Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEzekieri—I

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEzekieri—I

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEzekieri—I

IGORE ra613 B.C.E. Muprofita Jeremiya ari muJudha, achizivisa asingatyi kuparadzwa kweJerusarema uye kuitwa dongo kwenyika yeJudha kwava pedyo. Mambo Nebhukadhinezari wokuBhabhironi atotapa vaJudha vakawanda. Vamwe vatapwa ndiDhanieri muduku neshamwari dzake nhatu, dziri kushanda mumuzinda wevaKadheya. Nhapwa zhinji dzechiJudha dziri pedyo norwizi rwaKebhari “munyika yevaKadheya.” (Ezekieri 1:1-3) Jehovha haasiyi nhapwa idzodzo dzisina mutumwa. Anogadza Ezekieri ane makore 30 kuti ave muprofita.

Bhuku raEzekieri rakapera kunyorwa muna 591 B.C.E. uye rinotaura zvakaitika mumakore 22. Ezekieri anodonongodza pane zvaanonyora. Anonyora misi yaanoprofita, achitotaura zuva nomwedzi pamwe chete negore racho. Chikamu chokutanga cheshoko raEzekieri chinonyanya kutaura nezvokuwa uye kuparadzwa kweJerusarema. Chikamu chechipiri chine mashoko aMwari okutonga marudzi akapoteredza, uye chikamu chokupedzisira chinotaura nezvokuti kunamata Jehovha kwaizotangazve. Nyaya ino inokurukura pfungwa huru dzatinowana muna Ezekieri 1:1–24:27, ichitaura nezvezvakaratidzwa, uprofita, uye kuedzesera kukombwa kwaizoitwa Jerusarema.

“NDAKAKUGADZA KUTI UVE MURINDI”

(Ezekieri 1:1–19:14)

Aratidzwa chigaro choumambo chaJehovha nenzira inoshamisa, Ezekieri anoudzwa zvaanofanira kuita. “Ndakakugadza kuti uve murindi weimba yaIsraeri,” Jehovha anomuudza kudaro, “unofanira kunzwa mashoko anobva mumuromo mangu uye unofanira kuvanyevera zvinobva kwandiri.” (Ezekieri 3:17) Kuti aprofite kukombwa kweJerusarema uye zvichaitika kwariri, Ezekieri anorayirwa kuti aedzesere zviitiko zviviri zvichaitika. Achitaura nezvenyika yeJudha, Jehovha anotaura achishandisa Ezekieri kuti: “Tarirai! ndiri kuunza bakatwa pamuri, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.” (Ezekieri 6:3) Kuvagari vomunyika yacho, anoti: “Chiremba [chedambudziko] chichauya kwauri.”—Ezekieri 7:7.

Muna 612 B.C.E., pane zvaanoratidzwa Ezekieri anoendeswa kuJerusarema. Anoona zvinhu zvinosemesa zvikuru zvichiitika mutemberi yaMwari! Jehovha paanotuma mauto ake okudenga anoparadza (anomiririrwa “nevarume vatanhatu”) kuti aratidze vakaramba kutenda kuti atsamwa, vaya chete vakaiswa “chiratidzo pahuma” ndivo vachaponeswa. (Ezekieri 9:2-6) Zvisinei, kutanga, “mazimbe omoto,” kureva mashoko aMwari okuparadza anotyisa, anofanira kumwayiwa pamusoro peguta racho. (Ezekieri 10:2) Kunyange zvazvo ‘Jehovha achaunza nzira yevakaipa pamisoro yavo,’ anovimbisa kuunganidzazve vakaparadzirwa vaIsraeri.—Ezekieri 11:17-21.

Mudzimu waMwari unodzosa Ezekieri kuKadheya. Anoedzesera kutiza kwaizoita Mambo Zedhekia nevanhu vachibva kuJerusarema. Vaprofita nevaprofitakadzi venhema vanoshorwa. Vanonamata zvidhori vanorambwa. Judha inofananidzwa nomuzambiringa usingabatsiri. Chirahwe chomuzambiringa wegondo chinoratidza migumisiro inorwadza yokukumbira rubatsiro kuIjipiti kunoitwa neJerusarema. Chirahwe chacho chinoguma nevimbiso yokuti ‘Jehovha achasima davi nyoro pamusoro pegomo refu.’ (Ezekieri 17:22) Zvisinei, kuJudha hakuzovi “netsvimbo yokutonga nayo.”—Ezekieri 19:14.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:4-28—Ngoro yokudenga inofananidzirei? Ngoro yacho inomiririra chikamu chokudenga chesangano raJehovha chinoumbwa nezvisikwa zvomudzimu zvakatendeka. Mudzimu mutsvene waJehovha ndiwo unoipa simba. Mutyairi wengoro yacho, anomiririra Jehovha, anokudzwa zvisingatsananguriki. Kudzikama kwake kunoenzanisirwa nomuraraungu wakanaka.

1:5-11—Zvisikwa zvina zvipenyu ndivanaani? Mune zvaakaratidzwa nezvengoro kechipiri, Ezekieri anoti zvisikwa zvina zvipenyu makerubhi. (Ezekieri 10:1-11; 11:22) Pane zvaanozotsanangura pave paya, anoti chiso chenzombe “chiso chekerubhi.” (Ezekieri 10:14) Izvi zvakakodzera nokuti nzombe chiratidzo chesimba, uye makerubhi zvisikwa zvomudzimu zvine simba.

2:6—Nei Ezekieri achitaurwa ataurwazve so“mwanakomana womunhu”? Jehovha anotaura naEzekieri nenzira iyi kuti ayeuchidze muprofita wacho kuti iye munhu wenyama neropa. Izvozvo zvinoratidza kusiyana kukuru kuri pakati pomutumwa ari munhu naMwari anova ndiye Muvambi weshoko racho. Mashoko iwayo anoshandiswawo achireva Jesu Kristu kanenge ka80 mumabhuku eEvhangeri, zvichiratidza pachena kuti Mwanakomana waMwari akanga auya somunhu, kwete somunhu womudzimu.

2:9–3:3—Nei mupumburu wenziyo dzemariro newokuchema waitapira kuna Ezekieri? Zvakaita kuti mupumburu wacho utapire kuna Ezekieri maonero aaiita basa rake. Ezekieri aifarira kushumira Jehovha somuprofita.

4:1-17—Ezekieri akanyatsoedzesera chiitiko chairatidza kukombwa kwaizoitwa Jerusarema here? Kukumbira kwakaita Ezekieri kuti achinjirwe zvokubikisa uye kubvumidzwa kwaakaitwa naJehovha kuti achinje kunoratidza kuti zvechokwadi muprofita wacho akanyatsoedzesera zvaizoitika. Kurara norutivi rworuboshwe kwaiitirwa makore 390 okukanganisa kwoumambo hwendudzi gumi—kubvira pakutanga kwahwo muna 997 B.C.E. kusvikira pakuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. Kurara norutivi rworudyi kwaiitirwa makore 40 echivi chaJudha, anotangira panguva yokugadzwa kwaJeremiya somuprofita muna 647 B.C.E. kusvikira muna 607 B.C.E. Mumazuva iwayo 430, Ezekieri airarama nezvokudya zvishomanana nemvura shomanana, zvichizadzika uprofita hwairatidza kuti kwaizova nenzara munguva yokukombwa kweJerusarema.

5:1-3—Kutora kwaEzekieri bvudzi shomanana pachikamu chaaifanira kuparadzira kumhepo uye kuriputira kunoperera nguo yake kwairevei? Izvi zvairatidza kuti pane vaizosara vodzokera kuJudha kunotanga kunamata kwechokwadi pashure pokuva dongo kwemakore 70.—Ezekieri 11:17-20.

17:1-24—Makondo makuru maviri ndivanaani, nhungirwa duku dzomusidhari dzinotanhwa sei, uye “davi nyoro” rinosimwa naJehovha ndiani? Makondo maviri anomiririra vatongi veBhabhironi neIjipiti. Gondo rokutanga rinouya panhengenya yomusidhari, kureva kuti kumutongi wehurumende mudzinza roumambo raDhavhidhi. Gondo iri rinotanha kamusoro kenhungirwa duku nokutsiva Mambo Jehoyakini weJudha naZedhekiya. Pasinei nokuti akanga apika mhiko yokuvimbika, Zedhekiya anokumbira kubatsirwa nerimwe gondo, mutongi weIjipiti, asi hazvina zvazvinobatsira. Achava nhapwa onofira kuBhabhironi. Jehovha anotanhawo “davi nyoro,” Mambo Mesiya. Uyu anosimwa pamusoro pe“gomo refu rakakwirira,” pamusoro peGomo reZiyoni rokudenga, kwaachava “musidhari mukuru,” unokomborera zvikuru nyika yose.—Zvakazarurwa 14:1.

Zvatinodzidza:

2:6-8; 3:8, 9, 18-21. Hatifaniri kutyisidzirwa nevakaipa kana kuti kurega kuzivisa shoko raMwari, rinosanganisira kuvanyevera. Vanhu pavanoratidza kuti havakendengi kana kuti pavanotishora, tinofanira kusimba sezvakaita dhaimani. Zvisinei, tinofanira kungwarira kuti tisava vanhu vane mwoyo yakaoma, vasina tsitsi, kana kuti vane utsinye. Jesu ainzwira tsitsi vanhu vaaiparidzira, isuwo tinofanira kunzwira vamwe urombo zvoita kuti tivaparidzire.—Mateu 9:36.

3:15. Apiwa basa rake, Ezekieri akagara kuTeri-abhibhi, ‘akadumbirwa kwemazuva manomwe,’ achifungisisa mashoko aaifanira kunozivisa. Hatifaniriwo kuwana nguva yokushingaira kudzidza uye kufungisisa kuti tinzwisise chokwadi chakadzama chokunamata here?

4:1–5:4. Zvaida kuti Ezekieri azvininipise uye ashinge kuti aedzesere zviitiko zviviri izvi zvouprofita. Isuwo tinofanira kuzvininipisa uye kushinga kuita chero basa ripi zvaro ratinopiwa naMwari.

7:4, 9; 8:18; 9:5, 10. Hatifaniri kuita kuti ziso redu rinzwire tsitsi vaya vanotongwa zvakaipa naMwari kana kuti kusiririswa navo.

7:19. Jehovha paachatonga mamiriro ezvinhu epanguva ino, mari haizogoni kutibatsira zvachose.

8:5-18. Kuramba kutenda kunokanganisa ukama hwomunhu naMwari. “Munhu akatsauka anoparadza wokwake nomuromo wake.” (Zvirevo 11:9) Tinenge takachenjera kana tikasatombova nepfungwa yokuteerera vakaramba kutenda.

9:3-6. Kuiswa chiratidzo, kunoreva uchapupu hwokuti tiri vashumiri vaMwari vakazvitsaurira, vakabhabhatidzwa uye kuti tine unhu hwechiKristu, kunokosha kana tichizopukunyuka “kutambudzika kukuru.” (Mateu 24:21) VaKristu vakazodzwa, vanomiririrwa nomurume ane nyanga yeingi yomunyori, vari kutungamirira mukuita basa rokuisa chiratidzo, kureva basa rokuparidza Umambo nokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Kana tichida kuramba tiine chiratidzo chedu, tinofanira kushingaira kuvabatsira mubasa iri.

12:26-28. Kunyange kune vaya vaishora mashoko ake, Ezekieri aifanira kuvaudza kuti: “Mashoko a[Jehovha] ose haazosundirwi mberi zvakare.” Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tibatsire vamwe kuti vavimbe naJehovha asati agumisa mamiriro ezvinhu epanguva ino.

14:12-23. Kuwana ruponeso chinhu chatinofanira kuzviitira somunhu mumwe nomumwe. Hapana angatiitira izvozvo.—VaRoma 14:12.

18:1-29. Tinozvidavirira pane zvose zvatinoita.

“DONGO, DONGO, NDICHARIITA DONGO”

(Ezekieri 20:1–24:27)

Mugore rechinomwe rokutapwa, muna 611 B.C.E., vakwegura vevaIsraeri vanouya kuna Ezekieri “kuti vazobvunza Jehovha.” Vanonzwa nhoroondo refu yokupanduka kwevaIsraeri uye nyevero yokuti ‘Jehovha achavabudisira bakatwa rake.’ (Ezekieri 20:1; 21:3) Achitaura nomuchinda wevaIsraeri (Zedhekiya), Jehovha anoti: “Bvisa ngowani, ubvise korona. Izvi hazvingarambi zvakadaro. Kwidziridza chakaderera, uderedze chakakwirira. Dongo, dongo, ndichariita dongo. Kana zviri izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo [Jesu Kristu] asvika, uye ndichamupa izvozvo.”—Ezekieri 21:26, 27.

Jerusarema rinotongerwa zvakaipa. Mhosva yaOhora (Israeri) neyaOhoribha (Judha) yafumurwa. Ohora atoiswa “mumaoko evaya vaimuda kwazvo, mumaoko evanakomana vokuAsiriya.” (Ezekieri 23:9) Kuparadzwa kwaOhoribha kwava pedyo zvikuru. Muna 609 B.C.E., kukombwa kweJerusarema kwemwedzi 18 kunotanga. Guta parinozowa pakupedzisira, vaJudha vachange vanyanya kudumbirwa zvokuti havazokwanisi kuchema. Ezekieri haafaniri kutaura shoko raMwari kunhapwa kusvikira awana mashoko okuparadzwa kweguta racho kubva ku“munhu anopukunyuka.”—Ezekieri 24:26, 27.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

21:3—“Bakatwa” rinobudiswa naJehovha mumuhara maro chii? “Bakatwa” rinoshandiswa naJehovha kutonga Jerusarema neJudha ndiMambo Nebhukadhinezari wokuBhabhironi neuto rake. Ringasanganisirawo chikamu chokudenga chesangano raMwari rinoumbwa nezvisikwa zvomudzimu zvine simba.

24:6-14—Ngura iri mugate inomiririrei? Jerusarema rakakombwa rinofananidzwa negate. Ngura yaro inomiririra tsvina yetsika dzeguta racho—kusachena, kusazvibata, uye kuteura ropa kwarakakonzera. Kusachena kwaro kwakakura zvokuti kunyange kugadza gate racho pamazimbe uye kuriita kuti ripise zvikuru hakubvisi ngura yacho.

Zvatinodzidza:

20:1, 49. Zvinoitwa nevarume vakuru vaIsraeri zvinoratidza kuti vakanga vasina chokwadi nezvakanga zvataurwa naEzekieri. Ngatisamboratidza kuti hatina chokwadi nenyevero dzaMwari.

21:18-22. Kunyange zvazvo Nebhukadhinezari aiita zvokushopera, Jehovha ndiye akava nechokwadi chokuti mutongi wacho akanga asingadi Mwari aizorwisa Jerusarema. Izvi zvinoratidza kuti kunyange madhimoni haagoni kumisa mauto aJehovha okuparadza pakuita chinangwa chake.

22:6-16. Jehovha anosemeswa nokuchera vamwe, kusazvibata, kushandisa simba zvisina kufanira, uye kugamuchira chiokomuhomwe. Tinofanira kutsunga kurega zvinhu zvakaipa zvakadaro.

23:5-49. Kuita mubatanidzwa wezvematongerwo enyika kwakaita kuti vaIsraeri nevaJudha vatangewo kunamata zvenhema sezvaiita vamwe vakanga vakabatana navo. Ngatisambobatana nenyika, izvo zvingaparadza kutenda kwedu.—Jakobho 4:4.

Shoko Benyu Uye Rine Simba

Zvidzidzo zvakanaka zvikuru zvatinodzidza muzvitsauko 24 zvokutanga zvebhuku reBhaibheri raEzekieri! Pfungwa dzakanyorwa imomo dzinoratidza kuti zvii zvinoita kuti tisafarirwa naMwari, kuti tinganzwirwa sei ngoni naMwari, uye kuti nei tichifanira kunyevera vakaipa. Uprofita hune chokuita nokuparadzwa kweJerusarema hunoratidza zvakajeka kuti Jehovha ndiMwari ‘anoita kuti vanhu vake vazive zvinhu zvitsva zvisati zvatanga kuitika.’—Isaya 42:9.

Uprofita hwakadai sohwakanyorwa pana Ezekieri 17:22-24 uye 21:26, 27 hwakaratidza kugadzwa kwoUmambo hwaMesiya kudenga. Munguva pfupi iri kuuya, kutonga ikoko kuchaguma nokuitwa kwokuda kwaMwari panyika. (Mateu 6:9, 10) Tinogona kutarisira zvikomborero zvoUmambo nokutenda kwakasimba nechivimbo. Chokwadi, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ngoro yokudenga inofananidzirei?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kushingaira mubasa rokuparidza kunotibatsira kuramba tiine “chiratidzo” chedu