Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ramba Uchikunda Zvakaipa Nezvakanaka”

“Ramba Uchikunda Zvakaipa Nezvakanaka”

“Ramba Uchikunda Zvakaipa Nezvakanaka”

“Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VAROMA 12:21.

1. Nei tingava nechokwadi chokuti tinogona kukunda zvakaipa?

ZVINOITA here kuti timire takasimba tichirwisana neavo vanoshora zvakasimba kunamata kwechokwadi? Zvinoita here kuti tikurire masimba anoedza kutidzosera kunyika isingadi Mwari? Mhinduro yemibvunzo yose iri miviri ndeyokuti hungu! Nei tichidaro? Nemhaka yezvinotaurwa nomuapostora Pauro mutsamba yake yokuVaRoma. Anonyora kuti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:21) Kana tichivimba naJehovha uye takatsunga kuti nyika ino haizotikundi, zvakaipa zvayo hazvizotikuriri. Uyezve, mashoko okuti “ramba uchikunda zvakaipa” anoratidza kuti tinogona kukurira zvakaipa kana tikaramba tichirwisana nazvo mukunamata kwedu. Vaya vanokanda mapfumo pasi ndivo chete vachakurirwa nenyika ino yakaipa uye nomutongi wayo, Satani Dhiyabhorosi.—1 Johani 5:19.

2. Tichakurukurirei zvimwe zvakaitika muupenyu hwaNehemiya?

2 Makore anenge 500 Pauro asati ararama, mumwe mushumiri waMwari aigara muJerusarema akaratidza kuti mashoko aPauro okurwisana nezvakaipa ndeechokwadi. Munhu waMwari iyeye, Nehemiya, haana kungokurira kushorwa kwaaiitwa nevanhu vaisada Mwari asi akakundawo zvakaipa nezvakanaka. Matambudziko api aakasangana nawo? Chii chakaita kuti abudirire? Tingatevedzera sei zvaakaita? Kuti tipindure mibvunzo iyoyo, ngatikurukurei zvimwe zvakaitika muupenyu hwaNehemiya. *

3. Nehemiya akararama mumamiriro ezvinhu akaita sei, uye ibasa ripi rakaoma raakaita?

3 Nehemiya aishanda paimba yaMambo Atashasta wokuPezhiya. Kunyange zvazvo Nehemiya aigara nevanhu vakanga vasingatendi, haana “kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu” emazuva iwayo. (VaRoma 12:2) Basa parakamuka kuJudha, akazvipira kusiya upenyu hwakanaka ndokufamba rwendo rurefu rwakaoma kuenda kuJerusarema, achibva atanga basa guru rokuvaka rusvingo rweguta. (VaRoma 12:1) Kunyange zvazvo Nehemiya akanga ari gavhuna weJerusarema, zuva nezuva aishanda pamwe chete nevamwe vaIsraeri “kubvira pakutsvuka kwoutonga kusvikira nyeredzi dzabuda.” Somugumisiro, mumwedzi miviri chete, basa racho rakapera! (Nehemiya 4:21; 6:15) Izvozvo zvaiomesa mate mukanwa, nokuti vaIsraeri pavaivaka, vaishorwa munzira dzakasiyana-siyana. Ndivanaani vaishora Nehemiya, uye chinangwa chavo chaiva chei?

4. Vavengi vaNehemiya vaida kuita sei?

4 Vanhu vainyanya kushora vaiva Sanibharati, Tobhiya, uye Geshemu, varume vaiva nesimba vaigara pedyo neJudha. Sezvo vaivenga vanhu vaMwari, “kwavari zvakava chinhu chakaipa kwazvo kuti [Nehemiya] akanga auya kuzotsvakira vanakomana vaIsraeri chinhu chakanaka.” (Nehemiya 2:10, 19) Vavengi vaNehemiya vakanga vakatsunga kumisa urongwa hwake hwokuvaka, kunyange kutoshandisa nzira dzakaipa kuti vadaro. Nehemiya ‘aizozvirega achikundwa nezvakaipa here?’

“Akatsamwa, Akagumbuka Kwazvo”

5, 6. (a) Vavengi vaNehemiya vakanzwa sei nezvebasa rokuvaka aiitwa? (b) Nei Nehemiya asina kutyisidzirwa nevashori?

5 Nehemiya akashinga akakurudzira vanhu vake achiti: “Ngativakeizve rusvingo rweJerusarema.” Vakapindura kuti: ‘Ngativakei.’ Nehemiya anoti: “Vakasimbisa maoko avo kuti vaite basa rakanaka” asi vashori “vakatanga kutinyomba uye kutitarira vachitizvidza vachiti: ‘Chii ichi chamuri kuita? Muri kupandukira mambo nhai?’” Nehemiya haana kutyisidzirwa nokutuka kwavo uye kupomera zvenhema. Akaudza vashori vacho kuti: “Mwari wokumatenga Ndiye achaita kuti tibudirire, uye isu, vashumiri vake, tichasimuka, uye tichavaka.” (Nehemiya 2:17-20) Nehemiya akanga akatsunga kuenderera mberi ne“basa rakanaka.”

6 Mumwe wevashori ivavo, Sanibharati, “akatsamwa, akagumbuka kwazvo” uye akawedzera kutaura magaramwoyo. Akatsvinya achiti: “VaJudha ava vasina simba vari kuitei?” “Vachafukunyura matombo mumirwi yemarara” here? Tobhiya akapindirawo kutsvinya kwacho achiti: “Kana gava rikachizendamira, chokwadi richaputsa rusvingo rwavo rwematombo.” (Nehemiya 4:1-3) Nehemiya akaita sei?

7. Nehemiya akaita sei paaipomerwa nevashori vake?

7 Nehemiya akangoisa zvimiti munzeve. Akatevedzera murayiro waMwari uye haana kuedza kutsiva. (Revhitiko 19:18) Pane kuita izvozvo, akasiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha uye akanyengetera kuti: “Inzwai, haiwa Mwari wedu, nokuti tava chinhu chinozvidzwa; uye dzorerai kuzvidza kwavo pamisoro yavo.” (Nehemiya 4:4) Nehemiya akavimba nezvakanga zvapikirwa naJehovha zvokuti: “Kutsiva ndokwangu, nokudzorera.” (Dheuteronomio 32:35) Uyezve, Nehemiya nevanhu vake ‘vakaramba vachivaka rusvingo.’ Havana kubvuma kutsauswa pabasa. Kutaura zvazviri, “rusvingo rwose rwakasvika pakubatana kusvika pahafu yokukwirira kwarwo, uye vanhu vakaramba vaine shungu dzokushanda.” (Nehemiya 4:6) Vavengi vokunamata kwechokwadi vakatadza kumisa basa rokuvaka! Tingatevedzera sei Nehemiya?

8. (a) Tingatevedzera sei Nehemiya kana vashori vakatipomera zvenhema? (b) Taura zvakaitika kwauri kana zvawakanzwa zvinoratidza kuti kusatsiva kuchenjera.

8 Mazuva ano, vashori kuchikoro, kubasa, kunyange mumhuri medu vangarutsa mashoko uye vangatipomera. Zvisinei, zvinhu zvakadaro zvenhema zvinongoda kuti tishandise zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti: ‘Pane nguva yokunyarara.’ (Muparidzi 3:1, 7) Nokudaro, kufanana naNehemiya, hatidzoreri nemagaramwoyo. (VaRoma 12:17) Tinonyengetera kuna Mwari, tichivimba naye nokuti akatipikira kuti: “Ndichatsividza.” (VaRoma 12:19; 1 Petro 2:19, 20) Tikadaro, hatipi vashori vedu mukana wokutitsausa pabasa rinofanira kuitwa mazuva ano—rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Pose patinoita basa rokuparidza tisingatsauswi nokushorwa, tinoratidza kuti takatsunga sezvaiva zvakaita Nehemiya.

‘Tichakuurayai’

9. Vavengi vaNehemiya vakamushora vachishandisa nzira dzipi, uye iye akaitei?

9 Munguva yaNehemiya vashori vokunamata kwechokwadi pavakanzwa kuti “kugadzirwa kwemasvingo eJerusarema kwakanga kwaenderera mberi,” vakatora mapakatwa avo kuti “varwe neJerusarema.” VaJudha vakapererwa. Kuchamhembe kwaiva nevaSamariya, vaAmoni kumabvazuva, vaArabhu kumaodzanyemba, uye vaAshdhodhi kumadokero. Jerusarema raiva pakati; zvaiita sokuti vavaki vakanga vava parumananzombe! Vaifanira kuitei? Nehemiya anoti: “Takanyengetera kuna Mwari wedu.” Vavengi vakavatyisidzira vachiti: “Tichavauraya tikamisa basa racho.” Nehemiya akaita kuti vavaki vaite basa rokudzivirira guta “vaine mapakatwa avo, mapfumo avo marefu nouta hwavo.” Zvechokwadi, mumaonero evanhu, vaJudha vaiva vashoma zvokuti vaisagona kurwisana nemauto aityisa evavengi, asi Nehemiya akavakurudzira achiti: “Musavatya. Yeukai Jehovha Iye mukuru neanotyisa.”—Nehemiya 4:7-9, 11, 13, 14.

10. (a) Chii chakaita kuti vavengi vaNehemiya vabve vangochinja? (b) Matanho api akatorwa naNehemiya?

10 Zvinhu zvakabva zvangochinja. Vavengi vakarega kurwisa kwacho. Nei? Nehemiya anoti: “Mwari wechokwadi akanga akanganisa zano ravo.” Zvisinei, Nehemiya akazviziva kuti vavengi ivavo vaizogona kuramba vachivatyisidzira. Nokudaro, nokuchenjera akagadzirisa mashandiro evavaki. Kubva ipapo zvichienda mberi, “mumwe nomumwe aiita basa racho noruoko rwake rumwe chete, rumwe rwacho rwakabata chombo chinoita zvokukandwa.” Nehemiya akaitawo kuti pave nomurume uyo aizo“ridza hwamanda” achinyevera vavaki kana vavengi vasvika. Chinonyanya kukosha ndechokuti Nehemiya akasimbisa vanhu achiti: “Mwari wedu achatirwira.” (Nehemiya 4:15-20) Vavaki vakaramba vachishanda, sezvo vakanga vakurudzirwa uye vagadzirira kuti vakurire kushorwa. Zvidzidzo zvipi zvatinowana munyaya iyi?

11. Chii chinoita kuti vaKristu vasakundwe nezvakaipa munyika dzakarambidzwa basa rokuparidza, uye vanokunda sei zvakaipa nezvakanaka?

11 Dzimwe nguva, vaKristu vechokwadi vanorohwa vachitokuvadzwa. Kutaura zvazviri, mune dzimwe nyika vanhu vanoitira utsinye vanamati vechokwadi vane simba zvikuru. Mumaonero evanhu, vatinonamata navo vari munyika idzodzo havagoni kurwisana navo. Zvisinei, Zvapupu izvozvo zvinovimba kuti ‘Mwari achazvirwira.’ Vaya vanotambudzirwa zvavanotenda nguva zhinji vanoona kuti Jehovha anopindura minyengetero yavo uye ‘anokanganisa zano’ revavengi vane simba. Kunyange munyika dzakarambidzwa basa roUmambo, vaKristu vanowana nzira dzokuti varambe vachiparidza mashoko akanaka. Kungofanana nevavaki veJerusarema vakachinja mashandiro avo, Zvapupu zvaJehovha mazuva ano nokuchenjera zvinochinjawo nzira dzokuparidza nadzo pazvinenge zviri kurambidzwa kuita basa. Ichokwadi kuti zvinodzivisa kushandisa zvombo chaizvo. (2 VaKorinde 10:4) Kunyange kutyisidzirwa nokurohwa hakuiti kuti vamire mabasa avo okuparidza. (1 Petro 4:16) Pane kudaro, hama nehanzvadzi idzodzo dzakashinga ‘dzinoramba dzichikunda zvakaipa nezvakanaka.’

“Chiuya . . . Tisangane”

12, 13. (a) Vavengi vaNehemiya vakaruka zano rei? (b) Nehemiya akarambirei kusangana nevavengi vake?

12 Vavengi vaNehemiya pavakaona kuti kurwisa kwavo kwakanga kwashaya basa, vakatanga kushora vachiruka mazano asiri pachena. Vakaedza mazano matatu. Aiva api?

13 Rokutanga, vavengi vaNehemiya vakaedza kumunyengedza. Vakamuudza kuti: “Chiuya, ngatiranganei tisangane mumisha iri mubani reOno.” Ono iguta raiva pakati peJerusarema neSamariya. Saka vavengi vacho vakaronga kuti vasangane naNehemiya nechepakati kuti vagadzirise kusanzwisisana kwacho. Nehemiya angadai akafunga kuti: ‘Izvi zvinenge zvinoita. Zviri nani kutaurirana pane kurwisana.’ Asi Nehemiya akaramba. Akatsanangura chikonzero chacho achiti: “Vakanga vachironga kundikuvadza.” Akanzwisisa zvaiva kuseri kwezano ravo uye haana kunyengedzwa. Kanokwana kana akaudza vashori vake kuti: “Handikwanisi kuburukira ikoko. Basa ringamirirei ini ndichirirega ndichiburukira kwamuri?” Vavengi vakaedza kubata Nehemiya asi zvakashaya basa. Akaramba akati sika sika nebasa rokuvaka.—Nehemiya 6:1-4.

14. Nehemiya akaitei nevaimupomera zvenhema?

14 Rechipiri, vavengi vaNehemiya vakazofunga zvokuparadzira nhema, vachipomera Nehemiya kuti ‘aironga kupandukira’ Mambo Atashasta. Nehemiya akauzodzwazve kuti: “Ngatitaurirane.” Nehemiya akaramba zvakare nokuti akanzwisisa zvaivavarirwa nevavengi. Nehemiya akatsanangura kuti: “Vose zvavo vakanga vachiedza kutityisidzira, vachiti: ‘Maoko avo achashaya simba pabasa racho zvokuti harizoitwi.’” Zvisinei panguva ino Nehemiya akaramba zvaaipomerwa nevavengi vake, achiti: “Zvinhu zvakadai zvauri kutaura hazvina kumboitwa, asi uri kungozvifunga zvako mumwoyo mako.” Uyezve Nehemiya akatsvaka kubatsirwa naJehovha ndokunyengetera achiti: “Simbisai maoko angu.” Aivimba kuti achibatsirwa naJehovha aizogona kukurira zvakaipa izvi zvaairongerwa ndokuenderera mberi nokuvaka.—Nehemiya 6:5-9.

15. Muprofita wenhema akabayira zanhi Nehemiya achitii, uye nei Nehemiya asina kuritambira?

15 Rechitatu, vavengi vaNehemiya vakashandisa mutengesi, muIsraeri ainzi Shemaya, kuti vaedze kuita kuti Nehemiya aputse Mutemo waMwari. Shemaya akati kuna Nehemiya: “Ngatiranganei kusangana mumba maMwari wechokwadi, mukati metemberi, uye ngativhare masuo etemberi; nokuti vari kuuya kuzokuuraya.” Shemaya akataura kuti Nehemiya akanga ava pangozi yokuurayiwa asi aikwanisa kuzviponesa nokunohwanda mutemberi. Zvisinei Nehemiya akanga asiri mupristi. Aizoita chivi nokuhwanda mumba maMwari. Aizotyora Mutemo waMwari achida kuedza kuzviponesa here? Nehemiya akapindura kuti: “Ndiani aripo akaita seni angapinda mutemberi akararama? Handisi kuzopinda!” Nei Nehemiya asina kubatwa nomusungo waakanga ateyerwa? Nokuti akaziva kuti kunyange zvazvo Shemaya akanga ariwo muIsraeri, “akanga asiri Mwari akanga amutuma.” Tikazvitarisisa, muprofita wechokwadi aisambofa akamukurudzira kuti aputse Mutemo waMwari. Zvakare Nehemiya haana kubvumira kukundwa nevashori vakaipa. Nokukurumidza akabva ataura kuti: “Rusvingo rwakazopera pazuva rechimakumi maviri nemashanu raEruri, mumazuva makumi mashanu nemaviri.”—Nehemiya 6:10-15; Numeri 1:51; 18:7.

16. (a) Tinofanira kuita sei neshamwari dzokunyepera, vanotipomera zvenhema, uye vanhu vanonyepera kuva hama dzatinonamata nadzo? (b) Unoratidza sei kuti unoramba kusiya zvaunotenda kana uri kumba, kuchikoro, kana kuti kubasa?

16 Kufanana naNehemiya nesuwo tinogona kushorwa neshamwari dzokunyepera, vanotipomera zvenhema, uye vanhu vanonyepera kuva hama dzatinonamata nadzo. Vamwe vanhu vangatikumbira kuti tisangane nechepakati. Vangaedza kutiratidza kuti kana tichishumira Jehovha zvokungodaro-daro, zvinotipawo mukana wokuita zvimwe zvinhu munyika. Zvisinei, nokuti Umambo hwaMwari huri pokutanga muupenyu hwedu, hatibvumirani navo. (Mateu 6:33; Ruka 9:57-62) Vashori vanotipomerawo zvenhema. Mune dzimwe nyika tinopomerwa kuti tinomukira Hurumende, sezvakaitwa Nehemiya kunzi aimukira mambo. Kumwe kupomera kwakaperera mumatare anotonga mhosva. Asi pasinei nezvinoguma zvaitika munyaya yoga yoga, tinonyengetera tichivimba kuti Jehovha achaita kuti zvinhu zviitike sezvaanoda. (VaFiripi 1:7) Kushora kungaitwawo nevaya vanonyepedzera kuti vanoshumira Jehovha. Sezvakaitwa nomuJudha uya akanyengetedza Nehemiya kuti aputse Mutemo waMwari achiitira kuti azviponese, vaimbova Zvapupu vakaramba kutenda vangatifurirawo kuita saizvozvo. Zvisinei, vakaramba kutenda tinovaramba nokuti tinoziva kuti hatiponeswi nokutyora mitemo yaMwari, asi nokuichengeta! (1 Johani 4:1) Chokwadi, tinogona kukurira zvakaipa zvose tichibatsirwa naJehovha.

Kuparidza Mashoko Akanaka Pasinei Nokuitirwa Zvakaipa

17, 18. (a) Satani nevanhu vake vanovavarirei? (b) Wakatsunga kuitei, uye nemhaka yei?

17 Shoko raMwari rinotaura nezvehama dzaKristu dzakazodzwa richiti: “Vakamukunda [Satani] . . . nokuda kweshoko ravaipupura nezvaro.” (Zvakazarurwa 12:11) Nokudaro, kukunda Satani—honzeri yezvakaipa—kunofambirana chaizvo nokuparidza mashoko oUmambo. Ndosaka Satani asingazorori kutambudza vasara vevakazodzwa uyewo ve“boka guru” achiita kuti vaoneswe nhamo!—Zvakazarurwa 7:9; 12:17.

18 Sezvataona, kushorwa kungauya sokutukwa kana kuti kutyisidzirwa nokurohwa, kana kuti nedzimwe nzira dzisiri pachena. Chero zvazvingava, chinangwa chaSatani nguva dzose chimwe chete—kumisa basa rokuparidza. Zvisinei, achanyara zvokushaya pokupinda nokuti vanhu vaMwari vakatsunga kuita saNehemiya, ‘kuramba vachikunda zvakaipa nezvakanaka.’ Vachazviita nokuramba vachiparidza mashoko akanaka kusvikira Jehovha ati zvaitwa!—Mako 13:10; VaRoma 8:31; VaFiripi 1:27, 28.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kana uchida kuziva zvimwe zvakaitika, verenga Nehemiya 1:1-4; 2:1-6, 9-20; 4:1-23; 6:1-15.

Unoyeuka Here?

• Munguva yakapfuura vashumiri vaMwari vakashorwa sei uye mazuva ano vari kushorwa sei?

• Chinangwa chikuru chevavengi vaNehemiya chaiva chei, uye mazuva ano chinangwa chevavengi vaMwari ndechei?

• Mazuva ano tinoramba sei tichikunda zvakaipa nezvakanaka?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 29]

Zvidzidzo Zviri Mubhuku raNehemiya

Vashumiri vaMwari

• vanotukwa

• vanotyisidzirwa

• vanonyengedzwa

Vanonyengedzwa

• neshamwari dzokunyepera

• nevanovapomera zvenhema

• nehama dzinonyepera kuti dzinonamata navo

Vashumiri vaMwari vanokunda zvakaipa

• vanorambira pabasa ravo ravakapiwa naMwari

[Mufananidzo uri papeji 27]

Nehemiya nevamwe vaaishanda navo vakavakazve rusvingo rweJerusarema pasinei nokushorwa zvinotyisa

[Mufananidzo uri papeji 31]

VaKristu vechokwadi vanoparidza mashoko akanaka vasingatyi