Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Musadzorera Chakaipa Nechakaipa Kuna Ani Naani Zvake”

“Musadzorera Chakaipa Nechakaipa Kuna Ani Naani Zvake”

“Musadzorera Chakaipa Nechakaipa Kuna Ani Naani Zvake”

“Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose.”—VAROMA 12:17.

1. Itsika ipi yakajairika?

MWANA paanosundidzirwa nomutevedzani wake, kazhinji anomusundidzirawo. Zvinosuruvarisa kuti kudzorera kwakadaro hakungoitwi nevana chete. Vanhu vakuru vakawanda vanoitawo izvozvo. Pavanotadzirwa, vanoda kudzorera. Chokwadi, vanhu vakuru vakawanda havaiti zvokusundidzira chaizvo, asi vazhinji vanozviita munzira dzisiri pachena. Zvichida vanoparadzira makuhwa anokuvadza nezvomunhu akavatadzira kana kutsvaka nzira dzokumuita kuti asabudirira. Chero zvavangaita, chinangwa chacho chimwe chete, chokudzorera, chokutsiva.

2. (a) Nei vaKristu vechokwadi vachirwisa shungu dzokuda kutsiva? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi uye chitsauko chipi cheBhaibheri?

2 Kunyange zvazvo shungu dzokuda kutsiva dzakadzika midzi, vaKristu vechokwadi vanodzirwisa. Vanoedza chaizvo kutevera zano romuapostora Pauro rokuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.” (VaRoma 12:17) Chii chichatikurudzira kuti tirarame zvinoenderana nezano iroro rakanaka? Ndiani watisingafaniri kudzorera chakaipa nechakaipa? Nei zvakanaka kuti tisatsiva? Kuti tipindure mibvunzo iyoyo, ngationei zvakaita kuti Pauro anyore mashoko iwayo uye kuti chitsauko 12 chaVaRoma chinoratidza sei kuti kusatsiva kwakarurama, kunoratidza rudo, uye kunoratidza kuzvininipisa. Tichakurukura chimwe nechimwe chezvinhu zvitatu izvi.

“Naizvozvo Ndinokutetererai”

3, 4. (a) Kutanga naVaRoma chitsauko 12, Pauro anokurukurei, uye kushandisa kwaanoita shoko rokuti “naizvozvo” kunorevei? (b) Tsitsi dzaMwari dzaifanira kuita kuti vaKristu vomuRoma vanzwe sei?

3 Kutanga muchitsauko 12, Pauro anotaura zvinhu zvina zvinoenderana zvinobata-bata upenyu hwomuKristu. Anorondedzera ukama hwedu naJehovha, nevatinonamata navo, nevasingatendi, uye nemasimba ehurumende. Pauro anoratidza kuti pane chikonzero chinokosha nei tisingafaniri kuda kuita zvakaipa, zvinosanganisira shungu dzokuda kutsiva, paanoti: “Naizvozvo ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama.” (VaRoma 12:1) Tarisisa shoko rokuti “naizvozvo,” iro rinoreva kuti “nemhaka yezvichangobva kutaurwa.” Kutaura zvazviri, Pauro ari kuti, ‘Nemhaka yezvandichangobva kukutsanangurirai, ndinokukumbirai kuti muite zvandava kuzokuudzai.’ Chii chakanga chambotsanangurwa naPauro kuvaKristu ivavo vaigara muRoma?

4 Muzvitsauko 11 zvokutanga zvetsamba yake, Pauro akakurukura mukana unoshamisa waiva nevaJudha neveMamwe Marudzi wokuti vatonge pamwe chete naKristu muUmambo hwaMwari, tariro iyo vaIsraeri chaivo vakatadza kugamuchira. (VaRoma 11:13-36) Mukana unokosha iwoyo waingowanika bedzi kuburikidza “netsitsi dzaMwari.” VaKristu vanofanira kunzwa sei nezvomutsa uyu mukuru usina kukodzera kuwanwa wavakaitirwa naMwari? Mwoyo yavo inofanira kuzara nokuonga zvokuti vanokurudzirwa kuita zvinozotaurwa naPauro, zvokuti: “Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga.” (VaRoma 12:1) Zvisinei, vaKristu ivavo vaizvipa sei “sechibayiro” kuna Mwari?

5. (a) Munhu angazvipa sei “sechibayiro” kuna Mwari? (b) Chii chinofanira kubatsira muKristu pane zvaanoita?

5 Pauro anoenderera mberi achitsanangura kuti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) VaKristu ivavo vaifanira kushandurwa nokuchinja pfungwa dzavo kuti dzienderane nemafungiro aKristu, pane kubvumira kuti mafungiro enyika avatungamirire. (1 VaKorinde 2:16; VaFiripi 2:5) Izvozvo zvinofanira kubatsira vaKristu vose vechokwadi pane zvavanoita zuva roga roga, kusanganisira isu vemazuva ano.

6. Tichifunga nezvepfungwa dzaPauro dziri pana VaRoma 12:1, 2, chii chinoita kuti tisatsiva?

6 Pfungwa dzaPauro dziri pana VaRoma 12:1, 2 dzinotibatsira sei? Kufanana nevaKristu vaya vakazodzwa nomudzimu vaiva muRoma, tinoonga chaizvo tsitsi dzaMwari dzaanoramba achitiratidza munzira dzakasiyana-siyana zuva roga roga roupenyu hwedu. Naizvozvo, mwoyo wakazara nokuonga unoita kuti tishumire Mwari nesimba redu rose, zvatinazvo zvose, uye mano edu. Chido ichocho chinobva pamwoyo chinoita kuti tiite zvatinokwanisa zvose kuti tifunge saKristu, kwete kufunga senyika. Kuva nepfungwa dzaKristu kune zvakunoita pakugarisana kwedu nevamwe—vatinonamata navo nevasingatendi. (VaGaratiya 5:25) Somuenzaniso, kana tichifunga saKristu, tinonzwa tichida kurwisa shungu dzokuda kutsiva.—1 Petro 2:21-23.

“Rudo Rwenyu Ngarurege Kuva Nounyengeri”

7. Rudo rworudzii runokurukurwa muna VaRoma chitsauko 12?

7 Hatidzoreri chakaipa nechakaipa kwete bedzi nokuti ndizvo zvakarurama asiwo nokuti zvinoratidza rudo. Tarisa kuti muapostora Pauro anozokurukura sei chinangwa chokuratidza rudo. Mubhuku reVaRoma, Pauro anoshandisa shoko rokuti “rudo” (a·gaʹpe muchiGiriki) kakawanda paanotaura nezvorudo rwaMwari norwaKristu. (VaRoma 5:5, 8; 8:35, 39) Zvisinei, muchitsauko 12, Pauro anoshandisa shoko rokuti a·gaʹpe munzira yakasiyana—achitaura nezvorudo runoratidzwa vamwe vanhu. Ataura kuti zvipo zvomudzimu zvinosiyana uye kuti vamwe vatendi vanazvo, Pauro anotaura unhu uhwo vaKristu vose vaifanira kuedza kuva nahwo. Anoti: “Rudo rwenyu ngarurege kuva nounyengeri.” (VaRoma 12:4-9) Kuda vamwe ndicho chiratidzo chikuru chevaKristu vechokwadi. (Mako 12:28-31) Pauro anorayira kuti sevaKristu tive nechokwadi chokuti tinoda vamwe nomwoyo wose.

8. Tinogona sei kuratidza rudo rusina unyengeri?

8 Uyezve, Pauro anotaura kuti rudo rusina unyengeri runoratidzwa sei, achiti: “Semai zvakaipa, namatirai kune zvakanaka.” (VaRoma 12:9) “Semai” uye “namatirai” mashoko akasimba. “Semai” ringashandurwa kuti “vengai zvakanyanyisa.” Hatifaniri kungovenga migumisiro yezvakaipa asiwo zvakaipa zvacho. (Pisarema 97:10) Shoko rokuti “namatirai” rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rechiito chinoreva kuti “namatidza.” MuKristu ane rudo rwomwoyo wose akanamatira zvakasimba, kana kuti akabatirira, kuunhu hwakanaka zvokuti hunenge hwatova unhu hwake.

9. Pauro anotaura ataurazve zano ripi?

9 Pauro anotaura ataurazve nzira inokosha yokuratidza nayo rudo. Anoti: “Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai; komborerai uye musatuka.” “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.” “Musatsiva, vadiwa.” “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:14, 17-19, 21) Mashoko aPauro anoratidza zviri pachena kuti tinofanira kugarisana sei nevasingatendi, kunyange vaya vanotishora.

“Rambai Muchikomborera Vaya Vanokutambudzai”

10. Inzira ipi yatingakomborera nayo vanotitambudza?

10 Tinoteerera sei zvakarayirwa naPauro zvokuti: “Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai”? (VaRoma 12:14) Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mateu 5:44; Ruka 6:27, 28) Nokudaro, imwe nzira yatinokomborera nayo vanotitambudza ndeyokuvanyengeterera, tichiteterera kuna Mwari kuti kana vamwe vachitishora nemhaka yokusaziva, Jehovha avhure maziso avo kuti vaone chokwadi. (2 VaKorinde 4:4) Chokwadi zvingaita sezvisina kujairika kukumbira Mwari kuti akomborere munhu anotitambudza. Zvisinei, pfungwa dzedu padzinonyanya kuenderana nemafungiro aKristu, tinobva takwanisa kuda vavengi vedu. (Ruka 23:34) Ndoupi ungava mugumisiro wokuratidza rudo rwakadaro?

11. (a) Muenzaniso waStefano ungatidzidzisei? (b) Sezvinoratidzwa noupenyu hwaPauro, vamwe vatambudzi vangachinja sei?

11 Stefano ndomumwe akanyengeterera vaimutambudza, uye munyengetero wake wakabatsira. Pendekosti ya33 C.E. ichangobva kuitika, Stefano akasungwa nevanhu vaishora ungano yevaKristu, akazvuzvurudzirwa kunze kweJerusarema, ndokutemwa nematombo. Asati afa, akashevedzera kuti: “Jehovha, musavapa mhosva yechivi ichi.” (Mabasa 7:58–8:1) Mumwe wevarume vakanyengetererwa naStefano zuva iroro ndiPauro, uyo akapupurira uye akabvumira kuti Stefano apondwe. Pave paya, Jesu akanga amutswa akazviratidza kuna Sauro. Munhu iyeye aimbotambudza vaKristu akava muteveri waKristu achibva azova muapostora Pauro, munyori wetsamba yeVaRoma. (Mabasa 26:12-18) Maererano nomunyengetero waStefano, zviri pachena kuti Jehovha akakanganwira Pauro chivi chokuva mutambudzi. (1 Timoti 1:12-16) Ndokusaka Pauro akarayira vaKristu kuti: “Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai”! Aiziva kubva pane zvakaitika kwaari kuti vamwe vatambudzi vangazova vashumiri vaMwari. Mazuva ano, vamwe vatambudzi vari kuvawo vatendi nokuti vashumiri vaJehovha vanogarisana nevamwe zvine runyararo.

“Ivai Norugare Nevanhu Vose”

12. Mashoko ezano raPauro riri pana VaRoma 12:9, 17 anopindirana sei?

12 Zano rinotevera raPauro rokugarisana nevanotenda uye vasingatendi ndeiri: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.” Izvozvo zvinongoitika chete kana munhu akaita zvaakambotaura, zvokuti: “Semai zvakaipa.” Chokwadi, munhu angataura sei kuti anonyatsovenga zvakaipa, kana achizotsiva vamwe nezvakaipa? Kuita kudaro kwaizova kupesana nokuva norudo rusina “unyengeri.” Pauro anozoti: “Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose.” (VaRoma 12:9, 17) Tinoita sei izvozvo?

13. Tinozvibata sei “maererano nemaonero evanhu vose”?

13 Kare paakambonyora tsamba kuvaKorinde, Pauro akataura nezvokutambudzwa kwaiitwa vaapostora. Akati: “Tava chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kunyika, nokungirozi, nokuvanhu. . . . Patinenge tichitukwa, tinokomborera; patinenge tichitambudzwa, tinotsungirira; patinenge tichireverwa zvakaipa, tinoteterera.” (1 VaKorinde 4:9-13) Saizvozvowo, vaKristu vechokwadi mazuva ano vari kutariswa nenyika yose. Kana vanhu vakatipoteredza vachiona zvinhu zvakanaka zvatinoita kunyange kana tichibatirwa, vangada zvikuru kuteerera shoko redu ratinoparidza sevaKristu.—1 Petro 2:12.

14. Tinofanira kusvika papi pakuita kuti pave norunyararo?

14 Zvisinei, tinofanira kusvika papi pakuita kuti pave norunyararo? Tinofanira kuita nepatinogona napo. Pauro anoudza hama dzake dzechiKristu kuti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.” (VaRoma 12:18) Mashoko okuti “kana zvichibvira” neokuti “nepamunogona napo” anoratidza kuti kugarisana nevamwe murunyararo kungasakwanisika nguva dzose. Somuenzaniso, hatizoregi kuteerera murayiro waMwari tichingoitira kuti tirambe tichigarisana nevanhu murunyararo. (Mateu 10:34-36; VaHebheru 12:14) Kunyange zvakadaro, tinoita zvose zvatinokwanisa—tisingatyori mitemo yakarurama—kuti tigarisane “nevanhu vose” murunyararo.

“Musatsiva”

15. Pana VaRoma 12:19 pane chikonzero chipi chokuti tirege kutsiva?

15 Pauro anopa chimwe chikonzero chine simba nei tisingafaniri kutsiva; kuita izvozvo kuzvininipisa. Anoti: “Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” (VaRoma 12:19) MuKristu anoedza kutsiva anenge achizvikudza. Anotora chinzvimbo chaMwari. (Mateu 7:1) Uyezve, paanotsiva, anoratidza kuti haatendi vimbiso yaJehovha yokuti: “Ndichatsividza.” Kusiyana naizvozvo, vaKristu vechokwadi vanovimba kuti Jehovha achaita kuti “vakasarudzwa vake . . . varuramisirwe.” (Ruka 18:7, 8; 2 VaTesaronika 1:6-8) Vachizvininipisa vanosiyira kutsiva mumaoko aMwari.—Jeremiya 30:23, 24; VaRoma 1:18.

16, 17. (a) Zvinorevei ku“tutira marasha anopisa” pamusoro womumwe munhu? (b) Wakamboona here kuti mabasa omutsa akapfavisa sei mwoyo womunhu asingatendi? Kana zvakadaro, taura muenzaniso.

16 Kutsiva munhu anotivenga kungangoomesa mwoyo wake, asi kumuitira mutsa kungaupfavisa. Nei? Tarisa mashoko aPauro aakanyorera vaKristu vokuRoma. Anoti: “Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe; nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.” (VaRoma 12:20; Zvirevo 25:21, 22) Izvi zvinorevei?

17 Ku“tutira marasha anopisa pamusoro wake” idimikira rakabva mukugadzirwa kwaiitwa simbi munguva dzakanyorwa Bhaibheri. Matombo aiiswa mubhayera, marasha otutirwa kwete bedzi nechepasi pematombo asiwo nechepamusoro pawo. Marasha anopisa aitutirwa pamusoro aiwedzera kupisa kwacho zvokuti simbi yakaoma yainyunguduka yoparadzaniswa nezvimwe zvisina basa zvinenge zviri mumatombo acho. Saizvozvowo, kana tikaita mabasa omutsa kune munhu anoshora, tinga“nyungudutsa” kuoma kwaakaita tobudisa unhu hwake hwakanaka. (2 Madzimambo 6:14-23) Kutaura zvazviri, vanhu vakawanda vari muungano yevaKristu vakatanga kufarira kunamata kwechokwadi nemhaka yezviito zvomutsa zvavakaitirwa nevashumiri vaJehovha.

Zvinoita Kuti Tisatsiva

18. Nei kusatsiva kwakarurama, kuri kuratidza rudo, uye kuri kuzvininipisa?

18 Pakuongorora kupfupi kwataita VaRoma chitsauko 12, tawana zvikonzero zvinokosha zvakawanda zvinoita kuti tisa“dzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.” Chokutanga, kurega kutsiva kwakarurama. Tichifunga nezvomutsa watakaratidzwa naMwari, zvakarurama uye zvine musoro kuti tizvipe kuna Jehovha tichiteerera mitemo yake nokuzvidira—kusanganisira mutemo wokuti tide vavengi vedu. Chechipiri, kuramba kudzorera chakaipa nechakaipa kunoratidza rudo. Kana tikasatsiva tichiita kuti pave norunyararo, tinotarisira kuti tichanyatsobatsira kunyange vamwe vashori vanotyisa kuti vanamate Jehovha. Chechitatu, kusadzorera chakaipa nechakaipa kunoratidza kuzvininipisa. Kana tikatsiva tinenge tazvikudza, nokuti Jehovha anoti: “Kutsiva ndokwangu.” Shoko raMwari rinoyambirawo kuti: “Kuzvikudza kwavapo here? Ruzvidzo ruchabva rwavapowo; asi vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvi 11:2) Kuchenjera kusiyira kutsiva mumaoko aMwari uye zvinoratidza kuti tinozvininipisa.

19. Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Pauro anopedzisa nyaya yake yokuti tingagarisana sei nevamwe. Anorayira vaKristu kuti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaR 12:21) Masimba api akaipa atiri kurwisana nawo mazuva ano? Tingaakurira sei? Mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe inoenderana nayo dzichakurukurwa munyaya inotevera.

Ungatsanangura Here?

• Mutsamba yokuVaRoma chitsauko 12, izano ripi rinotaurwa rataurwazve?

• Chii chichatikurudzira kuti tisatsiva?

• Isu nevamwe tichawana zvinhu zvipi zvakanaka kana tika“sadzorera chakaipa nechakaipa”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 22]

VaRoma chitsauko 12 chinotsanangura ukama hwomuKristu

• naJehovha

• nevaanonamata navo

• nevasingatendi

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tsamba yaPauro kuVaRoma inopa vaKristu mazano avanokwanisa kunyatsoshandisa

[Mufananidzo uri papeji 25]

Chii chatinodzidza mumuenzaniso womudzidzi Stefano?