Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kutevedzera Jehovha Here Pakuva Nehanya Nevamwe?

Uri Kutevedzera Jehovha Here Pakuva Nehanya Nevamwe?

Uri Kutevedzera Jehovha Here Pakuva Nehanya Nevamwe?

‘KANDAI kuzvidya mwoyo kwenyu kwose kuna Mwari, nokuti iye ane hanya nemi.’ (1 Petro 5:7) Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anonyatsoda kuti timuudze zvinotidya mwoyo! Jehovha Mwari ane hanya nevanhu vake. Tinogona kunzwa senhiyo dzakagumbatirwa mumapapiro emhambo.

Tinofanirawo kuratidza vamwe hanya saizvozvo. Zvatisina kukwana, tinofanira kungwarira dzimwe ngozi dzingavapo patinoratidza kuti tinofarira vamwe. Tisati takurukura dzimwe dzacho, ngatimboona dzimwe nzira dzinoshandiswa naJehovha kutarisira vanhu vake.

Achishandisa muenzaniso womufudzi, munyori wepisarema Dhavhidhi akarondedzera kuratidza hanya kunoitwa naMwari achiti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa. Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji; anonditungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji. Anozorodza mweya wangu. . . . Kunyange ndikafamba mumupata wezarima, handityi zvakaipa, nokuti imi muneni.”—Pisarema 23:1-4.

Somufudzi, Dhavhidhi aiziva zvinobatanidzwa pakutarisira makwai. Mufudzi anodzivirira makwai ake pazvikara zvakadai seshumba, makava nemapere. Anoita kuti makwai asapararira, anotsvaka gwai rinenge rarasika, anotakura pachipfuva chake makwayana anenge aneta, uye anotarisira anorwara neanenge akuvara. Zuva roga roga anonwisa mvura makwai ake. Izvi hazvirevi kuti mufudzi anoti namanama nemakwai. Makwai acho anenge akasununguka asi akachengeteka.

Ndiko kutarisira kunoita Jehovha vanhu vake. Muapostora Petro akatsanangura kuti: “Muri kuchengetedzwa nesimba raMwari.” Pano mashoko okuti “muri kuchengetedzwa” chaizvoizvo anoreva kuramba takarindwa. (1 Petro 1:5) Aine vavariro yechokwadi, nguva dzose Jehovha anotitarisira, agara akagadzirira kutibatsira pose patinomukumbira. Kunyange zvakadaro, Jehovha akatisika tiine rusununguko rwokusarudza, saka haapindiri pane zvose zvatinoita uye zvatinosarudza. Tingatevedzera sei Jehovha mune izvi?

Tevedzera Mwari Pakutarisira Vana Vako

“Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha.” Ndosaka vabereki vachifanira kuchengeta uye kutarisira vana vavo. (Pisarema 127:3) Izvi zvingabatanidza kukurudzira vana kuti vataure mafungiro avo nemanzwiro avo vofunga nezvazvo pavanenge vachivatarisira. Kana vabereki vakangoti namanama nevana vavo, vasina basa nezvavanoshuva, vangangofanana nomufudzi anoedza kufudza makwai ake akaasunga netambo. Hakuna mufudzi anofudza makwai ake zvakadaro; naJehovha haatifudziwo saizvozvo.

Mariko * anobvuma kuti: “Kwemakore akawanda ndairamba ndichiudza vana vangu kuti, ‘Munofanira kudai’ uye ‘Musadaro.’ Ndaifunga kuti ndizvo zvandinofanira kuita somubereki. Ndakanga ndisingambovarumbidzi, kana kumboita nyaya navo.” Kunyange zvazvo mwanasikana waMariko aitaura neshamwari dzake kwemaawa akawanda parunhare, akanga asingambotauri zvinosvika kure naamai vake. Mariko anoenderera mberi achiti, “Ndakazoona kuti nei. Paaitaura neshamwari dzake, mwanasikana wangu aishandisa mashoko anoratidza tsitsi, akadai sokuti ‘Ehe, ndinobvumirana nazvo’ kana okuti ‘Kana neniwo.’ Ndakatanga kushandisawo mashoko iwayo kuti mwanasikana wangu ataure akasununguka, uye nenguva isipi takapedzisira tava kudya nyaya kwenguva refu.” Izvi zvinoratidza kuti kukurukurirana zvakanaka kunokosha, kazhinji kacho zvinoda kuti vaviri vataurirane kwete kuti munhu mumwe chete angoramba achitaura.

Vabereki vanofanira kuita kuti vana vavo vataure vakasununguka, uye vana vanoda kunzwisisa kuti nei kutarisirwa nevabereki kuchivachengetedza. Bhaibheri rinopa vana zano rokuti vateerere vabereki vavo; rinobva rapa chikonzero chacho richiti: “Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.” (VaEfeso 6:1, 3) Vana vanonyatsoziva zvakanakira kuzviisa pasi, vanoona zviri nyore kuteerera.

Pakutarisira Makwai aJehovha

Kuti Jehovha ane hanya zvinooneka muungano yechiKristu. Zvaari Musoro weungano, Jesu Kristu anotungamirira vakuru kuti vatarisire makwai ake. (Johani 21:15-17) Shoko rechiGiriki rokuti mutariri rinofambidzana neshoko rechiito rinoreva kuti “nyatsotarisira.” Achiratidza kuti izvi zvinofanira kuitwa sei, Petro anorayiridza vakuru kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose; musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.”—1 Petro 5:2, 3.

Kutaura zvazviri, basa revakuru rakangofanana nerevafudzi. Vakuru vechiKristu vanofanira kubatsira vanorwara mune zvokunamata uye kuvaruramisa kuitira kuti vararame maererano nemitemo yakarurama. Vakuru vane basa rokuronga zvose zvinoitwa muungano, kuronga misangano, uye kuita kuti muungano muve norugare.—1 VaKorinde 14:33.

Zvisinei, Petro anotiruma nzeve nemashoko ake ari pamusoro apa okuti tingwarire ngozi yokuti vakuru vasave ‘madzishe’ muungano. Kumwe kuzviita ‘ishe’ kwomukuru kungaoneka nokudzika mitemo isina kukodzera. Aine shungu dzokuda kudzivirira makwai, mukuru angadarika mwero. Mune imwe ungano yenyika Dzokumabvazuva, vakuru vakadzika mitemo yokuti vanhu vaifanira kukwazisana sei paImba yoUmambo, yakadai sokuti ndiani anofanira kutanga kutaura, vachifunga kuti kutevedzera mitemo yakadai kwaizoita kuti muungano muve norugare. Kunyange zvazvo zvisina mubvunzo kuti vaiita izvi nechinangwa chakanaka, vakuru ivavo vaitevedzera Jehovha here pakutarisira vanhu vake? Sezvineiwo mafungiro omuapostora Pauro akaoneka mumashoko ake anoti: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe chete nemi kuti mufare, nokuti makamira nokutenda kwenyu.” (2 VaKorinde 1:24) Jehovha anovimba nevanhu vake.

Kunze kwokusadzika mitemo isina painobva muMagwaro, vakuru vechiKristu vanoratidza kuti vane hanya zvechokwadi nokusafukura hapwa muzvinhu zvine chokuita neungano. Vanoziva nyevero yaMwari yokuti: “Usabudisa zvakavanzika zvomumwe.”—Zvirevo 25:9.

Muapostora Pauro akafananidza ungano yevaKristu vakazodzwa nomuviri womunhu achiti: “Mwari akabatanidza muviri . . . kuti parege kuva nokupesana mumuviri, asi kuti nhengo dzawo dzitarisirane zvakafanana.” (1 VaKorinde 12:12, 24-26) Mashoko echiGiriki okuti “dzitarisirane zvakafanana” anoreva kuti ‘dzinofanira kushungurudzika pamusoro pedzimwe nhengo.’ Nhengo dzeungano yechiKristu dzinofanira kudanana zvikuru.—VaFiripi 2:4.

VaKristu vechokwadi vangaratidza sei kuti ‘vari kushungurudzika pamusoro pedzimwe nhengo’? Vangaratidza kuti vane hanya nevamwe vavo vomuungano neminyengetero yavo nokubatsira vanoshayiwa. Izvi zvinobatsira kuti vamwe vaite zvakanaka. Chimbofunga nezvaTadataka akabatsirwa nokuratidzwa rudo rwakadaro. Paakabhabhatidzwa aine makore 17, ndiye chete mumhuri yavo aishumira Jehovha. Anoti: “Imwe mhuri yaiva muungano yaiwanzondikoka kuti nditandare nayo uye ndizodya nayo. Mangwanani oga oga ndaipfuura nepamba pavo pandaienda kuchikoro kuti tikurukure tose rugwaro rwezuva rweBhaibheri. Ndaiwana mazano okuti ndingakunda sei zvinetso zvokuchikoro, uye tainyengetera nezvazvo pamwe chete. Mumhuri iyi ndakadzidza kuva norupo.” Iye zvino Tadataka ava kushandisa zvaakadzidza ari pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha.

Muapostora Pauro akanyevera nezvomumwe musungo une chokuita nokuda kuziva zvinenge zvichiitika mupenyu hwevamwe. Akataura nezvevamwe vakadzi vakanga vava ‘kuita makuhwa uye kupindira munyaya dzevamwe vanhu, vachitaura zvinhu zvavakanga vasingafaniri kutaura.’ (1 Timoti 5:13) Kunyange zvazvo zvakakodzera kuti tizive zvinenge zvichiitika muupenyu hwevamwe, tinofanira kungwarira kuti hatizodariki mwero topindira muzvinhu zvavo. Kunyanya kuda kuziva zvinenge zvichiitika muupenyu hwevamwe kungaoneka ‘nokutaura zvinhu zvatisingafaniri kutaura,’ zvakadai sokutsoropodza.

Tinofanira kuyeuka kuti vaKristu vangasiyana mumarongero avanoita zvinhu muupenyu hwavo, zvavanosarudza kudya, uye zvavanosarudza kuita pavanenge vachitandara. Mumwe nomumwe akasununguka kusarudza zvaanoda kuita chero zvisingadariki mitemo yomuBhaibheri. Pauro akarayira vaKristu vaiva muRoma kuti: “Ngatichiregai kutongana. . . . Ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.” (VaRoma 14:13, 19) Zvinofanira kuoneka kuti tinodanana nomwoyo wose muungano nokugadzirira kubatsirana kwete nokupindira muzvinhu zvoupenyu hwevamwe. Patinoratidzana hanya saizvozvo, rudo nokubatana zvichawedzera mumhuri nomuungano.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kurudzira vana vako kuti vataure vakasununguka uchivarumbidza nokuvanzwira tsitsi