe pachako uchabatsirwa ne“shoko raMwari wedu” here? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza mawaniro aungaita tsika dziri muBhaibheri wobatsirwa. Kurarama maererano netsika dzakadaro kuchaita kuti tifarirwe naMwari iye zvino tozowana upenyu husingaperi hunotungamirirwa netsika dzisingachinji dzinobva kuna Mwari.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 6, 7]

TSIKA DZISINGACHINJI

Zvaunofanira Kuitira Vamwe. “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo; izvi, chokwadi, ndizvo zvinorehwa noMutemo neZvakanyorwa nevaprofita.”—Mateu 7:12.

Ida muvakidzani wako. “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) “Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa; naizvozvo rudo kuzadzika kwomutemo.”—VaRoma 13:10.

Remekedza uye kudza vamwe. Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.”—VaRoma 12:10.

Iva norugare nevamwe. “Muchengete rugare pakati penyu.” (Mako 9:50) “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.” (VaRoma 12:18) “Ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare.”—VaRoma 14:19.

Kanganwira. “Tikanganwirei zvivi zvedu, sezvatakanganwirawo vakatitadzira.” (Mateu 6:12) “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose.”—VaEfeso 4:32.

Vimbika, tendeka. “Vimbika kune mudzimai wako uye ida iye chete. . . . Fara nomudzimai wako uye fadzwa nomusikana wawakaroora . . . Runako rwake ngarukufadze nguva dzose; ngaagare achikuratidza rudo. . . . Unofanira kudirei mumwe mukadzi? Nei uchifanira kuchiva runako rwomukadzi womunhu?” (Zvirevo 5:15-20, Today’s English Version) “Munhu akatendeka pazvinhu zvidukuduku akatendekawo pazvinhu zvikuru, uye munhu asina kururama pazvinhu zvidukuduku haanawo kururama pazvinhu zvikuru.” (Ruka 16:10) “Chinotsvakwa muvatariri ndechokuti munhu awanikwe akatendeka.”—1 VaKorinde 4:2.

Tendeseka. “Ndingava akachena ini ndiine chikero chakaipa nehomwe yezviyereso zvematombo zvinonyengera here?” (Mika 6:11) “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, zvatinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.

Taura chokwadi, ruramisira. “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, uye ruramisirai muri pagedhi.” (Amosi 5:15) “Tauriranai chokwadi. Tongai nechokwadi uye nokutonga kworugare muri pamagedhi enyu.” (Zekariya 8:16) “Saka zvino, zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.”—VaEfeso 4:25.

Shanda nesimba, shingaira. “Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Iye achamira pamberi pemadzimambo.” (Zvirevo 22:29) “Musava nousimbe pabasa renyu.” (VaRoma 12:11) “Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose sokunge munoitira Jehovha, kwete vanhu.”—VaKorose 3:23.

Iva munyoro, nzwira tsitsi, iva nomutsa. “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.”—VaKorose 3:12.

Kunda zvakaipa nezvakanaka. “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mateu 5:44) “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:21.

Ida Mwari wako nomwoyo wose. “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.”—Mateu 22:37, 38.

[Mifananidzo]

Kutevedzera tsika dzeBhaibheri kunogona kutibatsira kuti tive nemichato inobudirira, mhuri dzinofara, uye ushamwari hunogutsa