Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tinosiyaniswa Nomutauro asi Tinobatanidzwa Norudo”

“Tinosiyaniswa Nomutauro asi Tinobatanidzwa Norudo”

“Tinosiyaniswa Nomutauro asi Tinobatanidzwa Norudo”

Kununurwa. Kusunungurwa. Kuponeswa. Kwemakore akawanda vanhu vave vachitsvaka kuzorora pamitoro nenhamo zvoupenyu. Tingapedza sei nhamo dzoupenyu? Tichazombofa takanunurwa here? Kana zvakadaro, sei?

IZVOZVO zvakakurukurwa pamagungano eruwa emazuva matatu, akarongwa neZvapupu zvaJehovha akatanga muna May 2006. Musoro wacho waiti “Kununurwa Kwava Pedyo!”

Mapfumbamwe emagungano iwayo akapindwa nezviuru zvevanhu vakakokwa vakabva kunyika dzakasiyana-siyana. Akaitwa muna July naAugust 2006, muPrague, guta guru renyika yeCzech Republic; muBratislava, guta guru reSlovakia; Chorzow nePoznan muPoland; * uye mumaguta mashanu okuGermany—Dortmund, Frankfurt, Hamburg, Leipzig, uye Munich. Vanhu vose vakapinda magungano aya vaidarika 313 000.

Zvii zvaiitika pamagungano aya? Vaiona vakati chii nezvawo? Vakapinda vakanzwa sei magungano acho paakapera?

Kugadzirira

Vashanyi neZvapupu zvaikoko vaitarisira nechido magungano avaiziva kuti kuungana kwokunamata kwavaisazokanganwa. Kuronga pokugara paizokwana vakakokwa raiva basa guru. Somuenzaniso, pagungano rokuChorzow, Zvapupu zvokuPoland zvakapa pokugara vashanyi vanoda kusvika 13 000 vakabva kuEastern Europe. Vakakokwa vakauya kugungano iroro vachibva kuArmenia, Belarus, Estonia, Georgia, Kazakhstan, Kyrgyzstan, Latvia, Lithuania, Moldova, Russia, Tajikistan, Turkmenistan, Ukraine, United States, neUzbekistan.

Vakakokwa vakawanda vakatanga kugadzirira rwendo rwavo pachine mwedzi yakawanda. Tatiana, muparidzi wenguva yakazara anogara kuKamchatka, nzvimbo yokuRussia iri pedyo negungwa nechokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweJapan, akatanga kuchengeta mari yorwendo irwowo pachine gore. Aifanira kufamba makiromita 10 500. Kutanga, akafamba nendege kwemaawa mashanu, achizofamba nechitima kweanenge mazuva matatu uye achizopedzisa nebhazi kwemaawa 30 kuti asvike kuChorzow.

Zviuru zvakazvipira kuti zviite basa rokugadzirira magungano asati atanga, vachiita kuti nhandare nezvakapoteredza dzive nzvimbo dzakakodzera kunamatira. (Dheuteronomio 23:14) Kungotaura muenzaniso mumwe chete, Zvapupu zvokuLeipzig zvakaita basa guru rokuchenesa nhandare uye zvakavimbisa kuzoichenesazve gungano rapera. Somugumisiro, vakuru vakuru venhandare vakakanzura chikamu chaiva pagwaro rechibvumirano chaida kuti vabhadhare imwe mari yaizoshandiswa pakuchenesa.

Kukoka Vanhu

Pasi pose ungano dzakazivisa kwose kwose Magungano aiti “Kununurwa Kwava Pedyo!” Vanhu vaizopinda magungano aya vakaitawo mushandirapamwe uyu nechido chikuru. Vakaramba vachizivisa nezvegungano racho kusvika usiku hwezuva raizoteverwa negungano. Pane zvakanaka zvakawanikwa pakushingaira kwavo here?

Chimwe Chapupu chokuPoland chinonzi Bogdan chakasangana nomurume akwegura aida kupinda gungano. Asi murume wacho akati penjeni yake yaiva shoma zvokuti yaisakwana kuti afambe rwendo rwemakiromita 120 kuenda kuChorzow. Zvakaitika kuti pakawanikwa chigaro chakanga chisina munhu mubhazi rakanga rahayiwa neungano yavo. Bogdan anorondedzera kuti: “Takaudza murume wacho kuti aikwanisa kuenda nesu asingabhadhari kudai aizouya paizosimuka bhazi nenguva dza5:30 mangwanani.” Murume wacho akabvuma uye akapinda gungano. Pave paya, akanyorera hama achiti: “Zvandapinda gungano iri, iye zvino ndatsunga kuva murume kwaye.”

MuPrague mumwe murume aigara pane imwe yehotera dzaigara vakakokwa vaibva kuBritain akaudza vaipinda gungano mamwe manheru kuti naiyewo akanga apinda gungano zuva iroro. Chii chakanga chakaita kuti apinde? Murume wacho akataura kuti pashure pokukokwa nevarume nevakadzi gumi vakasiyana mumigwagwa yomuguta racho, akanzwa kuti aifanira kuenda! Akafadzwa chaizvo uye akava nechido chokudzidza zvakawanda.—1 Timoti 2:3, 4.

Mirayiridzo Inobatsira

Purogiramu yacho yakatsanangura nzira dzokukunda nadzo matambudziko akasiyana-siyana. Mazano omuMagwaro akatsanangura kuti matambudziko iwaya angakundwa kana kuti kutsungirirwa sei.

Vanhu vainetseka nokukwegura, utano husina kunaka, kufirwa kana kuti mamwe matambudziko vakakurudzirwa nezvakaverengwa muBhaibheri zvakavabatsira kuti vave nemaonero akanaka oupenyu. (Pisarema 72:12-14) Vanhu vakaroorana nevabereki vakapiwa mazano omuBhaibheri kuti vafare nemhuri dzavo uye nokurera vana zvinobudirira. (Muparidzi 4:12; VaEfeso 5:22, 25; VaKorose 3:21) VaKristu vaduku—avo vanofurirwa nevezera ravo kuchikoro asi vachiwana mazano anobatsira anobva muShoko raMwari pavanenge vari kumba uye kuungano—vakapiwa mazano anobatsira kuti vasafurirwe nevezera ravo uye vagone ku“tiza kuchiva kwouduku.”—2 Timoti 2:22.

Hama Dzakabatana Zvechokwadi

Pazvinoungana, Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichipiwa mazano anobatsira anobva muMagwaro. (2 Timoti 3:16) Zvisinei, chakaita kuti magungano aya ave akasiyana nemamwe ndechokuti aiva nevanhu vaibva kunyika dzakasiyana-siyana. Magungano ose aya aiva nehurukuro dzakafanana mumitauro yakawanda. Zuva roga roga, nhengo dzeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha dzaipa hurukuro, uye mashoko ezvaiitika kune dzimwe nyika akaita kuti zvinyanyonakidza. Hurukuro idzi nemashoko aya zvakaturikirwa kuti vanhu vemitauro yakasiyana-siyana vakanga varipo vabatsirwe.

Vakakokwa vakanga vachida chaizvo kusangana nehama dzavo nehanzvadzi dzaibva kune dzimwe nyika. Mumwe akakokwa akataura kuti, “Kusiyana kwemitauro raisava dambudziko ratingataura nezvaro. Asi kwakatowedzera kunakidza kwegungano racho. Vashanyi vacho vakanga vakarerwa mutsika dzakasiyana-siyana asi vose vakanga vakabatanidzwa nokutenda kumwe chete.” Vakapinda gungano rokuMunich vakataura kuti: “Tinosiyaniswa nomutauro asi tinobatanidzwa norudo.” Pasinei nekwavaibva kana mutauro wavo, avo vakapinda magungano acho vakanzwa kuti vakanga vaine shamwari dzechokwadi—hama nehanzvadzi dzinonamata dzose.—Zekariya 8:23.

Kuonga

Mamiriro okunze panguva iyi yemagungano aiita kuti unhu hwehama hubude pachena uye aiita kuti kutsungirira kwadzo kuedzwe. Kwaisangonaya chete nguva dzose, asiwo kwaitonhora zvokuti dhu, tembiricha ichidzika kusvika pa14°C. Imwe hama yakabva kuUnited States yakati: “Mamiriro okunze akanga akaipa zvandisati ndamboona, uye ndakatonhorwa zvandakanga ndisati ndamboitwa pagungano, uye ndakangonzwa zvishomanana chete. Asi kushamwaridzana kwevanhu vaibva kunyika dzakasiyana-siyana, uye mutsa wakaratidzwa usina ani akamboona zvakatsiva zvose izvozvo. Handimbofi ndakakanganwa gungano iroro!”

Chimwe chinhu chisingakanganwiki nevanhu vanotaura mutauro wokuPoland vakapinda gungano reruwa chaiva chiziviso chokubudiswa kwebhuku rinonzi Insight on the Scriptures mumutauro wavo—mubayiro unofadza wokutsungirira kwavakaita kutonhorwa nokunayiwa. Kubudiswa kwebhuku rinonzi Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha kwakafadzawo vanhu vakapinda Magungano eruwa aiti “Kununurwa Kwava Pedyo!”

Vakawanda vevakapinda gungano reruwa vachariyeuka nokuda kwezvimwe zvikonzero. Kristina, hanzvadzi inobva kunyika yeCzech iyo yakazvipira kufamba nevakakokwa vaibva kumhiri kwemakungwa vaishandisa bhazi, anoyeuka kuti: “Tava kuonekana imwe hanzvadzi yakaenda neni padivi ikandimbundira ndokuti: ‘Wakandichengeta! Wakatiunzira zvokudya nemvura yokunwa tiri pazvigaro zvedu. Ndinokutenda chaizvo nokuda kwokuzvipira kwawakaita.’” Hanzvadzi iyi yaitaura nezvokupiwa zvokudya zvemasikati kwakaitwa vanhu vakakokwa vakabva kumhiri kwemakungwa. Imwe hama yakatsanangura kuti, “Raiva basa ratakanga tisina kumbobvira taita.” Basa racho raisanganisira kugovera zvokudya zvemasikati kuvanhu 6 500 zuva roga roga. Zvaikurudzira kuona kuwanda kwevanhu vaisanganisira vana, vakanga vazvipira kuti vabatsire.”

Hanzvadzi yakabva kuUkraine ichienda kunopinda gungano kuChorzow, yakati: “Tinoshaya neromuromo norudo, kuchengetwa, uye mutsa zvatakaitirwa nevamwe vedu vatinonamata navo.” Annika musikana ane makore masere okuberekwa anobva kuFinland akanyorera hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuPoland achiti: “Gungano racho rakandinakidza zvikuru kupfuura zvandaigona kunge ndakafungidzira. Zvinonakidza chaizvo kuva musangano raJehovha, nokuti zvinoita kuti munhu ave neshamwari munyika yose!”—Pisarema 133:1.

Zvakataurwa Nevaiona

Magungano asati atanga, vanhu vakakokwa vakarongerwa kuti vambofamba-famba vachiona nyika. Mumaruwa okuBavaria, vashanyi vaimira paDzimba dzoUmambo, vachigamuchirwa neZvapupu zveko. Mumwe asiri Chapupu aitungamirira rimwe boka akafadzwa zvikuru nokudanana kwaiita hama idzi. Mumwe akakokwa akati: “Tiri mubhazi tichidzokera kuhotera kwataigara, munhu aititungamirira akataura kuti taive takasiyana nokure nemamwe mapoka evashanyi. Taive takapfeka zvakanaka uye tose taiteerera vose vaitungamirira boka redu. Pakanga pasina kutukana kana kuvhiringidzana. Akashamisika kuti sei vanhu vasingazivani vaizokurumidza kuva shamwari dzepedyo kudaro.”

Imwe hama yaishanda muDhipatimendi Remashoko pagungano rokuPrague yakati: “Mangwanani omusi weSvondo, mukuru mukuru wemapurisa aichengetedza pagungano akauya. Akaona kuti paiva norunyararo kwazvo uye akati akanga asina zvokuita ipapo. Akataurawo kuti vamwe vanhu vanogara munzvimbo iyoyo iri pedyo nenhandare vakanga vabvunza kuti chii chaiitika. Paaipindura kuti zvaiva Zvapupu zvaJehovha vaishamisika, uye aivaudza kuti: ‘Kudai vanhu vaingoita hafu yezvinoitwa neZvapupu zvaJehovha, mapurisa aisambodiwa.’”

Vakawanda Vakatosununguka!

Shoko raMwari Bhaibheri rinoshanda sebhiriji pamarudzi akasiyana-siyana, richiita kuti vaKristu vabatane uye vagarisane murunyararo. (VaRoma 14:19; VaEfeso 4:22-24; VaFiripi 4:7) Magungano akapindwa nevanhu vakabva kunyika dzakasiyana-siyana aiti “Kununurwa Kwava Pedyo!” akaratidza izvi. Zvapupu zvaJehovha zvakatosunungurwa kare pamatambudziko akawanda ari kutambudza nyika ino. Kusagarisana, kuvengana, kusarurana—kungotaura zvinhu zvishomanana—zvava kuda kutopera pakati pazvo, uye zvinotarisira nguva apo munyika yose munenge musisina zvinhu izvi.

Vaya vakapinda magungano aya vakazvionera kubatana kuripo pakati peZvapupu zvinobva kunyika dzakasiyana-siyana. Izvi zvakanyatsooneka pakapera magungano acho. Vanhu vose vakanga vachiombera, vachimbundira shamwari itsva, uye vachitorana mifananidzo yokupedzisira. (1 VaKorinde 1:10; 1 Petro 2:17) Vakakokwa vakadzokera kumisha yavo uye kuungano dzavo vava nechokwadi chokuti kununurwa kwavo pamatambudziko nokuzvidya mwoyo kwose kwava pedyo. Vakanga vawedzera kutsunga kuramba va“kabatisisa shoko [raMwari] roupenyu.”—VaFiripi 2:15, 16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mamwe magungano matanhatu muPoland yose uye rimwe chete muSlovakia aiva akabatanidzwa norunhare pahurukuro dzaikurukurwa nevakurukuri vakanga vabva kune dzimwe nyika.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

Mitauro 25 Ichitaurwa Somumwe Chete

Pamagungano acho ose ari mapfumbamwe hurukuro dzaitaurwa mumutauro wokuPoland. Pamagungano okuGermany, hurukuro dzakataurwawo mune mimwe mitauro 18. MuDortmund hurukuro dzakataurwa muchiArabic, chiFarsi, chiPutukezi, chiSpanish, uye chiRussian; muFrankfurt dzakataurwa neChirungu, chiFrench, nechiSerbian/chiCroatian; muHamburg dzakataurwa muchiDanish, chiDutch, chiSwedish, uye chiTamil; kuLeipzig dzakataurwa muchiChinese, chiPolish, nechiTurkish; uye kuMunich dzakataurwa muchiGiriki, chiItalian, nomutauro wemasaini okuGermany. Hurukuro dzose dzegungano rokuPrague dzakataurwa mumutauro wechiCzech, Chirungu, uye chiRussian. KuBratislava hurukuro dzakataurwa neChirungu, chiHungarian, chiSlovak, uye mutauro wemasaini okuSlovakia. Mitauro yechiPolish, chiRussian, chiUkrainian, uye mutauro wemasaini okuPoland yakashandiswa kuChorzow. Uye kuPoznan, vakashandisa chiPolish nechiFinnish.

Mitauro makumi maviri nemishanu! Chokwadi, vakapinda gungano vakanga vakasiyana pamutauro, asi vakanga vakabatanidzwa norudo rwavo.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vanhu vokuCroatia vakapinda gungano rokuFrankfurt vakafara kugamuchira “Shanduro yeNyika Itsva” mumutauro wavo