Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ta“kaitwa Nenzira Inoshamisa”

Ta“kaitwa Nenzira Inoshamisa”

Ta“kaitwa Nenzira Inoshamisa”

“Ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.”—PISAREMA 139:14.

1. Nei vanhu vakawanda vanofunga vachiti Mwari ndiye akasika zvinhu zvinoshamisa zvepasi?

NYIKA yakazara nezvinhu zvakasikwa zvinoshamisa. Zvakavapo sei? Vamwe vanofunga kuti mhinduro tinoiwana tisina kumbotaura nezvoMusiki akachenjera. Vamwewo vanoti kuramba kuti Musiki ariko kunotitadzisa kunzwisisa zvakatipoteredza. Vanofunga kuti zvisikwa zvepasi zvakanyanyooma kunzwisisa, zvakasiyana-siyana chaizvo, uye zvinoshamisa zvikuru zvokuti hazvinganzi zvakangoerekana zvavapo. Kuvanhu vakawanda, kusanganisira vamwe vasayendisiti, uchapupu huripo hunoratidza kuti zvakasikwa zvose zvakaitwa noMuiti akangwara, ane simba, uye ane mutsa. *

2. Chii chakaita kuti Dhavhidhi arumbidze Jehovha?

2 Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare aiva nechokwadi chokuti Musiki aifanira kurumbidzwa pamusana pezvinhu zvinoshamisa zvaakasika. Pasinei nokuti Dhavhidhi akararama kare sayenzi isati yava sezvairi mazuva ano, akanzwisisa kuti aiva akapoteredzwa nezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naMwari. Dhavhidhi aingofanira hake kufunga nezvomuviri wake kuti aone kuti unyanzvi hwaMwari hwokusika hunoshamisa. Akanyora kuti: “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa. Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.”—Pisarema 139:14.

3, 4. Nei zvichikosha kuti mumwe nomumwe wedu afungisise mabasa aJehovha?

3 Dhavhidhi akanyatsova nechokwadi nezvaakataura nokuti aifungisisa. Mazuva ano, zvidzidzo zvokuchikoro uye nyaya dzinobuda muTV, redhiyo nemapepanhau zvinodzidzisa zvakawanda zvinoita kuti tisadavira kuti takasikwa. Kuti tive nokutenda kwakaita sokwaDhavhidhi, tinofanirawo kufungisisa. Hatingambofungirwi nevamwe, kunyanya panyaya dzinokosha dzakadai sokuvapo kwoMusiki nebasa rake.

4 Uyezve, kufungisisa mabasa aJehovha kunosimbisa kumuonga kwatinoita uye kunoita kuti tive nechivimbo muzvipikirwa zvake zveramangwana. Izvozvo zvinozoita kuti tisvike pakuziva Jehovha zviri nani uye kuti timushumire. Naizvozvo ngatikurukurei kuti sayenzi yemazuva ano inotsigira sei zvakataurwa naDhavhidhi zvokuti ta“kaitwa nenzira inoshamisa.”

Kukura Kunoshamisa Kwemiviri Yedu

5, 6. (a) Tose takatanga sei? (b) Itsvo dzedu dzinoita basa rei?

5 “Ndimi makagadzira itsvo dzangu; makaramba makandivharidzira mudumbu raamai vangu.” (Pisarema 139:13) Mumwe nomumwe wedu akatangira mumuviri waamai vake ari sero rimwe chete, duku pane chindaguma chiri panogumira chirevo chino. Sero iroro raunokwanisa kuona nemaikorosikopu chete rakanga richiita mabasa akawanda akaoma zvikuru kunzwisisa sezvakaita kafekitari kaduku-duku kanogadzirirwa zvinhu zvinoshamisa. Sero racho rakakura nokukurumidza. Pakazopera mwedzi wechipiri uri mudumbu, nhengo dzako huru dzakanga dzatoumbwa. Dzimwe dzacho dzaiva itsvo. Pawakaberekwa, itsvo dzako dzakanga dzava kukwanisa kuchenesa ropa rako—dzichibvisa tsvina uye mvura isingachadiwi asi dzichichengetedza zvinhu zvinokosha. Kana itsvo dzako dzichishanda zvakanaka, dzinobvisa mvura muropa rako—anenge marita matanhatu mumunhu mukuru, mumaminitsi 45 oga oga!

6 Itsvo dzako dzinobatsirawo kuti ropa rifambe zvakanaka mumuviri. Dzinoita mamwe mabasa anokosha, akadai sokuchinja mamwe mavhitaminzi kuti agadzire mapfupa nokugadzira mvura inonzi erythropoietin, iyo inogadzira masero matsvuku eropa mumapfupa ako. Ndokusaka itsvo dzave dzichinzi “vagoni vebasa”! *

7, 8. (a) Tsanangura kuti mwana asati aberekwa anotanga sei kukura. (b) Mwana ari kukura ‘anorukwa ari mumativi akadzikira kwazvo enyika’ sei?

7 “Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri pandakaitwa pakavanda, pandakarukwa ndiri mumativi akadzikira kwazvo enyika.” (Pisarema 139:15) Sero rokutanga rakapatsanuka kuva maviri, maviri kuva mana, zvichingoenda zvakadaro. Pasina nguva masero iwayo akatanga kusiyana, pachiva nemasero etsinga, masero etsandanyama, masero eganda, zvichingodaro. Masero akafanana akabatana kuti aumbe nhengo dzomuviri. Somuenzaniso, muvhiki yechitatu amai vako vabata pamuviri, mapfupa ako akatanga kuumbwa. Pawakazosvitsa vhiki nomwe wakanga watoreba masendimita anenge 2,5 mapfupa ako ose 206 akanga atovapo asi asati asimba kana kuomarara sezvaanoita kana munhu akura.

8 Kukura uku kunoshamisa kwakaitika mudumbu raamai vako, kusingaonekwi nevanhu sokunge kuti kwakanga kwakavigwa muvhu. Chokwadi, vanhu havasati vava kuziva zvakawanda nezvokukura kwedu. Somuenzaniso, chii chakaita kuti mamwe majini (genes) ari mumasero ako audze masero kuti achitanga kupatsanuka achiita mabasa akasiyana-siyana? Sayenzi ingangozozviziva zvayo, asi sezvakazotaurwa naDhavhidhi, Muiti wedu Jehovha, agara achizvinzwisisa zvakazara.

9, 10. Kuumbwa kwenhengo dzomwana ari mudumbu ‘kwakanyorwa sei mubhuku’ raMwari?

9 “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu, kuti mazuva api adzakaumbwa uye pakanga pasati pava neimwe chete yadzo.” (Pisarema 139:16) Sero rako rokutanga raiva nourongwa hwakakwana hwomuviri wako wose. Urongwa uhwu hwakatungamirira kukura kwako mumwedzi mipfumbamwe uri mudumbu kusvikira wava nemakore anopfuura makumi maviri. Munguva iyi, muviri wako waichinja, zvose zvichitungamirirwa nezvakanga zvakarongwa musero riya rokutanga.

10 Dhavhidhi haana zvaaiziva nezvemasero nemajini, uye akanga asina kana maikorosikopu zvayo. Asi akanzwisisa zvakarurama kuti kukura kwomuviri wake kwairatidza kuti kwakanga kwakafanorongwa. Dhavhidhi angangodaro aiziva kuti mwana ari mudumbu anokura sei, ndokusaka aigona kutaura kuti danho rimwe nerimwe raifanira kuitika maererano nezvakanga zvakafanorongwa uye panguva yakakodzera. Achidetemba, akatsanangura kurongwa uku achiti kwakanga kwa“kanyorwa mubhuku” raMwari.

11. Takasvika sei pakuva zvatiri?

11 Mazuva ano, zvinozivikanwa kuti kutodza kwawakaita vabereki vako nemadzisekuru ako—kureba, chiso, maziso, bvudzi, nezvimwewo zvakawanda zvakabva mumajini ako. Rimwe nerimwe remasero ako rine zviuru zvemajini, uye jini rimwe nerimwe chikamu chezvinhu zvakawanda-wanda zvinoumbwa neDNA. Mirayiridzo yokuumbwa kwomuviri wako “yakanyorwa” muDNA yako. Pose panopatsanuka masero ako kuti agadzire masero matsva kana kutsiva masero achembera, majini ako anowana mirayiridzo iyoyo kubva kuDNA, zvichiita kuti urambe uri mupenyu uye uri sezvauri. Chokwadi izvi zvinoratidza simba nouchenjeri zvinoshamisa zvoMusiki wedu wokudenga!

Pfungwa Dzedu Dzinoshamisa

12. Chii chinonyanya kusiyanisa vanhu nemhuka?

12 “Naizvozvo, pfungwa dzenyu dzinokosha sei kwandiri! Haiwa Mwari, dzose zvadzo izhinji sei! Kudai ndaizoedza kudziverenga, dzinopfuura kunyange jecha.” (Pisarema 139:17, 18a) Mhuka dzakasikwawo zvinoshamisa, uye dzimwe dzinotoona kana kutonhuhwidza kupfuura vanhu. Asi Mwari akapa vanhu pfungwa dzinopfuura dzemhuka nokure. Rimwe bhuku resayenzi rinoti: “Kunyange zvazvo isu vanhu takafanana nezvimwe zvinhu mune zvakawanda, takasiyana nezvimwe zvinhu zvipenyu nokuti tinokwanisa kutaura nokufunga. Takasiyanawo pakuti tinoda chaizvo kunzwisisa zvatiri: Muviri wedu wakabatanidzwa sei? Takaumbwa sei?” Dhavhidhi akafungawo nezvemibvunzo iyi.

13. (a) Dhavhidhi aikwanisa sei kufungisisa zvaifungwa naMwari? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waDhavhidhi?

13 Zvinonyanya kukosha ndezvokuti tinokwanisa kufunga sezvinodiwa naMwari, kusiyana nemhuka. * Chipo ichi chinokosha ndeimwe yenzira dzatakaitwa nadzo “nomufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:27) Dhavhidhi akashandisa zvakanaka chipo ichi. Akafungisisa zvairatidza kuti Mwari ariko uye unhu hwakanaka hwaioneka munyika yakanga yakamupoteredza. Dhavhidhi aivawo nemabhuku okutanga eMagwaro Matsvene, anozivisa nezvaMwari nemabasa ake. Manyoro matsvene aya akabatsira Dhavhidhi kunzwisisa zvaifungwa naMwari, unhu hwake uye chinangwa chake. Kufungisisa Magwaro, zvakasikwa, uye zvaaiitirwa naMwari kwakaita kuti Dhavhidhi arumbidze Muiti wake.

Zvinoreva Kutenda

14. Nei tisingafaniri hedu kuziva zvinhu zvose nezvaMwari kuti tive nokutenda?

14 Dhavhidhi paainyanya kufunga nezvezvakasikwa uye Magwaro, aibva anyanyawo kuona kuti aisakwanisa kunzwisisa zvizere ruzivo rwaMwari nounyanzvi hwake. (Pisarema 139:6) Zvakafananawo nesu. Hatizofi takanzwisisa zvose pane zvakasikwa naMwari. (Muparidzi 3:11; 8:17) Asi Mwari ‘akaratidza pachena’ ruzivo rwakakwana kuburikidza neMagwaro uye zvakatipoteredza kuitira kuti vanhu vanotsvaka chokwadi vanorarama chero nguva vave nokutenda kunobva pane zvavanoona.—VaRoma 1:19, 20; VaHebheru 11:1, 3.

15. Taura muenzaniso unoratidza kuti kutenda kunobatana noukama hwedu naMwari.

15 Kuva nokutenda hakungorevi kubvuma kuti upenyu uye zvakasikwa zvose zvakaitwa noMuiti akachenjera. Kunosanganisira kuvimba naJehovha somunhu—munhu anoda kuti timuzive uye kuti tirambe tiine ukama hwakanaka naye. (Jakobho 4:8) Tingafunga nezvokuvimba kunoita mumwe munhu nababa vane rudo. Kana mumwe munhu akati baba vako vaisazokubatsira mudambudziko, ungasakwanisa kutaura zvinomugutsa kuti baba vako vakavimbika. Zvisinei, kana uchiziva kuti baba vako munhu akanaka, unogona kuvavimba kuti havazokurasisi. Saizvozvowo, kuziva Jehovha nokudzidza Magwaro, kufungisisa zvakasikwa, uye kutibatsira kwaanoita paanopindura minyengetero yedu zvinoita kuti tivimbe naye. Zvinoita kuti tide kudzidza zvakawanda nezvake uye kuti timurumbidze nokusingaperi zvichibva parudo rusina udyire nokuzvipira. Ndizvo zvinhu zvine musoro chaizvo zvinogona kuitwa chero naani zvake.—VaEfeso 5:1, 2.

Tungamirirwa Nomuiti Wedu!

16. Tingadzidzei muukama hwapedyo hwaDhavhidhi naJehovha?

16 “Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa, munditungamirire panzira isingagumi.” (Pisarema 139:23, 24) Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aitomuziva zvakanyanya—zvinhu zvose zvaaifunga, zvaaitaura nezvaaiita zvaizivikanwa noMuiti wake. (Pisarema 139:1-12; VaHebheru 4:13) Mwari ainyatsoziva Dhavhidhi zvokuti akanzwa akachengeteka, sezvinongoita mwana anonzwa akachengeteka mumaoko evabereki vake vanomuda. Dhavhidhi aikoshesa ukama ihwohwu hwapedyo naJehovha uye akashanda nesimba kuti ahuchengetedze kuburikidza nokufungisisa mabasa aMwari uye kunyengetera kwaari. Kutaura zvazviri, mapisarema akawanda aDhavhidhi, kusanganisira Pisarema 139, minyengetero yainyorwa senziyo. Kufungisisa nokunyengetera zvinotibatsirawo kuswedera pedyo naJehovha.

17. (a) Nei Dhavhidhi aida kuti Jehovha aongorore mwoyo wake? (b) Kushandisa kwatinoita rusununguko rwedu rwokusarudza kunoitei paupenyu hwedu?

17 Sezvatakaitwa nomufananidzo waMwari, takapiwa rusununguko rwokusarudza. Tinokwanisa kusarudza kuita zvakanaka kana zvakaipa. Rusununguko irworwo runoita kuti tizozvidavirira. Dhavhidhi haana kuda kubatanidzwa nevakaipa. (Pisarema 139:19-22) Akanga asingadi kuita zvikanganiso zvinorwadza. Nokudaro, Dhavhidhi paakafungisisa uchenjeri hwose hwaJehovha, nokuzvininipisa akakumbira Mwari kuti aongorore mwoyo wake uye amutungamirire munzira inoenda kuupenyu. Mitemo yaMwari yetsika yakarurama inoshanda kumunhu wose; saka tinofanira kusarudza zvakarurama. Mwari anotikurudzira tose kuti timuteerere. Tikadaro anotida uye tinobatsirwa mune zvakawanda. (Johani 12:50; 1 Timoti 4:8) Kufamba naJehovha zuva roga roga kunotibatsira kuti tidzikame, kunyange patinosangana nematambudziko akaoma.—VaFiripi 4:6, 7.

Teerera Muiti Wedu Anoshamisa!

18. Afungisisa zvakasikwa, Dhavhidhi akagumisa kuti chii?

18 Paaiva muduku, nguva zhinji Dhavhidhi aigara kusango, achifudza makwai. Makwai aikotamisa misoro achifura, asi iye aisimudza maziso ake achitarira kumatenga. Hwava usiku, Dhavhidhi aifungisisa kukura kunoshamisa kwedenga nezvazvaireva zvose. Dhavhidhi akanyora kuti: “Matenga anozivisa kubwinya kwaMwari; nzvimbo huru yokudenga inozivisa basa remaoko ake. Zuva rimwe pashure perimwe zuva rinoita kuti kutaura kubude, usiku humwe pashure pohumwe usiku hunoratidza zivo.” (Pisarema 19:1, 2) Dhavhidhi akanzwisisa kuti aifanira kutsvaka uye kuteerera uyo akaita zvinhu zvose nenzira inoshamisa. Tinofanirawo kuita saizvozvo.

19. Vaduku nevakuru tinodzidzei pakuti takaitwa “nenzira inoshamisa”?

19 Dhavhidhi akaita sezvinotaurwa nezano rakazopiwa vaduku nomwanakomana wake Soromoni, rokuti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako, . . . Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.” (Muparidzi 12:1, 13) Ari muduku, Dhavhidhi akanga ava kutonzwisisa kuti akaitwa “nenzira inoshamisa.” Kurarama zvinoenderana nokunzwisisa uku kwakamubatsira zvikuru muupenyu hwake hwose. Kana isu, vaduku nevakuru, tikarumbidza uye tikashumira Musiki wedu Mukuru, tichafara pari zvino uye mune ramangwana. Nezvevaya vanoramba vari pedyo naJehovha uye vachirarama maererano nemitemo yake yakarurama, Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Vacharamba vachibudirira munguva yokuchena musoro, vacharamba vaine simba uye vari vatsva, kuti vazivise kuti Jehovha akarurama.” (Pisarema 92:14, 15) Uye tichava netariro yokunakidzwa nokusingaperi nemabasa anoshamisa oMusiki wedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Ona Mukai! yaJuly 8, 2004, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 6 Onawo nyaya inoti “Your Kidneys—A Filter for Life,” iri muAwake! yaAugust 8, 1997.

^ ndima 13 Mashoko aDhavhidhi ari muPisarema 139:18b anenge anoreva kuti kudai Dhavhidhi aipedza zuva rose achiverenga zvinofungwa naJehovha kusvikira paaizonorara, aizomuka mangwanani achine zvimwe zvokuverenga.

Ungatsanangura Here?

• Kukura kunoita mwana ari mudumbu kunoratidza sei kuti takaitwa “nenzira inoshamisa”?

• Nei tichifanira kufungisisa nezvezvinofungwa naJehovha?

• Kutenda noukama hwedu naJehovha zvinobatana papi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kuumbika kwomwana ari mudumbu kunotevedzera zvakafanorongwa

DNA

[Kwazvakatorwa]

Mwana ari mudumbu: Lennart Nilsson

[Mufananidzo uri papeji 24]

Sevana vanovimba nababa vane rudo, tinovimba naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kufungisisa mabasa aJehovha kwakaita kuti Dhavhidhi amurumbidze