Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chichapedza Kusagarisana Kwemarudzi?

Chii Chichapedza Kusagarisana Kwemarudzi?

Chii Chichapedza Kusagarisana Kwemarudzi?

MUSPAIN muzvinapembe anomisa mutambo wenhabvu. Zvaita sei? Nokuti vatsigiri vari munhandare vanodaidzira vachituka mutambi anobva kuCameroon zvokuti mutambi wacho anosvika pakuda kuramwa mutambo. KuRussia, zvazova zvakajairika kuti vanhu vanobva kuAfrica, Asia, neLatin America vanorohwa. Muna 2004, vanhu vakarwiswa nokuda kwokuti vaiva vorudzi rupi vakawedzera nezvikamu 55 muzana pachiva nezviitiko 394 muna 2005. KuBritain munhu mumwe muvatatu vakabvunzwa pavanhu vatema uye nevokuAsia anofunga kuti akasiyiswa basa nemhaka yorusaruro. Mienzaniso iyi inoratidza zviri kuitika pasi pose.

Kusagarisana kuri pakawanda, kumwe kurasa muromo kana kuti kungobvotomoka, kumwe kutotsvaira rudzi kunotoitwa nehurumende. Chii chaizvo chinoita kuti pave nokusarurana? Tingaita sei kuti tisadaro? Zvine musoro here kufunga kuti rimwe zuva vanhu vose vachagara pamwe chete murugare? Bhaibheri rinojekesa nyaya idzi zvinofadza.

Kudzvinyirirwa uye Kuvengwa

Bhaibheri rinoti: “Zvinodiwa nomwoyo womunhu zvakaipa kubvira achiri muduku.” (Genesisi 8:21) Nokudaro, vamwe vanonakidzwa nokudzvinyirira vamwe. Bhaibheri rinozotizve: “Kwaiva nemisodzi yevaya vaidzvinyirirwa, asi vakanga vasina munyaradzi; uye vadzvinyiriri vavo vaiva nesimba.”—Muparidzi 4:1.

Bhaibheri rinoratidzazve kuti kuvengana kwemarudzi kwakabvira kare. Somuenzaniso, makore 3 700 akapfuura, mumwe Farao Mambo wokuIjipiti akadaidza Jakobho nemhuri yake yaive yakakura kuti vazogara kuIjipiti. Zvisinei, pave paya, mumwewo Farao akazouya akatya kuwanda kwakanga kwaita rudzi urwu rwaJakobho. Nokudaro nyaya yacho inoti: “Iye akati kuvanhu vake: ‘Tarirai! Vanhu vevanakomana vaIsraeri vawanda uye vava nesimba kutipfuura. Uyai! Ngativarongerei zano, kuti varege kuwanda.’ . . . Naizvozvo vakagadza vakuru vebasa rokumanikidzirwa kuti vavadzvinyirire pabasa ravo rinorema.” (Eksodho 1:9-11) VaIjipiti vakatorayira kuti vanakomana vose vaizvarwa vari vazukuru vaJakobho vaurayiwe.—Eksodho 1:15, 16.

Chii Chaizvo Chinokonzera?

Machechi ose haana zvinooneka zvaakaita kuti pasava nokusagarisana kwemarudzi. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti vamwe vakava magamba vachirwisa udzvanyiriri, nguva zhinji machechi ose abatanidzwa pamwe chete akatsigira vadzvanyiriri. Ndizvo zvakaitika kuUnited States, uko vanhu vatema vaidzvinyirirwa nemitemo, vachiurayiwa mhosva isina kutongwa, uye mitemo yairambidza kuroorana kwevanhu vatema nevarungu yakatozobviswa muna 1967. Izvozvo zvaiitikawo muSouth Africa munguva youtongi hworusaruraganda, apo vanhu vashomanana vakachengetedza zvido zvavo nemitemo yairambidza kuroorana kwevanhu vatema nevarungu. Munyika mbiri idzi, vamwe vaiva kudivi revanhu vaidzvinyirira vaida zvokunamata zvikuru.

Zvisinei, Bhaibheri rinotaura chikonzero chakadzama nei marudzi asingagarisani. Rinotsanangura nei mamwe marudzi achidzvinyirira mamwe. Rinoti: “Uyo asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo. Kana munhu achitaura kuti: ‘Ndinoda Mwari,’ asi achivenga hama yake, iye murevi wenhema. Nokuti uyo asingadi hama yake, yaakaona, haangavi achida Mwari, waasina kumboona.” (1 Johani 4:8, 20) Mashoko aya anoratidza pane dzinde rokusagarisana kwemarudzi. Vanhu vanozviita, zvisinei nokuti vanoti vanonamata here kana kuti kwete, nokuti havazivi kana kuti havadi Mwari.

Kuziva Mwari—Musimboti Wokuwirirana Kwemarudzi

Kuziva uye kuda Mwari kunoita sei kuti marudzi awirirane? Ruzivo rwakaita sei runopiwa neShoko raMwari runodzora vanhu kuti vawirirane nevasiri vorudzi rwavo? Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha ndiye Baba wevanhu vose. Rinoti: “Chokwadi kwatiri kuna Mwari mumwe chete ivo Baba, zvinhu zvose zvinobva kwaari.” (1 VaKorinde 8:6) Pamwezve, rinoti: “Akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete.” (Mabasa 17:26) Saka kutaura zvazviri, vanhu vose ihama nehama.

Marudzi ose anofara kuti anoraramiswa naMwari, asi ose anochema kwaakabva. Munyori weBhaibheri Pauro akataura kuti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete.” Nokudaro “vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23; 5:12) Jehovha ndiMwari anoda zvinhu zvakasiyana-siyana—hapana zvisikwa zviviri zvakanyatsofanana. Asi haana dzinza raakati iri ndiro rinofanira kuva pamusoro pemamwe. Izvi zvinoitwa nevanhu zvokuti dzinza ravo riri nani kupfuura revamwe hazvienderani nechokwadi chiri muMagwaro. Zvechokwadi ruzivo rwatinopiwa naMwari runoita kuti marudzi awirirane.

Zvinodiwa naMwari Kuti Marudzi Ose Aite

Vamwe vanoshamisika kana Mwari akaita tsvete paakasarudza vaIsraeri achivadzidzisa kuti varambe vakaparadzana nemamwe marudzi. (Eksodho 34:12) Pane imwe nguva Mwari akasarudza vaIsraeri kuti vave vanhu vake chaivo nemhaka yokuti sekuru vavo Abrahamu vakanga varatidza kutenda kwakasiyana nokwevamwe vose. Mwari pachake akatungamirira vaIsraeri, achisarudza vatongi vavo uye achivapa bumbiro romutemo. Apo vaIsraeri vaiita zvaienderana nourongwa uhwu, mamwe marudzi aikwanisa kuona zvaiitika pakutongwa naMwari kusiyana nezvaiitika kwose kwaitongwa nevanhu. Kare ikako Jehovha akadzidzisa vaIsraeri kuti chibayiro chaidiwa kuti vanhu vagadzirise ukama hwavo naMwari. Nokudaro kushanda kwaJehovha nevaIsraeri kwakabatsira marudzi ose. Izvozvo zvaienderana nezvakanga zvaudzwa Abrahamu kuti: “Chokwadi marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako nokuti wateerera inzwi rangu.” (Genesisi 22:18)

Uyezve, Mwari akaremekedza vaJudha achivapa mashoko matsvene uye kuva rudzi rwakaberekerwa Mesiya. Asi izvi zvakaitirwawo kuti marudzi ose abatsirwe. Magwaro echiHebheru akapiwa vaJudha ane rondedzero inofadza inotaura nezvenguva apo marudzi ose achakomborerwa zvisingatauriki: “Marudzi mazhinji achaenda achiti: ‘Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake’ . . . Havazosimudzirani mapakatwa, rudzi norudzi, uyewo havazodzidzizve kurwa. Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.”—Mika 4:2-4.

Kunyangezvazvo Jesu akaparidzira vaJudha, akataurawo kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Hapana rudzi rwaizotadza kunzwa mashoko akanaka. Nokudaro Jehovha akapa muenzaniso wakakwana wokushanda nemarudzi ose zvisina rusaruro. “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Mitemo yakapiwa vaIsraeri naMwari inoratidzawo kuti anoda marudzi ose. Tarisa kuti mutemo wairayira kuti vasangosarure chete munhu aisava muIsraeri wavaigara naye. Wakati: “Mutorwa anogara nemi ngaave somunhu womunyika yenyu; uye munofanira kumuda sezvamunozviita, nokuti imi makava vatorwa munyika yeIjipiti.” (Revhitiko 19:34) Mitemo yaMwari yakawanda yakadzidzisa vaIsraeri kuitira mutsa vanhu vaibva kune dzimwe nyika. Ndosaka Bhoazi tateguru waJesu, paakaona chirikadzi yaishaya chokubata yaibva kune imwe nyika ichiunganidza zvisaririra zvokukohwa, akaita zvaienderana nezvaakanga adzidziswa naMwari paakaudza vashandi vake kuti vasiye zvakawanda kuti chirikadzi iunganidze.—Rute 2:1, 10, 16.

Jesu Anodzidzisa Kuva Nomutsa

Jesu akapakura ruzivo rwaMwari kupfuura chero munhu upi. Akadzidzisa vateveri vake kuva nomutsa kuvanhu vaisava vorudzi rwavo. Akatotanga kutaura nomukadzi wechiSamariya. VaSamariya vaiva rudzi rwaitarisirwa pasi nevaJudha vakawanda, saka zvakashamisa mukadzi wacho. Pavaikurukura, Jesu akabatsira mukadzi wacho kuti anzwisise kuti aizowana sei upenyu husingaperi.—Johani 4:7-14.

Jesu akatidzidzisawo kuti tinofanira kuona sei vanhu vemamwe marudzi paakataura mufananidzo womuSamariya aigona kugarisana nevamwe. Murume uyu akaona muJudha akanga arohwa nematsotsi akangoti rabada. MuSamariya wacho angadai akangoti: ‘Ndozvinetserei hangu kubatsira muJudha? VaJudha vanotizvidza.’ Asi Jesu akaratidza kuti muSamariya uyu aisaona vatorwa saizvozvo. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vakanga vapfuura napo vachiona murume akanga akakuvara, muSamariya “akasiririswa” uye akamubatsira zvikuru. Jesu akagumisa mufananidzo wacho achitaura kuti munhu wose anoda kudiwa naMwari anofanira kuita sezvakaitwa nomuSamariya uyu.—Ruka 10:30-37.

Muapostora Pauro akadzidzisa avo vanoda kufadza Mwari kuti vachinje unhu hwavo uye kuti vatevedzere Mwari kubata kwaanoita vanhu. Pauro akanyora kuti: “Pfekenurai unhu hwekare nemabasa ahwo, mupfeke unhu hutsva, huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika pachishandiswa zivo yakarurama, pane izvi hapana muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, munhu wokune imwe nyika, muSitiya . . . Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:9-14.

Kuziva Mwari Kunochinja Vanhu Here?

Kuziva Jehovha Mwari kunoita kuti vanhu vachinje maonero avanoita vanhu vorumwe rudzi here? Funga zvakaitika kune mumwe mukadzi aibva kuAsia akatamira kuCanada uyo akagumburwa nokusarurwa. Akasangana neZvapupu zvaJehovha uye zvakatanga kumudzidzisa Bhaibheri. Akazonyora tsamba yokutenda achiti: ‘Muri varungu vakandibata zvakanaka. Pandakaona kuti maiva makasiyana nevamwe varungu, zvakandinetsa kuti nemhaka yei? Ndakati dhuu kufunga ndichibva ndagumisa kuti maiva Zvapupu zvaMwari. MuBhaibheri munofanira kuva nezvimwe zvinhu. Pamisangano yenyu ndakaona vanhu vatema, varungu nevamwewo vaiva nemwoyo mumwe chete—usiri mutsvuku kana mutema—nokuti vaiva hanzvadzi nehanzvadzi uye vakoma nevanin’ina. Iye zvino ndava kuziva akaita kuti vave vakanaka kudaro. NdiMwari wenyu.’

Shoko raMwari rinofanotaura nezveramangwana apo “nyika ichazara nokuziva Jehovha.” (Isaya 11:9) Kunyange iye zvino, zvakaprofitwa muBhaibheri zviri kuitika zvokuti boka guru revanhu vanosvika mamiriyoni vanobva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” vari kubatanidzwa mukunamata kwechokwadi. (Zvakazarurwa 7:9) Vanotarisira kuti nokukurumidza munyika itsva ruvengo ruchatsiviwa norudo kuti chinangwa chaMwari chizadzike chaakaudza Abrahamu achiti: “Mhuri dzose dzepanyika dzichakomborerwa.”—Mabasa 3:25.

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Mutemo waMwari wakadzidzisa vaIsraeri kuda mutorwa

[Mufananidzo uri papeji 5]

Chii chatingadzidza mumufananidzo womuSamariya aigarisana nevamwe?

[Mifananidzo iri papeji 6]

Mwari haana dzinza raakati iri ndiro rinofanira kuva pamusoro pemamwe