Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhazirai—Murume Aiziva Zvaakanga Asingachakwanisi Kuita

Bhazirai—Murume Aiziva Zvaakanga Asingachakwanisi Kuita

Bhazirai—Murume Aiziva Zvaakanga Asingachakwanisi Kuita

‘NEI ndichifanira kuva mutoro kwamuri?’ Mashoko aya akataurwa kuna Mambo Dhavhidhi weIsraeri nomumwe murume aiva nemakore 80 ainzi Bhazirai. Bhaibheri rinoti aiva “munhu akapfuma kwazvo,” shoroma chaiyo. (2 Samueri 19:32, 35) Bhazirai aigara munyika yeGiriyedhi, nzvimbo yaiva nemakomo kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani.—2 Samueri 17:27; 19:31.

Zvakanga zvamboita sei kuti Bhazirai azotaura mashoko iwayo kuna Dhavhidhi? Uye nei murume uyu akanga akwegura akataura saizvozvo?

Mambo Anopandukirwa

Dhavhidhi akanga ari panyangadzamushore. Mwanakomana wake Absaromu akanga abvuta chigaro pashure pokunge ‘anyengedza mwoyo yevarume vaIsraeri.’ Zvaiva pachena kuti Absaromu aizoita kanyama kanyama munhu wose akanga akavimbika kuna baba vake. Saka Dhavhidhi nevashandi vake vakabuda muJerusarema. (2 Samueri 15:6, 13, 14) Dhavhidhi paakasvika kuMahanaimu, nzvimbo iri kumabvazuva kweJodhani, akabatsirwa naBhazirai.

Bhazirai nevamwe varume vaviri vainzi Shobhi naMakiri vakapa Dhavhidhi zvinhu zvakawanda zvaaida. Varume vatatu ava vakaratidza kuti vainzwisisa kuti zvinhu zvakanga zvaita manyama amire nerongo kuna Dhavhidhi nevarume vake pavakati: “Vanhu vava nenzara, vaneta, uye vava nenyota murenje.” Bhazirai nevamwe vake vakaita zvose zvavaikwanisa kuti vape Dhavhidhi nevarume vake zvinhu zvavaida zvakadai semibhedha, gorosi, bhari, furawa, maputi, bhinzi, nyemba, uchi, ruomba, makwai, nezvimwewo.—2 Samueri 17:27-29.

Kubatsira Dhavhidhi kwaiva kutamba nomoto pasina mvura. Hazvaitomboita kuti Absaromu arege kuranga munhu wose aizotsigira mambo Dhavhidhi. Saka achiratidza kuvimbika kuna Dhavhidhi, Bhazirai akaratidza kuti aiva nechivindi.

Zvinhu Zvinochinja

Pasina nguva, mauto aAbsaromu akanga apanduka akamisidzana nevarume vaDhavhidhi. Hondo yakatsviriridza musango raEfremu, zvichida pedyo neMahanaimu. Uto raAbsaromu rakakundwa, “uye kwakaurayiwa vanhu vazhinji pazuva iroro.” Kunyange zvazvo Absaromu akaedza kuita rutsoka ndibereke, akangourayiwa chete.—2 Samueri 18:7-15.

Dhavhidhi akazongoramba ari mambo waIsraeri asina mhandu. Vateveri vake vakanga vasingachafaniri kurarama vari vapoteri. Uyezve, kuvimbika kwavo kuna Dhavhidhi kwakaita kuti avaremekedze uye avaonge.

Dhavhidhi paakanga ava kuda kudzokera kuJerusarema, “Bhazirai muGiriyedhi akauya achibva kuRogerimu kuti aende kuJodhani namambo kuitira kuti amuperekedze kuJodhani.” Panguva iyoyo, Dhavhidhi akakumbira Bhazirai akanga akwegura achiti: “Yambuka neni, ndichakupa zvokudya zvandiinazvo muJerusarema.”—2 Samueri 19:15, 31, 33.

Hapana mubvunzo kuti Dhavhidhi aionga zvikuru kubatsirwa kwaakanga aitwa naBhazirai. Asi izvi hazvirevi hazvo kuti mambo akanga achimupa mubayiro nokuti akanga ambobatsirwa naye. Bhazirai, aiva shoroma, akanga asingadi kubatsirwa nenzira iyi. Dhavhidhi angangodaro aida kuti ave mudare ramambo nokuti murume uyu akanga akura uye aiva nounhu hwaiyemurika. Kugara zvokudzika midzi mudare ramambo kwaizoita kuti akudzwe, zvichiita kuti Bhazirai ave neropafadzo yokuva shamwari yamambo.

Anoziva Paiperera Simba Rake uye Anoona Zvinhu Sezvazviri

Achipindura Mambo Dhavhidhi, Bhazirai akati: “Mazuva emakore oupenyu hwangu mangani, kuti ndiende namambo kuJerusarema? Nhasi ndava nemakore makumi masere. Ndichagona kutsauranisa zvakanaka nezvakaipa here, kana kuti mushandi wenyu achagona kuravidza zvaanodya nezvaanonwa here, kana kuti ndichagona kuteerera inzwi revaimbi vechirume nevechikadzi here?” (2 Samueri 19:34, 35) Saka Bhazirai akaramba noruremekedzo ropafadzo yakanaka kwazvo yaakanga apiwa. Nei?

Chimwe chinhu chakaita kuti Bhazirai asarudze izvi ndechokuti aiziva kuti akanga akwegura saka akanga asisina simba. Bhazirai angave aifunga kuti aisazorarama kwenguva refu. (Pisarema 90:10) Akanga aita zvose zvaaigona kuti atsigire Dhavhidhi, asi aizivawo kuti akanga asisina simba pamusana pokukwegura. Bhazirai haana kubvumira pfungwa yokuva nomukurumbira uye kuda chinzvimbo zvichimutadzisa kuona zvaakanga asingachakwanisi kuita. Kusiyana naAbsaromu aikambira chigaro, Bhazirai akaratidza kuti aiva nomwero.—Zvirevo 11:2.

Chimwezve chikonzero chakaita kuti Bhazirai asarudze izvi ndechokuti akanga asingadi kuti kusava nesimba kwake kuvhiringidze mabasa amambo akasarudzwa naMwari. Bhazirai akabvunza kuti: “Nei mushandi wenyu achifanira kuvazve mutoro kuna ishe wangu mambo?” (2 Samueri 19:35) Kunyange zvazvo akanga achiri kutsigira Dhavhidhi, Bhazirai angave aiziva kuti jaya richine simba raizoita nomazvo mabasa acho. Zvichida achireva mwanakomana wake, Bhazirai akati: “Hoyu mushandi wenyu Kimhamu. Ngaayambuke naishe wangu mambo; mumuitire zvakakunakirai.” Pane kugumbuka, Dhavhidhi akazvibvuma. Chokwadi, asati ayambuka rwizi rwaJodhani, Dhavhidhi “akatsvoda Bhazirai, akamukomborera.”—2 Samueri 19:37-39.

Zvinoda Kuva Nomwero

Nhoroondo yaBhazirai inoratidza kuti zvinoda kuva nomwero. Ukuwo, hatifaniri kuramba ropafadzo kana kurega kudzishandira nokuti tinenge tichida kurarama tisina zvakawanda zvokuita muupenyu kana kuti tinonzwa sokuti hatikwanisi kuita basa racho. Mwari anogona kutibatsira nesimba nouchenjeri kana tikavimba naye.—VaFiripi 4:13; Jakobho 4:17; 1 Petro 4:11.

Tinofanirawo kuziva zvatisingakwanisi kuita. Somuenzaniso, zvichida muKristu akatowandirwa nezvokuita mune zvokunamata. Anoziva kuti akabvuma dzimwe ropafadzo anenge achizotadza kuita zvinodiwa neMagwaro zvokutarisira mhuri yake. Mumamiriro ezvinhu akadaro, kunenge kusiri kuratidza mwero here uye kunzwisisa kana akaramba dzimwe ropafadzo?—VaFiripi 4:5; 1 Timoti 5:8.

Bhazirai akatisiyira muenzaniso wakanaka kwazvo, saka tinofanira kuufungisisa. Aiva akavimbika, aine chivindi, aipa uye aiva nomwero. Kupfuura zvose, Bhazirai akanga akatsunga kuisa zvinhu zvaMwari pakutanga.—Mateu 6:33.

[Mepu iri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Bhazirai aiva nemakore makumi masere akafamba rwendo rurefu kuti anobatsira Dhavhidhi

GIRIYEDHI

Rogerimu

Sukoti

Mahanaimu

Rwizi rwaJodhani

Girigari

Jeriko

Jerusarema

EFREMU

[Mufananidzo uri papeji 13]

Nei Bhazirai akaramba zvaakanga akumbirwa naDhavhidhi?