Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Enda Ugeze Mudziva reSiroami”

“Enda Ugeze Mudziva reSiroami”

“Enda Ugeze Mudziva reSiroami”

ARAPA mumwe murume aiva bofu neivhu rakanga rakanyorovera, Jesu akati kwaari: “Enda ugeze mudziva reSiroami.” Murume wacho akaenda kunogeza uye “akadzoka ava kuona.” (Johani 9:6, 7) Dziva reSiroami raiva kupi? Mamwe matongo achangobva kucherwa anoratidza pane nzvimbo yacho chaipo.

Vanhu vokune dzimwe nyika vakawanda vaishanyira nzvimbo yaiva muJerusarema yainzi Dziva reSiroami, vachifunga kuti ndiro rinotaurwa pana Johani 9:7. Nzvimbo yacho iri pakaperera mugero wemvura waHezekiya wakareba mamita 530 wakacherwa muzana remakore rechisere B.C.E. Chokwadi, dziva iri rakanga riripo kubvira muzana remakore rechina C.E. Rakacherwa nevaizviti “vaKristu” veguta reByzantium vaifungidzira zvisiri izvo kuti ndiro rinotaurwa muEvhangeri yaJohani ringangove riri kunoperera mugero uyu.

Zvisinei, muna 2004 vanhu vanochera matongo vakawana ravakati ndiro Dziva reSiroami raivapo Jesu paaiva pasi pano. Riri anenge mamita 100 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwenzvimbo yavaifungidzira kuti ndiko kwaiva neDziva reSiroami. Vakariwana sei? Vashandi vemenisiparati vaida kugadzirisa mapaipi esuweji munzvimbo yacho, saka vakaenda nezvikatapira. Imwe nyanzvi inochera matongo yaishanda iri pedyo ichitarira kucherwa kwaiitwa ndokuona masitepisi maviri achibuda. Basa racho rakambomiswa, uye Vakuru Vakuru vokuIsraeri Vanoona Nezvenhoroondo Dzekare [Israeli Antiquities Authority] vakabvumira kuti nzvimbo yacho iongororwe. Rimwe divi redziva racho rakareba anenge mamita 70 nemakona maviri zvakatocherwa.

Mari yakawanikwa paicherwa nzvimbo yacho yaishandiswa kare muzana remakore rechipiri, rechitatu nerechina panguva yakamukirwa vaRoma nevaJudha. Vakamukirwa mumakore ari pakati pa66 na70 C.E. Mari yacho inoratidza kuti dziva racho rakanga richishandiswa kusvikira muna 70 C.E. pakaparadzwa Jerusarema nevaRoma. Magazini yokuongorora kucherwa kwematongo anotaurwa neBhaibheri [Biblical Archaeology Review] yakagumisa ichiti: “Saka dziva racho raishandiswa kusvikira kumukirana kwacho kwapera. Nzvimbo iyi iri kwakaderera muJerusarema, haina kuzogarwa kusvikira munguva yevaByzantine. Gore roga roga mvura yomuchando yaiyerera yaikukura ivhu ichiriisa mudziva racho. Guta racho parakaparadzwa nevaRoma, dziva racho harina kuzocheneswa. Kwemazana emakore, dziva racho rakazadzwa kuti pamu nevhu uye rakanyangarika zvishoma nezvishoma. Nyanzvi dzezvokuchera matongo dzakariwana riri pasi pevhu nemamita anenge matatu.”

Nei vadzidzi vechokwadi veBhaibheri vachifarira nzvimbo yeDziva reSiroami? Nokuti zvinovabatsira kunyatsonzwisisa nzvimbo chaiyo yaiva neJerusarema muzana remakore rokutanga, inowanzotaurwa munhoroondo dzeEvhangeri dzinotaura nezvoupenyu hwaJesu noushumiri hwake.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Dziva richangobva kuwanwa reSiroami

[Kwazvakatorwa]

© 2003 BiblePlaces.com