Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvhiringidzika Netsika Dziri Kuchinja-chinja

Kuvhiringidzika Netsika Dziri Kuchinja-chinja

Kuvhiringidzika Netsika Dziri Kuchinja-chinja

IMWE ngano inoti murume anonzi Diogenes aifamba-famba nerambi zuva rakacheka nyika achitsvaka munhu akarurama, asi haana kumuwana. Murume uyu akanga akadzidza kwazvo wokuAthens akararama muzana remakore rechina B.C.E.

Kuti ngano yacho ndeyechokwadi here, hazvizivikanwi. Kunyange zvakadaro, kudai Diogenes ainge ari mupenyu nhasi, zvaisazoshamisa kana aitofanira kutsvakisisa kuti awane vanhu vane tsika dzakanaka. Zvinoita sokuti vakawanda vanoramba pfungwa yokuti vanhu vanofanira kuva nebumbiro retsika dzavanofanira kutevedzera. Nguva nenguva maredhiyo, mapepanhau neTV zvinotiudza kuparara kuri kuita tsika—muupenyu hwevanhu, muhurumende, kumabasa, mune zvemitambo, mune zvebhizimisi, uye mune zvimwewo zvinhu zvinoitwa muupenyu. Tsika dzakawanda dzairemekedzwa nevanhu vekare hadzicharemekedzwi. Mitemo yetsika yagara iripo iri kuongororwazve uye kazhinji iri kurambwa. Dzimwe tsika dzinongotaurwa pamuromo chete asi dzisingaitwi.

Nyanzvi yezvechitendero inonzi Alan Wolfe yakati: “Nguva yokuva netsika dzakafanana yakapfuura. Hazvisati zvamboitika kuti vanhu vanzwe sokuti havakwanisi kuvimba nechinyakare chavo uye nemasangano kuti zvivatungamirire mune zvetsika.” Richitaura nezvemakore 100 apfuura, rimwe pepanhau rinonzi Los Angeles Times rakabudisa zvakataurwa nomumwe muzvinadzidzo anonzi Jonathan Glover kuti kuparara kwemitemo yetsika dzomuchitendero nemitemo yetsika yomunyika yose ndiko kwakanyanya kukonzera kuti nyika yose iite zvechisimba.

Zvisinei, kuvhiringidzika kwakadaro patsika dzinobvumiranwa nevazhinji hakuna kutadzisa vamwe vanhu kuti vaumbe bumbiro retsika. Makore mashomanana apfuura, aichimbova mutungamiriri weUNESCO—rimwe remasangano ari pasi peSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, akati “nyaya yetsika iri kunyanya kutaurwa nezvayo munyika zvisina kumboitika kare.” Asi kukundikana kwenyika kuti ive netsika dzakanaka hakurevi kuti hapana tsika dzakanaka idzo vanhu vanofanira kuva nadzo.

Zvisinei, vanhu vose vanogona kubvumirana kuti vatevedzere tsika dzakafanana here? Kwete. Uye kana vasina bumbiro rimwe chete rinovaudza tsika dzakanaka nedzakaipa, munhu angaziva sei tsika dzokutevedzera? Pfungwa yemazvakemazvake munyaya dzetsika inongova kwose kwose mazuva ano. Asi unogona kuona kuti mafungiro aya haana kuita kuti panyatsova netsika dzakanaka.

Mumwe munyori wenhau dzakaitika kare wokuBritain anonzi Paul Johnson anobvuma kuti dzidziso iyi yemazvakemazvake yakabatsira “kurerutsa . . . pfungwa yakadzika midzi yokuzvidavirira, uye yokunzwa uchisungirwa kutevedzera bumbiro retsika dzisina kukanganiswa nemafungiro evanhu” yaiita seyaivapo zana remakore rechi20 risati rasvika.

Saka zvinoita here kuwana “bumbiro retsika dzisina kukanganiswa nemafungiro evanhu” kana kurarama “nemitemo yetsika inoshandiswa munyika yose”? Pane bhuku here ringatiudza tsika dzisingachinji pasinei nokufamba kwenguva dzinogona kuita kuti tirarame upenyu hwakatsiga uye dzinotipa tariro yeramangwana? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.