Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kumirira Zuva raJehovha Tichitsungirira

Kumirira Zuva raJehovha Tichitsungirira

Kumirira Zuva raJehovha Tichitsungirira

‘Wedzerai pakutenda kwenyu kutsungirira.’—2 PETRO 1:5, 6.

1, 2. Kutsungirira kudini, uye nei vaKristu vachifanira kutsungirira?

ZUVA guru raJehovha rava pedyo kwazvo. (Joeri 1:15; Zefaniya 1:14) Zvatiri vaKristu vakatsunga kuramba takavimbika kuna Mwari, tinomirira nomwoyo wose nguva icharevererwa uchangamire hwaJehovha. Panguva ino, tinovengwa, tinozvidzwa, tinotambudzwa, uye tinourayirwa kutenda kwedu. (Mateu 5:10-12; 10:22; Zvakazarurwa 2:10) Izvi zvinoda kuti titsungirire, kureva kukwanisa kutsungirira nhamo. Muapostora Petro anotikurudzira kuti: ‘Wedzerai pakutenda kwenyu kutsungirira.’ (2 Petro 1:5, 6) Tinofanira kutsungirira nokuti Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira pakuguma ndiye achaponeswa.”—Mateu 24:13.

2 Tinorwara, tinofirwa, uye tinosanganawo nemimwe miedzo. Satani angafara chaizvo kana akaona kuti hatisisina kutenda! (Ruka 22:31, 32) Tinogona kutsungirira miedzo yakasiyana-siyana tichitsigirwa naJehovha. (1 Petro 5:6-11) Chimbofunga mienzaniso chaiyo inoratidza kuti tinogona kumirira zuva raJehovha tichitsungirira uye tiine kutenda kwakasimba.

Kurwara Hakuna Kuvakandisa Mapfumo Pasi

3, 4. Taura muenzaniso unoratidza kuti tinogona kushumira Jehovha takatendeka pasinei nokurwara.

3 Iye zvino Mwari haatiporesi nenzira inoshamisa, asi anotipa simba rokuti titsungirire patinenge tichirwara. (Pisarema 41:1-3) Sharon akati, “Ndinoyeuka kuti kubvira pandakaberekwa ndave ndiri pawiricheya. Izvi zvakakonzerwa nechirwere chinokanganisa tsinga netsandanyama dzinobva mumusoro uye izvi zvakaita kuti ndisatamba uduku sezvinoita vamwe vana.” Kudzidza nezvaJehovha nezvipikirwa zvake zvokuti vanhu vachava noutano hwakanaka zvakaita kuti Sharon ave netariro. Kunyange zvazvo achinetseka nokutaura uye kufamba, anowana mufaro muushumiri hwechiKristu. Makore anenge 15 apfuura, akati: “Utano hwangu hungaramba huchiipa, asi upenyu hwangu hunobva pakuvimba kwandinoita naMwari uye paukama hwangu naye. Ndinofara chaizvo kuva pakati pevanhu vaJehovha uye kugara ndichitsigirwa naye!”

4 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vokuTesaronika kuti ‘vataure zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.’ (1 VaTesaronika 5:14) Zvinhu zvakadai sokunyanya kuora mwoyo zvingaita kuti pfungwa dzisagadzikane. Muna 1993, Sharon akanyora kuti: “Ndakapedza makore matatu pfungwa dzangu dzisina kunyatsogadzikana. . . Ndainzwa sokuti ndakanga ndisingabatsiri chinhu. . . . Vakuru vaindinyaradza uye vaindipa mazano. . . . Jehovha akandibatsira kunzwisisa zvakawanda pamusana pokusagadzikana kwepfungwa achishandisa Nharireyomurindi. Chokwadi, ane hanya nevanhu vake uye anonzwisisa manzwiro edu.” (1 Petro 5:6, 7) Sharon achiri kushumira Mwari akatendeka achimirira zuva guru raJehovha.

5. Chii chinoratidza kuti vaKristu vanogona kutsungirira kushungurudzika kwakakura?

5 Vamwe vaKristu vanoshungurudzika zvikuru pamusana pezvavakasangana nazvo muupenyu. Harley akaona ugandanga hunotyisa muHondo Yenyika II uye aigara achingovhumuka pamusana pezvaakaona muhondo. Akarara, aizhamba achiti: “Hona icho! Hokoyo!” Paaizomuka, ainge ati nyakata nedikita. Zvisinei, akanga ava kukwanisa kurarama upenyu hunodiwa naMwari uye nokufamba kwenguva akanga asingachanyanyi kuvhumuka.

6. Mumwe muKristu akararama sei nematambudziko omupfungwa?

6 Mumwe muKristu akaonekwa kuti aiva nechirwere chepfungwa chinokonzera zvinyamusi, aiona zvakaoma zvikuru kuparidza paimba neimba. Zvisinei, akaramba achiita basa iri nokuti aiziva kuti ushumiri hunomuponesa iye nevaya vanomuteerera. (1 Timoti 4:16) Dzimwe nguva aitadza kusvika pamusuo kuti agogodze, asi akati: “Pakupedzisira, ndakakwanisa kudzora manzwiro angu, ndokuendazve paimba yaitevera. Kuramba ndichiita ushumiri kwakaita kuti ndirambe ndiine utano hwakanaka mune zvokunamata.” Zvakanga zvakaomawo kupinda misangano, asi hama iyi yainyatsoziva kukosha kwokuwadzana nevamwe vatinonamata navo. Saka, yaiedza nepose payaigona napo kuti ivepo.—VaHebheru 10:24, 25.

7. Kunyange zvazvo vamwe vachitya kutaura pane vanhu vakawanda kana kuti kupinda misangano, vanotsungirira sei?

7 Vamwe vaKristu vane dambudziko rokutya. Somuenzaniso, vangatya kutaura pane vanhu vakawanda kana kuti vangatya kupinda misangano. Chimbofungidzira kuti zvakavaomera zvakadini kupindura pamisangano kana kupa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri! Asi vari kutsungirira, uye tinokurudzirwa zvikuru nokuvapo kwavo uye nezvavanoita pamisangano.

8. Chii chinotonyanya kubatsira paunenge uine matambudziko omupfungwa?

8 Munhu anofanira kuwana nguva yakawanda yokuzorora neyokurara kuti atsungirire matambudziko omupfungwa. Angafanirawo kuona vanachiremba nezvedambudziko iri. Zvisinei, kuvimba naMwari uchinyengetera ndiko kunotonyanya kubatsira. Pisarema 55:22 rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.” Saka nepaunogona napo, “vimba naJehovha nomwoyo wako wose.”—Zvirevo 3:5, 6.

Kutsungirira Kana Wafirwa

9-11. (a) Chii chingatibatsira kutsungirira kusurikirwa munhu watinoda paanofa? (b) Muenzaniso waAna ungatibatsira sei kutsungirira patinofirwa?

9 Rufu parunotora mumwe womumhuri, izvi zvinokonzera kusurikirwa kukuru. Abrahamu akachema paakafirwa nomudzimai wake, Sara. (Genesisi 23:2) Kunyange munhu akakwana Jesu “akasvimha misodzi” pakafa shamwari yake Razaro. (Johani 11:35) Saka munhu wose anosuwa panofa munhu waanoda. Zvisinei, vaKristu vanoziva kuti vakafa vachamutswa. (Mabasa 24:15) Nokudaro, ‘havasuruvari sezvinoitawo vamwe vose vasina tariro.’—1 VaTesaronika 4:13.

10 Tinogona sei kutsungirira patinenge tafirwa? Ngatimboona muenzaniso ungatibatsira. Kana shamwari yedu ikafamba rwendo hatigari takasurikirwa kwenguva refu nokuti tinenge tichitarisira kuionazve painodzoka. Kuona saizvozvo rufu rwomuKristu akatendeka kungaita kuti tisanyanya kurwadziwa nokuti tinoziva kuti achamutswa.—Muparidzi 7:1.

11 Kuvimba zvakakwana na“Mwari wokunyaradza kwose” kuchatibatsira kutsungirira patinofirwa. (2 VaKorinde 1:3, 4) Saka kufungisisa zvakaitwa neimwe chirikadzi yainzi Ana yomuzana remakore rokutanga kuchatibatsira. Akava chirikadzi pashure pokunge aroorwa kwemakore manomwe chete. Ava nemakore 84, akanga achiri kuitira Jehovha basa dzvene mutemberi. (Ruka 2:36-38) Hapana mubvunzo kuti kuzvipira kwakadaro kwaimubatsira kukurira kurwadziwa uye kusurikirwa. Kugara tichiita mabasa echiKristu, kusanganisira basa rokuparidza Umambo, kungatibatsira kuti titsungirire marwadzo okufirwa.

Kutsungirira Miedzo Yakasiyana-siyana

12. Vamwe vaKristu vakatsungirira muedzo upi womumhuri?

12 Vamwe vaKristu vanofanira kutsungirira miedzo yomumhuri. Somuenzaniso, kana wawakaroorana naye akaita upombwe, izvozvo zvingakugura kunorira! Pamusana pokuvhiringidzika uye kurwadziwa, anenge atadzirwa wacho angatadza kurara uye angachema zvisingadzoreki. Kuita mabasa ari nyore kungatoshungurudza zvokuti haangaaiti nomazvo kana kuti angatozvikuvadza. Angatadza kudya, angapera muviri, uye angashungurudzika mupfungwa. Zvingamuomera kuita mabasa echiKristu. Uye vana vangashungurudzwawo kwazvo nazvo!

13, 14. (a) Tinokurudzirwa sei nomunyengetero waSoromoni wokutsaurira temberi? (b) Nei tichifanira kunyengeterera mudzimu mutsvene?

13 Miedzo yakadaro painovapo, Jehovha anotibatsira. (Pisarema 94:19) Munyengetero waMambo Soromoni wokutsaurira temberi unoratidza kuti Mwari anonzwa minyengetero yevanhu vake. Soromoni akanyengetera kuna Mwari achiti: “Chero munyengetero upi zvawo, chero kukumbira kunzwirwa nyasha kupi zvako kungaitwa nomunhu chero upi zvake kana nevanhu venyu vose vaIsraeri, nokuti mumwe nomumwe anoziva dambudziko romwoyo wake, ivo vakatambanudzira zvanza zvavo kuimba ino, inzwai muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara isingachinji, mukanganwire uye muite chimwe chinhu, mupe mumwe nomumwe zvinoenderana nenzira dzake dzose, nokuti munoziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munonyatsoziva mwoyo yevanakomana vose vevanhu); kuti vakutyei mazuva ose avanenge vari vapenyu panyika yamakapa madzitateguru edu.”—1 Madzimambo 8:38-40.

14 Zvinotonyanya kubatsira kuti tirambe tichinyengeterera mudzimu mutsvene. (Mateu 7:7-11) Chibereko chomudzimu chinosanganisira unhu hwakadai somufaro norugare. (VaGaratiya 5:22, 23) Tinozorodzwa zvikuru kana Baba vedu vokudenga vakapindura minyengetero yedu—mufaro unotsiva kusuruvara uye rugare runotsiva kushungurudzika!

15. Magwaro api angatibatsira kuderedza kuzvidya mwoyo?

15 Zvinotarisirwa kuti tichatombozvidyawo mwoyo patinenge tichifanira kutsungirira kushungurudzika zvikuru. Asi kumwe kuzvidya mwoyo uku kungaderedzwa kana tikayeuka mashoko aya aJesu anoti: “Regai kuzvidya mwoyo pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei. ... Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari], uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:25, 33, 34) Muapostora Petro anotikurudzira kuti ‘tikande kuzvidya mwoyo kwedu kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya nesu.’ (1 Petro 5:6, 7) Zvakanaka kuti tiedze kugadzirisa zvinotitambudza. Zvisinei, pashure pokunge taita zvatinogona, kushushikana nezvedambudziko racho hakutibatsiri asi kurinyengeterera ndiko kunotibatsira. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye, uye iye achazviita.”—Pisarema 37:5.

16, 17. (a) Nei tichimbozvidya mwoyo? (b) Tichawanei kana tikashandisa mashoko ari pana VaFiripi 4:6, 7?

16 Pauro akanyora kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Kutaura zvazviri, vana vaAdhamu vasina kukwana vanotombozvidya mwoyo. (VaRoma 5:12) Madzimai aEsau echiHiti “aishungurudza” Isaka naRibheka, vabereki vaEsau vaitya Mwari. (Genesisi 26:34, 35) Kurwara kungave kwakaita kuti vaKristu vakadai saTimoti naTrofimo vazvidye mwoyo. (1 Timoti 5:23; 2 Timoti 4:20) Pauro aizvidya mwoyo pamusoro pevaainamata navo. (2 VaKorinde 11:28) Asi “Munzwi womunyengetero” aripo nguva dzose kuti abatsire vaya vanomuda.—Pisarema 65:2.

17 Sezvatinomirira zuva raJehovha, tinotsigirwa uye tinonyaradzwa na“Mwari worugare.” (VaFiripi 4:9) Jehovha “ane ngoni nenyasha,” ‘akanaka uye akagadzirira kukanganwira,’ ‘anoyeuka kuti tiri guruva.’ (Eksodho 34:6; Pisarema 86:5; 103:13, 14) Saka ‘ngatizivise kukumbira kwedu kwaari,’ nokuti izvi zvinoita kuti tive no“rugare rwaMwari”—runyararo runopfuura kufunga kwevanhu.

18. Sezvataona pana Jobho 42:5, tinogona sei ‘kuona’ Mwari?

18 Minyengetero yedu painopindurwa, tinoziva kuti Mwari anesu. Pashure pokunge Jobho atsungirira miedzo, akati: “[Jehovha] ndakanzwa nezvenyu norunyerekupe, asi zvino ziso rangu rinokuonai.” (Jobho 42:5) Kana tichinzwisisa, tiine kutenda uye tichionga, tinogona kufungisisa zvatinoitirwa naMwari uye tinogona ‘kumuona’ kupfuura zvataimboita kare. Ukama hwepedyo hwakadaro hunoita kuti tive norugare mupfungwa nomumwoyo!

19. Chii chichaitika kana ‘tikakanda kuzvidya mwoyo kwedu kwose pana Jehovha’?

19 Kana ‘tikakanda kuzvidya mwoyo kwedu kwose pana Jehovha,’ tinogona kutsungirira miedzo zvokuti tinonzwa takagadzikana tobva tachengetedza mwoyo wedu nesimba redu rokufunga. Mukati-kati memwoyo wedu wokufananidzira, hatizovi nepfungwa dzisina kugadzikana, hatizotyi uye hatizovhundutswi. Hatizovhiringidziki mupfungwa kana kuti kuzvidya mwoyo.

20, 21. (a) Nyaya yaStefani inopa uchapupu hwei hunoratidza kuti tinogona kuva nepfungwa dzakadzikama patinenge tichitambudzwa? (b) Taura muenzaniso wemazuva ano unoratidza kuti tinogona kuva nepfungwa dzakadzikama patinenge tichitsungirira miedzo.

20 Mudzidzi Stefani aiva akadzikama mupfungwa paaitsungirira muedzo wakaomarara wokutenda kwake. Asati apa uchapupu hwokupedzisira, vose vaiva mudare reSanihedrini “vakaona kuti chiso chake chakanga chakaita sechiso chengirozi.” (Mabasa 6:15) Chiso chake chakanga chakadzikama sechomutumwa waMwari kana kuti ngirozi. Pashure pokunge Stefani avafumura kuti vaiva nemhosva yokuuraya Jesu, vatongi “vakarwadziwa mwoyo kwazvo, vakatanga kumugeda-gedera mazino avo.” Stefani “azere nomudzimu mutsvene, akanyatsotarira kudenga, akaona kubwinya kwaMwari nokwaJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Asimbiswa nezvaakanga aona, Stefani akaramba akatendeka kusvikira parufu. (Mabasa 7:52-60) Kunyange zvazvo tisina zvatinoona, Mwari anogona kudzikamisa pfungwa dzedu patinenge tichitambudzwa.

21 Chimbofunga zvakataurwa nevamwe vaKristu vakatambudzwa nevaNazi muHondo Yenyika II kusvikira parufu. Achirondedzera nyaya yake yomudare redzimhosva, mumwe akati: “Ndakaverengerwa mutongo worufu. Ndakauteerera, uye pashure ndakazviudza kuti, ‘Ramba wakatendeka kusvikira parufu,’ uye nemamwe mashoko mashomanana kuna Ishe wedu, handina kuzozvidya mwoyo. . . . Asi usambonetseka zvako. Nokuti une rugare, pfungwa dzako dzakadzikama zvausingambofungidziri!” Chimwe Chapupu chechiduku chaifanira kudimburwa musoro chakanyorera vabereki vacho kuti: “Pakati pousiku patopfuura. Pachine nguva yokuti ndinogona kuchinja pfungwa dzangu. Asi ndingazofara here munyika ino kana ndikaramba Ishe wedu? Kwete! Asi iye zvino mune chokwadi chokuti ndiri kusiya nyika ino ndichifara uye ndiine rugare.” Hapana mubvunzo kuti Jehovha anotsigira vashumiri vake vakavimbika.

Unogona Kutsungirira!

22, 23. Unogona kuva nechokwadi chei sezvaunomirira zuva raJehovha uchitsungirira?

22 Ungasasangana nemiedzo yatakurukura. Asi Jobho aitya Mwari akanga akarurama paakati: “Munhu, akaberekwa nomukadzi, anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa.” (Jobho 14:1) Zvichida uri mubereki ari kushanda nesimba kuti utungamirire vana vako mune zvokunamata. Vanofanira kutsungirira miedzo yokuchikoro, asi unofara kwazvo paunoona vachitsigira zvakasimba Jehovha nemitemo yake yakarurama! Zvichida uri kusangana nemiedzo nezvinetso kubasa. Zvisinei, mamiriro ezvinhu akadai nemamwewo anogona kutsungirirwa nokuti ‘Jehovha anokutakurira mutoro wako zuva nezuva.’—Pisarema 68:19.

23 Ungazvifunga somunhuwo zvake, asi yeuka kuti Jehovha haambokanganwi basa rako norudo rwaunoratidza nokuda kwezita rake dzvene. (VaHebheru 6:10) Achikubatsira, unogona kutsungirira miedzo yokutenda. Saka muzvirongwa zvako nomuminyengetero yako batanidza kuti zvinodiwa naMwari zviitwe. Zvadaro unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achakukomborera uye achakutsigira sezvaunomirira zuva rake uchitsungirira.

Ungapindura Sei?

• Nei vaKristu vachifanira kutsungirira?

• Chii chingatibatsira kutsungirira urwere uye kufirwa?

• Munyengetero unotibatsira sei kutsungirira miedzo?

• Nei zvichiita kuti timirire zuva raJehovha tichitsungirira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kuvimba naJehovha kunoita kuti titsungirire patinenge tafirwa

[Mufananidzo uri papeji 31]

Munyengetero womwoyo wose unotibatsira kutsungirira miedzo yokutenda