Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chapupu Chakatendeka Chiri Mumatenga”

“Chapupu Chakatendeka Chiri Mumatenga”

“Chapupu Chakatendeka Chiri Mumatenga”

VADETEMBI navananyanduri vemimhanzi vave vachirumbidza mwedzi sechinhu chakanaka kwazvo. Somuenzaniso, rumwe rwiyo rwakafuridzirwa naMwari runotaura nezvomukadzi “akanaka sejenaguru.” (Rwiyo rwaSoromoni 6:10) Uye munyori wepisarema akadetemba achiti mwedzi “chapupu chakatendeka chiri mumatenga.” (Pisarema 89:37) Mashoko aya anorevei nezvomwedzi?

Mwedzi unototi utenderere nyika yose mumazuva 27,3 oga oga. Saka kutendeka kwomwedzi kunoratidza kuti wakavimbika. Zvisinei, munyori wepisarema angave aiva nepfungwa yakadzama yaaireva. Akati mwedzi “chapupu chakatendeka” murwiyo rwouprofita rwaitaura nezvoUmambo hwakadzidzisa Jesu vateveri vake kuti vanyengeterere.—Mateu 6:9, 10.

Kare, anopfuura makore 3 000, Jehovha Mwari akaita sungano yoUmambo naMambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare. (2 Samueri 7:12-16) Chinangwa chesungano iyoyo chaiva chokuita kuti Jesu Kristu agare nhaka zvepamutemo chigaro chaDhavhidhi nokusingaperi. (Isaya 9:7; Ruka 1:32, 33) Achitaura nezvechigaro choumambo cho“mwana” waDhavhidhi, munyori wepisarema akaimba kuti: “Chichasimbiswa kwazvo somwedzi nokusingagumi, sechapupu chakatendeka chiri mumatenga.”—Pisarema 89:36, 37.

Saka mwedzi chinhu ‘chinovheneka kuti chitonge usiku,’ wakakodzera kutiyeuchidza kutonga kwechigarire kwaKristu. (Genesisi 1:16) NezvoUmambo hwake, Dhanieri 7:14 inoti: “Ushe hwake ushe hunogara nokusingagumi, husingazopfuuri, uye umambo hwake ndohuya husingazoparadzwi.” Mwedzi chapupu chinotiyeuchidza nezvoUmambo uye kukomborera kwahuchaita vanhu.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Mwedzi: NASA photo