Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Sezvo kukohwa kwaitanga varume vose vaenda kuMutambo Wemakeke Asina Kuviriswa, ndiani aikohwa zvibereko zvokutanga zvebhari zvaiendeswa kunzvimbo tsvene?

Mutemo waMosesi wairayira vaIsraeri kuti: “Vanhurume vako vose vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza: pamutambo wemakeke asina kuviriswa nepamutambo wemavhiki nepamutambo wematumba.” (Dheuteronomio 16:16) Kubvira panguva yaMambo Soromoni, Mwari akazosarudza temberi yaiva muJerusarema.

Pamitambo mitatu iyi wokutanga wacho waiitwa pakutanga kwechirimo. Zvawainzi Mutambo Wemakeke Asina Kuviriswa, waitanga pashure pezuva rokuchengetwa kwePaseka musi waNisani 14 uye waipfuurira kwemazuva manomwe kusvikira musi waNisani 21. Zuva rechipiri romutambo wacho, Nisani 16, ndipo paitangira goho rokutanga regore maererano nekarenda tsvene. Musi iwoyo, mupristi mukuru aifanira kutora “chisote chezvibereko zvokutanga” zvegoho rebhari ozvizunguzira “pamberi paJehovha” munzvimbo tsvene. (Revhitiko 23:5-12) Sezvo varume vaisungirwa kuvapo paMutambo uyu, ndiani aizokohwa chinopiwa ichi?

Murayiro wokupa zvibereko zvokutanga zvegoho iri kuna Jehovha paMutambo Wemakeke Asina Kuviriswa wakapiwa rudzi rwacho rwose. Munhu mumwe nomumwe akanga asingabvumirwi kutanga kukohwa uye kuendesa oga zvibereko zvokutanga kunzvimbo tsvene. Asi rudzi rwacho rwakanga rwarayirwa kuita izvozvo ruchishandisa mumiririri. Saka kuchekwa kwezvisote zveMutambo Wemakeke Asina Kuviriswa kwaiitwa nenhume dzaitumwa kumunda webhari waiva pedyo. Ichitaura nezveizvi, Encyclopaedia Judaica inoti: “Kana bhari yaibva yaitorwa munzvimbo yaiva pedyo neJerusarema; dai zvisizvo yaigona kutorwa chero kune imwe nzvimbo yomuIsraeri. Yaikohwewa nevarume vatatu, mumwe nomumwe aine jeko netswanda yake.” Chisote chebhari chaizoendeswa kumupristi mukuru, uyo aizochipa kuna Jehovha.

Murayiro wokupa zvibereko zvokutanga zvegoho wakaita kuti vaIsraeri vave nomukana wakanaka kwazvo wokuratidza kuonga kukomborerwa kwavaiitwa naMwari pakukohwa uye munyika yavo. (Dheuteronomio 8:6-10) Asi zvinotonyanya kukosha ndezvokuti kupa kwaiitwa pamitambo iyi kwaiva “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya.” (VaHebheru 10:1) Sezvineiwo, Jesu Kristu akamutswa musi waNisani 16 mugore ra33 C.E., raiva zuva rokupa zvibereko zvokutanga zvegoho kuna Jehovha. NezvaJesu Kristu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kristu akamutswa kuvakafa, icho chibereko chokutanga pane vaya vakarara murufu. . . . Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga, uye kwozotevera vaya vari vaKristu, munguva yokuvapo kwake.” (1 VaKorinde 15:20-23) Chisote chezvibereko zvokutanga chaizunguzirwa nomupristi mukuru pamberi paJehovha chaifananidzira kumutswa kwaJesu Kristu—wokutanga kumutswa kune vakafa kuti awane upenyu husingaperi. Saka Jesu akaita kuti vanhu vasununguke pachivi norufu.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

© 2003 BiblePlaces.com