Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nyoka yakataura naEvha yaiva nemakumbo here?

Sezvakanyorwa pana Genesisi 3:14, Jehovha Mwari akataura nenyoka yakanga yanyengera Evha mumunda weEdheni. Mwari akati: “Nokuti waita izvi, ndiwe watukwa pazvipfuwo zvose nepamhuka dzose dzomusango. Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.” Bhaibheri haritauri zvakananga kana nyoka yakashandiswa pakuedza Evha yaimbova nemakumbo. Kunyange zvazvo mashoko aGenesisi 3:14 angaita kuti vamwe vafunge kudaro, hatifaniri kubva tagumisa kuti mutongo uyu usati waitwa, nyoka dzaimbova nemakumbo. Nei?

Nokuti mutongo waJehovha waiva wakanyanya kunanga Satani, chisikwa chomudzimu chisingaoneki chakanga chashandisa zvisiri izvo chisikwa ichi chakaderera. Bhaibheri rinorondedzera Satani richiti “baba venhema” uye “nyoka yepakutanga.” Zviri pachena kuti mashoko aya anoratidza zvakaitwa naSatani paakashandisa chisikwa ichi chakanga chisingaoneki, nyoka, kunyengedza Evha kuti asateerere murayiro waMwari.—Johani 8:44; Zvakazarurwa 20:2.

Mwari akasika nyoka, uye zviri pachena kuti Adhamu akanga adzipa mazita Satani asati anyengera Evha. Nyoka isina chainoziva iyi yakataura naEvha yaingova mutumwa asina mbonje. Haina kuziva kuti yaishandiswa naSatani, uye kunzwisisa mutongo wakaitwa naMwari pana Satani naAdhamu naEvha.

Saka nei Mwari akataura achiita seaishora nyoka? Zvinoitwa nenyoka kana iri musango, painenge ichifamba ichizvonyongoka uye ichitambisa rurimi rwayo kunge iri kuda kunanzva guruva, chokwadi zvinofananidzira kuderedzwa kwaSatani. Zvaaimbova nechinzvimbo chepamusoro ari imwe yengirozi dzaMwari, iye zvino akanga aderedzwa ava munzvimbo inonzi neBhaibheri Tatarosi.—2 Petro 2:4.

Uyezve, sezvinongoitwa nenyoka chaiyo ingaruma chitsitsinho chomunhu, Satani ari mumamiriro ake ezvinhu akaderera ‘aizopwanya chitsitsinho chomwana’ waMwari. (Genesisi 3:15) Zvakaoneka kuti mukuru pavana vacho aiva Jesu Kristu, akambotambudzwa nevamiririri vaSatani. Asi pakupedzisira musoro wokufananidzira wenyoka uchapwanywa zvachose naKristu neshamwari dzake dzakazodzwa dzechiKristu dzinenge dzamutswa. (VaRoma 16:20) Saka, zviri pachena kuti kupa kwakaita Mwari mutongo kunyoka yaioneka kwaifananidzira kuderedzwa uye kuparadzwa zvachose kwechisikwa chisingaoneki, “nyoka yepakutanga,” Satani Dhiyabhorosi.