Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzo yeBhaibheri Inoita Kuti Vave Nokutenda

Dzidzo yeBhaibheri Inoita Kuti Vave Nokutenda

Dzidzo yeBhaibheri Inoita Kuti Vave Nokutenda

MUMWE aimiririra kirasi yechi122 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi musi wavakapedza kudzidza akati: “Yave iri ropafadzo inokosha zvikuru kupedza mwedzi mishanu yapfuura tichidzidza pfungwa dzoMusiki wedu uye kudzidza kuona zvinhu semaonero aanozviita!” Musi waMarch 10, 2007, uchayeukwa kwenguva refu nevanhu 56 vaiva mukirasi yacho, vakanga vava kuzotanga basa ravo roumishinari munyika 26 dzavakanzi vanoshandira.

Pashure pokugamuchira noushamwari vateereri 6 205, Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora, akati: “Tinovimba kuti muchasimbiswa pakunamata uye kuti muchavakwa kutenda kwenyu pashure pokupinda purogiramu iyi yokupedza kudzidza.” Akasuma zvaitevedzana vakurukuri vana vaizokurudzira vadzidzi uye kuvapa mazano omuBhaibheri akakodzera nguva kuti avabatsire kubudirira mubasa ravo roumishinari.

Mashoko Okuvakurudzira Kuita Kuti Vamwe Vave Nokutenda

Leon Weaver, nhengo yeDare reBazi rokuUnited States, akataura musoro waiti “Rambai Muchiita Zvakanaka.” Akayeuchidza vadzidzi kuti mumwe nomumwe wavo akanga apedza avhareji yemakore 13 ari mubasa renguva yakazara, achiita kuti dzidzo yeBhaibheri inoita kuti vave nokutenda ifambire mberi. Akati: “Ibasa rakanaka nokuti rinoponesa upenyu hwevanhu, uye zvinotokosha zvikuru, ibasa rakanaka nokuti rinokudza Baba vedu vokudenga, Jehovha.” Hama Weaver vakabva vakurudzira vadzidzi kuti varambe vachi“dyara nokuda kwomudzimu” uye va“sarega kuita zvakanaka.”—VaGaratiya 6:8, 9.

David Splane, nhengo yeDare Rinodzora, akataura zviyeuchidzo zvinobatsira sezvaakakurukura musoro waiti “Tungamidza Gumbo Rako Rakanaka,” zvaireva kuti, Iva nechokwadi chokuti waita zvose zvakanaka zvaunokwanisa. Hama Splane vakakurudzira mamishinari matsva kuti atange basa rawo zvakanaka nokuita zvinotevera: “Ramba uine maonero akanaka. Usangokurumidza kumhanyira zvinhu. Nyemwerera. Usangotsoropodza-tsoropodza. Zvininipise, uye remekedza hama dzokunyika yauri kuenda.” Akabva awedzera kuti: “Paunoburuka mundege, tungamidza gumbo rako rakanaka, uye Jehovha ngaakomborere makumbo ako akanaka sezvaanoendesa ‘mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani’ kumarudzi.”—Isaya 52:7.

Murayiridzi weGiriyedhi Lawrence Bowen akakurukura musoro waiti “Nhaka Yechokwadi.” Hama Bowen vakayeuchidza vadzidzi kuti kutangwa kwakaitwa Chikoro cheGiriyedhi panguva yeHondo Yenyika II kwaibva pakuvimba zvizere nokuzadzika kweShoko raJehovha rouprofita. (VaHebheru 11:1; Zvakazarurwa 17:8) Kubvira panguva iyoyo, chikoro cheGiriyedhi chakapa vadzidzi mukana wokusimbisa kutenda kwavo. Kutenda kwakasimba kunokurudzira vadzidzi kuti vaenderere, vachishingaira kuzivisa chokwadi.

Mark Noumair, mumwe murayiridzi weGiriyedhi, akataura musoro unonakidza waiti “Unondiyeuchidza Mumwe Munhu.” Akataura nezvomuenzaniso womuprofita Erisha, akaratidza kutenda uye ushingi mubasa rake. Vachitaura mashoko ari pana 1 Madzimambo 19:21, Hama Noumair vakati: “Erisha akabvuma kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwake, kuisa zvaaida pechipiri, uye kutsigira chinangwa chaJehovha.” Akarumbidza vadzidzi kuti vainge vaitawo izvozvo uye akavakurudzira kuti varambe vachidaro mubasa ravo idzva.

Kutenda Kunoita Kuti Munhu Ave Norusununguko Rwokutaura

Ava vaizova mamishinari pavakanga vari kuita kuti kutenda kwavo kusimbe panguva yaiitwa chikoro chacho, vakashandisawo kupera kwevhiki kuti vaparidze mashoko akanaka kune vamwe. Izvi zvakaguma nezvakaitika zvakanaka zvakarondedzerwa zvikaedzeserwa muhurukuro yepurogiramu yakakurukurwa naWallace Liverance, mumwe murayiridzi weGiriyedhi. Musoro wehurukuro yake waiti, “Tine Kutenda, Naizvozvo Tinotaura,” wakavayeuchidza mashoko omuapostora Pauro ari pana 2 VaKorinde 4:13.

Pashure pehurukuro iyi, Daniel Barnes naCharles Woody, nhengo dzemhuri yeBheteri, dzakabvunza vamwe vaimbova mamishinari nevachiri mamishinari. Ava vakataura kuti Jehovha anotarisira uye kuti anokomborera vaya vanomushumira vakatendeka. (Zvirevo 10:22; 1 Petro 5:7) Mumwe mumishinari akati: “Ini nomudzimai wangu takawana dzidzo yokuGiriyedhi yakatibatsira kunyatsoona kutarisira kunoita Jehovha. Yakanyatsoita kuti tive nokutenda. Kutenda kunokosha nokuti vashumiri vaMwari vose, kusanganisira mamishinari, vachava nemiedzo, zvinetso, uye vachazvidya mwoyo.”

Rambai Muchitsigira Dzidzo yeBhaibheri Inoita Kuti Muve Nokutenda

Achipedzisa zvakakodzera purogiramu yacho yokupedza kudzidza, Samuel Herd, nhengo yeDare Rinodzora, akakurukura nevateereri musoro waiti “Ramba Uchivaka Hama Dzako.” Chinangwa chedzidzo yakanga yawanwa nevadzidzi chaiva chei? “Chinangwa chayo chave chiri chokukudzidzisai kushandisa rurimi rwenyu kurumbidza Jehovha, kudzidzisa vamwe chokwadi chake mundima yenyu yamuchangobva kupiwa, uye kubatsirana kuti muve nokutenda,” vakadaro Hama Herd. Zvisinei, vakayeuchidza vadzidzi kuti rurimi runogonawo kutsigira zvinhu zvisingavaki. (Zvirevo 18:21; Jakobho 3:8-10) Vakakurudzira vadzidzi kuti vatevedzere muenzaniso waJesu pakushandisa kwavanoita rurimi rwavo. Pane imwe nguva, pashure pokunge vateerera Jesu, vadzidzi vake vakati: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here . . . zvaanga achitivhurira kwazvo Magwaro?” (Ruka 24:32) Hama Herd vakati: “Kana mashoko enyu achivaka, achakurudzira hama nehanzvadzi dziri mundima yenyu.”

Zvadaro, vadzidzi vakapiwa zvitupa zvavo. Tsamba yokuonga yaibva kukirasi yacho yakabva yaverengwa. Yaiti: “Tine basa rakakura rokushandisa zvatadzidza kuti tiite ushumiri hwedu semamishinari takatendeka. Sezvatiine chido chokuenda kunyika dziri kure, tinonyengetera kuti zvatinoita zvigume nokurumbidzwa kwoMurayiridzi wedu Mukuru, Jehovha Mwari.” Vateereri vacho vakaombera maoko nomwoyo wose. Kutaura chokwadi, purogiramu yokupedza kudzidza yakanga yaita kuti vose vakanga vakateerera vave nokutenda.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]

“Kana mashoko enyu achivaka, achakurudzira hama nehanzvadzi dziri mundima yenyu”

[Bhokisi riri papeji 15]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 9

Nyika dzavakatumirwa: 26

Vadzidzi vose: 56

Avhareji yezera: 33,4

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 16,8

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kirasi Yechi122 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Howitt, R; Smith, P.; Martinez, A.; Pozzobon, S.; Kitamura, Y.; Laud, C. (2) Fiedler, I.; Beasley, K.; Matkovich, C.; Bell, D.; Lippincott, W. (3) Sites, W.; Andersen, A.; Toevs. L; Fusano, G.; Rodríguez, C.; Yoo, J. (4) Sobomehin, M.; Thomas, L.; Gasson, S.; Dauba, V.; Bertaud, A.; Winn, C.; Dobrowolski, M. (5) Yoo, J.; Dauba, J.; Mixer, H.; Newton, M.; Rodríguez, F.; Mixer, N. (6) Laud, M.; Lippincott, K.; Martinez, R; Haub, A.; Schamp, R.; Pozzobon, L.; Toevs, S. (7)Howitt, S.; Kitamura, U.; Newton, D.; Haub, J.; Sites, J.; Thomas, D. (8) Sobomehin, L.; Matkovich, J.; Fusano, B.; Winn, J.; Schamp, J.; Andersen, D.; Dobrowolski, J. (9) Fiedler, P.; Bell, E.; Beasley, B.; Smith, B.; Bertaud, P.; Gasson, M.