Zvidzidzo Zvinokosha Kuvaduku
Zvidzidzo Zvinokosha Kuvaduku
GLADYS anoshanda pane chimwe chikoro muMendoza, kuArgentina. Rimwe zuva akapfuura nepane imwe kirasi ndokuona mudzidzisi achiverengera vana vaaidzidzisa vegiredhi rechina bhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. * Gladys akaudza mudzidzisi wacho kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye akati aida kumuratidza kuti angabatsirwa sei zvakanyanya nebhuku racho. Aona kuti zvakatsanangurwa naGladys zvaikosha, mudzidzisi wacho aida kuti rive rimwe remabhuku aidzidzwa pachikoro apa. Zvisinei, aifanira kubvumidzwa kuita izvozvo nomukuru wechikoro. Akafara chaizvo paakabvumidzwa.
Pazuva rokukurudzira vana kuverenga mabhuku, mudzidzisi wacho akati vana vaaidzidzisa vaverenge chitsauko chimwe chete chebhuku racho vamwe vepachikoro vakateerera. Nemhaka yezvakanaka zvakabuda paurongwa uhwu, mudzidzisi wacho akabuda achibvunzwa papurogiramu yeterevhizheni yomunyika iyoyo. Nyaya yetsika dzevana vechikoro payakataurwa, aibvunza papurogiramu yacho akati, “Munoita sei kuti vana vomukirasi yenyu vazvibate?” Mudzidzisi wacho akatsanangura kuti aishandisa Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Akatsanangura kuti kunyange zvazvo akanga asingadzidzisi zvechitendero mukirasi yake, aishandisa bhuku iri kuroverera tsika dzinokosha dzakadai sokuremekedza, kushivirira, kubatana, kushanda pamwe chete, kuteerera, uye rudo. Vose vakabvuma kuti izvi zvaiva zvidzidzo zvinokosha kuvaduku.
Ungada kuroverera tsika dzakadaro muvana vako here? Kumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti akupe bhuku rinonakidza rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 2 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.